Mama Ree Novels🇿🇼
February 24, 2025 at 09:04 AM
*KANA VADA HAVO MWARI* *Written by mama ree* 📞0643594545 *Read and share* Chapter 3 *CAROL (MAI ALICE)* Him.. Ndobuda neveropa rangu vasati voshanda kwete zvako unoda kudya wakarara 😱Aaah moziva unopererwa soo shuwa nhasi ndonzi simbe apa ndivo vanoramba kuti ndishande ndaimbozviita monya hangu but apa ndaive ndaneta nemashoko, kurohwa, kudadirwa kuitwa muranda pabonde pacho.. Aiti kana oda bonde ndaiita sekunge ndikubatwa chibharo no romance nothing kungonzi pfee ndoo.. Tinoita kana vari ivo vakuda kana ndirini havabvume ndaitukwa kunzi shavi rekuda varume.. Misodzi yakatanga kuyerera ndakazovhundutswa nemota yakamutsiwa ndokungosara ndakayeva hangu guruva raipfumbuka ipapo.. .. 😭😭Nhamo neman'a hazvisiyane chokwadi....ndainyatsogaya kuti ndiye here Mike aindida uyu zvakazikanwa ne munhuwese patonazi.. Chisingaperi chinoshura hanzi chaikuda kana chokusema soo.. Ndakangosimuka nekupinda mumba kuti ndimbogeza kuzvikwesha pamwe munyama wacho ungapere.. Ndichipedza kwakurara... Knock knock mama mama imi 🗣️ Ndakanzwa voice ra Mona ndirikuhope ndokutomuka kunovhura door.. Kutarisa kugedhi kudai baba vacho vaitomutsa havo mota ndokuenda.. Me...🥱Asi manguri magogodza here ndanga ndatorara wena. Juju... No mom ndi mona anonoka zvinedzungu uyu tasvika izvozvi Me.. Ok vanangu ko madyei henyu Mona... Tadya zvakawandisa ne desert taguta.. Ndaudza daddy vatenge zvenyu vakaramba hanzi makati moda kuzvitengera mega Me.. Kkkkk ehe mwanangu wanga waita basa Juju.. Ko nhai mama sei musingade tipote tichibuda na daddy everyday? Me... Hee nei wadaro Juju.. Daddy vati vanoda kutiendesa out everyday tichinodya ikoko asi imi ndimi musingade munoramba ndosaka vati musare nhasi Me.. 😳Aikaka Mona.. Mama tokumbirawo kuenda hatichade kudya pano Me.. Ok vanangu moenda chiendai morara mangwana kuchikoro Vakasimuka vakanorara zvavo.. Ipapo ndakasara ndakaita semunhu arohwa nemutoriro kustika chaiko kuti ko ndokwazvave baba ava vakuda kundisvibisa zita rangu kuvana kuita kt vana vasandide vaite ivo mutsvene Takarara hedu asi kwandiri hope dzaisabata ndichifunga kuti pandakatadza ndepapi shuwa kuti baba ava vandidai.. Inga wani vana vavo vaiuya ndichigara navo ma holidays zvakanaka.. Inga kuwacha nekuvaayinira ndoita.. Ndakabata twose ndikapenengura kuti ndizame kuwana pangave pane nyaya ndoigadzirisa so that rudo rwedu runodzoka sepakutanga.. Dzakange dzave kuma 3am pandakanzwa mota mugarage..ndakangomuka nekunokinura door nekuti ndaive ndotya ndikanonoka ndaizvirohwerwa.. Vachipinda ndakanyatsoona kuti shasha ahina kudhakwa asi yainhuwa doro pahembe kuti nditi vakazvidira hameno..ndakangokwazisa nekutoenda mumachira.. Vakasviko katanura hembe ndokutorara havo.. Pasina kana 45 minutes ndakanzwa kunyorova muviri wangu wose kubatidza light kudai wanikwe baba juju vaweta havo.. Imba yose yaive yokanda hwema mongozivawo weti yemunhu akudya zvine salt plus doro inenge iri poison chaiyo.. Me.. Baba juju mukai Him.. Zvaitaseiko ndikuda kurara ini Me...morara sei pamubhedha patota kudai Him.. Kutota nei (vachinyepedzera kushamisika havo) Me..pane weti yenyu yazara kwese kwandiri kuno Him.. Hey hey undikwanire wakundijairira manje dai ndaweta kwangu kwaitota sei kwako kuri iko kwakatota😡 Me...handina kumboita weti ini Him... Maplans ako ekusada kuti ndirare newe ayo manje nhasi ndorara newe paweti dzako idzodzo Ndakafunga kuti vakutamba veduwe ndisati ndataura vakatanga kutouya pamusoro pangu..vakatanga kutorova basa paye instead yekuti ndichemerere ndaitochema nekuda kwe pain sezvo ndaive dry but havaizviona vaitotaura havo nyobvo Him...ndozvaunogarira kaa pano chimwe chii izvozvi ne chikafu chete.. Saka usanyepere kusada apa ita uchinje chitaira ndirove zvakauya zvoga izvi.. Hama wee ndakademba kuti vakafa vakazorora ndaiti kurwadziwa, ndoti kunhuwirwa, ndoti kutonhorwa, kuudziwa mashoko anorwadza.. Bonde racho rakadhonza nguva refu munhu achiita sekuti asvikirwa nasekuru chamunorwa hake.. Ndakatozopona ne mhere yandakanzwa anga ari... *ALICE* pandakasimudza musoro kudai wanikwe vakadzi vavaChoto vaviri vadiki vacho.. Me...mukundiroverei ndadii maihwee kanii apa ndaive busy kuvhika nemaoko nekuti vaitoda kundisakadza kumeso chaiko.. Ndakazongowana chance ndokuti chitsoka ndibereke ndakananga kumba.. Pa speed vaisandibata havo chero pafight pacho yaingove nyaya yekuti vakandijuma uye vaive nematanda .. Ndakasvikonoti bherengende mumba Gogo... Nhandi wee kwakanaka hre nhai mwana waCaro wamhanya kudaro.. Chii ukudzingirirwa nei.. Ko zvaunenge wakuvara?? Moziva pamivhunzo yese iyi ndakashaya ndotanga neupi Me.. Regai ndinwe mvura first.. Ndakapedza kunwa vakaita kundirindira kuti nditaure Me.. Ndarohwa nevakadzi vaChoto vadiki vaye vaakatora gore rapera Gogo.. Hezvo ko hanzii waitei Me.. Handizive ini gogo vanga vachingodedzera kuti ponda chiso ichocho Gogo...bullshit izvozvi handeko ( vakadaro vachitomonera zambia ravo kuti tiende) Me.. Ayehwa gogo toenda kuseni now handikwanise kuenda nekuti gumbo rangu raminyuka sezvo paine kamufambo.( apa kwani nechemumoyo ndaigaya horror hangu.. Ndaida kupedza nyaya yangu ndoga nekuti elder vakaipindira yaishaya value) nditori munhu aribhoo asi ukandivhiringa wainge wadenha mago kana kuti mangwiro chaiye Gogo.. Huya ndikutove tove.. Ndapedza ndimone kasadza muriwo ndapedza uwane kuzorodza nyama idzi Ndakaita sezvavaive vareva tatopedza takudya hedu ndakati ndimbovhunza nyaya yaindinetsa mumoyo mangu.. Me... Nhai gogo why mama vasingandide..? Why pasina kana chimwe chete chavanondiudza pamusoro pababa vangu? Gogo.. Vanokuda asi kuti wakaipa ari pabasa chaunofanirwa kuita kuvanamatira nguva dzose... Panyaya yababa vako iyezvino ndoziva vachakuudza paye vaive vachiri nechigumbu nekuti vakarwadzisiwa Me...how do l pray for her ndisingatozive kuti vapenyu hre or vakafa.. Ndimai rudzii vasingambofonerewo mwana wavo Gogo.. Chimwe nechimwe chinenguva yacho ichakwana nguva yekuti vanokutsvaka for now ndoda iwe uvakire hupenyu hwako pa foundation yakanaka inova yekunamata.. Ndoyega nhaka isingaperi zvenyika zvopera asi shoko raMwari haringaperi Me.. Ndapanzwa gogo chihandei tinorara hedu.. Gogo.. Nhasi ndiwe ukuparidza.. Ndakarongedza mandiro nekuvhara goni repa kitchen..tave mubedroom ndakaverengesa kuna Mapisarema 33 vs8 Ndichakudzidzisa nekukuraira nzira yaunofanira kufamba nayo; Ndichakupa njere neziso rangu, riri pamusoro pako. Me.. Sekunzwisisa kwangu verse iyi ikutaura kuti mambo Jesu will lead and teach us the way we should live sevana vake... Vachatipa njere kureva kuti huchenjeri hunobva kuna Mwari.. So unogona kunge uchishanda asi ugoshaya huchenjeri hwekuti mari yako ingabereka sei.. Uyezve meso avo Mwari aripamusoro pedu kureva akatitarisa.. Shoko roti aharare, ahakotsire saka no matter wat he is always there for us.. Dzinosvika nguva yekuomerwa zvekuti unofunga kuti havako Mwari asi variko vakatitarisa chinodiwa kuti tizive kuti havatirase vanotida..amen Gogo...waita basa my Pastor ndakomborerwa Even me pandakapedza kuparidza ndakanzwa kuti yeah mweya mutsvene ataurawo neni.. Takanamata ndokurara .. Patove pakati pehusiku ndakatanga kunzwa mazizi sezvo taive tisina watch yekuverenga nguva l guess dzaive kuma 1... Mbuya vakatanga kugomera vachaibuda masiriri Me..mbuya gogo imi... ndaive busy kuvazungunutsa vakatanga kugomera ndakazongonzwa vachifemera padenga ndiyee...... Stay tuned for 4
❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 138

Comments