Mama Ree Novels🇿🇼
February 25, 2025 at 07:26 AM
[07/31, 21:08] Mai Jayden 💕: Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/J8BDU9WGeXF4D5GNf7uvWn *KANA VADA HAVO MWARI* *Written by mama ree* 📞0643594545 *Read and share* Chapter 4 *ALICE* ndichivazunungutsa kudaro ndakangonzwa vachifemera padenga ndiye bvuu kuseka zvavo Gogo.. Ndakugona kaa zigwara ndakakuti kudii nenyaya yako yekutya iyoyo.. Chaunofanirwa kuita is to pray pasituation yakadai not to panic.. Fear inodana devil.. Faith inodana simba raMwari Me.. Guys ndaive ndapera power rose nekusvotewa zvose.. Haa gogo majokes aya ahanakidze zvachose Gogo.. Ndakuzungunutsa tinamate ukatadza kumuka ndatoti ndimboitewo frank yacho ikuitwa mazuvano Chero ndaisada kuseka ndakaseka veduwe.. Me... Inonzi prank kwete frank muchembere Gogo.. Eeh iyoyo kkkkk asi ndichirevesa ngatinamatei ndarota hope dzisina kunaka pamusoro pamai vako lets pray Me.. Ko tikanamata kuseni kwanyatsoyedza ndine hope ini Gogo. Ipapa ndopatinoirasa vana vaMwari tinononokera zvinhu simbi inorohwa ichapisa.. Musoja ari kuhondo anorwa hondo anytime, anywhere ahaite ma excuses.. Me.. Ndapanzwa gogo let's pray saka apa tonamata tichitii coz hope dzacho hadzisi clear kaa Gogo... Tonamata kuti any weapon fashioned against her shall not prosper.. Me.. Zvakangooma hazvo pamwe pacho munhu akudya rifa isu tichitadza kurara nekuda kwake Gogo.. Handina kukukudza nenzira iyoyo iwe...unonzwa sei ukanzwa kuti vaive vakabatwa nema ganstop acho ekujoni aye akanzi akuchekeresa vanhu.. Nekuda kweprayer yako vakakwanisa kutiza Me.. Haa zvagogo veduwe muchandikuvadza mbabvu munozvinzwepi zvemazita aya😂😂 anonzi ma gangster Gogo... Iwayo wazvinzwa..kunze kwakashata uko kune vanofuridza mhepo muzukuru kuti munhu afuratire mhuri nemoyo wako saka isu hatimuramwe tinonamata kusvika aregedzwa Me.. Ehoo (kunzwa ndainzwa hangu asi pamwe pacho semwana moyo waimborwadza kuita nherera vabereki unavo usingazive kt vapenyu or hakuchina) We prayed hedu ndokurara.. Kuchiyedza ndakafumira kumuka kuseni ndikaoneka gogo kuti dakuenda kunotsvaka zvitsotso.. Apa ini ndaigaya hangu kunopedzerana nemhandu shuwa kutanga hondo na hitler haa ndaive ndaipirwa..ndakatora ma paper pag angu 2 ndokuenda zvangu kwandaiziva kunowanirwa huriri / hunye kwakupfeka bepa rimwe ndokuisa rimwe racho...nekuziva vakadzi vaChoto vaviri vaye kuti vanofarira kutandara vachiita makuhwa vakagara kuseri kwedzimba dzavo paive neimba yaivakiwa saka vaigaro gara ikoko nekuti kwaive kwakatarisa road yemagirosa saka vanenge vachiona vanhu vose.. Ndakanyatsofamba ndokusvika ndaingonzwa mazwi kune dzimwe dzimba ndakanyatso kushaina nehuriri huye hangu.. Ndapedza ndokuenda kufront kunomhoresa semunhu ane tsika.. Wandaida pamba apa ndivahosi mukadzi wekutanga tumwe twose utwo ndaive ndisina dhiri natwo ivowo vaisandida coz kwavari ndaive threat ndaipisa kkkkkk Gogogoi tisvikewo pano Mai 2 (First wife).. Hehehe nhasi kunonaya Alice wasvika pano kwakanaka Me.. Ehe mom's kuribhoo inga ndouya wani Her.. Iwee ahunyare iti waiuya wakaguma kare Me.. Moziva kubva paye ndakuzeza kuuya pano Her.. Haiwawo usatevedzere zvechembere isingade kukura iya ndakutoshaya anondichererawo mvura nekugadzira mumba mangu sezvawaiita zviya Vaiziva nyaya yemurume wavo kuti anondida ndivo vakatondipa yambiro kuti ndisatoseke navo hunhu hwavo vanokwezva nema presents Me... Ndakapedza kunyora ndichange ndouya nekuti ndinenge ndisina zvekuita kumba ndodawo mari Her.. Unenge wagona shuwa.. Itogadza tea pamoto apo Ndisati ndadaira takanzwa mhere panze Yohweeee amai kaniii *CAROL (MAI ALICE)* Soso... Ndeya bamn mukomana waTracy .. Vaive vakamboroora saka vakasiyana zvino vakanzi na Tracy vauye nayo akuda kuona type hanzi handide kuzokutengerai same ndoda kuita zviri different Me.. Hoo kkkkk anopenga Tracy nekunyarara kwaakaita ane drama kudaro Soso..mupengo manje uya Me.. Asi akuti kurisei hako kushop Soso... Ndanzwa neku mushingisa akuda kusiya unoziva murume wako anoshusha ahashandike naye Me.. Ibva kwamuri zvirinani asahwira vake ini haa ndiri mhandu yake chaiyo Soso.. Inguva zvichapera.. Rega ndikupe umhanye iwe ungazowanikwa usiko Akadaro achitosimuka kunotora surf iya.. Achindipa ndakaoneka kuenda.. Kusvika kumba ndakambumura washen yangu kupedza vana vachisvika.. Mudumbu maingorira nenzara. Ndakakwazisana navo ndokuvhunza kuti vaivepi coz vanonoka kudzoka Mona... Tatorwa nadaddy kuchikoro tikanodya out Me.. Waal vagonesa chichinjai munyorr homework Ndakapinda mumba ndikabuditsa hembe dzangu dzaive dzakanaka dzizhinji ndichitora mapictures.. Ndichida kuti nditengese ndiwanewo mari ndaive ndafunga kutanga chero ka business kanondipawo mari ndiwane kutenga chikafu.. Nekuti ndakaona ndega kuti hakuna inofurira ivete Ndakasvika pakurara baba juju kana kudzoka kana kufona.. Ndaitoona mastatus vachiposter kuratidza kuti vari kumafaro zvavo.. Apa ini dzairamba kubata hope nenzara.. Kusina mai hakuendewe ndakanyatsoona kuti taitambura hedu kwedu asi handina kurara nenzara mai vangu vaimira kt atleast tidye something chero dzikave mandire zvadzo.. Kwakazoyedza hako asi zvaive zvakaoma ndaiti nzara ndoti chando machira aive asina kuoma mazhinji aive akapedzewa achitorwa hanzi dakunopa vashandi vakuvaka, hee vakuita zveplumbing kushop havana machira..aisadzoka ndaiti ndikamavhunza ndaitanga hondo Kuseni vana vaenda ndakabuda nehembe dzangu dziye ndokunhongerwawo dzimwe.. Ndakatobva ndaenda kune imwe wholesale ya baba juju kare ndaiti yedu but apa yaive yavo nekuti ndakaudziwa mashoko ekuti waive usipo pandakaivaka.. Ndakawana kune mushandi mukomana Me.. Hie ndingawonewo here Tracy Him.. Ndimi ani? Me.. Mai juju Him.. Hoo momudii kwakanaka hre Me.. Ehe kuribhoo ndine zvandoda kutenga hangu iye ndoda kungoona kt arisei ndane nguva ndisati ndamuona Him.. Nekuti ahavachashande muno saka handide kuzokonana naboss Me.. Ukuziva hre kuti boss vako murume wangu saka usatye hako Him.. 😳😳😱Hoo muri mukadzi wavo eeh regai ndimudane Me..ok thanks Papera kanguva akazouya hake achiita kudhanaira apa aive asimba atsvuka.. Ndakatombomushaya kuti ndiye Tracy aive akasviba paakauya achibva kwaChihota.. Tracy.. Murisei Me.. Hesikani nhai Tee Tracy.. Bhoo Aingofinyama finyama ndakashaya kuti chii.. Pandakazotarisa ndakatoona kuti zvaanenge ane nhumbu so ndakabva ndatonzwisisa kt anenge anehusimbe hwekutaura Me.. Hapana zvandanga ndichida ndanga ndati nditi urisei.. Byebye tozoonana upote uchishanyawo iwe Tracy.. Ok byee Ndakatora majiggies angu nemastambo ndichienda kumba.. Muroad kwakusangana sis Matilda vakaita kuremerwa ne grocery vachiratidza kuti vakubva kushop.. Sis Mati.. Mai juju hesi chinin'ina Me.. Sei sei akoma ndimi henyu makasenga kudai kuita kuremerwa netoilet Her.. 😂😂Tseki une vhayorensi nhai.. Tingadii baba vazviita veduwe Me...ndokugonerwa chaiko Her... Yeah tongodzidya dzemarema vamwe vakati vavava.. Takaseka ndokubva ndatovaoneka nekuti ndaida kutomboisa tuma assets twangu pagedhi.. Ndakasviko isa table ndokurongedza musika.. Zvakatombonhongewa rakunovira ndakaisa mumba ndikanotenga chingwa necup yesugar ndokudya ndakanzwa kuti ndararama.. Ndakamirira ana juju kuti vasvike.. Ndakanzwa mota ichisvika madoor achiroverwa.. Vachingopinda ndakanzi mbama, ndokupamhiwa imwe Me.. Ko ndaitasei nhai baba juju? Him.. Ukuda kundisekesa nenyika nhai manje pano unopabva chete Ndakarohwa kusvika ndakubuda ropa mumuromo.. Aiita achinditsika nekukava mabhutsu mudumbu umu.. Chandoyeuka chete kunzwa voice raMona.. Mona.. Mom.. Hey mom........ Stay tuned
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 179

Comments