Mama Ree Novels🇿🇼
February 28, 2025 at 07:16 AM
https://chat.whatsapp.com/J8BDU9WGeXF4D5GNf7uvWn
*KANA VADA HAVO MWARI*
*written by mama Ree*
📞0643594545
*Chapter 11*
*CAROL (mai Alice )*
Noise iyi munhuwese akangobata muromo sezvo aive asina kuzvitarisira..Ba Brian vaive varova bajuju chibhakera chekumatsenga dzungu. Moziva ndakashamisika kuti blaz iyi inotombodonhawo nekuzvininipisa kudaro..
Bajuju... Ba Brian sorry shar uri umwe wangu unondikuvadza kani
Ba Brian.. Dammit usataure zvisina basa umwe wako pakudii uchirara nemukadzi wangu worse part ahuna kana protection.. Ukuda kundizadza zvirwere puuu mhani
Bajuju.. Unoziva pachirume zvawanikwa
Ba Brian.. Pachirume papi paunotaura inyaya yekuti une mari.. Manje nhasi ndoda kukuratidza kuti mari versus physical strength chii chinotonga
Varume rume rakarohwa iroro rikabowa sedhongi.. Pavaizhakiwa kudaro.. Mai Brian (matilda) akange achipfeka akuda kutiza akabva anzi dzvii na Soso.. Ndakanzwa gwati akatanga kurohwa mongozivawo kurwa kwevakadzi vanenge vachingo screamer nekudhonzana misoro nekuda kungobvisana hembe.. Yakange yave cage match umwe neumwe newake ini ndiri referee hangu..
Soso.. Ahunyare nhasi ndoda kukundinda kusvika shavi rechipfambi raoneka
Matilda.. Ndofa kaanii maihwee.
Ndakaona kuti muno munoita mitumbi miviri ndikazobatanidzirwa ndakatanga nekubvisa Soso ndikati ngaasiye akadaro apedzerane nemurume wake.. Ndokuenda kuna ba Brian
Me.. Ba brian zvakwana munomuuraya
Ba Brian.. Zvine basa rei akafa momudii munhu akadai shuwa nezvamaive nezvamave nekuda kwake... Manje nhasi ndoda kumuratidza chinonzi kuva murume ngaadzorere kaa
Me.. Iye handina basa naye asi kuti imi mukasungwa vana venyu vanosara nani fungirai vana venyu vachiri vadiki
Pandakadaro ndakaona vachineta ndokuba vasimuka pavaive vakagara pamatunduru kkk.. Murume aive mhitsa hake iyeye ukuwo mujaya Mike ahavhaoneke rangove ropa rega rega
Ba Brian... Right iwe Matilda uchisimuka ipapo enda kumba kwangu tora twako twese handichade kukuona.. Wouya wogara pano handiti unoda mari or sex yaanokupa inozipa zvekudaro
Matilda... Ayehwa ba bee musadaro murume wangu nyaya yaivepo ndeyekuti pamairara neni ndairwadziwa nekuti nhengo yenyu yakakurisa
Ba juju... Ko waiti wani vane dora havakugutse
Ba Brian... Tseke iwe neiko kandaona ako woda kuzviyenzanisa neni... Asi vakadzi hamuna kwenyu shuwa modei chaizvo.. Vamwe vanototiza tuma size twakadai vachida dzedu idzi 🤦♀️
Mozivawo ziso rine misikanzwa ndakabva ndamhanyira kuzip yavo zveshuwa paive pakafuta 😂😂ndakabva ndangozvirova kambama ndikati Carol kwana ahisi nguva yeizvozvo..
Ba Brian.. Ndakutora video ndatumira hama dzako so ndoda vandipe pfuma yangu also iwe Mike undiripe..
Pakataurwa zve video akomana ndakaona maziso.. Ndaisaziva kt maziso aba juju anovhurika kudaro kkkkk.. Haa vakagwadama vakachema chema.. Kana arisa Matilda akangoti mhere kwatsu ndikati kunonzi kurumwa nechekuchera.. Vachipedza kudaro vakabva vatobuda ba Brian..Matilda achitevera
Me.. Regai nditore card rangu ndorandange dzasiya ndiende kuchipatara hangu
Soso... Nhai mai juju ukuda kusiya murume wako akadai
Ndakatanga kutsvaka pasi pebed nemuwardrobe..
Me.. Aripi handimuone wani
Soso.. Askana musadaro munhu akugomera kudai tarirai ropa ndibaba vevana vako ava iwe
Me.. Eish ndabatikana by the way hanti ndibamunini hre saka its either moita imimi or modana adzimai vacho voita
Soso.. 😳Ukurevei manje ukadaro
Me.. Plus he is your friend with benefit futi.. Asi kana tazogara wakaoma une moyo wakaoma kudarika dombo.. Kana topa vanhu ma trophy ezino irema uri pamberi.. Unoti handizive kuti kurova kwese kwawaita Matilda wanga uchirovera side rako hre kkkkk seka hako mwana wachihera
Soso.. No its not like thaat ufunge hako asi kuti pakangofambawo wakaipa ndave ndave pakati
Me... Unoziva zvimwe zvose handina basa nazvo asi chikundirwadza vana vangu zvemurume torai henyu cause kana umwe muimbi akaimba akati usazode kumanikidzira rudo paunodiwa unoona wega saka pano handidiwe ndakazviona zvakanetsa kuti ndizvigamuchire asi now ndakagamuchira.. Nyaya yekuita kuti vana vangu vandipandukire imi muchizviita vatsvene henyu.. Wakazvara iwe unoziva kurwadza kwemimba why why kuda kuti vana vandakatakura 9 months vandivenge uchiziva chokwadi chose.. Kuri kuda mari hre.. Now ukurara nemunhu akanoroora munin'ina wako munosemes guys yooh..
Ba juju.. Mai juju ndiwe ukutaura kudaro nekuti ndakarara pano nhai zvaukutaura zvekuroora kwangu wazviwanepi ukuterera makuhwa kaa
Me...pwai uu pwai uu kudii kwacho wakaona sekuti kukuda kwandaiita ndichishingirira imba ndakapusa uye ndaida mari yako izvo ndaitodawo musha kwete zvimwe zvose izvo yes ndakatanga ndichida mari asi ndakatozokuda kudarika mari yako iwe ndopawakachinja ukatanga kundiita sechikorobho hako...waitaura kuti ndini ndikuisa nhamo iwe uriwe ukuzviisira nhamo yacho.. Shoko rinoti
7 Saizvozvo imi varume, garai navakadzi venyu nokuziva, muchikudza mukadzi muchiti ndiye mudziyo unesimba duku kwamuri, zvavari vadyi venhaka yenyasha yovupenyu pamwe chete nemi; kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.
Pasina kana mweya yetsvina the way you treated me yakaita denga rivhare ma blessings.. Another thing kuda vakadzi too much zvekusvika pakusaona kuti ukudyiwa wakasvinura sematemba...ini pano handichagare ndakuenda ndoda usare uchiona hako kuti its not all that glitters that is gold...
Me.. Maiguru Soso maduties ese amaida aye a officially yours the house, shops, murume, vana everything chitongai your highness sezvo murimi mukuru you will share kuti mainini Tracy voita nezvei 🤔avo ndivo vanotonga kaa coz vakanobvisirwa anyways its not in my power to give you roles itai yamoita na Mr Glenora ava... Regai nditove my ex hubby to be pliz Soso imbobuda.. Achingobudaa
.......................................
*ALICE*
Vakomana mudumbu uri rough shuwa nekuzvida kunoita baba avo soo panguva iyoyo vange vongoregedzera mabara havo vachingoti pfori pakakwenzi vototumba.. Ndaisaziva kuti munhu anoonda pasina kana mahours kaa maziso aive atowira mukati kkkk panyama ndaiseka asi pamweya ndakanzwa tsitsi semukritsu moziva pane kanomboti waitei kaye.. Asi ndakazvozisimbisa kuti inga shoko rinoti vana vechiedza tisakundiwe kungwara nevana verima..
Me.. Ko mambodyei nekuti zvanyanya izvi zvirinani tiende kumba munozorora nekuti mukaramba muchidai manje manje munotifira nekuda kwe dehydration
Vakaita abt 5mins vachiti vakada kutaura mudumbu worira.. Ndaive ndofunga kuti shuwa kana voita kupedziwa simba zvekudaro nguva diki iyoyi vaive vofemera padenga sendere ndikati kuzoti vakuita neni marathon vangazozvigona hre or ndinenge ndomboti adhala zororai ndokubatai mangwana topedzisa 1round ndakabva ndazviseka kuti ndoita kunge ndoziva bonde ipo pasina kana zvozikanwa kwaingove kunzwa..
VaChoto.. Regai ndifonere driver auye kuzonditora..
Me....ehe nekuti pano panziri hazvizode muonekwe muchikotama pese pese..ndipei foni ndibate driver wenyu.. Ndapedza call ndakabva ndati Ini ndakutoendawo nekuti ndanzwa nekunhuwirwa ipapo vaive vabva mukuita mweya waikatyidza chaiko ndakavhara mhino ndokutanga kufamba ndichienda.. Kusvika kumba ndakawana gogo vachigeza muchinjihausi ndakatokotama ndikatora hembe dzavo
Gogo.. Nhandi Mwari waJacob ko hembe dzaendepi asi imombe hre.. Ndiani ari panze apo
Chembere yakaita detembo in 5seconds yaive yataura zvinhu hobho ndakabatwa nesetswa pavakazoti
Gogo.. Ndobuda sei manje shuwa ndibude ndiribangwe neidzonyama dzarembera kwese kwese ndingasarohwa kunzi muroyi
Me.. 😂😂Maingobuda zvee makadaro handiti pamba penyu here pano anokuvhunzai ndiani
Gogo.. Nxaa ndiwe hako zvauchandiurayisa ne heartattack.. Uchingoti meno anenge mapadza evaroyi
Me.. Mwari havazvide zvekutuka chisikwa chavo (apa ndaitevedzera statement ravo ravaiita chero ukaseka mhuka)
Gogo... Kkkkkk ibvapo uko
Me.. Asi nhai gogo dai anga ranga riri benzi raenda nehembe dzenyu maidii
Gogo.. Ndaikumirira kusvika wadzoka.. Iye watodzoka indava wakurumidza masvika here
Me... Handisati ndadzoka gogo hanti hamusi kundiona pano
Gogo..ndokubinha iwe (vakadaro havo vachindimwaya mvura)
Me.. Ko mukugezerei nhai semune kwekuenda gogo imi nezuro makageza husiku
Gogo.. Kugeza it's medicine kwandiri kubva ndichikura ndozvakaita ndidiwe nasekuru vako
Me.. Yaah aive makore acho iyezvino chinoshanda chikoro, injection rekutsvukisa, mabum bum nemahips,..
Gogo... Saka wakanaka kaa iwe unazvo zvose
Me.. Ehe ndosaka mukuona vaChoto vakuita kundishupa
Gogo...heee watiii??
Stay turned for 12
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
258