Joseph Simango novels
February 21, 2025 at 07:20 AM
Follow the Rue Matarutse Online Novels 🇿🇼 channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029Vawv7gX6LwHjQqxR1M3k *Main channel* https://chat.whatsapp.com/EeH9dTDM7PS4JDUyC6IBlH *WhatsApp group* *The collaboration of* *Rue Matarutse aka Rue Online Novels* +263 776454595 *And* *Blue jet online novels aka Masibanda* +27 742649796 *RIGHT COMES WITH RESPONSIBILITY* 💥💥🌌📚 *Read,like and share* Free 📚 *Iri book iri rinobatsira kunyanya vechidiki vanozviona kunge kana vane18 years vane kodzero yekuita zvese zvavanoda regai tidzidze kubva kumusikana anonzi Vherenziya uyu kuti magumo ake akanga akamira sei* CHAPTER 01 MAI GWATIDZO(MAI Munenyasha) Vana vedu ava vachatiuraya tichifamba zvokwadi akangovona chifuva chatunga hembe munhu wakutofamba seigo kugogobara kavuno ikako kuti varume vose ndivonei pano ndaibva. Kunyanya izvozvi zvamunoti zvima2K izvi zvoita sezvakakweshewa nhova neyokera, hazvizezi kuti ava ndibaba nhingi kana sekuru vanhingi, hazvidi kuhwa mweya wepeturu nedhiziri kana kuvona pane mari. Vanotoda kuita garira nokoko nokuti ungasvoda hako vakadzi vavanhu vovuya pamba pako vachivavira chana chitoko chakainzana nevana vavo kuti chavashaisa mugaro mudzimba. Ini akaita sebenzi ndozhaka kwete zvekumbotamba andidi kutemwa nemagaro musoro unyerere ini, regai ndidomushevedza ndigare ndamuvudzisa kuti kana achizviita arege pachipedo ndisati ndamubhonda pano nokuti munhu ane hunhu hwaVhenenziya pano pamusha pangu bodo andiitigwi matakanana iwayo. "Mune! Munenyasha!! " Mhai!! "Imbotsveta pasi zvose zvauri kuita uvuye pano timboti mwini-mwini tione." "Mhai ndimbosiya futi kuita zvamareva ndopedza nguvai zvokwadi." "Ndini ndikukushevedza Mune, ndini ndakutuma kuita izvozvo saka andipengi ndoziva zvandikuita, ukada kundivhengedzerera ndokukwazhura izvozvi." "Ndavuya Mhai." "Tora mhasa iyo ugare tivone zvandoda kutavura newe zvoda ugere pamhasa chaipo." "Ehoi Mhai." "Usandiremberedzera maziromo ndomazvuva akaita bhucha, munhu ngaarege kukwindimara kana achinge ashevedzwa kuzopangwa zve hupenyu." "Zvakanakai Mhai." "Ndozvinoita mwana, ndakushevedza Mune mwanangu kuti ndikupakurire mupako kwehupenyu ndoda uvhure zheve dzako unyatso kuterera mwanangu ukachengeta mashoko angu achakuyamura mugwendo gwehupenyu hwako mwanangu." "Zviri muzheve mhayi ndakateyerera." "Zvawadai mwanangu wakura asi ndoda uzvibate usangova bhiza rekugamepark wada watasva, koshesa muviri wako usangobvuma kubatwa nevarume nduwe ahibviswe mwanangu unobvisa nduwe wako uchigeza nekuchimbuzi kwete kubvisira munhurume kuti ayite zvaanoda nomuviri wako, mazuvano kune zvigwere unopihwa mimba ukasara wakangoti dzvondo maziso nechimwana chisina muchengeti. Murume achauya pano kuzobvisa makwati ndiye oga wauchabvisira bhurugwa, rega kufamba wakagogobara kavuno sego munhu ndewe kuvhurama kuratidza kuti urimwana anobva kumba kune vanhu kwete mhuka. Kunyanya iyemi imi munozviti ma2K munoita semusina kukamigwa asi kana manhumburisiwa manezvigwere ndopomoda kunyepera kuhwisa vurombo asi musingadi kutsiurika muchizvivona semunorira manhingi kuririra humburu badzi, ndati munhu ngaadi Mune. " " Munhu ngavhurame asabvisira munhurume bhurugwa kana kubatwa. " " Nokuti ini pano pamusha wangu ndodzadzanga zvokuti heki andidi zvokunyadzisiwa ini munhu amera katumbu kasina baba, andi unovona zvinoitwa naVhenenziya ungavone sezvitsvene hako asi ndokutaurira magumo azvo kuchema misodzi chete vakukungura kuti takaitei, zvinoita sezvinovhaidza izvezvi mai vake vachimupesvedzera vachidya magirosari asi vachakohwa zvavari kudyara usambozviyemura mwanangu, sekwa navamwe uchinzi wakasara asi uchiziva zvaunoda novupenyu hwako usainzanisa nguvo nedzatarubva gunda musairira rakavuraisa vazhinji mwanangu, kana une zheve wazvihwa zvandareva mwanangu zvichengetedze zvichakuyamura mugwendo gwehupenyu. " " Zvose zvamareva ndazvihwa mhayi ndichazvichengeta ndigoita sokureva kwenyu. " " Ukagona kudero mwanangu unenge wandifadza chiinda unopedzisa hako zvawanga uchiita. " Mazuvano hakuchina vanatete vanoraira vana vehanzvanzi. Madzitete acho akutogwa godo nevana vehanzvanzi mwana angadovudziwa dondo chairo kudokuziwa kuita hunzenza achipihwa bedhurumu kwavatete ikoko. Zvazvino kudoraira woga mwana wako hapana chichambosvodesa ingovona mwana wako seshamwari yako womuraira zvose, asi kana ayita sebenzi wopfeka face yebasa woisa munhu mugwara ukasadaro zvima2K zvenyu izvi zvinokuvuraya nebp.lni zvangu handimbodi zvisina basa ndobinha munhu kurakasha chaiko.Hameno akavuya nokuvapembedza vana ivava anoita sewakatoisa spirit yakashata muvana ivava kungodai ama2K hamusi kuaziva mushe imi kungodai nepapa ama2K haaa imika regai kupembedza zvisipo mhani munhu unogagwa bhamba akaita kwazvo tingadoswera kuchemedzwa nevana vatakatakura 9months dzose kamunhu kandakapa mukana wekuona zuva ndokarinha handingambokawinzi panyika kuti kandivuraye neBp. END OF CHARPTER 01🥰🥰🥰🥰🥰🥰🥰THANK 💃YOU SO MUCH GUYS FOR🥰 YOUR LOVE AND SUPPORT RUE 💎AND BLUE JET LOVES YOU 🌹
❤️ 😂 🙏 👿 😢 😮 🫢 17

Comments