Joseph Simango novels
February 28, 2025 at 04:34 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E Our new book ruchange richiwanikwa muchannel https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *mopinda mugroup mufambe nevamwe* *🖊️📚📚📚Tarisiro* *Novel written by J Simango* *Chapter 1* "Ndichambonotsvaka howa mwanangu, usakanganwe kuvharira huku" "Madii masara ini ndaenda amai , tarisai kurwara kwamuri kuita." "Rega ndishingirire mwanangu , nhasi handiende kure , ndoperera kumisasa iri mhiri kwerizwi ndotodzoka kumba." "Oky mhamha, asi dai mangosiyana nazvo henyu zvekutsvaka howa tapedzisa tumufushwa turi muchisaga." Havana kuzondipindura vachibva vatanga kufamba zvishoma nezvishoma. Ndakaramba ndakavatarisa dzamara vabuda paruvanze. Ndakatendeuka ndokupinda mumba ndokugara hangu pachigaro chemuti chakasiiwa chavezwa nababa vangu vasati vashaika. Pfungwa dzakatanga kutungana mumusoro kuita seuchaputika. Amai vangu munhu aishingirira kundichengeta asi hurwere hwavo hwaiva hwanyanyisa. Mashoko avaindiudza nguva nenguva vainditi vaida kundisiya ndayaruka. Hapana kana hama imwe chete yababa yaida kumira nesu. Amai vangu vaiva ne cancer mudumbu vachitonzi havana mazuva akawanda panyika. Ndaiti ndikafunga izvozvo misodzi yangu yaibva yatanga kuyerera. Kumaporofita vaiva vakamboyedza kusanganisira kudzin'anga asi hapana chakabuda. Mumba makapedzesera mazara mabakatwa matombo pamwe chete nimidzi vachinzi zvichapera. Ndaiti ndikazvitarisa ndotoona kuri kurombeswa chaiko asi kwaiva kuda kurarama. Ndakazobuda mundangariro pandakanzwa munhu aishevedza ari panze. "Tarie, Tariro!." "Ndiri kuuya " Ndakaita zvekuvhunduka ndichibva ndavhura chisaga chaiva chakavhara pamusuwo ndichibuda panze. "Maswera cy amai Chipo?" "Ndaswera bhoe, ko amai vako varipi?" "Vaenda kunotsvaka howa?" "Hoo , pane munhu wandaona parwizi apo , saka ndafanananidza navo" "Vanogona variwo , nhasi vanonoka kudzoka makumbo avo akazvimba" "Wadii watevera nebhara pamwe varikutadza kufamba , ini handichagara ndave kuenda." Vakabva vatofuratira ini ndipo pakatanga kurova hana yangu. "Ndakapedzisa kuvharira huku ndokutora bhara ndini uyo nenzira ndonanga nekurwizi. Ndakasvika kwave kuda kutosviba ndipo pandakanzwa munhu aichema akarara nechemutsanga paiyambuka nevanhu kana vachienda mhiri. "Amai!, amai!,? Ndakavashevedza kaviri vasiri kudavira ndokufamba ndichienda pavavaiva. Pandakasvika ndakarohwa nehana ndichiona makondo maviri akabururuka achibva pavaiva *To be continued* Isai malikes tiende mberi
❤️ 🗣️ 😢 😭 🙏 7

Comments