Joseph Simango novels
February 28, 2025 at 04:37 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaeeH6Q96H4ZcIdiaB1E *Our new book ruchange richiwanikwa muchannel* https://chat.whatsapp.com/I5jQwI6xV1L0pjndRFiagy *mopinda mugroup mufambe nevamwe* *🖊️📚📚📚Tarisiro* *Novel written by J Simango* *Chapter 2* "amai, amai!" Ndakadaro ndichivazungusa ndokuramba ndakanyarara. Ipapo hana yangu yakawedzera kurova ndipo pakatanga kubuda misodzi yangu. "amai kani?!, amai!" Kushevedza kose kwandaiita hapana aimbokunzwa. Ndakatora bhara rangu zvekuvavarira ndokurirarisa nedivi kuti ndivazvuvire imomo. Simba chairo rekuti ndaigona kuvasimudza ndiri ndega ndaiva ndisina. Ndakazongoita zvekushingirira asi nyaya yaiva yasarira pakuvayambutsa rwizi. Ndakambofunga kuda kunoshevedza mai Chipo kuti vandibetsere asi ndaiva ndisina wekusiira amai. Mushure mechinguva ndakanzwa vanhu vaitaura vachiuya nepazambuko. Mazwi acho aiva echirume. Rimwe divi remoyo rakafa asi hana yangu yakawedzera kurova. Ndakabva ndafunga mumwe mukadzi aiva akapondwa mwedzi yapfuura iko kuno kurwizi. Ipapo ndaiva ndangozvipira zvose nekuti hapana kwaiva kusiri kufa "maswera cy" "taswera, ko uri kuitei kuno kusango this time" "Ndokumbirawo mundiyambutsirewo bhara, mhamha vangu vangodonha." "very sorry, unogara kupi?" "ndogara pamisha iri pamberi apa, ndotokumbirawo munhu wamwari." Varume vaye vakabva vatarisana ndokutaura ne language yandaisanzwa. Mushure mechinguva vakabva vati tiratidze nzira vondiperekedza. "maita basa, chero makandisira panapa ndinosvika kumba." "chirega tingosvika, ko baba varipi?" "baba vakashaika, taingogara tiri vaviri namum." "Oky, vanoita zvakanaka." Taitaura tichifamba ndokubva tanosvika pamba. Mumwe murume aipusha bhara akabva atarisa mumwe wake ndokudzokorora language yavo zvekare. Kutaura chokwadi ini ndaiva ndave kutya nekuti vaiva vongowanza nyaya uye ndaisava ziva. "Vhura door musikana tisiye tavaisa mumba." "Chingosiyai bhara ipapo ndivapinze, maita henyu." "Hautirambidze zvee tichida kutokubatsira, tati vhura door toda kuenda." Ndakabva ndabvisa chisaga chaiva pamusiwo ndokuvatembedzana vachivaisa mumba. Ini hana yangu yaiva yongorova kuti pamwe vaigona kundifungira mweya wakaipa. Pavakapedza vakabva vati. "Isu tave kuenda, wosara uchipepa mhamha vanoita zvakanaka." "maita henyu, dai ndiine mari ndakupai zvino pano tiri varombo." Vakabva vabuda asi uuu maitiro avo aiita kunge mabinya. Ndakabatidza karambi kaiva kasara netuparafini tushoma kaitodawo kudzima hako. Ipapao mhamha vangu vainge vave kufemera pamusoro uye maziso avo aiva ave kusabwaira. "amai!" Ndakavadaro ndakavabata ruoko ndipo pakavataura nezwi raiva kure kure. "Tarisiro mwanangu, ini ndave kuzorora. Shungu dzangu ndaida kukusiya wayaruka." "Moda kuenda kupi amai, moda kundisiya nani.?" "Ndichange ndinewe kose kwauri mwanangu. Ndinovimba kuti sango rataitsvakira muriwo unoriziva. Kana wave kudawo hupfu unonorikicha mwanangu. Iye zvino handisisina nguva. Usakanganwe kuvhara mikova kana wave kurara. Kwandinenge ndiri ndine tariro pamusoro peupenyu hwako. Izvezvi mhanya kwaamai chipo unoti ndokumbirawo kana vaine mapiritsi emusoro vandipwo." Iapao ndakamboitawo kamufaro nrkuti vaiva vave kutaura. Handina kunonoka kuenda pasina kana chinguva ndaiva ndadzoka. Chakandinetsa mariro andaiva ndavasiya vakaita aiva achinja. " amai ndadzoka." Handina kudairwa ndokubva ndavazungunusa. Ipapo vairatidza kuti muviri wavo vaiva wave kuita chando. Ndakabata pachipfuva pavo ndokunzwa pakanyarara. *To be continued* _Makaisa malikes book rinouya._ 💓
❤️ 👍 😢 😂 🙏 😩 😮 🤣 55

Comments