Rue M Novels
February 28, 2025 at 02:32 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Obsessed Written By Rue M O788357900 Chapter 12 Runako That night Jamal haana kurara pamba ndikangosimbiswa kuti ndisanetseke achadzoka. I was not worried about his whereabouts nekuti ndizvo zvaiita varume vazhinji even kumusha chaiko. Vanhu vanenge vachizivikanwa neraini rese kuti vanodanana vaitombonetsana panotizira musikana mukomana otiza pamba achiramba nhumbu saka zvakaitwa naJamal hazvina kundibata bata nekuti tanga tisingazivane. The following morning ndakamuka kuma3am ndichiti ndiite basa semuroora mutsva asi ndakarambidzwa namaiguru vandakaona vachibva kukitchen. "Enda unorara it's too early varipo vanoita basa iroro," she said ndikati, "zvobuda here handiti ndiri muroora mutsva here?" "Basa redu pano kugobika zvimwe varipo vanoita," she said ndikati, "ini ndiri kuda kuita basa ndichiri mutsva." Havana kuita nharo neni ndokudzokera kubedroom. Maiguru vaenda ndakasara ndichishaya pekubata nekuti hapana panga pane tsvina, ndakatoshaya kuti mumba maive magadzirwa nguvai ivo vanhu vakazongorara vapedza kudya. Ndakaenda panze ndichida kutsvaira chivanze asi panze panga pasina kana shizha. "Regai ndidiridze zvangu," I thought to myself as I wanted to be a useful daughter in-law. Ndaive ndakakura ndichiziva kuti munhu wemuroora anofanira kushanda sedhongi kana achangosvika pamba pevanhu kuti adiwe saka hapana pandaizvifananidza namaiguru. Vaive vadzika midzi pamba voti vana vakomana two futi. However zvekudiridza zviya hazvina kuzobudirira nekuti pandaidzungaira ndichitsvaga bucket ndakahukurwa nembwa. Inenge yaive yakarara nekuti ndakaitsika gumbo ndisina kuiona ikaita hukasha. I was not scared of dogs nekuti kumba kwedu dzaiveko asi iyo yaitoda seiri kuda challenge neni. "Ko dzakawanda?" Ndakataura ndega ndaona dzimwe dzacho dzichiuya kuzondihukura. "Kure uko!" Ndakadaro dzikatowedzera noise nekumutsa maguard epamba ayo akazodzidzora ndisati dzandiruma. Ndakadzokera mumba ndikaona maiguru vachindiseka pavaidzokera nemukaka kukitchen. "Ndambokuudza kuti enda unorara," she said ndikati, "but hamuna kuti panze pane imbwa." "Handina kumbofunga kuti uchabuda panze, don't feel bad ini pandakasvika ndakatorumwa saka uri nani," she wanted me to feel better ndokubva ndati, "saka ndoita basa rei ndakamirira kuti kuchene?" "Dai uri umwe warara handi uri kuenda kuchikoro futi," she suggested ndikati, "musandityire handimborare kuchikoro." "Unogona kugadzira breakfast pano vanodya nasix sharp ini ndakunorara," she said ndokubva ndati vanondidzidzisa kushandisa stove because I was very sure kuti handiigone. Simba rekushanda rakapera ndaona stove yacho iri touch. Ndakatya kupisa zvinhu zvevanhu saka ndakati, "ko ndikabikira pamoto maiguru?" "Hapabikwe nemoto pano," she said ndisati ndapedza navo bamukuru vakauya kuzovatora. Ndakasara ndega ndokubva ndazongoona TV, pandakanzwa vamwe vamuka ndakaenda kunogeza. "Uri kuenda kuchikoro wakapfeka so?" Vakabvunza maiguru vaive vakapfeka white suit and looking like a boss lady in movies. "Zvakaipei? Uniform yangu yakasara kumba kwasisi Kudzi saka vanga vachiti vachaita plan vauye nayo kuchikoro," I said zvikanzi, "if you feel comfortable hapana problem but unofanira kupfeka zvezera rako. Even if you like to dress modestly dziriko hembe dzevasikana dzakanaka dziri decent." Maiguru was sounding like Sisi Kudzi saka kupedza nyaya ndakabva ndati, "munozondiperekedza kunoita shopping yehembe monthend salary yangu iri kutanga kupinda this month." "Kumirira monthend uri mukadzi waBoss Jamal here?" She asked ndikati, "haa maiguru munoti anondipa mari yake iye atiza pamba." "Mai Two watotanga makuhwa tiri kuda kudya isu," ndivamwene vakadaro maiguru vakaseka vachiti, "sorry mama ndanga ndichimboraira muroora wenyu." "Bofu haritungamire rimwe bofu," vakadaro baba, maiguru vakangoshama muromo and served breakfast. Vanhu vakadya vachitaura zviri normal without minding Jamal's absence. Pakuenda kuchikoro ndakaperekedzwa namaiguru vaizopfuurira kuenda kwavo kubasa. "Don't worry about Jamal he'll come around it's just that baba vakamujuma," said maiguru ndikagutsirira musoro. Vakandisiya pachikoro asi handina kudzidza ndichifunga kuti future yangu naJamal. Nguva dzekuenda kumba dzakwana ndakashaya kuti ndoenda sei nekuti mota yaisiuya kuzonditora haina kuuya and kwataigara kwaisava nemakombi kana mataxi anoendako unless watohire mota yonokusiya kumba. Ndanga ndisina mari yacho plus chero dai ndaive nayo ndaitotadza kudirector driver pamba nekuti kwainge kusango and I was not familiar with that location. Ndapererwa nemazano ndakafonera Mr Matutu Snr ndichivaudza situation yangu zvikanzi, "don't worry I will have a word with Jamal ari kuuya kuzokutora." Ndakangozvibvuma pasina kupikisa though I knew it was next to impossible kuti auye kuzonditora. Ndakanogara kugate ndichitaura nemusecurity ndakamirira murume wangu. Zuva rakadoka, kukasvika pasina sign yemunhu. I wanted to call Mr Matutu Snr again asi ndakaona sekuti ndovanetsa ndokuzviudza kuti nine ikachaya asati auya ndonorara muroom yangu yepachikoro. Nine iya yakachaya ndikamboita zvipatience ndichiti anosvika asi pandakazoona yave twenty past nine ndakazvibvunza kuti ndofirei? Ndanga ndatove guard risina salary. "Mother!" I heard his voice ndave kudzokera mukati. Ndakaramba ndakamisa gotsi ndichienda akati, "nhai mother hamuzvinzwi?" "Mother vachamudavira," I thought to myself ndokubva azoti, "iwe Runako usade kuonererwa, pinda mumota tiyende uko wakamirirwa." Akauya nayo mota kuzomira pamberi pangu ndave kuda kuvhura door remberi akati, "gara kumasure." Ndakaita sekuda kwake ndokuisa maearphone paakamutsa mota. Mota yati fambe fambe akabva aimisa akandibvisa maearphone. "Mother?" He said ndikati, "watii mwanangu?" "Munombonyatsodei chaizvo kwandiri?" He asked ndikati, "shamwari mubvunzo iwoyo ndewe kushaya mutsa mota tiyende kumba." "Aihwaka usanditi shamwari as if I'm your friend, haunzwe kunyara uchizviwisira pamunhu asingakude? And for your own information ndine musikana wandoda kuroora," he said ndikaramba ndakanyarara ndichifunga kuti ndomupindura kuti chii ndokubva azoti, "I know you're doing this for money so instead of tarnishing my image ingondiudza mari yauri kuda ndokupa woenda kwaunoda." "Handitombode mari yako ini," I said zvikanzi, "saka manje unodei?" "Iwewe murume wangu," ndaida kumufizura ndokubva aridza tsamwa achiti, "saka hautonzwe kunyara ipapa?" "Kunyarei manje? Zvonyadzisa here kuda murume wangu?" I asked him akamutsa mota achiti, "richingoti matsvuko." "Uri kuda zvekunyombana neni here?" Ndakamubvunza akaramba akanyarara ndikati, "good." Half an hour later takasvika kumba vanhu vatopedza kudya vachitandara. Ndakasweresa vanhu ndakapfugama zvikanzi naJamal, "good night everyone." "Inguvai dzauri kupinda mumba?" He was asked by his father akatarisa time ndokuti, "five past ten and?" "Ndakuti unotora mukadzi wako nguvai?" Father asked him again akati, "dzanga dziri kuma four i guess." "Chindiudza kuti zvafamba sei kuti usvike pano na10?" Vakabvunza father zvikanzi, "pamandifonera paya ndanga ndagara ndine maplan angu naMercy. Taenda kunoona movie saka ndazononoka kuuya nemukadzi wenyu pano." "I don't like that Mercy," said father zvikanzi, "trust me, I feel the same way about this Runako. I don't like her and zvicharamba zvakadaro kusvika amen so if you care about her itai kuti adzokere kwaakabva." Achipedza kudaro akabva aenda upstairs. "Mabikei pano?" Ndakakasira kutanga imwe nyaya as I didn't want people to dwell on Jamal's words. "Munongoona kuti modyei mukitchen imomo," vakadaro maiguru ndikaenda kukitchen. Maive nesadza nerice ndokubva ndapakurira Jamal sadza nekuziva kuti varume vazhinji vanodza sadza. Ndakaisa plate yesadza nemvura yekugeza maoko mutray ndokuenda kubedroom. Obviously ndakasvika door riri locked and knocked it kusvika avhura. Aisatoda kuti ndipinde avhura kudaro but I forced my way in akati, "uri kudei muno?" "Ndakuvigira sadza," I said akati, "pandauya kuzokutora ndanga ndichitobva kumba kwaMercy ndadya ikoko." "Asika nguva yafamba kubva pawabvako?" I said akati, "I would rather die pane kudya chikafu chako, who knows kuti waisei imomo?" I knew when to stop saka handina kuda kumumanikidza ndokubva ndadzokera nesadza kukitchen ndikanoridya zvangu. Ndapedza kudya ndakanoona TV nevamwe asi ndakavasiya nekuti vaiona news that too dzisiri dzemuZimbabwe. Ndakaenda kubedroom kwedu ndikasvika shasha yarara. Ndaive ndakazvinetera saka handina kuda kunetsana naye ndokurara pasi. Zuva rakatevera ndakamutswa naJamal achitaura paphone naMercy achiti, "it's not my dad's fault. Dad vakamunzwira tsitsi vasingazive kuti achatora advantage iyoyo and present herself as a perfect daughter in-law. Do you know that anopfugama everyday achivamhorosa? She is well trained to destroy my life and it's only a matter of time before dad vazviona kuti it's all pretence." "Hope vanozviona very soon because I don't want to lose you Jamal. I will die without you my love," I heard Mercy saying that ndikatanga kuwarura machira. Ndapedza izvozvo ndakanogeza ndokudzoka asisimo mubedroom. Instead of wearing my clothes ndakapfeka student uniform yangu . Kauniform kacho kaive kakandigara ndokubva ndastyler bvunzi rangu zvandaiona Sisi Kudzi vachiita ravo pamberi apa pachiita zvimababy hair. For unknown reasons bvunzi rangu rairamba asi ndakashingirira kusvika zvave nani. Zvakawanda wanda ndanga ndisati ndakugona saka pamake up so I simply drew my brows nekungoisa kaline katete with black eyeliner. Face powder ndaigona kuisa saka ndakaisa zviri bho ndokuzoita zvimadodzi mbichana kuface neeyeliner. Ndaive ndazviona muTV pamaNigerian movie zvakanaka saka lipstick ndakaisa yeblack kuti zvinyatsobuda. Ndakazvitarisa pamirror and felt satisfied. "Ini ndakanaka," ndakadaro ndichitora selfie. Ndave ready ndakaenda downstairs uko kwandakasvika Jamal ari pacall. It was a business call saka handina kuda kumudisturber ndikati regai ndiende kukitchen kunobetsera maiguru but he ended the call right away akati, "Runako tarisa kuno." Ndakatarisa ndokubva abatwa nesetswa akati, "vanhu huyai muone!" "Kuonei?" Ndakamubvunza akadaidzira futi achiti, "dad huyai muone munhu wenyu!' Vanhu vakasvika achiita seachafa nekuseka. Bamukuru tried very hard to hold his laughter asi vakazoseka maiguru pavakapinda musitting vachindibvunza kuti kune funny day here kuchikoro? "Kuita kunge kan'anga asekuru," Jamal akadaro ave kutoyeredza misodzi nekuseka. Maiguru had to excuse us vakanosekera kwavo vega nekusada kundirwadzisa. Mama pavakangoita eye contact nafather vakaparara nekuseka. "You made my day shamwari, here is twenty bucks for you utenge lunch," Jamal akadaro achitondipa mari yacho. Ndakaitambira and he left home achingoseka. Aenda father ndipo pavakazouya kwandiri vachiti, "iwe unongoda kundisvoresa naJamal handiti? Zuro ndizuro wakauya wakapfeka rokwe rako nehat yechando nhasi wakubvisa tsiye dzese kuti uzvinyore kuface." Ndisati ndapindura mama vakabva vati, "nhai Runako mwanangu,chii chawaita kuface kuita kunge munhu atemerwa nyora kudai?" "Hanzi naAnashe kuchikoro kwavo kune funny day," vakadaro bamukuru ndokutangidza kuseka futi zvikanzi namaiguru, "hazvichasekese Zade." "Ruru enda unogeza kuface," said mama but I was hesitant nekuti ini ndaitofeeler beautiful plus zvaive zvemumovie. Ivo vaisaona maNigerian movie seni saka vanga vasiri kuzvinzwisisa. I didn't want to be a stubborn daughter in-law saka ndakanogeza makeup yangu maiguru vakazondiisa mababy hairs aya zvikabuda zvakanaka effortlessly. Vakatozondiisa mabrows seavo because I looked very funny without eyebrows sezvo ndanga ndabvisa ese instead of trimming. "Munozviita sei easy easy nhai maiguru?" I asked zvikanzi, "hazvinetse izvi ndichakudzidzisa iwe wanga uchishandisa chii?" "Zvinhu zvangu zvemake up," I said vakati, "you've got a lot to learn sis." "Kasi chii?" I asked zvikanzi, "you need a new make-up kit ndozokudzidzisa." "Mozondiperekedza kutown kunotenga zvinhu zvacho zvinoshandaka? Ndapihwa twenty dollars yelunch naJamal," I said maiguru vakasmiler vachiti, "tozviita weekend mazuvano ndine pressure kubasa handina time during the week." Takabva taenda kuchikoro tichingotaura nyaya dziri general. Pavakandisiya pagate rechikoro we exchanged numbers vachiti ndovafonera in time kana Jamal atadza kuuya kuzonditora. Ndakaswera zvakanaka asi vanhu vemakuhwa ndivo vaive vakuda kundivhiringa nekuda kuziva kuti sei ndaive ndakusiiwa nemukadzi waZade pachikoro. Semunhu akamutsa handina kushaya zvekutaura. Nguva dzekuenda kumba dzakwana ndakambomira kufonera maiguru ndichida kuona kuti Jamal haauye here and to my surprise I received a call from a new number ari Jamal achindiudza kwekusangana naye. Paive nekamufambo kubva pachikoro saka ndapinda mumota ndakati, "ko chakutadzisa kusvika pachikoro chii?" "Kuti ndinyare?" Akadaro ndikati, "kunyarei?" "Kuonekwa nevanhu ndichikutora pachikoro, I'm just doing this because of my dad but once..." "...vaziva kuti ndiri kupretender vachandidzinga pamba pavo voita kuti uroore Mercy?" Ndakamupedzisira sentence yake. "To be honest zvauri kuita hazvinakidze, have a little respect for yourself please," he begged me. Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi, "hana yako hairove uchirambanisa vanhu vanodanana? Right now Mercy is heartbroken and crying 24/7 because of you. Why uri wicked nhai Runako?" "Handisi wicked ini?" Ndozvandakakwanisa kupindura akati, "saka chii chauri kuita? Ini handikude ndine musikana wangu wandoda anondida asi iwe woda kutipesanisa. I'm glad kuti uri munhu weTV and unoona kuti at the end of the show true love always wins saka apa uri kutambisa nguva yako by fighting a lost battle." . End of chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😢 😮 154

Comments