Nicegirl Guta's Stories
February 26, 2025 at 12:09 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaDxdcsICVffB0UwJl19 USATI WATANGA KUVERENGA CHINGOGARA WAITA VIEW WOTI FOLLOW FOR MORE CHAPTERS BOOK IRI KUMBERI.. USASARE KUVERENGA NEVAMWE ,NYAYA YA KUMBIRAI ACHATIZIRA MUKOMANA ACHANGE ACHIMUITIRA HUTSINYE. HUYAI MUNZWE KUTI ACHABUDAI SEI PA HONDO YAKATARISANA NAYO ❤️‍🔥❤️‍🔥KUMBIRAI❤️‍🔥❤️‍🔥 STORY BY LORRAINE READ AND SHARE CHAPTER 1 KUMBIRAI . "Mwana uyu kunzwa kwake kunotonetsa.chokwadii munhu wandisiya ndaudza kuti azobvise hembe dzangu kana dzaoma akuregera zvake,,iwe Kumbirai huya kuno, ndoda munhu anoterera wanzwa!" ?" Vaive mai vangu vaipopota vakamira panze mushure mekunge vawona ndisina kubvisa hembe dzavo. Ndaiva ndatozvikanganwa ndichizvitora ma pictures ndichimatumira mukomana wangu. ndanga ndamusuwa sezvo ayitogara ku Harare asi ayimbopota achiuya achindiwona kuno kumusha kusanganisira na mbuya vake mai va baba, vaitogara pedyo nemisha yedu zvekuti ndaitoti ndakapedza basa ndaitoyenda kunovabatsira kuchera mvura.havaida zvekugara nevashandi vaitoda kuzvigarira vega vachizviitira zvinhu zvavo. sanike ini vaindifarira vakatoudza muzukuru wavo kuti anofana kundiroora akabvumirana nazvo akatondivimbisa kuti mwedzi uno haupere asina kuuya kuzondibvisira mari.ndaiva ndakumboda kubva kuno kuruzevha ndonotanga new life yangu. pakarepo ndakazobuda panze paye ndokusvika ndichisweresa vabereki vangu ndikanzi na mhama... "Nepane makore ako apa uchingori kuda kuudzwa zvekuita, handiwe here wandasiya ndaudza kuti uzobvisa hembe idzi kana dzaoma?" "Ndini wamadaro." Ndakadaro ndakaita kupusisa chiso. mai vangu vaiti vakatanga kupopota havainyarara.vaisada kuitirwa nonsense pamberi pavo vakabva vanditi. "Uchatinyadzisa kana kwaucharoorwa, ndiro chaidzo ukasuka, haufungewo kubvisa ,unongozvisiya padara zvichiyendwa nedust.these week unofana kumboyenda kwa tete vako kuchiroti umbonodzidziswa kushanda ndava ini ndaneta newe pano,kana ukatukwa sei, unongoramba uchidzokorodza zvinhu zvimwechete, Izvezvi bvisa washeni yangu iyi unoyiisa mumba zibenzi remunhu,iyo foni iyoyo ndoyimwe inokutadzisa kushanda pano,ndichayipwanyira pasi. ramba uchiita hunhu hwako." Vakadaro vachitopinda mu kitchen vakadungamidzana na baba vangu havaida zve noise vaiva munhu akanyarara even big brother yangu. yaitogara ku south Africa ndiko kwaishanda,, asi anga asati aroora. rino gore ndiri raitoshandira 30 years. Ini ndaitoshandira 25.munhu ayitaurisa mumba medu ndiko kachembere kepano ndakazobvisa washeni yacho ndokuyenda kunoyiisa mukamba kavo kavairara kwakuchizoyenda ku kitchen ndikasvika ndichinzi na mhama ndiyende kunotenga matemba kwamuzombe,vachibva vandipa mari. kwakutopfeka bhutsu dzangu nekutobuda kuyenda Kwamuzombe kwacho kwaiva kure mbichana. Ndichangoti fambei ndakanzwa munhu akandishevedza kwakubva ndamira ndichitarisa kuti mdiyani,, ndokuwona ari Sekai, yaiva shamwari yangu yandaingowirirana nayo muno tichiyenda kuma church tese........ Ndakatomuti mhanya akaita sekudaro , Achibva asvika asvika edyo neni is kwakutanga kufamba tese achinditi... "Urisei hako Kumbi?" "Ndinofara zvangu vakadii vamwe kumba." "Vanofara havo nezuro ndaitoda kuuya kumba kwenyu asi ndakazonzwa hunungo ,otherwise varisei mom's na mudhara". "Variboe havo ndatovasiya vakagara "Ko apa urikuyenda kupi ?" "Ndatumwa kwamuzombe kunotenga matemba hameno kuti ndomawana ariko here?" "Haumbomashaye, ko ndine nyaya ka irikupisa ?" Akadaro achitomira kufamba,ndichibvawp ndamirawo ndichimuti...... "I nyaya yei irikupisa?" Akambotanga aseka akati............ "I hope hauzonditsamwire ndakakuudza nyaya yacho". "Handimbotsvage inga unondiziva wani." A ambogadzirisa pahuro pake achibva anditi... "Nezuro ndakasangana na Zvidzai ndichitobva kuma shops, nhau yakandiudza pamusoro pe mukomana wako ndakatotya nayo" "Hanzi adii mukomana wangu?". "Hanzi anohura zvisingaite ku harare plus ane chirwere?" "Saka iwe wakatobvumirana nazvo ukatowona chiri chokwadii ". "Hanty Zvidzai anogara kudhuze nekwana Logan saka hapana pangazombotadze kuziva nezvake". "Logan haana haite zvechihure, akatogara andiudza kuti ndini ndega musikana wake arikutoda kundiroora mwedzi irikutevera iyi." "Dai wasiyana nazvo zvekuroorwa , munhu uya anokutambudza,usafunge kuti kuuya kwanoita kuno achikuwona anokuda zvakanyanya, kana usingazive kuti vanhu vevarume imbwa uchazviwona hako." "Logan anondida ne moyo wake wese, dai ayisandida angadai asingabouye kuno kuzondiwona kana foni iyi angadai asina kunditengera". "Kumbirai nharo hadzishande, Terera mashoko angu.. Kupihwa chirwerwe ,nekuzohurirwa zvinhu zvinorwadza hama yangu". "Ndisiye ndiroorwe ndichazonozviwonera ndega". "Iii hameno, uchazoyeuka bako wanayiwa". "Hapana chandinomboyeuka, soon ndirikubva kuno,muchandisuwa zvenyu ana Sekai". "Dzimba idzi dzirikuchemedza vakawanda , sanike type ya Logan anotowoneka kuti habvire muvakadzi ". "Problem yenyu vanhu vatema mukawona munhu akanaka makutofunga kuti anohura, kunze uku kune varume vari loyal kuvakadzi vavo". "Hooo". "Ndakuyenda ini ,ndingazotukwe na mai vangu ndanonoka kudzokera kumba". "Tinowonana".akadaro zviye zvekuratidza ku bhoikana asi handina kumboita hanya nazvo ndakabva ndamuti... "Kwauchafamba ikoko usiyane nekutaura zita nemukomana wangu, kana venyu vakomama vachihura musafunge kuti vese vanohura".ddakamudaro ndakutofamba asi haana kuzombondidaira ne nhau yekuti aiva atsamwira kuti ndaramba kuterera mashoko ake,, zve mukomana wangu zvaitotaura ndaitowona dziri nhema dzega-dzega.ndakazosvika kwamuzombe ndokutenga matemba andaiva ndatumwa ndichibva ndapinda munzira kudzokera kumba ndichitofambisa sezvo zuva raive rakuyenda kunopinda muna mai varo. Ndichisvika kumba ndakabva ndanzi na mhama ndibatidze moto nditotange kubika apa ini ndaiva ndakatemba kumbosvika ndichigara ndozotanga kubika. zvino paiva pataurwa na mai vangu hapaimboda kuita nharo. ndakatosimuka ndokutanga kukuchidza moto wangu kusvika paukabvira ndokuchitanga kubika ndichiudzwa zvekuita na mhama zvinova zvaindibhowa ndichipedza kubika ndakangopakura sadza ravo mundiro yimwechete ndokuvageza maoko, vakasara vachidya ini ndichibva ndayenda kunogara kunhanga kwangu ndaitomboda kutaura na Logan kutonzwa kumusuwa. Ndichitofona foni yake yakatanga ku ringer achibva azondidaira Pati perei tuma minutes achinditi.. "Beb ". "Hello sweetheart waswera boe here ?" "Ndaswera boe , ndirikutobva kunogeza ndosaka ndanonoka kudaira call yako". "Asi urikutobva kubasa". "Ndauya pane time, ndanga ndichimboita gym mu room mangu,,saka ndanga ndakunzwa kutsva ndichibva ndafunga zvangu kunogeza". "Hoo wadya here?" "Handina shaa ." "Indava ?" "Zvekubika zvinondinetsa ndosaka ndirikuda kukanda Paden zvekuti pandobvawo kubasa ndowana wabika." "Ok,ndatongomirira iwewe kuti undiroore ." "Mwedzi uno hausikuzopera ndisina kukanda pa kitchen ". "Ok asi ndirikuda kuti uzondiitisa course yekuruka Logan ,," "Zvese zvauchada beb ,,ndichakuitira." "Ok, good night ndafara ndataura newe ." "Urare boe beb wangu, l love you so much, miss your beautiful smile ". "Ini ndasuwa your sex eyes ." Akabva aseka pafoni ipapo achibva anditi.. "Soon tichange takuwonana everyday". "I hope hauzondirove takugara tese". "Handitove munhu wandinoda ". "Hoo". Ndakabva ndakata foni yacho ndichitonyemwerera ,Logan ayinditenderedza brains dzangu ndaisagona kuswera ndisina kutaura naye. Ndakazorara zvangu ndichingomuwona mumaziso angu.zuva rinoteera racho ndakafuma ndichinokerwa na mai vangu rungwanani-mangwanani ndichibva ndatoziva kuti hapana nhau yaimboda kutaurwa kunze kwekuyenda ku church kwamadzimai vainzi varikuuya nezuro kubva kudomboshava vainzi vanobatsira sekutaura kwaita vamwe ndiko kwandaitoda kunzi ndiyende kumbonzwa zve marriage yandaitoda kupinda sezvo vaizviziva kuti ndirikuda kuroorwa. Ndichibuda panze vakabva vanditi.. "Uchiri wakatorara zvako,madzimai hanzi vakauya nezuro". "Hoo." Ndakadaro ndichinzwa kubhoikana vakati.. "Ita ugadzirire uyende kunoyereswa wobva wabvunzira zve imba yako". "Ko ndakazoyenda mangwana hazvite here ?" "Enda nhasi ,pamwe mangwana acho havabatike, upfekewo hembe dzakadzikama zvakaita muviri wako uyu hazvimbode hembe dzinobata". "Ndichipfeka skirt yangu isingabate". "Horyt chiita zvekukasika,ndakumboyenda kunochera nzungh ". Ehoi." Ndichiwona vakuyenda ndipo pandakapinda mu nhanga mangu ndokuchinja fast ,ndichibva ndayenda kunogeza maziso nekukwesha mazino kwakutobuda ndakabata foni yangu nedhuku kuyenda kwamadzimai mdichiita kufambisa zvimwe ndakapedzisira ndakunzwa kutsva kutodikitira kumeso. Ndichisvika kwamadzimai vacho ndakawona vari vega vachitoteura munamato wa nine,, panga pasati pane vanhu ndikanzwa kufara kuti kana kurikuporofitwa ndainyatsopotofitwa zvisina anonzwa,ndakabva ndabvisa bhutsu dzangu ndokudziisa muma dziro emba ndichibva ndasunga dhuku rangu nekutoyenda kunopfunga painamatira madzimai vacho.ini zvekunamata handaimbozvigona........ Ndakatonyepera kuvhara maziso angu ndichiita sendainamata kusvika pavakazopedza ndichibva ndazomavhura. Vakanditi.. "Ndakambokuwona kupi ?" Vakadaro vachitosimuka vachibva vatyora muzura ndokuvati... "Ndiri mwana waMususa ." "Hoo wakafanana na mai vako zvisingaite ." "Vanhu vakawanda vanodaro". "Makafanana, swedera padhuze ndinamate newe ". " Ok.".ndakadaro ndichitoswedera pedyo navo vachibva vakatanga kunamata neni vakanditi... "Murikuda ka kuroorwa madzimai imimi ". "Hongu ". "Ndawona matambudzidza ne imba yamurikuda kupinda. Logan ndiyani wako?" "Mukomana wangu ". "Ndirikuratidzwa ayine munhu waarikufambidzana naye munombotaura mese here?" "Nezuro ndakabva kutaura naye". "Hapana zve imba apa, gara wasiyana naye pachiri padhuze, ukangowona waita nhumbu yake ndokupera kwazvo. Munhu iyeye hatogutsikane nemukadzi mumwe, ndirikuwona ayine gurusvusvu revasikana vake, mhama variko here?' "Ndine nhau yako yandirikuda kuzotaura navo .' "Ndichanovaudza." "Horyt ndichakupa munamato unogeza mazuva matatu wozodzoka nawo,ndichiripo zvangu". "Tinotenda." Vakabva vandipa matombo matatu avaiti ndinogeza nekunwa ndozodzoka nawo. Havana zvimwe zvavakazombotaura. Ndakabva ndasimuka ndokuyenda kunopfeka bhutsu dzangu nekutora foni yangu ndichitonzwa kubhoikana. Vanhu vanonzi mapotsori vaiva mharadzi chaidzo.ndichingoti fambei ndakabva ndarasa zvimatombo zviya ndichiti handigeze zvimuteuro zve vanhu vanoporofita nemusoro wegora. Dzaitova nhema dzavaitaura pamusoro pa Logan, ndaitoroorwa naye vasingade vachida... End of this chapter 1. Kana book richinakidza mopa ma comments
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 193

Comments