Mai Maka
February 19, 2025 at 02:25 PM
https://chat.whatsapp.com/It3MfxZLmkPFFvIi1Lkrv5
Follow my wats app group for shona interesting free stories
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40
Kuchannel handei Kuma previous chapters nemamwe mabooks amai Maka
New book
FREE BOOK
SOULMATE
Mama Maka(calls and sms'only)
Chapter 14
Lindsay
Ndakanogara pasi ndichibva ndatanga kuzora mafuta aivepo pa dressing table pake .Ndisamada mafuta iwayo asi ndakashingirira cz ndaisave neoption .Ndapedza ndaisave ne appetite yefood saka ndakapinda mugudza ndichida kuzorora ndichifunga kt hupenyu hwangu hwaizovei ramangwana ayo .Ndakabva ndarara kufa chaiko nehope ndikamuka zuva rakwira .Mudumbu mangu makarira nzara ndikabva ndaenda kukitchen,ndakadarika nepatable ndikaona pakaiswa kanote kaive kakanzi "Morning hun ,ndabuda ndaenda kubasa kwaita emergency ndine theatre ye3 hours l will be back,Usane kugadzirira ndanga ndakusuva bbe l think ndaisa ka jnr Collins kangu mudumbu mako ,Lots of luv Collins "
Ndakanotora food yangu ndikagara patable ndichitonyora tonyora nefork ,Ndainzwa sekuti chikafu chacho chaisanaka asi chainhuwirira zvisingaite.Ndakasimuka ndichisiya plate iya iripo ndikabva ndabuda panze ndichida kurefresher .Pandakangoona couple iya yakatakura bucket kupinda mubathroom Ndakabva ndatodzoka Mumba .Nddaimbozvida here zvevanhu vasina kukwana Soo .I waited for Collins ndikaona anonoka kuuya ndaida kt andiperekedze kuGlenview ndinoone Kelvin kt aive aswera sei nemaremba ekurohwa .Akazosvika ndapedza kubika cz ndakange ndatorawo bream raivemo mufridge ndikabika .Hongu ndaive muyenzi pamba apa asi zvaizonyadzisiraka kt munhu asiya akubikira odzoka usina kubika futi .
He came in ndikangoti "maswera sei ndakagara zvangu pacouch ndichiona malndia andaisambotevedzera kt aienda nepi .Pfungwa dzaivewo kwadzo dzoga .Imwe pfungwa yainditi Kelvin akagara nesu ndaizokwanisa here kusiya kumuda cz truly speaking Hana yangu yaimurovera chaizvo .Ndakavhundutswa nekugara keakaita Collins pasofa riye achiti "Uri kufungei bbe nhas ndaswera ndiri busy nevanhu veconstruction avo .Zvose zvaveko zvekuti in two weeks time ndinenge ndave bhoo ini .handidi kuti ugare kuno vanhu vekuno havana hunhu ."Hezvo ko aitove serious zve yekuda kunditamisa .Ini semunhu akange avharirwa ma accounts ose aive nemasavings angu handina zvandaikwanisa kuita panguva yacho .Chandaingida chete kwaive kuwana pekugara ndozotsvga basa .After all Collins wacho was not that bad zvake .Handiti apa ndiye akange aisawo effort yekutsvaga lawyer rekuti ndibude nema evidence ose aye against his father.So l decided kuita zvaivepo.
Two weeks down the line ndakange ndichingoita zvekukanda maCV online .Ndakange ndakaturika tsamba yebasaka Mumba so ndaida kutoishandisa .Zvinhu zvacho zvaiitawo sezvine mhepo .Handina kana kumboshevedzwa ku interview zvayo pane kwose kwandakakanda maCV angu .Ndakapedzisira ndave kungosiyawo ini ndave kungomirira nguva yaMwari .Maybe yaive punishment yandaipihwa naMwari yekupa Kelvin false hope yekumuda .
Nepfungwa iyoyo Ndakabva ndafunga mazuva angu kujere ndisingagoni chero the Lord's prayer zvayo .Ndakasarudza kuendawo paAF M yandaingonzwa mamai eparaini achingotaura kt kunofaya.Ndaisaziva zvangu mufayiro uyo waitaura asiwo pandakaendako ndakaona zvechokwadi kwainakidza especially time dze praise and worship idzi ndaida dze praise kunyanya .Zve worship ndaizongoitawo semunhu aive muchurch .Low low ndaipinda mutune ndikatangawo kuita mitsara miiri mitatu pakunamata kwangu .Zvinhu zvaiendeka chaizvo naCollins wangu asi mimba Haina kubata .I still remember rimwe day tapedza sex akatoizvomora yatsvuka kt piriviri ndikatoshamisikawo nazvo cz madays angu ekutevera akange asati akwana .Chinhu one chandaiti chakange chondinetsa Mumba mangu raive bonde .Ndakatanga kunzwa kusanakidzwa pabonde .Hongu Codza aive nesize 20 nekuraudza chaiko asi ndaitonzwa sendozhakwa kumoyo izvo zvandaisambonzwa kare kose apa tisati tave kugara tose .Handina kumuudza zvangu asi Ndakatanga kujamba Jamba time dzebonde cz ndainzwa kurwadziwa kwakanyanya iye achiratidza kunakirwa zvake .
Rimwe day ndakazofonerwa naiye Collins,ndaitove kuchurch kuchina chemadzimai tichidzidziswa izvo zvekuti mudzimai itawo hure remurume wako mubedroom.Ini topic yacho yaindimara sei .Ndaitarisa zvangu ma demonstrations aiitwa nemamwe madzimai vachikurunga zviuno vakamira on toes ,vamwe ndivo vaisimudza gumbo one mudenga vachichinjanisa ,vamwe ose asi vazhinji ndaiona sekuti vainyanya kuita zvekubatira zvimastool zvaivemo vachirova goi koi mumhepo .Ndakavazoomer zvangu tuzviuno itwotwo ndikati nechemumoyo" Mambuya aya vane masize aniko kudzimba kwavo .Ungaparove chikapa chakadero iyo ichikudhedhedza kumoyo .,handiti unenge wakatojegera kt ndikada kusiya angle iyi ndowana ura hwave panze nxaaaa"Ndakabuda panze ndichinodavira call iya cz yakange yo vibrater kepiri .Ndakadavira ndichipota seri kwemota dzaivepo ndikanzwa achiti iye akange achizouya nemota yaitakura zvinhu madeko ezuva iroro kuenda kuBorrowdale hanzi zvinhu zvese zvakange zvatove mugwara .Takayemerana achindiudza idzo nyaya dzezvisina basa izvi ndikangosekenyekawo asi ndaisatoda kt ridoke ndioneswe moto zvangu ini.
Takazopedza china chemadzimai zvakanaka .Ndakabva ndatooneka kt ndaizonotsvaga church yeAFM kwandaienda and Mai Mufundisi wacho akabva atofonera Mai Mufundisi wemberi kt kwaizouya nhengo itsva.Saka ndakange ndatotambirwa over the phone.Takaenda kumba nemamwe madzimai emuraini andaifamba nawo kuenda kuchurch.Nyaya dzacho kani waipedzisisa wonyepera kutinya tinya phone kutsvaga kt mama Maka Havana kuita shura here rekukanda chapter masikati.Moziva taisvika kumba dzingori nyaya dzesviran* idzodzo ,uchingoudzwa zvemubhedhuru .Zvaindibhowa ini cz ndaiona sekuti Ivo vaisave nedambudziko rangu .Chero pavaiti mukadzi unotota chero nevoice remurume wako over the phone handina kuzvidaira cz ini paphone ndaitonzwa Hana yangu ichirova nekutya chaiko .
Ndakatozosvikirana pamba nemota yakange yauya kuzotora zvinhu zvedu .Guess what macousins ndakaona Kevy akazembera mota akapfeka worksuit yake yeblue seyandakatanga kumuona akapfeka apa akafutiwa sei .Ndakabva ndatoziva kt he was my garden boy chete .Ndakamhoresa vanhu tikapinda Mumba and team rachona raitove pakumhanya chaipo. Takaita chop chop kupacker zvinhu .Iye Collins aisavepo hameno kwaaive aenda .Takasvika pakupedza asati adzoka akazondifonera kt taizosangana kumba .Ndaisada kubika ini ndikamuudza kt atenge chikafu chedu .Takasvika atoveko vakatanga kuita busy naiye Kelvin kuconnector zvinhu zvemagetsi .Zvimwe taizozviona mangwana ndakanogadzira pedu pekuvata . Kelvin akazopihwa introduction achinzi ndiye aizoita zvegarden .Aizogara muroom yaive iine door rayo raisapindana nemedu .Imba yacho yaive yakakura zvayo yaive ne8 rooms and yaive yakavakwa zvakanaka .Ndakarerukirwa zvichinzi taisazobika nayeba cz pandakadziisa food yeday iri takanogara patable tichidya zvedu lni ndaisave nenyaya zvangu vaviri vairatidza kuwirirana sterek and kubva mukutaura kwavo ndakaona sekuti Kelvin akambenge aenda kumba kwavo here akazodzoka futi kuharare Mushure mekunge afonerwa kt basa ramuka .Ndakasiya zvakadaro ndaikwana papi pakurambidza Kelvin wacho basa .At least ndizvo zvandaikwanisawo kuitira Kelvin kumupa basa .
Time dzakafamba tichidya tiripo paround table pedu .Ndaida kuswatudza makumbo angu ndikanzwa kt ndakange ndatsika gumboots replastic and aive Kelvin .Iye wacho akabva asimudza musoro wake achibva anditsonya .Ndakashamiswa nazvo ndikati chii chakadaro nhymi.Ndakabva ndatosimuka patable paye ndikangoti maybe ndashaisha kuona .Aisazombonditsonya iye achitowatirawo basa pamba pangu .Ndakanogeza ndikakasika kupinda mugudza .Collins Akanonoka kuuya vachingonzwika kutaura kudining ikoko nekuseka .Handina kuita basa nazvo ini ,ndakaenda kuwats app kwangu ndichida kunoverenga chapter yangu ndikaona aikaka kwaive nemessage yaiti munyori akange arwarirwa nemwana Saka zveday rachona zvakange zvatodhakwa .Ndakamboda kutevera zvemanews izvi ndikaona aaaah zviri kubhowa .Ndakazongosiya phone yangu pamubhedha ndokuvata zvangu .
Akazouya Collins very late ndikanzwa achida kundibata bata . Don't judge me guys ndakawiruka nehasha ndichimuvhizura zvekuti naiye akatopererwawo kt chaive chii ichocho .Akangofuratira akanyarara achibva avata zvake .Iniwo nekuona kt ndakange ndakanganisa ndakada kumubata achibva ati "Lindsay newe ndave bhoo ini nhau dzemubedroom muno ndinoona sekuti ndiri kupatikira ndoga .Chiii chiri kukunetsa iwe .Wave kundijairira zvisingaite ,it seems as if mind Yako haisi pandiri.Hauchaite zvekare Lindsay,revise your manners.Handidi kutaura zvakare pano ."Mashoko ake akandibata bata kusvika pakadzika pemoyo chaive chokwadi ichocho kt ndakange ndisisina interest naye asizve kuzviudzwa kwakandibata bata ndikafuga musoro ndikatanga kupfikura ndirimo mugudza .Haana kuita hanya asi kt Ndakazonzwa otoridza ngonono zvake ndikazvidembawo kt dzangu hope dzairamba wani kuuya kwacho .Ndakabhwaira kusvika kuma2 am chaiko ndikazoita zvekubiwa nehope past 2 .Ndakavata ndikazopepeputswa nephone yangu yai vibrator.Ndakaitora ndichitsumwaira nehope ndikanzwa yooh zvaari Kelvin achiti "Morning madam boss ,ndaona manonoka kumuka ndikati ndibvunze kt are you okay "Mozivaka Hana yangu yakarova ndikatonzwa sekuti ndacheater Collins ndikabva ndapindurawo ndichiti "Ndiri right , thanks for calling "nekutokata .Imika Ndakaikata ini cz ndainzwa sekuti ndatota mubhurugwa mangu .Ndakasimuka ndichida kuverifier kt ndainzwa zvemasure sure here ndikaona ayizve ka pant liner kandaive nako kati nyakata .Ndakabata Hana yangu ndikati "Mwari ndiri mhombwe ini ndiregerereiwo nei ndisingazviiti ndikabatwa nemurume wangu "
End of chapter 14
Mai Maka luvs you all
Stay blessed
Ndangoti hamungavati mwana haasi kunzwa mushe ,bear with me
❤️
👍
😮
🙏
😂
35