Mai Maka
February 21, 2025 at 06:05 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaKIIo1JZg44E9EC810q *Do not be left out on what is knew on our channel, just click and follow*
USASARE GARA WAPINDA UNOWANA MAMWE MABOOK AKAKUMIRIRA UYEZVE MANGWANA KUNE RITSVA RICHAISWA SAKA GARA WAVAMO RINONZI *MAOKO AZERE ROPA.* JUST CLICK AND FOLLOW
BOOK 📚 #25📚
*FAMILY LINEAGE*
BY MAI TJ & CHLOE
Chapter 1
Tadwell
Ndakabuda nengoro ndichinanga musango kunotsvaga huni mushure mekunge amai vanditi pane charara chaida kuitwa musi weFriday.Ndava chinhambwe kubva pamba vakabva vadanidzira vachiti..
"Tadhiwero !! Iwe Tadhiwero mira ipapo ndikutumire !!"
Ndakacheuka ndichida kuti mombe dzimire vachibva vati..
"Pfuura nekwa Chizhanje uchibvunza kuti kuchine matomatisi here mugadheni mavo.Kana ariko uvati vakupe e5 dhorasi ndovatambidza ne Saturday manheru mari yacho"
''aah manje iyoyo nyaya ndiyo inonetsa.VaChizhanje vanotoda mari yavo amai , garai mangoenda mega munopedzerana naivo nekuti haa ini hazvibude"
"Iwee kaa indava uine mukonyo kudaro.Pfuura neikoko uvaudze kuti ndoda madomasi ende vari kuzviziva kuti kune zviriko kuno kumba saka havarambe.Chandiri kuda kuti udzoke nematomatisi ikoko"
Vakabva vadzokera iniwo ndichisara ndichirova rwendo kuenda musango.Ndiyo nyaya yainetsa amai manje iyoyo apa ndakatombonzwa vachitorehwa vachinzi havabhadhare kana vatora zvinhu zvevanhu
ivo mbune vaChizhanje ndakavanzwa vachidaro saka ndekupi manje kwavainge varikuda kundituma. Haa kana kuri kundituka uko ndokwandisiri kuenda vangatotuka havo handiti ndomagariro avo ekundituka kuita sekunge ndisiri mwana wavo ndomagariro avo mai vangu mufunge .Chinonyanya manje kundirwadza pazvinhu zvose vamwe vana vanobatwa zvakanaka chaizvo.Mumba medu taive vana vakomana vatatu koita musikana mumwe chete.
Magariro ataive takaita pamusha wedu waive musha wasekuru nyakubereka baba vangu.Raive bindu raive rakakurisa chaizvo zvekuti kana vana vese vasekuru mumwe nemumwe akavaka pake tirimumusha umwe chete.Vana vababa vangu vakazvarwa vari vanomwe.Vakoma vose vari vashanu vakavakira mumusha vasikana ana tete ndivo vakanoroorwa kwavo.Saka mhuri yose taive pamusha ipapo asi medu mumba ndini ndega mwana aigara kumusha mukoma Benard vaigara ku Botswana kwavaishandira ikoko, koita mukoma Steven vaive muHarare mavaishandira kozoita inini, kozotiwo Isaac aive kuUniversity , Sekai aive ari kuBulawayo.Vese ava vari vatatu vaive ne hupenyu hwakanaka handidi kunyepa kusara kwangu inini ndaive ndiine hupenyu husina kumira mushe mufunge. Wainzwa mai vangu vachiti kana vakundituka manje vaindiudziridza kuita mwana wegrade one chaiye.Muone ndaiva ndave 29 years but pasina zvaifamba .Ndaizama kuda kubatanidza asi zvakaramba kana kuchikoro chaiko ndakafoira ndikadzokorodza zvikaramba futi asi chido nacho chikoro ndaive nacho ndaitadza kuziva sei zvairamba mufunge, mai vangu vakasvika pakuti...
"Baba Ben chirega kuramba motambisa mari pana Tadhuwero haana chaari kuburitsa uyu iyusiresi yemwana.Tarira vamwe vake uone kumashure kwako kutori nevamwe two variko asi vanotokukunda kufunga pano pamusha kushaya value pamusha pano.
Mashoko iwaya aindidya kubva kare kuti chii chandakatadza kuvabereki vangu nekuti ndaizama mufunge kuzama chaiko.Mabasa ndaizama kutsvaga kana maricho chaiwo asi zvaitoramba chaiko..
Mumwe musi ndakatomboti kuna mukoma Steven vanditore ndombozama kuHarare amai ndikubva vati..
"uchienda kupi manje kwaunoti urikuenda hee? Uda kukanganisa hupenyu hwemwana wangu nekuda kwako unoenda kupiko iwewe
une chawakamboita chakambobudirira muhupenyu here iwe.Gara kuno kumusha uko handiti kune dzimwe hama dzako dzakati kata kata pano ndisiire vana vangu.Zera rako ukuda kunoti pweshe pamusha wemumwe kuti zvidii hee.Isaac akuda kutorwa naiye saka rega kunomupa mutoro gara pano"
Ndakamboda kukakavadzana navo baba ndonditi..
"Iwewe dzidza
kuziva kuti ava ndimai hauchinjane navo mashoko urikunzwa?! Kana wanzi gara pano gara zvako"
Babawo nerimwe divi vaitongera chitororo mufunge.Uye ndivo vaive mukuru mumba mavo vanini'ina vacho vaitombo netsana navo kuzoti mai nana mainini ndichataure ingori ruzha pamusha mufunge saka kubvawo musi iwowo ndakati chiregai ndisazvinetse nekuti vangu mai vakandibereka vaitoona sendisina value ndiri loss kwavari.Kana ndikada kukumbira mari kumadzikoma angu wainzwa vachiti..
"Ukaziva kuti mari inoshandirwa haingoerekane yauya uchashanda yako.Ukuda kuti vana vangu vavhunduke nekutya kuuya kuno nekuda kwako saka kana uchiona kuti mari unoida iwewe shanda. "
Saka ndohupenyu hwandairarama manje ndiri mumusha mevabereki vangu ihwohwu.Saka ipapa ndainge ndangonzwa kuti kune charara nekuti taipinda positori yainzi Kubata kwevatendi iyo yatakamanikidzwa nababa kuti tipinde tose vachiti ichurch yamadzibaba avo uye vari ivo mukuru wayo..
Ndakabopa mombe dzangu ndakapinda musango. ZvekwaChizhanje ndakazviudza kuti hameno vanoona zvekuita handisi kuda kuno nyadziswa zvangu ndiri ikoko..
Ndakatema hunhi dzangu kuzadza ngoro kunzwa mhoni dzichindirwadza mumaoko ndokubva ndati ndimbogara pasi ndichidya mazhanje .Ndapedza kudya ndakatombobatwa nehope ndakavhunduka ndanzwa kutaura nechekure mbichana asi ndainzwa kuti zvainzii ..
"Kungoti maiguru vanoda kuzviita sekunge vanoziva asi pasina ipapo paya"
Voice iri ndakariziva kuti raive ramainini mai Revai avo vakabva vati futi..
"Manje tichada kuona kuti vanogadzirira kusvika papi. Apa vari busy kukwereta zvinhu ipapa vana vanenge vasingambozive kuti vanokwereta zvakaoma mufunge."
"Saka iye Benard wacho apa aripi?"
"Bernard akasvikira kumba kwaa Isaac ndokunzwa kwandakazviita ini.Vakatoronga kunoroora iye Benard nakatoenda kunoroora na Isaac na Sekai vakazofonera Hwanda kuti vaone kuenda vose.Saka ndiko kwaari ikoko kwaa Isaac varikutouya vose ipapa kuzoratidza mukadzi wake wacho arikuuya kuzotamba chiroora.Aah Hwanda akataura kuti kwanga kwakarongeka akabvisa mari inotyisa Ben "
Ndakabatanidza nyaya yavo yavari kutaura iyi.Ko vanogoti Ben arimuno muZimbabwe
akauya rinhi akatonoroora ndigotadza kuzvinzwa kumba here inga amai nababa havana chavakataura wani vakabva vati..
"Ipapa nekuda kuvhaira vakoka ruzevha rwose kuti ruzoona nekuti mukadzi wacho arikuuyawo naye ne Saturday manheru ndopane mhemberero dzacho dzauri kuona vasiri kugadzikana kudai.Zvamaiguru vangu kungoda kuita show off hapana kana nebasa rose"
Ndakangoerekana ndasimuka nekuti nyaya iyi ndaida kuinzwa mushe kuti zviri kumbonzi kudii ikufamba seiko ndokutevera kwaive nemavoice aya ndakati ndasvika mainini mai Revai vakabva vavhunduka vachindiona ndokuti..
"Aah - ndiwe Tadhi?"
"Ehe ndini amai maswera sei.Mai Maka murisei" mai Maka vaive muroora wemumba yemuninina wababa wechinumber 2 avo vakaba vati...
"Aah bamkuru murisei henyu?"
"Ko mainini nyaya yamataura ndainzwa mati mukoma Ben vakauya here ? "
Vakabva vatarisana vose vari vaviri ndokubva vati..
"Saka hausi kuziva here kuti Ben akauya akatoroora last weekend yapfura iyi nhai Tadhi"
"Ha-handina chandiri kuziva imi amai havana chavakataura ava"
"Aah nhai Bamkuru zvinyowani here zvekusaudzwa izvi? Isu takatonzwawo na Hwanda akaenda naivo vakoma venyu avana kukuudzai here?"
"Hapana akandiudza apa, muona mukoma Isaac ndakatotaura nawo Saturday kuseni ndichimuti atumire mushonga wefodya asi haana zvaakataura wani"
"Aah ndoyacho iripo, saka apa muri kuiteiko muno musango?"
"Ndauya kuzotsvaga huni handiti kune charara here Saturday"
Charara?!" Vose vakabva vadaro mainini ndokuseka vachiti..
"Hakuna charara chimboripo apa Tadhiwero kkkkk hapana kana apa .Muroora arikuuya mumusha arikuda kutambirwa uyu ende futi sooka!!"
Ndakati ndichinzwa kudaro ndakatadza kuvanza kubatikana kwangu mufunge seiko indava nhaimi zvichida nhaimi. Saka chikonzero chekundinyepera chaive chei nhaimi? Ko ivo vakoma vangu nehanzvadzi yangu chakaita kuti vasandiudze chaive chiiko handiti ndiri mumwe wavo here .Ndakabva ndati..
"Asi mukoma haadaro mufunge"
"Aah kuti unei nhai Tadhi chingaite vanhu vakuudze kuti uuye hauna chaunacho ndosaka ka kkk hauna kana chinhu nekuti handiti kana vako vabereki ndizvo zvavanongotaura here kkkkk kurikutorongwa muchato uko kkk"
Ndakatadza kumira ndokubva ndatora ngoro ndichidzokera kumba .Ndakati ndava chinhambwe ndava kusvika kumba ndakabva ndasungirira mombe dziya pamuti ndichibva ndaita kumhanya kumba uko chifuwa chichinzwika kurwadza chaiko handidi kunyepa.Ndaida kuti mai vandiudze nababa kuti ko seiko vachidaro.Kunditemesa hunhu vachinyepa kuti kune charara.Ko ivo vana mukoma vakadiwo kundiudza nhaimi.Hameno akandidana asi handina kudaira ndaingomhanya chete chandaida kunopihwa mhinduro inobatika kuti ndepapiko pandiri kukoniwa zvekuti vangandidai....
🌍 Inspired to change people's lives
End of chapter
🙏
1