Mai Maka
February 22, 2025 at 05:59 PM
*Huyai muzvinzwire kuti kupa kune rugare kunokunda kugamuchira rungano rwemusikana ainzi Makanaka akabatsira nherera kusvika Mwari vamuropafadza* Pinda muchannel upedzere nyota patsime 👇🏼 Follow the Authoress Linda Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VadcxcOGU3BDmUrb7g3I Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/EfFufQvAzQnLuQXzkPEHMa *Vanoda book iri from 1 follow my channel* 👇 Follow the Authoress Linda Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VadcxcOGU3BDmUrb7g3I Makanaka Written by Linda aka mai Peace 0740321646 Chapter 1 *Mai Makanaka* Nhaiwe Makanaka uri kubvepi chinguri ndakudeedza, unoreva kuti kukwamatata kwese kwandanga ndichiita ahuna kundinzwa here? Makanaka : Kwete mhama handina kumbokunzwai ini ndatongokunzwai izvezvi kuti muri kundidaidza. Apa shasha yaifemuruka yakabata plat mumaoko , aaaah zvakatondinetsawo ini kuti munhu wandasiya achidya rice kungobuda kuenda kuchimbuzi ndowana mumba hamuchina munhu zvese nendiro yechikafu.Kureva kuti aive afunga kunodyira kupi ? Ndakazama kutenderera nemusha wese kumutsvaka asi handina kuona munhu ndipo ndakazoita zvekudeedzera, ko iko kungwara kwacho. Kuzoda kuita fanika munhu asina kwainge amboenda. Kwemusi uyu ndakanyarara zvangu asi nyaya iyi ndaiiona ichiitika kwemazuva akawanda. Zvakave zvinhu zvakandinetsa mupfungwa dzangu kuti nemhaka yei chaizvo kungopakura chikafu Makanaka aitobuda chete kunodyira kwandaisamuona and aitoita kundinzvenga zvekuti ndaitozoona ave kudzoka neplat yake isisina chinhu. Ndakatozama kubvunza asi aingoti ndiye aidya. Ndaive ndototya ini nenyaya iyi mwana anodero akarombeswa, ko iyezvino kwave nemasatanist unosara kugara nemwana iye anzwa zvake kunwiswa ropa revanhu. Mazuva ahana kumira kufamba uku Maka ngoma ndiyo ndiyo nekuti chikafu chaive chisisagari mumba kuita fanika vanhu vane zvikwambo zvinopota zvichidya. Sorry kungopinda munyaya ndisina kuzivisa zita rangu. Nini ndinoitwa Mai Makanaka rinova ndiro dangwe rangu. Ndine vana 5 tinorarama zvedu upenyu hunoyemurika tinoita zvekutengesa tese mukadzi nemurume. And tese tinobatsirana , kuchinjana kuenda kunohodha kunze kwenyika. Ndikakuudzai mari yatinobata chokwadi munoramba taita mari paruzevha zvinotoshamisa. Nekuti vazhinji vanotoshamisika and vanototaura kuti ichi mari yekutengesa here kana kuti zvatova nekuromba mukati. Asi hatina kana mudzi watinobata. Zvinhu zvedu zvinoendeka zvekuti pamba pangu hapadyiwe chinovava, kuchurh tinoenda nguva dzese. Nyaya yaive yoda kundinetsa inyaya yekushaikwa kwemari mumba haaa iyo ndiyo nyaya yaida kunditenderedza musoro. Nezero raive naMakanaka handifungi kuti aive iye aitora mari yakadero , achiishandisei? Maybe vanhu vainge vachituma havo zvinhu zvavo kuzoba mari yedu.Hazvina kuchinja makanaka akaramba achienderera mberi nekuti kana odya aingonyangarika asi amwe mazuva aiti kana achiona kuti ndiripo aidya chikafu chake aisabuda. Kana kubika kwacho chaibikwa chikafu chaingosara chakadaro dzimwe nguva ndaitomupopotera asi aisambochinja ndakapedzesera ndangosiyanawo nazvo. Mwana wangu anga otondishaisa mufaro nemuitiro wake asi ndaizozvibata chete kuti aiisepi chikafu chaaibuda nacho odzoka yangove plat isina chinhu. *Makanaka* Haiwa ini zvevanhu vanoda kudya vega vasingaoni kuti kune dzimwe nherera kurara nekuswera dzisina chadzaisa mukana ndombozvida here? Kana iye Mwari angafara here muchidya muchirasa asi umwe munhu achirarira mvura. Ipapo ndipo unonzwa kana mamai asangana kunyeya heeee havagoni kuchengeta nherera heee havavape chikafu and vanoda kushandirwa chete. Zvino iyemi zvamazviona muri madzimai eruwadzano mabatsirawo nei? Asi kugona kungonyeya chete zvinobatsirei,better kusatotaura kana kunyeya kwacho kana usina chawabatsira nacho. Nekuti iye uya wamunoswerero ita chitandara atori better nekuti ari kupa munhu pekurara kana imiwo maona kubatwa huyanga mobatsirawozve. Plus munomboziva here kuti kune vamwe vanhu varwere vepfungwa chaivo vasingatozivi kuti zvavari kuita zvakashata uye vanotoda Mwari mukurarama kwavo kuti aone kuti zvavanoita kushandiswa nemweya wekaipa chaiko. Iroro ndiro basa remadzimai eruwadzano kuparidzira nekudzoreredza vanhu kubva pane chakaipa kuenda muchakanaka. Ndizvo zvaitoda mainini nabamunini vaKeenan ivo vaitofunga kuti vaikaurisa Keenan but kwaitova kushungurudza baba kudenga nekuti ndivo muridzi wevanhu. Akakomborerwa maoko anotambanudzwa achigamuchidza chekudya nechekupfeka kunherera nechirikadzi. Nekuti ishe vekudenga vachapamhidzira paya patapudzwa. Ini ndinoitwa Makanaka ndini muhombe mumba medu , takabarwa tiri 5. Vabereki vedu vanhu vanopicheka picheka zvekuti titori vanhu vanotoonekerawo kana mbatya chaidzo aiwa tinotengerwa dzemari chaidzo. Kuchikoro ndizvowo hazvo ndinototenda chete kuti. chero ndichigona kunyora nekuverenga. Handizotadziwo kupindura kana ndazoisirwa message muphone. Asi pari zvino handina phone yacho. Vabereki vangu vakati vachanditengera kana ndave form four hanzi phone inodzidzisa mwana musikanzwa saka hanzi inoda wave kuziva zvekuita nayo uye wave kuziva chakanaka nechakaipa. Hongu ini zvangu ndaisave nedhiri nephone yacho, ko ndaiidii zvangu. Parizvino ndiri form 1 ndine 14 years haaa kuchikoro kungoinda hangu asi truly speaking handigoni ndinongoda kutenda hangu kuti chero ndichigona kunyora nekuverenga shona igozve rurumi rwaamai. Izvo zvagara Mwari havambokupe zviviri runako nenjere , unototi unyimwe chimwe chete. Ndairwadziwa neumwe mukomana wepanext door pedu aive form 3 anga afirwa nevabereki vake saka ndipo ma1 akatanga. Vabereki vake vainge vafa same day mai nababa vake uye vanin'ina vake 3. Vaive vachibva kumusangano wechurch iiiii vakafa zvinosiririsa apa vanga vari vanhu vene mari dzavo vaive vane mota yavo ndiyo yakavaparadza musha wese kusara kwaKeenan aive asina kuenda kuchurch asara pamba akarinda musha nezvipfuyo. Munongozivawo kuti kana vanhu vachienda kuchurch vanosiya umwe munhu pamba saka ndiko kupona kwakaita Keenan. Pakangoitika chete tsaona iyi vehukama hwacho vakagara pasi vakati musha haungagari usina munhu better kuti umwe munin'ina wemufi asiye wake musha azogara pamba apa. Ndiudzeiwo varume vakuru vachena misoro vave nendebvu dzagomara kugara pasi kuronga kuti munhu asiye musha wake kuuya kuzoshungurudza nherera yasiiwa hayo pamba pababa namai vayo. Avawo vekunzi vazogara avana kana kumbononoka vakatongobvawo vatuta twavo nekutouya pamusha pana Keenan. Ko handiti ivo vaive nezvidzimba zvaisiririsa kuita zvitumba chaizvo. Ndofunga pavakanzwa hurongwa uhu vakafara kuti tave kunopinda mune dzemarata. Kutanga kugara kwavakaita pamusha apa ndipo ma1 aKeenan paakatangawo. Mazuva ekutanga zvaive zvichiri nani asi nekufamba kwakazoita nguva ummmmm mwanakomana anga awomerwa pachokwadi. Kana hembe chaidzo dzanga dzapera kudambuka ko atengera abvepi. Moyo wangu waipisa kumuona achienda kuchikoro nepatapata. Handina hangu zvandaigona kuita asi ummmmm. Ndakatanga kumunzwira tsitsi uye kuve nehushamwari nekuti moyo wangu wairwadza kuona umwe munhu achishungurudzwa. Kana kuonda chaiko Keenan akatanga kungoderera muviri wake zvaisanzwisisika kumubvunza chaiko aingoti hamenowo Kuchikoro kazhinji ainonoka nekuti aisiya aita basa rese repamba. Chaindinetsa aiuya miromo yakachena kuti mbuuu zviya zvenzara kana muchizviziva apa anenge ari makuseni woshaya kuti ko miromo yachena makuseni ano zvinombofamba sei? Zvaitondinetsawo asi ndaisamira kumubvunza asi iye aingovanza, ndega ndakatozonyatso kuzviona kuti yaive nzara chaiyo. Ndakaita plan kuti umwe munhu ahangafi nenzara vamwe tichidya tichirasa. Ndakatanga kuve ndichiuya nemupako wakawanda zvekuti taidya tese. Mazuva ekutanga akamboda kutanga achiramba asi ndakamunyengerera kusvika abvuma. Mhamha vangu vakatanga kubvunza vaona kuti ndaitakura mupako usina zero neni. "Asi ndiwe here unotakurira chikoro chese mbuya?" Ndakangovapindura kuti ndaidya pabreak nepalunch. Vaingozonyarara havo asi vairatidza kusatendeseka nazvo. Hepanoi zvikoro zvavharwa manje ndipo panga pave nenyaya hombe chaiyo. Keenan aive munhu akanyararisa saka ahana kumbotaura kuti zvaive zvakamira sei? Ndakazoti rimwe day ndatumwa namhama kunotora badza redu ravaive vakumbira ndipo ndakawana akagara hake panze vamwe vese vari mumba. Ndakatodarika nepaaive akagara ndikamumhoresa , ndokupinda mumba. Ndakawana heanoi mashura baba namai nevana vavo vaitori busy kudya zvavo vaKeenan vakagara panze. Yooo ndipo unoona kuti unherera ma1 chaiwo. Ndakazotaura zvandainge ndatumwa asi moyo wangu wanga watorwadziwa nekudya kwavaiita umwe munhu akagara panze. And zvaive pachena kuti anga achitori asina share yake chiona zvaive zvakaita miromo yake kuchena nzara akagarapo panze. Chokwadi chero mozogara kune vanhu vasingafi vapinda denga. Mai vacho vakazosheedzera kuti Keenan andipe badza racho ko iko kusatonyara nhaimi. Ndakangobuda ini mumba macho handina kumbooneka haiwa vaive vandisvota big time. Ndichibuda ndakawana Keenan atotora badza racho ndokunditambidza hake. Ndakatambira ndokumutarisa kumeso ndakanzwa misodzi yangu kutobuda chaiko. Iye ndokuti ko chii Maka ukuchemei shaa. Ndakatadza kumuudza ini ndainzwa kuremerwa nesituation yairarama mukomana uyu guys hunherera hwakaoma kana mozogara. Ndakabva ndafamba kubva paaive ari ndakabata hangu badza rangu. Keenan akada kuzama kuramba achibvunza kuti nemhaka yei ndaichema asi ndakatadza kutaura nekuda kweshungu. Ndakazokwanisa kumuudza kuti ndivimbise kuti ndikakuigira chikafu unodya here ? Akamboita nguva akanyarara hameno kuti aifungei but ndiye aitove nenzara ini dzangu dzaingova tsitsi chete. Papera nguva akazoti "Makanaka azvizokupinzi pashinyasi here shaa nevabereki vako " Ndakadzungudza musoro kureva kuti kuside kwangu ndaitove safe . Akazoti "Usanyanya kutambura neni Maka ndiri murume shaaa kufa kwemurume hubuda ura inga shiri dzinorarama wani asi hadzirime chienda handiti watumwa here shaa"? Keenan aitorwara chaiko aiita zvekutamba nenzara haisi tsvinaka inogezwa. Ndakamuudza kuti ndoda kukuwana apo paseri pemakwenzi apo pane zvandoda kukupa haungafika nenzara nekuda kwekunyara. Kana ukasauya handisisiri shamwari yako kubva nhasi. Ndichipedza kutaura mashoko aya ndakabva ndatofambisa kubva paaive ari ndaisada mhinduro yake. *End of chapter 1 kuwanda kwemalikes enyu ndiko kuchaita kuti mukasike kuwana chapter 2 yebk redu Makanaka*
❤️ 🙏 👍 😂 😢 27

Comments