Mai Maka
February 22, 2025 at 05:59 PM
*Huyai muzvinzwire kuti kupa kune rugare kunokunda kugamuchira rungano rwemusikana ainzi Makanaka akabatsira nherera kusvika Mwari vamuropafadza*
Pinda muchannel upedzere nyota patsime
👇🏼
Follow the Authoress Linda Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VadcxcOGU3BDmUrb7g3I
Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/EfFufQvAzQnLuQXzkPEHMa
*Vanoda book iri from 1 follow my channel*
👇
Follow the Authoress Linda Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VadcxcOGU3BDmUrb7g3I
Makanaka
Written by Linda aka mai Peace
0740321646
Chapter 1
*Mai Makanaka*
Nhaiwe Makanaka uri kubvepi chinguri
ndakudeedza, unoreva kuti kukwamatata kwese
kwandanga ndichiita ahuna kundinzwa here?
Makanaka : Kwete mhama handina
kumbokunzwai ini ndatongokunzwai izvezvi kuti
muri kundidaidza. Apa shasha yaifemuruka yakabata plat
mumaoko , aaaah zvakatondinetsawo ini kuti
munhu wandasiya achidya rice kungobuda
kuenda kuchimbuzi ndowana mumba
hamuchina munhu zvese nendiro yechikafu.Kureva kuti aive afunga kunodyira kupi ?
Ndakazama kutenderera nemusha wese
kumutsvaka asi handina kuona munhu ndipo
ndakazoita zvekudeedzera, ko iko kungwara
kwacho. Kuzoda kuita fanika munhu asina
kwainge amboenda. Kwemusi uyu ndakanyarara zvangu asi nyaya iyi
ndaiiona ichiitika kwemazuva akawanda. Zvakave zvinhu zvakandinetsa mupfungwa
dzangu kuti nemhaka yei chaizvo kungopakura
chikafu Makanaka aitobuda chete kunodyira
kwandaisamuona and aitoita kundinzvenga
zvekuti ndaitozoona ave kudzoka neplat yake
isisina chinhu. Ndakatozama kubvunza asi aingoti ndiye aidya. Ndaive ndototya ini nenyaya iyi mwana anodero akarombeswa, ko iyezvino kwave nemasatanist
unosara kugara nemwana iye anzwa zvake
kunwiswa ropa revanhu. Mazuva ahana kumira kufamba uku Maka
ngoma ndiyo ndiyo nekuti chikafu chaive
chisisagari mumba kuita fanika vanhu vane
zvikwambo zvinopota zvichidya. Sorry kungopinda munyaya ndisina kuzivisa zita
rangu. Nini ndinoitwa Mai Makanaka rinova ndiro
dangwe rangu. Ndine vana 5 tinorarama zvedu upenyu
hunoyemurika tinoita zvekutengesa tese
mukadzi nemurume. And tese tinobatsirana ,
kuchinjana kuenda kunohodha kunze kwenyika. Ndikakuudzai mari yatinobata chokwadi
munoramba taita mari paruzevha
zvinotoshamisa. Nekuti vazhinji vanotoshamisika
and vanototaura kuti ichi mari yekutengesa here
kana kuti zvatova nekuromba mukati. Asi hatina
kana mudzi watinobata. Zvinhu zvedu
zvinoendeka zvekuti pamba pangu hapadyiwe
chinovava, kuchurh tinoenda nguva dzese. Nyaya yaive yoda kundinetsa inyaya
yekushaikwa kwemari mumba haaa iyo ndiyo
nyaya yaida kunditenderedza musoro. Nezero raive naMakanaka handifungi kuti aive
iye aitora mari yakadero , achiishandisei?
Maybe vanhu vainge vachituma havo zvinhu
zvavo kuzoba mari yedu.Hazvina kuchinja makanaka akaramba
achienderera mberi nekuti kana odya
aingonyangarika asi amwe mazuva aiti kana achiona kuti ndiripo aidya chikafu chake aisabuda. Kana kubika kwacho chaibikwa chikafu
chaingosara chakadaro dzimwe nguva
ndaitomupopotera asi aisambochinja
ndakapedzesera ndangosiyanawo nazvo. Mwana wangu anga otondishaisa mufaro
nemuitiro wake asi ndaizozvibata chete kuti
aiisepi chikafu chaaibuda nacho odzoka
yangove plat isina chinhu.
*Makanaka*
Haiwa ini zvevanhu vanoda kudya vega
vasingaoni kuti kune dzimwe nherera
kurara nekuswera dzisina chadzaisa mukana
ndombozvida here?
Kana iye Mwari angafara here muchidya
muchirasa asi umwe munhu achirarira mvura. Ipapo ndipo unonzwa kana mamai asangana
kunyeya heeee havagoni kuchengeta nherera
heee havavape chikafu and vanoda
kushandirwa chete. Zvino iyemi zvamazviona
muri madzimai eruwadzano mabatsirawo nei?
Asi kugona kungonyeya chete
zvinobatsirei,better kusatotaura kana kunyeya
kwacho kana usina chawabatsira nacho. Nekuti
iye uya wamunoswerero ita chitandara atori
better nekuti ari kupa munhu pekurara kana
imiwo maona kubatwa huyanga
mobatsirawozve. Plus munomboziva here kuti
kune vamwe vanhu varwere vepfungwa chaivo
vasingatozivi kuti zvavari kuita zvakashata
uye vanotoda Mwari mukurarama kwavo kuti
aone kuti zvavanoita kushandiswa nemweya
wekaipa chaiko. Iroro ndiro basa remadzimai
eruwadzano kuparidzira nekudzoreredza vanhu
kubva pane chakaipa kuenda muchakanaka. Ndizvo zvaitoda mainini nabamunini vaKeenan
ivo vaitofunga kuti vaikaurisa Keenan but
kwaitova kushungurudza baba kudenga nekuti
ndivo muridzi wevanhu. Akakomborerwa
maoko anotambanudzwa achigamuchidza
chekudya nechekupfeka kunherera nechirikadzi. Nekuti ishe vekudenga vachapamhidzira paya
patapudzwa.
Ini ndinoitwa Makanaka ndini muhombe
mumba medu , takabarwa tiri 5. Vabereki vedu
vanhu vanopicheka picheka zvekuti titori vanhu
vanotoonekerawo kana mbatya chaidzo aiwa
tinotengerwa dzemari chaidzo. Kuchikoro
ndizvowo hazvo ndinototenda chete kuti. chero
ndichigona kunyora nekuverenga. Handizotadziwo kupindura kana ndazoisirwa
message muphone. Asi pari zvino handina phone
yacho. Vabereki vangu vakati vachanditengera
kana ndave form four hanzi phone inodzidzisa
mwana musikanzwa saka hanzi inoda wave
kuziva zvekuita nayo uye wave kuziva
chakanaka nechakaipa. Hongu ini zvangu
ndaisave nedhiri nephone yacho, ko ndaiidii
zvangu. Parizvino ndiri form 1 ndine 14 years haaa
kuchikoro kungoinda hangu asi truly speaking
handigoni ndinongoda kutenda hangu kuti
chero ndichigona kunyora nekuverenga shona igozve rurumi rwaamai. Izvo zvagara Mwari havambokupe zviviri runako
nenjere , unototi unyimwe chimwe chete.
Ndairwadziwa neumwe mukomana wepanext
door pedu aive form 3 anga afirwa nevabereki
vake saka ndipo ma1 akatanga. Vabereki vake
vainge vafa same day mai nababa vake uye
vanin'ina vake 3. Vaive vachibva kumusangano
wechurch iiiii vakafa zvinosiririsa apa vanga vari
vanhu vene mari dzavo vaive vane mota yavo
ndiyo yakavaparadza musha wese kusara
kwaKeenan aive asina kuenda kuchurch asara
pamba akarinda musha nezvipfuyo. Munongozivawo kuti kana vanhu vachienda
kuchurch vanosiya umwe munhu pamba saka
ndiko kupona kwakaita Keenan. Pakangoitika chete tsaona iyi vehukama
hwacho vakagara pasi vakati musha
haungagari usina munhu better kuti umwe
munin'ina wemufi asiye wake musha azogara pamba
apa. Ndiudzeiwo varume vakuru vachena
misoro vave nendebvu dzagomara kugara pasi
kuronga kuti munhu asiye musha wake kuuya
kuzoshungurudza nherera yasiiwa hayo pamba
pababa namai vayo. Avawo vekunzi vazogara avana kana
kumbononoka vakatongobvawo vatuta twavo
nekutouya pamusha pana Keenan. Ko handiti ivo vaive nezvidzimba zvaisiririsa
kuita zvitumba chaizvo. Ndofunga pavakanzwa
hurongwa uhu vakafara kuti tave kunopinda
mune dzemarata.
Kutanga kugara kwavakaita pamusha apa ndipo
ma1 aKeenan paakatangawo. Mazuva ekutanga
zvaive zvichiri nani asi nekufamba kwakazoita
nguva ummmmm mwanakomana anga
awomerwa pachokwadi. Kana hembe chaidzo dzanga dzapera
kudambuka ko atengera abvepi. Moyo wangu waipisa kumuona achienda
kuchikoro nepatapata. Handina hangu
zvandaigona kuita asi ummmmm. Ndakatanga kumunzwira tsitsi uye kuve
nehushamwari nekuti moyo wangu wairwadza
kuona umwe munhu achishungurudzwa. Kana
kuonda chaiko Keenan akatanga kungoderera
muviri wake zvaisanzwisisika kumubvunza
chaiko aingoti hamenowo
Kuchikoro kazhinji ainonoka nekuti aisiya aita
basa rese repamba. Chaindinetsa aiuya miromo yakachena kuti
mbuuu zviya zvenzara kana muchizviziva apa
anenge ari makuseni woshaya kuti ko miromo
yachena makuseni ano zvinombofamba sei?
Zvaitondinetsawo asi ndaisamira kumubvunza
asi iye aingovanza, ndega ndakatozonyatso
kuzviona kuti yaive nzara chaiyo. Ndakaita plan kuti umwe munhu ahangafi
nenzara vamwe tichidya tichirasa. Ndakatanga
kuve ndichiuya nemupako wakawanda zvekuti
taidya tese. Mazuva ekutanga akamboda
kutanga achiramba asi ndakamunyengerera
kusvika abvuma. Mhamha vangu vakatanga kubvunza vaona kuti ndaitakura mupako usina zero neni.
"Asi ndiwe here unotakurira chikoro chese
mbuya?" Ndakangovapindura kuti ndaidya
pabreak nepalunch. Vaingozonyarara havo asi
vairatidza kusatendeseka nazvo. Hepanoi zvikoro zvavharwa manje ndipo panga
pave nenyaya hombe chaiyo. Keenan aive munhu akanyararisa saka ahana
kumbotaura kuti zvaive zvakamira sei?
Ndakazoti rimwe day ndatumwa namhama
kunotora badza redu ravaive vakumbira ndipo
ndakawana akagara hake panze vamwe vese
vari mumba. Ndakatodarika nepaaive akagara
ndikamumhoresa , ndokupinda mumba. Ndakawana heanoi mashura baba namai
nevana vavo vaitori busy kudya zvavo vaKeenan
vakagara panze. Yooo ndipo unoona kuti
unherera ma1 chaiwo. Ndakazotaura zvandainge ndatumwa asi moyo
wangu wanga watorwadziwa nekudya kwavaiita
umwe munhu akagara panze. And zvaive
pachena kuti anga achitori asina share yake
chiona zvaive zvakaita miromo yake kuchena
nzara akagarapo panze. Chokwadi chero mozogara kune vanhu
vasingafi vapinda denga. Mai vacho vakazosheedzera kuti Keenan andipe
badza racho ko iko kusatonyara nhaimi. Ndakangobuda ini mumba macho handina
kumbooneka haiwa vaive vandisvota big time.
Ndichibuda ndakawana Keenan atotora badza
racho ndokunditambidza hake. Ndakatambira ndokumutarisa kumeso
ndakanzwa misodzi yangu kutobuda chaiko. Iye
ndokuti ko chii Maka ukuchemei shaa. Ndakatadza kumuudza ini ndainzwa kuremerwa
nesituation yairarama mukomana uyu guys
hunherera hwakaoma kana mozogara. Ndakabva ndafamba kubva paaive ari
ndakabata hangu badza rangu. Keenan akada kuzama kuramba achibvunza
kuti nemhaka yei ndaichema asi ndakatadza
kutaura nekuda kweshungu.
Ndakazokwanisa kumuudza kuti ndivimbise
kuti ndikakuigira chikafu unodya here ?
Akamboita nguva akanyarara hameno kuti
aifungei but ndiye aitove nenzara ini dzangu
dzaingova tsitsi chete. Papera nguva akazoti "Makanaka azvizokupinzi
pashinyasi here shaa nevabereki vako "
Ndakadzungudza musoro kureva kuti kuside
kwangu ndaitove safe . Akazoti "Usanyanya
kutambura neni Maka ndiri murume shaaa kufa
kwemurume hubuda ura inga shiri dzinorarama
wani asi hadzirime chienda handiti watumwa
here shaa"?
Keenan aitorwara chaiko aiita zvekutamba
nenzara haisi tsvinaka inogezwa. Ndakamuudza kuti ndoda kukuwana apo paseri
pemakwenzi apo pane zvandoda kukupa
haungafika nenzara nekuda kwekunyara. Kana
ukasauya handisisiri shamwari yako kubva
nhasi. Ndichipedza kutaura mashoko aya
ndakabva ndatofambisa kubva paaive ari
ndaisada mhinduro yake.
*End of chapter 1 kuwanda kwemalikes enyu ndiko kuchaita kuti mukasike kuwana chapter 2 yebk redu Makanaka*
❤️
🙏
👍
😂
😢
27