Mai Maka
February 23, 2025 at 08:36 PM
https://chat.whatsapp.com/It3MfxZLmkPFFvIi1Lkrv5 Join my wats app group for shona interesting stories. https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Pindai muchannel muwane maprevious chapters nemabooks akapera. Chapter 24 Narration Ma doctors akanzwa kabhero kemuward number 6 kachirira .Vakamhanyidzana nekuti yaive sign ye alert yekuti murwere aida kubatsirwa as soon as possible.Vakamhanya asi nenhau yekuti vakashamisika neward number yacho .Yaive ward yadad vaLindsay.Vakapitipidzana kupinda padoor vachinoungana vese pamubhedha padad waLindsay vachimubata bata .Iye akabva akumbira mvura yekunwa .Manje akange asati abvumirwa kunwa mvuraka .Saka akabva atobairirwa madrip akange ambodisconnectwa nezuro wacho nenhau yekusafamba zvakanaka .Rakatanga kufamba mushe drip riya akaisirwa futi rimwe akatanga kufambidzana Ari maviri .Manurse ungati ndivo vakange vamumutsa .Matsono akatorwa akabairirwa mishonga ikaiswa .Baba waLindsay vakabva vatokotsira zvakare nenhau yemainjections aye .Vakazomuka midnight vachinzwa hana yavo kurova .Vakasimuka vakagara vakaita sevakaona mubvuri wemunhu kt waaaa muroom mavo mavaishandisa .Semunhu akange asina simba vakangoringer kabell kaye Manurse akamhanyazve .Vakatsanangura zvavainzwa and security yakange yaiswa naCollins makange musisina .Zvakashamisa munhu wese vakazowanikwa vari mubathroom vakadrugwa vakasumgwa miromo nemaoko,pane one akange atofa hameno inenge yaive nhau yekuti akapihwa overdose .Manurse haana kunonoka kufonera Collins since aive Ari iye munhu akange asiya aisa vanhu vesecurity .Yakaringer phone ya Collins isingadavirwe .Vakazofunga kufonera Lindiwe ikati not reachable.Network yainetsa Kumusha kwana Kelvin Saka Lindiwe aisatobatikawo zvekudaro. Collins pose paifonewa apa he was busy dressing his wounds .Akange asustainer ma injuries mubody yake zvekuti Akapinda busy kuzvigadzira tumarunda twaaive natwo .Akazobuda muroom yake yemushonga ndokuwana paphone Paine 5missed calls from the hospital.Musoro wake waitema paye paakarohwa nechair Saka aida kuwana time yekumbouzorodza .Akarara achibva adialer number dzekuhospital zviya akaudzwa zvakamurovesa nehana .Whoever akange aita izvozvo Aitoda kuuraya dad vaLindsay akanzwa mazihasha achifunga kt Lindsay wake aizozvibvuma here kt haana kutuma mhondi Ivo vakange vaparadzana mukusawirirana .Aisatomboda kt nyaya iende kumapurisa asi kuti paakashaya Mari akafungira Kelvin ndipo paakafonera police ikamhanyawo sei .Pavakangoona saga radzoswa Collins akabva atoirasa nyaya yacho yekumari yaakange ashaya musafee make . Zvino apa mwanakomana akapererwa achibva angomuka ,simba racho hameno kt rakazobvepi iye munhu akange ambotaura zvekuda kurara achizorodza musoro wake .Akapinda mumota achibva aikwenya 2am akananga kuchipatara uko kwaakasvika nekupirwa nyaya .Akamhanyira kuCctv footage akasvika ichitoti ta ta ta deleted 15minutes ago .Yakange yadzimwa and akabva asuspector kt munhu uyu aisahanda pachipatara pake ipapo .Chaive chake asi aisada kt vanhu vazive kt ndiye aive muridzi wacho .Paakapedza chikoro ku university,akapasa zvakanaka and aisave nenungo Collins akakumbira dad vake Mari yekuvhura surgery.Ndiwo madays aisabatika Kuna Lindsay.Akavaka akazoivhura .Pa ownership akange azviisa Zita rake asi zvose ezvema next of kin Lindsay ndiye akange akaiswapo .Aitove nemuono wekuti Mari yababa vake yemushonga iyi yaizongomuka one day zvakapera so Aida kugadzira legacy yake nenguva .Chaasina kuziva ndechekuti paakapihwa Mari yestart yaive nemaconditions ekuti asazvare .Akange atorerwa hurume hwake unknowingly hukagadxirwa .Pose paisabata mimba kunaLindsay haana kuita pressure nazvo cz aitodawo kutanga aita something kt mari yake iungane ave nesure yekuti his family was coverd..So paye paakatester mimba ikabuda positive akafara and akange atofunga nekuronga kt paizoonekwa kuti mwana uyu mwanai kuscan aizoda kutomupa Zita otonoisa imwe pfuma muzita remwana uyu .Manje zvinhu zvake zvose zvakange zvapinda musango.Akarwadziwa nehunhu hwaKelvin.Aitoti akanyengedza Lindsay nemushonga and he vowed kt aizoda kutevera mukadzi wake nenguva yakafanira .Aimuda Lindsay kozoti mimba yaimupa pressure yekuti atevere Lindsay. Pahospital ipapo ndipo paakabva atoonekwa kt injury yake yaive so deep zvekutodaro Saka Paitoda mastitch and akaanamwa musoro wese 10stitches .Akazofunga kuzama kufonera Lindsay phone iya ichibva yatoenda straight ku voice mail .Akaridza tsamwa akati aizobvunza dad vaLindsay kumba kwana Kelvin not knowing kt Mai Lindsay vakanhonga Kevy kumbare .Haana kuzombobuda muward madad vaLindsay ndimo maakarara akarota hope dzkamunetsa imomo .Akarota Ivo dad vaLindsay vachimubata huro yake kumudzipa . Voice raakanzwa richiseka ipapo raive radad vake Mandebvu and zvakamushamisa kuti vakomana ava vaimuronda tsimba here veduwee nemushonga Akatanga kushaya mweya wekufema ariko kuhope kuye akazongoti vharavhashu nepasipo achibva apepuka ndokuona dziri hope .He looked at Lindsay's father ndokuona akatovata zvake peacefully iye achiita zvekurota zvake izvozvo.Zvakamunetsa akamuka achigara .Akaramba akayeva Tezvara vake achibva azviudza mumoyo kuti iyi ndiyo yaive passport yake yekutora Lindsay back kubva kunaKelvin.Akabva atomuka kugara akatanga kuita mavedio calls kwaive namai vaLindsay,zvakamushamisa achitoona kt vairatidza kuchinja chaizvo .He took some screenshots achibva angosenda kuphone kwaLindsay .Chero pakayedza kunze akatora dad vaLindsay some photos achibva angomaposter zvakare kuphone yaLindsay iyo hakangoticker ka one chete .Akaridza tsamwa achibva atotanga kudyisa Tezvara vake porridge. Sinikiwe naRobert pavakamukawo vachiona msg vakatozoita zvekumhanya mhanya kuenda kuchipatara vakasvikoona mashura Collins achipa Tezvara vake porridge.Sinikiwe akamutora pic achifunga kt haana kuzviona and Collins wacho akafara achibva aziva kt photo raitozosvika kunaLindsay chete nommater what .They exchanged greetings Collins akapa Robert update yamai Lindsay achiita sekuti pakati pake naKelvin naLindsay paive nechaitika .Vakatoshamisika vana Robert nehunhu hwaCollins zvekutoti Sinikiwe akabva atotper msg Kuna Lindsay kt "girl ,think twice Collins is the man for you "Yakabva yatotika blue akaona munhu typing , typing ndiye typing,at last akazoona yapinda app msg yaive ne two mareadmores .Maziso ake Akamhanyira paive netuma emojis twevanhu vaichema tuye achibva averenga Akaona pakanzi "Imagine Sinikiwe my first day naye atotizirwa what can l do now ,l want to go back kumba kwedu this marriage thing ndave bhooo ini "Haana kupedza kuiverenga yose msg cz pane mishonga yaidiwa kunotengwa kupharmacy .Akaenda iye naRobert vakatya ne amount yacho yakaendeswapo . Robert akange atobatwawo neconfusion kt who was the best guy for Lindsay.Hapana akamboudza mumwe asi yakange yangove fungira mumoyo rwendo rwembwa mumwe nemumwe achifunga zvake . Vasati vasvika akafona Lindsay achiridza mhere zvekuti Robert akapotsa abuda muroad achibva amira vachiteerera nyaya yacho kt yaiendepiko yaive yachemedza Lindy nezuva rekutanga mumarriage . Vakapererwa vachiudzwa madrama aiitika Kumusha ikoko and Robert akatsamwira Kelvin achifunga masacrifises aakange aita kt ahwine Lindsay wake .Zvakapotsa zvaurayisa musikana wake wani .Manje Aida kuzonopedzerana naye Kelvin the following day racho . Sinikiwe hatichataure akange afuta mwana wemunhu achinzwa kuda kutoenda that very day kumba kwana Kelvin kwacho ,manje zvaisaita cz murume wake off aiiwana mangwana achona. Vakasvika pachipatara nemishonga ikaiswa mumasyringes ichibva yabairirwa .Hapana wakasara and yainzi yaive dose ye 7 days chaidzo .Dzaizoda kuti daily munhu ange achipihwa medication yake .Manje Mari yachona yaida kuzobvepi iye Collins ndiye aidakuzobvisa here . Robert ndiye airongopodza kufunga zvose izvi achibva ati mumoyo make aifanira kunoisa sense mumusoro maLindsay.Zvemimba izvo haana kuzvikendenga akangoti yaingonzi ndeya Collins since aitoidawo . Kune rimwe divi Joel akange asina kudzikotsira hope .Chaimubhowa chaive chekuti,pose paaizama kuuraya vabereki vaLindsay aitadza kupapinda nesecurity chaiyo .Mwana wake akange amuona kt Aida Lindsay.Izvi zvinhu zvaisafanira kuitika according kwaari nekuti Aida ndiyeka kuita Lindsay mukadzi.Kubva zuva raaziva kt Lindsay naCollins vaidanana akabva ato developer hatred kuna Collins mwana wake wepamoyo .Akatanga kumuitira hutsinye achingoda asiyane naLindy .Nhau yekucourt Haina kumuitira zvakanaka achiona mwana wake atsvaga lawyer rekupa Lindsay kt abude bob .Tsoro yake akange atadza kutoibuda .His plan Yaisave yekuti Lindsay agare mujere zvachose asi kt aitoda kt akarwadziwa sterk nelife in prison aizomuendera oti ndide ndkubuditse mujere imomo .Akatsamwa zvisingaite achiona Lindsay achifamba zvake Swatu Swatu achibuda mujere .Akabva azoonazve kt rival ya Collins aitove muvengi wakewo naiye .Paakaitiswa paralytic ndipo paakagutsikana kt mwana uyu aive nesimba .Mishonga yake hakuna munhu aimukundaba .Yakange yakabikwa baba iyoyo zvekuti paakadzoka kun'anga yake achida kubatsirwa nhau yekuve paralysed akabva atoudzwa kt zvaitoda Kelvin wacho kuombonora ,Akapa kutenda asizve n'anga in'anga yakangomuudza kt vaizowisira Kelvin pasi nekufamba kwenguva and ndipo paakawanaka maguts ekuudza Kevy kuti todakupedzerana kucourt day riya. Sinikiwe naRobert vakazoemda kumba . Robert akange asina kugadzikana nezvaiitika Kumusha kwaKelvin .Akamufonera achida kutaura naye Kelvin wacho kwave kuramba kupihwa phone naLindsay izvo zvakabva zvaita kuti vapinde munzira madeko eday iroro vakananga kwarusape kunozvionera zvaivepo.Sinikiwe aitofambira kunoda kudzosa Lindsay Kuna Collins.Mota Yakarohwa iyoyo Vakapinda aRusape vachizodarikira , Robert aiziva road and Havana kumbofona vachibvunza .Vakangosvikawo Husiku Kuma 12 pm vakashamisika vachinzwa Lindsay achichema muroom mainge mubedroom.Rimwe room vainzwa voice raKelvin nemumwe musikana vachisekedzana zvavo ikoko.Sinikiwe aive nehasha ,Akaburuka mumota achibva anokava kadoor kaye nebhutsu kachinowira waive mukati akabva asimukirwa naKelvin achibatwa collar akazunzwa zunzwa Kelvin achibva ati "Who are you unouya kuzondivhiringira barika rangu, please stay away from us "Aitodaro achonhonga door riya akabata musikana uye achibva ati "Hope hauna kukuvara bbe gal " Akapererwa Sinikiwe Akaenda zvake kudoor kwaive naLindsay uyo akawedzera Kuridza mhere yekuda kubuda .Paive pakatosungwa newire padoor paye saka aisakwanisa kubuda . Sinikiwe achizviona akabva ashevedzera Lindsay achiti "Pano hausari patsvina dzkadai hande kumba uko . Collins was better unochitwa nemunhu asina kana chii zvake here ."Haana kupedza muromo iwoyo amharwa nembama newake murume achiti "Iwe usataure friend yangu like that ndokukanganwa iwe ,haana kusarudza kuve zviri pano ,dai mwana aisarudza kt ndoda kuzvarwa Kumari ingadai munyika muine vanhu here iwe " End of chapter 24 Mai Maka luvs you all Stay blessed Ma mistakes gadzirisaiwo Mukasaliker handinyori chapter ye the following day yacho .
❤️ 🙏 👍 😢 😂 😮 59

Comments