Mai Maka
February 25, 2025 at 01:46 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMClQs0QeaggXT0Ov40 Join my wats app channel for previous chapters and previous books NEW BOOK SOULMATE Mama Maka 0786923205(for calls and sms'only) Chapter 30 (Final) Lindsay Moziva upenyu inhava yebenxi sure .Zvaunosangana nazvo mukurarama zvakaoma hazvo.Ndakanzwa moyo kubanda nepakati ndichinzwa mama vachiti l love you too .Nhy vaitaura aniko .Kuda Kelvin here . Ndakavatorera vanga hindaa vaijairira vanhu Mai ivavo.Pose pane happiness yangu vobudikira vachiita zvavanoda.Ndakanovatorera banga Mumba ndaida kuvadhedha dzungu rese iroro ripere .She was very lucky kt ndakakasika kubatwa naKelvin na dad .Ndakaaposhera mashoko kusvika dad vandizvuva vachiti "Mai ndi Mai hauna mvumo yekuvatukirira kusvika pa level iyi .Wambobvunza here mumwe wako kt Chii chaitika ."Ndakabhwaidzika misodzi ichiyerera ndikabva ndadzungudza musoro wangu kureva kt ndanga ndisina kubvunza Kelvin.He took my hand vachinondigadzika pasofa .Munhu wese akatevera tikatanga kuchibvunzwa zvainge zvatora nzvimbo.Ndakazvinyarira nemufungo wakaora wandainge ndaita . Asiwo Ivo mama vaisatrustika . Handiti waive wandisiya ndichinonyengwa nenyoka dza Joel. Iye Joel wacho takazongoona asvika naCollins pamba pedu.Hameno kt vakange vafambirei chaizvo , Waitoona kudedera pana mama na dad . Hameno kt kwaive kutya Joel here or chaive chii .Vakatambirwa naKelvin ndikatoshamisika vachitaura handshake naKelvin.Vakapihwa pekugara ndikaona vachitadza kutarisa dad kumeso.Ndipo pandakaona kt shumba yaisisina mazino . Kelvin akasimuka akanotora tsvimbo yake muroom matakasvikira akadzoka nayo .Ndakabva ndatoziva kt Collins na dad vake vakange vashevedxwa nesvikiro rangu iri nemushonga .Akanongedza baba waCollins vachibva vangoti pasi tasa .Ini nekutya thot vatofa ini.Ndakada kuenda pawaive ndikamiswa naKelvin.Iye Mandebvu akabva atanga kuzvongonyoka senyoka . Ziso raive ratsvuka kt kovo achibva atanga kuadvancer achienda kwaive naKelvin.Yakange yatoo hondoka apa . Kelvin akamira nayo tsvimbo yake akaramba akanongedzera netsvimbo .Aingoyivheyesa vheyesa tsvimbo yake .Akambozama Joel kuda kurwisa asi akazongoridza mhere yakandiitisa weti ndiye forototo .He was delivered.Collins akabatsirwa achibviswa munyama wekusazvara nezvose zvaive paari . Kelvin akapa dad vangu signal yekuti atsanangure zvaivepo pakati pangu naKelvin.Vakataura zvakanaka vachinyatsorondedzera matangire ayo zvakaita kusvika pataive . Collins broke down akachema zvekurevesa asi akazvigamuchira zvake akabva azopanana hug na Kelvin vachiratidza kt vakange wave pasame page . Kelvin akazopazve dzidziso kuvanhu.Dad waCollins akakumbira Kelvin kt anopise zvinhu zvawaive nazvo .Waivepo mama vachinoona mashura aive kwamandebvu .Aive nemadumwa,zvishoma znyoka nemaguchu aive neropa revanhu chairo .Ndakatya kuti munhu aigara nezvinhu zvakadaro Mumba here .Vakadzi vacho waaive navo vakarutsiswa vese. Takasvika pakudokerwa tiripo pamba tichingoita zvekupa vanhu ruponeso .Hapana akasara pamba apa . Vakadzi vese waingoona munhu achirongedza kabag kake achisiya Zvimwe zvose hanzi ndezveurombwa izvo vaisiya pamba ipapo . Ndipo patakazorara cz dare raivepo raive rakakura zvisingaite.Akazogutsikana Kelvin kt zvakange zvapera ndokurara kwatakaita .Waitonzwawo kt pave nemhepo kwayo isvinu pamba apa kwete kurema kuye kwaisiitika madays andauya ndichiperekwa namama aye .Ndakaita throw back mamemories aye ndikaona ndichismiler with the thought yekuti ndakange ndave waKelvin chete .Takarara ini na mama time dzakange dzatoperaka 2am Pakange pasisina zvekurara .Kuchichena duty was calling, Kelvin akafonerwa kt pamba Pakange paflooder nevanhu .Takamuka Kuma 4 kwakutanga kugadzira kubuda takange tashandisaka mota yadad wangu.Ndakapinda mudining Mandebvu akapfugama achitambidza Kelvin makeys .Ndakazvitsunya ndikaona kt sure ndaiona .Aive ma car keys .Akatambidza Kelvin achichema achitenda kumubatsira kwaakange aita .Hanzi zvinhu zvacho zvakange zvomunetsa zvakuda zvakawanda Saka he was stressed kungoti kubuda mazviri Ndiko kwainge kwonetsa .Akatambira Kelvin ndikafungaka kt mota yacho waive mudhodhororo .Ndakatya tichipinda mugarage ndichiona iri mota yamandebvu itsva yacho Ndipo pandakaona kt aive atipa nemoyo wose. Kuna dad vangu vakangoti "Am sorry bro, l wronged you in everything l hope you find it in your heart to forgive me .please forgive me bro "Vakapanana hug vakachemedzana vakadaro vachibva vapanana a handshake ndikaziva kt zvaendwa izvo .Vakange vaita reconcile.Momoyo ndakange ndongoita prayer yekuti deno tachienda kumba.l wanted to go kunozorora kumba ndainzwa musana wangu uchiti Kee Kee kutetena .Takabvapo mama vakananga kwavo isu tikabva tapindawo munzira kudzokera kumusha tiri mumota itsva .Zvaingonzwika netype yemusic yairidzwa mumota imomo kt taive murudo .Ndakazotanga kurutsa munzira imomo nenhau yekuti ndakange ndisina kumboisa chinhu mudumbu .Akamisa mota Kelvin achibva andibatsira kucleaner nekunditsvagira chekudya pamashops aive pedo .Takazosimudzira nerwendo rwedu tikasvika pamba patochinja .Imba yevangaza yaive yatopera kuvakwa paitoitwa mafinal touches .Vanhu vemumusha medu vakatoshamisika tichiburuka mubango redu . Sekuru Teko was the first to greet us vachitikorokotedza nemudziyo mutsva .Haana kupazorora Kelvin.Akabva atopinda mubasa rakange rakamumirira .Zvaitonzwisa tsitsi cz akange asina kana kumbodya since morning. Narration Days passed,ikave mwedzi.Lindsay akange azonyoresa mimba yake kuRusape hospital.Dumbu iroro raikura kwete zvekusekaba . Vakapinda mumwedzi wechinomwe Lindsay achingopusher bhara rake iroro rakange romuremera .Chero kwese kwaienda Kelvin akange otosara nenhau yedumbu rake . Sekuru Teko ndivo vakange vofamba naKelvin vachibatsiridza mune zvose zvaidiwa nekupa Kelvin maxano mune zvehupenyu.Pamba paKelvin Pakange patozoiswa ka5 roomed house and he was even thinking of extending it .It was just a matter of time.Mari akange ave nayo zvake . Hapana munhu aisara kuuya pamba pake kuzobatsirwa akasasiya chinhu .Akabva atotanga maprojects pamba ipapo .Kupfuya nguruve ,huku.Mvura akaidhonzesa kubva kurwizi rwaive kure .Pakatanga kurimwa zvirimwa zvakasiyana siyana .Vanhu vose vakange votouyawo kubasa wemumana imomo .Zvakavanakirawo nekuti urombe hwakange hwambobviswa muraini,vazhinji vaitove mapermanent workers .Chero vamwe vekumavillage akamomberedza vakange vouya kuzotsvagawo mabasa,Aisadadira munhu zvake Kelvin haana kumbochinja nekuti ave murapi or ave nemari . Munhu waaitonzwira tsitsi aive Gladys.Zvaisiririsa kani ,Zvaakange apihwa mwana nechikomba cha tete vake haana kugumirapo .Airamba achionana naye nerweseri rwatete vake .Paakatizira paye mimba yake yakange yave mu6months zvekuti paakazvara haana kuita zvecontraceptive .Aingobatiswa Iwo mapuwe mumasango umu nesvava iyoyo achipihwa tunhu tusina basa .aigona kutokwirirwa hove chaidzo mazitye e50 cents .Rainyimazve zirume ratete vake fish idzodzo dzaitoverengwa kt two days nemwana wangu .Akazopepuka ave kurutsazve akafunga kt yaive malaria.Haana kuita shungu nazvo Akangoti aizonotestwa .Chakamushamisa paakaenda ku 6weeks nemwana ndipo paakatestiwa mimba akawanikwa ainayo .Mwana akapererwa achifunga kt aizoti chii Kuna Baba vake natete vake .Paakaudza bamkuru vaye vakabva vamuudza zvekutoibvisa .Iye akatya kufa akachengeta mimba yake yaasina kutaura kt ndeyani ,even paakarohwa na dad vake akarambisisa kutaura vakamudxinga pamba akatanga kugara ega .Akangopindawo pamatongo paakaona paisagarwa pamba ipapo .Aizozviona Paiuya varidzi vepo cz vana vepo waive varovera kumadhorobha pakafa vabereki wavo . Kelvin not nekuti Aimuda Gire akangominzwira tsitsi nekunzwavze nyaya yemimba akataura naLindsay vakawirirana kt aizojoiner vamwe basa kana azvara kt ariritire vana vake .Iye Lindsay dzakazoruma midnight mumwe musi.Kelvin aive aenda kunobatsira vanhu vake vaimuhire .Mugoona akange atonzi naiye Kelvin anosare kuhospital achigarira since mota yaienda naKelvin akatoramba Lindsay uya achiti akange asina paimurwadza .Manje pachakachaya akademba mwanasikana kuti deno akateerera zvake .Mbuya Teko ndivo vakazomubatsira Akatadza kurisimudza gumbo chairo kuenda kungoro .Akatozozvarira pamba nekuti Ngoro yaisasvika zvayo naye mwana asati abuda .Vakamira Mira madzimai and hapanawo chakanetsaba Akabuda mwana ka one nekutochema .Body yemwana yakange yakazara mauronyo ake Kelvin wakaabata Ivo vana nyamukuta wacho .Haana kumboparukira cz mushonga akange anwa type kwayo and wainyatsa kuvhura masuwo zvakanaka .Zvakamubatsira nekuti zvaizonetsaka kuti otsemukira ozoda kusonwa .Manje apa akacleanwa akapihwa mwana wake uyo aive akanakisa .Vachingopedxa kugadzira mwana uya vakabva vatoona mota yaKelvin ichisvika ,mukadzika dad vaLindsay namai vake .Vakatoshamisika ana Lindsay vanhu vachipinda mumba vachiona ma couples aya ,akatoona kt vanenge waive vazogadzirisana cz waive vakapfeka zvaimatcher .Vakapururdza vachijamba Jamba zvekuti Waitoona mufaro kunyorwa pameso pavo vose.Kelvin akaramba akatarisa photocopy yake cchaiyo achibva ati "Thanks bbe nekundiitawo murume pane vamwe ." The end Let's meet in our next book Thank you nekufamba tose kwatakaita . Stay blessed Mai Maka luvs you all
❤️ 🙏 👍 😂 😮 😢 53

Comments