NHAU DZESHONA🇿🇼
March 1, 2025 at 08:55 AM
*📰Hona Video VaMnangagwa Vachirongerwa Dhende neChimwe Chikwata Chevakarwa Hondo* FOLLOW THIS CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFXuqUFXUuV0KSJBF2X Saturday, March 1, 2025 VaMnangagwa vari muchinetso chikurusa zvichitevera bopoto riri kuramba richichiwedzera richisimudzwa nevakarwa izvo zvasiyawo zvizvarwa zveZimbabwe zvava kushushikana nebopoto iri pamwechete nekusamira zvakanaka kwehupfumi hwenyika. Chimwe chikwata chevakarwa hondo chinoti chichatungamira kurwisa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chiri kukonzera kunetsana mubato riri kutonga reZanu PF. “Tinoda kutaura nenzou mukamuri nekukurumidza sezvinobvira. Zvingangove mukati mevhiki kana maviri, kumanikidzwa kunenge kwavepo," mutungamiri wechimwe chikwata cheZimbabwe National Liberation War Veteran Association, Andrease Mathibela anoudza musangano nevatori venhau muHarare. Izvi zviri kuitika mushure mekunge varwiri vehondo yerusununguko uye vari nhengo yeCentral Committee yeZanu PF, VaBlessed “Bombshell” Geza vachishora hutungamiri hwaVaMnangagwa, pavakazivisa kuti mutungamiri weZanu PF “haana kukodzera kutonga nyika” vakabava vatanga kutsvakiwa kuti vavharirwe mujere. VaMathibela vanoti sangano iri rakataurirana nezvizvarwa zveZimbabwe zvakatenderana kuti VaMnangagwa vasiye chigaro. VaMathibela vari kupomera VaMnangagwa mhosva yekutadza kudzora huori uhwo hwave kukonzera kuti hupfumi hwenyika hupere, izvo zvakonzera kuti vanhuwo zvavo vave nehurombo.
❤️ 👍 😂 😮 🙏 💃 😭 🚮 🤷 30

Comments