NHAU DZESHONA🇿🇼
March 1, 2025 at 09:34 AM
*UNDERSTANDING THE WORLD OF MEN👌🏾 :
*✍︎ 1. Semukadzi wanawo nguva yekuti murume wako anombovata pamakumbo ako uchimubatawo ndebvu kwete kungogara uchingofamba mumba saTarzen🐒 ari kumhanya nesango.*
*✍︎ 2. Dzidzawo kuti kana iri weekend womukawo late kwete kungomukira everyday semunhu ari kunonyukura mbeva mumariva anomukira achitya kuti anowana dzadyiwa.*
*✍︎ 3. Imbodyawo mundiro imwe nembwa yako iyoyo yawakazvarirwa navamwene vako, you will notice some things paari panguva dzekudya.*
*✍︎ 4.Rimwe basa remuromo kutenda chaiko kuti "MAITA BASA " kwete kuita muromo wekupopota chete.🤷🏽♂️*
*✍︎ 5. Tengera dambudziko rako rawakazvarirwa navamwene zvivharangozi (🩲🩳) kwete kuti murume afambe akapfeka ndaza muchiuno. Zvimwe zvinhu zvatinoona sevarume kwatinovhiya mombe nembudzi uko zvakaoma munhu akapfeka sefa yebraai stand muchiuno. Ndizvo zvinozoita madzimai atukwe nana marwei kuti munoti murume wenyu wei imi muchimurega achifamba akapfeka mumbure muchiuno. Varume vanonetseka nekutenga zvinhu izvi: masocks, minibrief nebelt.*
*✍︎ 6. Kana murume abva kwaabva gamuchirai zvaauya nazvo chero zviri zvishoma sei kwete kuramba munhu akati kwindi.*
*✍︎ 7. Kana murume ashaiwa mupe mashoko emotivation kwete kumutuka iye munhu aswera achingodzungaira semunhu akarasa madhongi muchirimo.*
*✍︎ 8. Kana ukapiwa tumashereni dzidza kudzoka kwaari uchiti kamari kaya kamakandipa ndakazoita this and that kwete kungonanga muChicken Inn Anotozoona kuti ndakaroora munhu anofunga kwete anongodya achimedza kunge wekwaCHIMEDZA.*
*✍︎ 9. Chero wanzwa zvakaipa zvose zvinoitwa namai vake usamutuka nazvo kuti ndosaka mai vako vakadai. Zvinomutsa shungu nebope mumoyo make zvinomuodza moyo.*
*Follow our channel for more recipes*
https://whatsapp.com/channel/0029VaF9ofNElagnKJDpvL08
*✍︎ 10. Kana murume anetsana nehama dzake iwe semukadzi akakwana usava nhesveramukono kana tinhadzigwe mangwana inosara yava yako nokuti kukonana kwevanhu hazvirevi kugurika kweukama. Simbisa ukama kwete kuzodza maoko emuredzi sipo iye achida kubata muramba.*
*✍︎ 11. Pota uchiitira hama dzake zvimwe zvinhu asina kukutuma usamira kungoita zvinhu seRobot rinonzi chiita Green or Amber.*
*✍︎ 12. Usauya kubasa kwemurume kuzopopota chero manetsana sei nokuti vaanoshanda navo vachakuona sedambudziko kuti haugariki newe vakapedzisira vamutsvakira humwe usavi hwekubasa. Zivai kumabasa kunaana vatete, madzikoma, madzimbuya, madzibaba, vana tezvara vanopa mazano kuti chinja bhazi uburuke rina hwindi anoshaudha maclients.*
*✍︎ 13. Huyawo nema ideas ari productive eBusiness kwete kungopa murume feedback dzevanhu varwa muraini ari kubasa, vanhu vambotukana asipo.*
*✍︎ 14. Ziva pane moyo wake kana riri bhora ona naye kwete kungomanyira kunovata senge munokwikwidzana kuvata nevakafa even first half ona naye.*
*✍︎ 15. Fona uchiti kuri sei kubasa kwete kuti toonana manheru madzoka.*
*✍︎ 16.Zivawo vanhu vaanoshanda navo kuti vakadii kana wavaonawo wovamhorosa muzvakanaka kwete kuzongovafonera uchivatukirira nekuferefeta nyaya dzezvikiti kunge uri mutikitivha weMujolo.*
*✍︎ 17. Usangokwereta kwereta zvinhu uye kubvunziwa makuhwa unofumura murume wako iva mukadzi anoremekedzeka.*
*✍︎ 18. Cooking is an ART so try by all means to be stylish when preparing dishes for your family kwete kuita seunopakura ndove yanzou iro riri sadza.*
*✍︎ 19. Support his ideas kwete kungocrusher zvose zvaanotaura, kumwa orange crush hazvirevi kuti crush everything he says.*
*✍︎ 20. Chero waswera pamba ngaakuwane wageza kwete kuswera wakaita semunhu ange achitungidza mavivi mugombo apa chena kunge gurwe rawanzwa munyu kupfeka semunhu ari kubva kunokohwa tsine.
Zvaibhowa sei kusvika kuma humbwe baba vasarudzwa wonzi ndiwe mwana 😊🤭 haa ini ndaitodzokera kumba zvangu 🚶🚶😊
❤️
👍
😂
🫡
4