
Selfcare Sanctuary🏪
February 10, 2025 at 01:28 PM
#jeko
#period Pain
#unbalanced Hormones
Jeko kana kuti Period Pain marwadzo emudumbu nechepazasi peguvu anowanikwa kuvanhukadzi apo vakuda kuyenda kunguvadzavo/kumwedzi kana kuti kuperiod. Pamwe pacho marwadzo aya vanoanzwa vatove kunguva nechekare.
Kana mazuva akwana ekuti munhukadzi ayende kuperiod chibereko chinoburitsa mvura inonzi prostaglandins kubva kumadziro acho. Mvura iyi inoita kuti nyama dzinovaka chibereko dziungane kana kuti dziite iya inonzi contraction pachirungu. Madziro echibereko anoputswa pamwe neropa zvinobva zvatanga kubuditswa. Murandakadzi anenge ave kumwedzi.
Panevamwe vakadzi vanogadzira uye nekuburitsa prostaglandins iyi yakawanda kudarika zviripamwero zvinova zvinoita kuti nyama yechibereko iungane zvakanyanyisa pova nemarwadzo mukati medumbu. Vanhu vakadayi ava vanenge vaine ma unbalanced hormones.
Mutsvakirodzo dzakaitwa nana mazvikokota, vana muzvina fundu zvakawonekwa kuti kushomeka kwe Calcium mumuviri wemukadzi kunowedzera kuungana zvakanyanyisa kwenyama yechibereko. Vakadzi ava vanoita marwadzo kana nguva yeperiod yakwana.
Kukurawo kwenyama dzechibereko panzvimbo dzisina kufanira (inokurira mukati memadziro kana kunze kwe chibereko) kubudikidza nama unbalanced hormones ndowo kumwe kunokonzera marwadzo aya.
Kuti muranda kadzi abatsirike anofanirwa kushandisa zvinotevera:-
- Calcium Compound kana Calcium
- kuti adzosere zvashomeka mumuviri.
- Vitamin D3.
- Inochengetedza Calcium mumabhonzo nemumazino.
- Soy Power
- Inonoita kuti ma hormones ave neuwandu huripanwero munhukadzi ova nema balanced hormones.
- Multivitamin, VitaminE/C. Kupa muviri zvikwaniro kuti ugadzire mahormones aneuwandu huripanwero.
- Kuding Tea.
- Inodzikisa marwadzo uye kubatsira kutenderera kweropa.
Munhukadzi akaita izvi marwadzo ekumwedzi kana kuti Jeko rinopera zvekutosvika pakunzwa kunevamwe kuti kune chinhu chinonzi Jeko.