
Making Money Online Playing A Game
February 3, 2025 at 06:50 PM
https://chat.whatsapp.com/L0R1kTwbLv1B8GICdj1t89
Email [email protected]
❣️❣️ MISSING LOVE 💞💞
Written by two Author
Godknows Ncube
📞0779763284
Book #07📓📓
Read,Share,Comment and Like ❣️📓🌹
Unedited ✍🏻✍🏻
CHAPTER 06
AMAI NICOLE
Ndaitofarawo kuti my daughter had clearly moved on. Zvinhu zvaifadza after all the crying dzaakaita after the death of Takura was devastating. "Dai akatambirwa zvakanaka." I said to my younger daughter Natalia "Shuwa there is no way they would reject a gem like Nicole." Ndakasmiler. I went to my bedroom ndichitaura naamai Takura ndakanzwa kushevedzwa "Mhamha!" Akadaro Natalia "Chiiko?" Akati "Sister is back and ari kuchema Nicky wacho uyo." Ndikati "Ndiri kuuya." I said ndokubva ndati "Amai Takura will call u later regai ndimbonoone what's wrong." Vakati "Iri bho." I quickly hang up ndokuenda to her bedroom. I found her crying hugging her pillow ndokuti "Nicky?" She looked at me "Mhamha handichamude Clive ini!" Ndikati "Shh calm down and tell me everything." She wiped her tears ndokumuka "Ndakaiona mared flags pese apa but l ignored them but this time l am done mhamha! Ndichafarawo rinhii? Am I destined to cry forever?" Akadaro breaking down ndokuti "You're not communicating with me Nicky. Taura nyaya yako l am getting worried." Natalia akauya nemvura ndokumupa and sat down next to her. "Mhamha l was insulted!" She started explaining everything to us ndakaita kubata muromo. "Why did he hide the fact yekuti une mwana? Saka ndizvo zvaakutorera pano kuti unopfugamiswe kuairport naamai vake? If he knew his mother didn't like u dai akataura." Ndakadaro ndakutopopota. " I liked him from day one ndichiti munhu musvinu ko ndagozivei kuti imbwa nyoro chaiyo Clive!" Ndokuti "Chinyarara Nicky ungatemwe nemusoro."
Ndakabuda ndichinzwa hasha. Gate rakavhurwa ndokuona amai Takura and Takura Junior vachipinda. "maswera sei?" I greeted "Ndeipi asahwira? I couldn't help myself ndanzwa kuti Nicole ari kuchema ndatadza kuzvidzora what's wrong asahwira?" She said looking concerned. Ndakambosticker battling in my mind to tell her l still remember vachiti "This guy munhu bho but when u asked him kuti akaudza mhuri yake about Takura Junior he didn't give a clear answer." Ndikati "Munoonawo chakanaka chinoitwa naNicole here u want her to keep on holding onto your son!" Vakabva vanyarara. It was an embarrassing situation kuvaudza but we couldn't hide it yaive shamwari yangu. "Ko chii amai Nicky?" She said getting impatient "Zvakaoma kani amai Takura. Mukomana uye didn't tell his mother about Takura Junior and vamupfugamisa paairport." Vakati "Hezvo! Vanopenga here amai vemukomana vacho. Musi uno l told u haana kundijekera mukomana uye but nharo munodziwanza asahwira look now." Ndakati tuziso boi boi. "Zvakaoma aripi Nicky wacho?" I pointed at her room ndokubva vandisiya naTakura Junior. Kupererwa ndiko chaiko kwandaive ndaita. I followed later ndokuwana vachitaura nyaya. Dai pasina rufu rwaTakura everything would have been perfect. "Hakusi kwese kwekuti ukaenda Nicky unowana vamwene vanenge ini. Iwewe dzidza kusacompare chete handiti? It's not proper kuramba mumwe wako based on this." Iye ndokuti "Ooh mhamha ndave bho zverudo hazvisi zvangu ndabvuma. I took your advice munhu uye haadi mwana wangu ndochokwadi mhamha! Anoda mwana wake and anosarudza mwana wangu. He doesn't even treat him like his own. I once asked him about it akati haasi baba vemwana that was last year. Ko iwo huchapa mhamha. Anowetera mumba masikati ndanzwa nesister yake. Usually akapedza kudya he doesn't wash his hands!." Akadaro munhu wese ndokuseka "Ichokwadi kuenda mumba macho soo muri junky ndamutaridzwa nesister yacho kuwetera muzvibhodhoro oisa pasi pebed bodo mhamha!"
"Dai Takura asina kundisiya l wouldn't he facing this. Hee unobleacher havaoni here kuti this is my natural skin. Ndabhowekana handichadi hangu nezvake better kuzvigarira."
Ndakasekawo neni "Yaah siyana nazvo mwanangu kana zvichikunetsa." Takazobika ndokudya ndakatoona kuti ainge atonyevenukawo. Amai Takura vakazooneka ndokuvaperekedza. Takanamata nevana vangu ndokurara. Makuseni ndakamutswa nebhero as usual aive Clive. Ndakageza mukanwa ndokuwana Nicky achinwa tea. "Regera ndinomuone." Ndakadaro fixing my dress. Ndokubuda he got out from the car ndokuti "Aaah mhamha mamuka sei?" Ndikati "Ndamuka hangu. Nezuro kudzoka nemwana wangu achichema hanzii?" Zvikanzi "Sorry mhamha l know muchembere wangu akabhaiza." Ndakafinyamisa kumeso "Saka waindiita benzi ndichikubvunza if u told them kuti ane mwana? Ndizvo here zvawakamutorera kuti anotukwa nevabereki vako?" Akati "Sorry mhamha ndaitya kuti if l tell u chokwadi munobatikana. I didn't know my mom would shout it was unintentional." I chuckled "Look chikomana mwana wangu has been through a lot zvaunoziva. Zvekuchemedzerwa mwana wangu handidi kana ati haachadi haachadi musiye akadaro! She is not desperate zvemunhu anonyepa pano handidi. Takakugashira nemaoko maviri if your family can't do that too siyai mwana wangu handidi naye Nicole." Ndokubva ndapinda mugate before l could answer "Aenda here mhamha?" Ndikati "Anenge aripo hameno." I said going to my room and freshened up. Ndakagezawo ndokuwana achirimo mumba. "Hausi kunonoka Nicole?" Akati "Ndavaisira message boss telling him kuti ndichati nonokei. Inwai tea and drop me off mhamha!" Ndikati "Iri bho." I said sitting for breakfast. "Asi hausi kuenda nhasi?" I asked Natalia "Ehe musoro mhamha." Ndikati "Unoziva pane mapiritsi wonwa hanty?" She nodded ndokutora Takura Junior waainge apedza kugadzirisa ndokuzobuda. Ndakawana aripo panze pegate. "Ndokumbirawo kuona Nicole." Ndikati "Munhu wako." Akati "I have nothing to discuss Clive uri kundinonotsa uko!" He moved his car. Takanosiya Nicole kubasa inini ndokuenda kwangu ndakasiya Takura Junior muclass since pandaishandira paive necreche futi. I went to my office.
NICOLE
The word hurt would not describe my feelings ndainge ndarwadziwa nemashoko amai Clive. Amai vaive nemashoko zvavo ivavo. Munhu akandifarira zvandakaona in that house was Cynthia chete. Cee wacho aisanzwisisika. Ndakangoti zvakaoma. My mom and amai Takura comforted me well l felt better. I had blocked nhamba dzake Clive. "Wafamba bho here makoti?" Ndakaona message from Cynthia ndokuti "Yes ko imi?" Zvikanzi "Yes tasara bho Clive is telling me kuti u blocked him." Ndakati "Yes vatete zvehanzvadzi yenyu l am seriously done handichadi." Akati "Toonana tomorrow ndiri kupinda mutown tell me kuti munoita lunch nguvai." Ndakati "Sharp na2 ndipo painotanga." Zvikanzi "Ok tosangana paHoliday Inn." Ndokubva chat rapera. Ndakazobatwa nehope. Makuseni l didn't go for jogging ndaiziva kuti Clive aigoona kundisvikira ndiripo panze pegate chete saka ndakazvisiya.
I lied to my boss kuti ndaiendesa Natalia to the hospital sezvo ndaida kubuda namhamha.Ndakasiiwa pabasa ndokuenda to my station. Ndakatanga basa rangu zvakanaka. Nguva dzelunch dzichikwana ndakaudza Sharon kuti taisadya tese ndokuenda kunosangana naCynthia. Ndakamuwana avepo. "Hey hope l didn't keep u waiting?" I said ndichigadzika kapurse patable "Ayehwa just in time. Let's order nzara chaiyo." I looked at the menu and ordered what l wanted. "Saka muri kurevesa here kuti you're going to leave your one year relationship becoz of my mother?" Akadaro aive straight forward "Yes presentation inotangira pana amwene. One thing l have noticed your family will never accept my son kubvira to your brother." Akaseka "U didn't bring him zvee. Don't be quick to judge." Ndakati "A lot of things turns me off pana Clive. I have thought this through and ndiri kuona pasina future. The biggest reason yandiri kurambira bhudhi venyu is not your mother it's my son and Leena. Your brother ndofunga munozviziva kuti anoda Leena more than anything and he listens to her. As much as ane 4 years she clearly told me kuti haadi kuti ndiite amai vake and also bhudhi venyu vanosarura vana. I thought we would be on the same page since tese tine vana but no. He buys his kid gifts wangu osara. Like now tiri both in relationship soo l can't ignore the red flags. Oti huchapa l can't be with someone anoda kuitira weti muzvibhodhoro bodo!" Ndakadaro ndokuti "Yaah makandigadzirira shuwa. I can't force u into anything makoti. But l beg u think this through." I smiled "Ndatozvifunga kare. Amai venyu movatendawo l also saw another side of the story ." I said ndichidya chikafu changu. I could see her sigh ainge apererwa chaiko and l wasn't going back on my decision.
After lunch we bid our farewells ndokuenda our separate ways. Moyo wangu waimborwadza just the thought yekuti ndaisara ndisina someone to call my man. But l had to think about my son's well being ndizvo zvaiomesa moyo wangu. Ndakadzokera kubasa kwangu ndokushanda zvakanaka. After work l knew my mom would be busy ndakatanga kufamba ndichida kuenda to my bus stop. "Pinda babe." I ignored him. Akamisa mota and pulled me mukati. Ndakaramba ndiri zii. "Uri sei?" Ndakati "Mushe." Zvikanzi "Honestly l am sorry but babe we can't split becoz of my mom. If it's about Takura mwana wako l will change. Zvehuchapa l will change. Zvinhu zvinochinjika . Give me a second chance chete to prove myself. Handina musi wandakakutuka babe. This time l swear l will change for sure." Pfungwa dzairwisana ndakangoti ko kumupa mukana wacho. "Ok ndoda kuona kuti wachinja shuwa here." He smiled wainyatsoona kuti mukomana ari kufara. Ndakazosiiwa pagate yave lovie dovie. "Ko madzoka mese?" Asked Natalia "Yes why not give him a second chance." Akaseka ndokuti "Ukaona usingadiwe naamai kunge vake machances ekuroiwa ari high." I rolled my eyes ndokumusiya akadaro. I changed my outfit ndokunobika. Mhamha vakasvika ndiri pakati ndokuti "Nhasi uri kufara. I think u love being single soo." Ndakati "Tadzokerana naClive."
"Hoo." That was her reply l couldn't care any less ndaisararamira munhu. Days passed and mufaro wainge wadzoka my relationship with Clive had totally changed. Yes mwana wangu ainge omudawo but nguva zhinji it would be the two of us chete zvichitofamba zvakadaro. From last year's savings mari yangu yainge yakwana ndakatenga stand kuFidelity ndaida kusiira mwana wangu pekugara. Ndakasmiler ndainge ndakwanisa kuarchiver one thing. Pamari shoma yainge yasara ndakanotenga gas tank hombe riye. Ndaida kuzotenga scale nezvimwe zvaidiwa ndaida kuvhura business remagas chete. Hupenyu hwangu hwaiendeka and since that incident mhamha havana kuzobvira vada Clive futi. Natalia didn't even have a problem. Ndakazokwanisa kutanga my business with the help of Clive who had purchased zvimwe zvacho. Business raifamba zvaidadisa. Kubasawo it was the same thing pasina kana dambudziko. Mumwe musi ndakamuka ziso rangu richipfuurira pasi mhamha vakati ndiise kahuswa pasi peziso and l did just that. Ndaishaya kuti chii chakaipa chaida kuitika. Zvisinei ndakaenda kubasa ndokuuya vanhu nemaphone avo aida kuchargiswa. Palunch ndainge ndakatogara muchicken slice ndokunzi "Hi." Ndikati "Ndeipi?" Zvikanzi "Bho fon yangu iri kucharger here?" Ndakati "Uhmm ndimi maunza ipi zviye?" Akaseka "Iphone ine pouch yeblue." Ndakati "Yaah ine 87%." He smiled "You're beautiful." Takambotaura aive munhu bho.Takaenda tose kubasa ndokumupa phone yake. Ndagara paye ndokuuya murume aive nesuit ndokuti "Ndipo fon yangu." Ndakamutambidza kambudzi keitel kaive kadiki. "Munopenga here sister? Muri kundipa fon isiri yangu ndauya neiphone ine blue soo." Akadaro ndokuti "Aah sir yatorwa nemuridzi wephone iyi ndiyo yenyu." Akaita kuseka chaiko "Handidi mafunnies sister ndokadii kaitel ndipei phone yangu l have to make calls!" Akadaro asimudza voice. "Sure sir yatorwa nemuridzi." Akabva ati "Wajaira kubira vanhu l am calling the police!" Ndokubva Mr Gideon vabuda. "Good afternoon ndanzwa noise what's wrong?" Zvikanzi "Ndaunza iphone yangu for charging sis ava vari kundipa itel claiming kuti Iphone yatorwa nemuridzi hameno kuti ndeupi mumwe kunze kwangu." Zvikanzi "Ko waita sei Nicole? Mupe fon yake we don't joke with our clients." Misodzi yakayerera "Sir l swear pane mukomana auya pano akati iphone yake." Ivo vakataridzwa kupererwa. " Don't worry apa chikomba chake l have already called the police achanotaura nyaya yake kuma cells ajaira kubira vanhu imbavha musikana uyu!"
Ndainge ndongokwiridzira madzihwa "Sir l was fooled." Vakatura mafemo "I wish l could believe but last time wakati 3 maphone akabiwa pacounter and l believed u but this one uri wega." He said ndainge ndochema "Believe me Mr Gideon l am innocent." Mapurisa akabva asvika "Mr Chauke." He said greeting mukomana wesuit "Ndiyo mbavha yephone yangu officer arrest her. Achataura kune chikomba chake." Misodzi yakayerera ndokuti "I am innocent sir." Vakaseka "Ndizvo zvinotaura mbavha yese dea. You're under arrest madam and u have the right to remain silent anything u say will be used against u in the court of law." Vakadaro ndokubva ndaiswa mahandcuffs. Misodzi yakayerera stealing was the last thing l would do. Kubvira from school kusvika pandiri nhasi ndaisaba. Be it pen or anything else ndainge ndakazvidzidzisa kusatora something that doesn't belong to me. Zvino apa ndainge ndatosuwa. Jeri was something that l heard kuti it was terrible and judging with some movies andaiona ndaiziva kuti maone. Growing up ndainzwa zvekurohwa pasi petsoka and ndaitya chaiko ndirimo mupolice van.
End of chapter #06📓📓.
Godknows loves u guys ❣️❣️. Support us by commenting and liking🌹🌹.
Together we move faster🌹🌹.
Stay tuned for chapter#07📓📓.