
Making Money Online Playing A Game
February 8, 2025 at 06:12 PM
https://chat.whatsapp.com/L0R1kTwbLv1B8GICdj1t89
Email [email protected]
🌹🌹MISSING LOVE ❣️❣️
Written by Author
Godknows Ncube
Book #07📓📓
Read,Share,Comment and Like 🌹📓❣️
CHAPTER 10
NICOLE
Ndaiita kufa nekuseka ndakagara muoffice mangu watching how my enemies were falling down. Zvaingonakidza soo l was once in prison zvaizivikanwa nevashoma than Sharon akanokandirwa manudes pasocial media. I could imagine seeing her fall flat on her face. "Ndakakuudza mwanangu kuti zvichapera izvi nemisodzi yavo futi." Ndakati "That's true vaifunga kuti vanoendepi nemisodzi yangu yandakayeredza mhamha." Ndokunzi "Zvakaoma kani Nicky ko Sharon and Linda vamiswa basa naMr Gideon amuboyfriend vacho." Ndakaseka "Usandiudza after kundiframeera kwese kuye?" Zvikanzi "Ehe vave kupandukirana bit by bit. Ndaseka paafonera Clive akanzi 'Handiti handigoni kukwesha mazino, uye ndosiya bhurugwa rine tsvina handisi kuda.Kundisanganidza nekadhara kaunyana nyama kudaro face haisi kuoneka zvayo but uhmm nyama dziri kuoneka kuti dzakura' Iwe mwana aita kuhwihwidza hameno brother yake yauya kuzomutora angoti l have to find Nicole." Ndikati "Achindidii? Handiti akachiva everything l had here? She has it now zvashata ave kundida." Akaseka "Kapenzi kaye." Yakarara iriyo topic and l was enjoying it. Makuseni ndakanojogger ndokugadzirisa mwana wangu kuti aende kuchikoro. Ndainge ndatotanga kufambira nyaya dzelicence since ndainge ndapasa provision saka ndaienda for malessons kuma 12 during lunch time zvaingonakidza soo. Ndakasvika kubasa ndokukwazisana nevamwe. I went to my office ndokutanga basa rangu. Iyo jewellery yacho yaitengwa company yedu yaigona kugadzira zvayo. Palunch ndakatobuda ndichimhanya mhanya kuenda kuma lessons angu edriving.
Handina kutora nguva ndaingofoira pama drums vamwe vaiti vanhu vari rough vaye vanoteacher driving but zvinhu zvangu zvese had Mwari mukati handina kumboitwa rough munhu wacho aitonditi mwanangu mwanangu. After ndapedza ndokudzokera kubasa. Handina kunyanya kushanda since it was knock off time. Ndakanosiiwa pagate ndokuona mashura nezviratidzo. I found Sharon akamira and ainge atoshamisika with the time of car yandainge ndaburuka. "Hesi kani Nicole?" Ndakati "Ndeipi?" Ndichitambisa kakumbo zvekuti handina time. "Ndiri bho ndange ndauya kuzokuudza chokwadi about who was behind your arrest and ndine evidence vainge vari Mr Gideon he told me to give false testimony mucourt and to convince Clive. I am sorry nekutora munhu wako." Akadaro ndokupetanisa maoko angu ndichifinyama "Now zvinhu zvashata mave kupandukirana kaa? U take me for a fool Sharon shamwari l knew the true the very day ramakandiframeera it made sense nezvawakaita. Trust me Mwari haasi wemunhu one l found a job kare saka l don't know unoda kuti ndiite sei with your evidence. Waisa Mr Gideon chete uchida kuzvichenesa ko iwe wacho weren't u behind? Wainge uri girlfriend yavo wakachiva zvakawanda zvangu. Clive handina kana basa naye dea yave time to go for u evidence yako it's of no use to me pandaiida waive busy kunditsikirira. Karma is a bitch l can see kufamba nemask soo kunyara mabasa ako!" Ndakadaro mocking her ndokuti "I thought u would sue him." Ndakati "Une nharo hanty? Vengeance is for the Lord my dea. Thanks to u guys l found a better position and better partner ndave kushanda kune unit and everything." Ndakadaro unlocking our gate ndokupinda ndichimusiya akamira. Ndakaseka ndichipinda mumba ndokubvisa bhutsu ndichibuditsa muriwo mufridge. Ndakutopedza kubika ndipo pakauya Nicole achiseka. "Clive auya kubasa hanzi ndakanzwa kuti unotamba naNicole please ndiudze kwaari kushanda." Ndakaseka "Anopenga zvashata they are trying to look for me? Hakuna zvakadaro shit dzevanhu even Sharon auya wani." I started explaining everything to her ndokuoma nekuseka chaiko. Takazodya semhuri ndokunorara. Makuseni ndakawana Clive ari panze pegate.
Hamenowo kuti sei driver ainge anonoka kuuya kuzonditora. "Hey Nicky." Ndizvo zvaakaita "Mushe." I responded zvekuti handisi kuda zvekutaura naye ndokubva ati "Come l will drop u at work?" Ndakaseka "It's not a kind gesture but unoda kuona pandinoshandira chete apa! Usatye zvako don't bother yourself kuuya kuzonditora my driver is here." I said ndichitotanga kufamba swaying my hips from side to side. Ndokupinda mumota. "Sorry madam ndange ndaenda kuservice nemota." Ndakati "It's ok." Ndichipinda muford ranger tichidriver kumusiya ari shocked . "Kana une road yaunoziva inozoita kuti tirasane nemunhu uye handei nayo l know for sure he will follow us." Ndokuti "Ok." Zveshuwawo akatora imwe nzira ndokutanga kufamba nayo motikari aitevera zviye zvekuti tisamufungire Clive but hazvina kunetsa nekuti tichingopfuura pamarobots richiita red ndokudhakwa. Ndakaita kuseka chaiko. Ndakasvika kubasa in my bubbly mood. My boss ndakashamisika kuti vaivepo through kuona motikari. "Mamuka sei sir?" He smiled "Ndamuka wototi tezvara nekuti soon my son is coming." Ndakaseka ndokuti "Ok vatezvara " we both laughed ndokuti "How are your lessons going?" Ndakati "I am getting there kungoti pama drums chete baba." Vakati "Don't worry zvoita mwanangu." Takapinda mukati tichitaura vachitarisa basa randaiita vachiti "Quite impressive zviri kufamba. Une lucky mwanangu wherever u go macustomers follows u masales edu ari kuwanda." Ndakati "That's to impress my father. This is my special way to say thank u for supporting me without u dai ndiri mujeri. This is nothing baba soon mucompany muno ndinenge ndaita zvimwe don't worry." Vakasekerera ndokuenderera mberi vachiona his stuff. After work ndakasiiwa kumba ndokuwana Clive aripo ndokupfugama "I am sorry Nicole. Ndiregererewo ndainge ndabatwa nemweya wehutsinye l didn't mean that. Ndainge ndashandisirwa mushonga chete becoz ndaishaya chandaida pamusikana uye." Ndakaseka real hard ndokuti "Haiwa mushonga wawakashandisirwa ndoudawo nekuti wakandisimudzira stop this nekuti ndinonotora peace order soon." Ndokupinda mugate. Days passed turned into weeks then into 6 strong months. I was as nervous as hell kutaura shuwa finally mwana waMr Chauke ainge achiuya the following day. He told me kuti ndaienda navo kunomutambira apa already ndainge ndovati tezvara. Clive ainge achindinetsa kuuya pagate finding manew lines but ndainge ndisina basa naye. Ndainge ndatove nelicence , passport zvangu zvainge zvaita. To be honest the company was growing yaikura and our unity yaigrower amongst us workers be it a cleaner or tea girl zvaingofamba nekunakidza.
"Ko chii Nicky pawabvirira here uri paglass?" Vakadaro mhamha coming muroom "Aah mhamha l am worried tomorrow mwana waMr Chauke ari kuuya l am nervous. Ndiri kutya kuti ko kana akurisa and l don't like him . Kana kuti iye he doesn't like me mhamha." Ivo vakaita kundirova musoro ndokuti "How many times do we pray in a day?" Ndakati "Three times." Ndokuti ",Saka ukundiudza kuti three times a day dzatainamata dzongoenda mahara. We prayed for this guy even fasted each and every night only for u to lose faith come on Nicky! You should have faith in my prayers if not yours." Ndakaseka ndokuti "Sorry mom he will like me and l will like him." She pulled my cheeks ndokuti "That's the spirit!" We both laughed zvekudaro. Ndakazobuda ndoenda kubasa. Ndainge ndasimba especially muma hips umu ko magadziko handichatotaure kana. Ndakamhoresana nevamwe vangu ndokumbotaura briefly before ndaenda to my office. Pabasa apa taisanyeyana even kuita godo kana munhu apihwa comment that's one thing chandainyanya kuda. Ndakashanda zvakanaka ndokuenda kumba . Manheru acho Mr Chauke told me ndaisaende kubasa since we had to prepare kuenda kunotora Quinton mwana wavo taienda na12. Ndakatanga kuti vanhu vandibatsire kusarudza hembe . Ndakapererwa most of them were formal wears. Ndakatorara ndichishaya kuti ndaipfeka yipi. Makuseni ndakaita basa rese musoro ndainge ndisina three days ndarukwa. I applied my face mask ndokumbogara pave paye l freshened up ndokunyatsotsvaga hembe casual. Ndakazowanawo a yellow knee length dress netuma push kwacho and a clutch bag ndokuisa make up and tired my knotless braids. Ndainge ndakachena. Ndakadya lightly ndokukwesha mazino and used mouth wash. Driver akauya naMr Chauke to pick me up ndokuenda kuairport. Takati garei ndainge ndatovarairwa nekumhara kwaiita ndege that was a beautiful sight.
"Asvika!" Vakadaro baba vacho nesmile . Ndakatoshaya kuti ndeupi becoz vanhu vainge vakawanda. Ndakaona pachiuya two boys vainge vakafanana zvokuti kungoti one wacho mumwe wacho aive nerasta the other one ainge aine cut yake ane mawaves mumusoro both of them were in their formal wears. We rasta hugged his father umwe wacho he hugged me ndokuti "I am here babe." Ndiye wecut l was shocked kutaura chokwadi mukomana iyeye ainge akanaka kwete mbichana taisaenderana that's what l thought. He smiled ndokuti "I am Quinton your man." Ndakaseka ndisingadi "Aah!" I said like a little girl. We rasta wanted to hug me ndokubva ablockwa neruoko ndokunzi "That's my wife Ishaan apa hauna door zvako." Akaseka ndokuti "Amana ungabve wachengera kudaro here? Shuwa it's just a hug plus ndiri murume wakewo futi." Akaseka ndokuti "Muri mukoma but pana Nicky wangu ndokonzeresa pano paairport." Takaseka ndokuzonzi "Nicole that's your man my son Quinton iyeye akumbundira and that's Ishaan they are twins zvavo but Ishaan mukuru." Ndakati "Ndafara nekukuzivai bamukuru." Quinton raised tsiye ndokuti "Ko ini murume wako?" Ndakaseka kutaura shuwa ndainzwa kumunyara heavy. "Ndafara nekukuzivai murume." Vakaseka ndokunzi "Handei vakomana. Are u satisfied with my choice Nicole? Uchiri kuda kunditi tezvara?" Ndakadzungudza musoro ndokuti "Ayehwa." Quinton uye ndokuti "Why asi ndakashata kana kuti ndikunhuwa?." Takaseka "No vatove baba vangu chaivo." Akaseka ndokuti "Unondiuraya babe." Takaenda mumota uri mufaro chete. Takaenda kumba kwaive neparty and l enjoyed myself ndakanosiiwa kumba nadriver ndokupinda mugate. "Akashata here?" Asked Natalia "Uhmm handimu deservee that guy he is handsome kwete mbichana enda pafacebook try to search mupage paMr Chauke uone." They searched ndokuwana marecent posts ndakambundirwa paairport and tezvara vangu futi nemamwe mapicture tichitamba paparty akanzi 'The soon to be Mrs Chauke.' zvikanzi "Handina neremuromo mukomana akanaka uyu." Ndakati "I was equally shocked the welcome yavandipa l loved it vane rasta ndivo bamukuru. " Zvikanzi "Wow." Munhu wese aitofara neni. Taizoda kudzidzana chete.
Makuseni ndakaenda for my jog ndokugadzirira kubuda kuenda kubasa. Driver ainge auya musi uyu ainge akapfeka hat he opened the door for me. Ndokupinda anenge aive munyowani. I sat kubackseat ndokutanga kudriver. "How was your night babe?" Akadaro achicheuka mukomana Quinton. Just seeing him gave me goosebumps. Ndainge ndapenyerwa no doubt about it. "Morning. It was wonderful and yours?" Akati "Yaah it was great nekuti after a very long time l got to see u. Ndaigara ndichikuonera pamapictures l even had your tags but my dad stopped me kuti ndikutange Nic." He said zviri sweet zita rangu. "Uchanyepa." Akati "Kana babe handinyepi ini. To u l am truthful and faithful. But on a serious note Nic ndokuda. From your smile upto everything zviri pauri. Kubvira kumwana wedu chaiye. I am deeply and madly in love with u Nic. Ndokuda zvemoyo. I was a workaholic but for u l will change babe. I won't push u to give me my answer right now but ndinokuda." Ndakasekerera zvaive sweet and apa ndakanzwa kuti ndinodiwa. "Tasvika." He said achindivhurira door ndokumira padoor paye blocking my way ndokuti "I love u soo much tomorrow when l come to pick u that's your seat u belong there." Ndakasekerera ndainge ndave kutoita pink with all the blushing. "Ok." It came out as a whisper "But unonyara zvako. Take my hand amai Chauke." Ndakatora ruoko rwake l thought he was helping me kuburuka izvo kupi he pulled me into a hug and gave me a peck padama ndokuti "I love u once again l already miss u usati waenda." Ndakaseka "Ibvapa thanks." Zvikanzi "Welcome ndatoti ndichanzwa l love u too. Ndiri kuuya kuma 12 to take u for lunch." I nodded ndokutanga kufamba but l could feel his eyes on me. Ndakacheuka and flashed a smile ndokumu bhabhaisa. Ndakazopinda muoffice mangu ndokutura mafemo l never felt something like this in my life.
Ndakafonerwa pareception ndokuwana pana delivery boy. With flower negift bag. Ndatambira ndokuwana a letter yakanzi "I love u amai Chauke inwai this special coffee from your husband and when u bite that chocolate just think of me." Ndakawedzera kusekerera kwacho. Ndakazovhunduka ndanzi "Someone is in love pandabvirira kuknocker here?" Vakadaro Mr Chauke ndakaseka but ndainyara ndokuti "Haa kana baba mamuka sei?" Zvikanzi "Ndamuka ndiri kuona kuti uri kufara wish u good luck. Ndichamboenda kune imwe company. Ndasiya PA wangu achakupa a brief about today's meeting." Ndakasekerera "Horaiti baba." He left ndokuti "Mukomana ari kufara." Vari padoor l laughed ndakunwa coffee yangu.
End of chapter #10📓📓.
Keep the comments coming and likes❣️❣️🌹🌹.
Together we move faster 📓.
Stay tuned for chapter #11🌹.