
Making Money Online Playing A Game
February 22, 2025 at 04:47 PM
Group link
https://chat.whatsapp.com/L0R1kTwbLv1B8GICdj1t89
Channel link
https://whatsapp.com/channel/0029Vb0quNw1yT2HqI8oxe0G
*💔💔WHY YOU LEFT ME LIKE THIS 💔💔*
Written by
Godknows Ncube (changu)🌷🌷
Book #08📖📖
Read📓,Share, Comment💓and Like😜
Unedited ✍✍
CHAPTER 02
EMMACULATE
Mhamha vakazouya kumba nana sekuru ndakavasiya naEmily ndokuenda kumvura ndakadzoka ndokuti "Madya here?" Ndakapindurwa nambuya ndokunzi "Mwana uyu ane mukanwa makashata uyu. Angaudze amai kuti munodyirei imi musina nguva panyika." Vakadaro ndokuti "Hii." Ende Emily ainyadzisa ndakazoti "Sorry mhamha." Vakangogutsurira musoro. Mangwana acho sis Mona vakauya ndokuti "Hameno hako ukaudza mhamha zvandakataura vanongofa nebp kumba kwangu handidi munhu." Ndakangonyarara. Hama dzadaddy hapana akadongorerawo. Sezvo hama dzamhamha dzaivepo vakati "Isusu semhuri taonawo kuti semhuri tinokwanisa kuraiser $4000 tikaita kakonde kakonde ko iwe Monalisa?" Zvikanzi "Sekuru handina kana mari zvinhu zvakaoma." Sekuru ndokuti "Usadaro ndiri kukuona handiti tese tinobva Harare here? Usade kunyepa hameno uyu akafa unozitiripa ndiwe." Vakapusa ndokuti "Ndokupai $1000." Amai Noku vainge vabuditsawo ka$500 vainge varwisa mari yainge yave $5500 kwainge kwasara imwe vamwe vaiti zvakaitawo vaibvisa. Ndakatofarawo . Amai Noku vakandiudza kuti munhu wekubasa aiuya mangwana ndokuti "Mhamha tomorrow ndiri kuenda kubasa pamwe Mwari vanondivhurira door kuHarare ikoko ndikawana basa svinu." Vakati "Ndasara ne4 months usaite zvinhu zvisingaite handina basa nekurarama ini mwanangu. Ndogona kutofira mutheatre macho." Ndakati "Have faith hamufe mhamha munorarama." Vakangogutsurira musoro asi kutenda vainge vasina ndicho chokwadi. Makuseni ndakabikira amai vangu porridge remauyu ndokuvaendesera ndokuti "Mamuka sei mhamha?" Vakati "Ndamuka ndisvitsewo toothbrush yangu nebucket ndikweshe mazino iro porridge kunhuwirira soo?" Ndakaseka "Ehe mhamha vari sei vana?" Zvikanzi "Uri kutaura mimba iyi? Ndakanyadzisa mwanangu kuzoti akaita matwins anenge ari maone." Ndakati "Hapana kunyadzisa apa mhamha vana chingori chipo inini handina problem." Vakati "Une moyo munyoro nhasi ukuenda kubasa?" I nodded "Ehe ndiri kuuya kuzotorwa." Vakati "Unoshande mushe handikutyire handiti?" I nodded ndokuvapa porridge ravo vachidya. Emily akapedza kudya nekuenda kuchikoro ndakaita basa rangu rese kututa mvura. Ndakageza ndatopedza Noku akauya taive vesame age akatoti "Hanzi vauya." Ndakagutsurira ndokuti "Mhamha musare zvakanaka zvikaita ndodzoka mari iye." Vakati "Let's pray." Takanamata ndokuonekana naamai vangu. Tiri munzira ndakabvunza Noku "Munhu akaita sei?" Zvikanzi "Semunhu wandaona nhasi vanenge munhu ari bho." I nodded ndokusvika nekukwazisana nemukadzi wechidiki aive ipapo. "Une makore mangani Emma?" Ndakati "19." She smiled "Maita basa amai Nokue hope anoshanda like u said ndikafadzwa chete l will recommend u to my friends." Zvikanzi "Haakurasisei." Ndakanzi ndipinde mumota ndokutanga kuenda zvikanzi "Ndonzi Lindsay right now handina hangu mwana. My in-laws vakadai my father-in-law vari paralysed vanenge vari pawheelchair nguva dzose amwene vangu vanotaurisa vanoshusha. I was looking for someone older hangu but l hope unozvikwanisa Emma. Ndinogara nemurume wangu but atungamira kuenda kuLondon tine business ratoda kuita ikoko asi zvikaita after week todzoka." She said ndokuti "Ok ndovanzwisisa nekutaurisa ikoko trust me." She nodded ndokuenderera the whole journey tichitaura. Ndakatengerwa chikafu on the way. Takasvika imba yacho yaive upstairs yakanaka zvisingaite.
Ivowo madam vacho Lindsay was telling me about a lot of things zvandaifanira kuziva about the family. Takapinda mugate rainge ravhurwa neremote ndokutambirwa naamai vechikuru but waiona kuti ndevechirungu chega chega ndokuti "Titambire muroora. Ndiye musikana wacho here?" Zvikanzi "Ehe ndiye mhamha ari right anorigona basa uyu." Vakati "Aka kamwanana chaiko regera tizoone kushanda kwake." Ndokuti "Anogona mhamha trust me." Zvikanzi "Kusabara here kana kuti idesire yakuita kuti unhonge vana vadiki?" Zvikanzi "Mhamha haisi mhosva yangu kuti ndakatswanywa chibereko mhamha nemotokari. It's not my fault mwana wenyu ndiye aidriver futi!" Akadaro ndokubva vati "Kungobvunza chete." She ignored her ndokuti "Let me show u your room." Handina kuramba yaive upstairs. Ndainge ndatoona zvakawanda ndofunga vaive nepamuromo. "Don't mind my mother-in-law." Ndakagutsurira musoro. Vanhu vane mari kunze uku vanochivika asi vanenge vakazara nematambudziko ndakazviona. Ndakarongedza bag rangu ndokudzoka ndave kuratidzwa mashandisiro ezvinhu zvemagetsi nekudzidziswa kuzobika chikafu chaifanira kudyiwa natezvara vavo vaive paralyzed. Ndainge ndakanakira kuti l wasn't shy to ask pandisingazive ndaibvunza. She taught me everything that was there to know and she was patient. Vakatonditi ndibike ndokutora mamonarchs avo ndokuoneka vachienda. Ndakasara ndokubika ndakapa vamwene vavo kuti vapakure.
Vakatorwa sekuru vacho ndokuona vaiyeredza masiriri vachidyiswa zvaipisa tsitsi.Vakapihwa mapills avo ndokunwa. Tapedza kudya ndakasuka ndakuda kunorara zvikanzi "Huya tigare muzukuru." Vakadaro amai vaye ndokugara vakati "Unonzani,wabvepi ,kumusha nemakore ako." Ndakati "Ndonzi Emmaculate Mutasa ndinobva kwaMutoko ndine 19 years." She nodded ndokuti "Wakanaka zvako." I smiled ndokunzi "Ndonzi amai Tafadzwa usanditore semunhu akaipa nezvandataura mwanangu. Ndiri amai ndakabereka ndorwadziwa ndine vana vaviri Tafadzwa naTendai ari kunze. Uchiona muroora wangu haana kupa mwana wangu mwana vakaita accident ndokukwara akaita miscarriage ndokubviswa chibereko. Izvezvi kubuda kudai achibhidhaira kutsvaga vanhu vanoda kumubarira mwana through surrogacy kuti zviite." Ndakagutsurira musoro ndokuti "Aah shame zvakaoma." Zvikanzi "Ehe ko ukufungei?" Ndakati "Amai vangu vanorwara vane cardiomyopathy saka vakuda transplant." She nodded ndokuti "Zvakaoma zvinoita mwanangu." Takaona movie ndokuzobatsira kusimudza sekuru vairara downstairs kuvaisa muroom mavo. Takavaradzika ndokuzoenda to my room. Ndakaisira amai vangu message kuti ndasvika. Ndakatarisa last seen yaDonnel yaive yemusi uyu kana message yake zvake moyo wakarwadza. Zuva rakatevera ndakaita basa rangu ndokutandara nagogo. That's what l preferred calling her. Ndaimbopusher ndichibuditsa sekuru kuti vafurwe nemhepo. Madays passed mumwe musi ndichiona TV naamai Tafadzwa vaitaura nemwana wavo zvikanzi "Hamusati namuwana?" Hameno zvakapindurwa ndokuti "Zvakaoma kungofambira mahara?" Vakati "Iri bho ndichazama kuno." Ndokucutter vakati "Zvobhowa nguva nenguva kufambira pasina iko kunze ikoko." Ndakati "Yaah madam Lindy seems like a nice person." Vakati "Inyaya yemwana isiri kuita kuti tiwirirane chete asi ndomuda muroora wangu. Nhai mwanangu saka wakauya kuzoshandira mari yetransplant yaamai vako?" Ndakati "Ehe." Zvikanzi "I heard kuti it's a serious disease and ndiri kuona kuti our situations are quite similar. Hona ana Lindy have money to offer unovaitira kaa mwana then wopihwa mari worapisa amai vako." Ndakati "Hmm handidi hangu gogo. Ko ndikafira mulabour ndiri mhandara ini gogo hazviite zvoda munhu akabara." Vakati "Unazofunga nezvazvo mwanangu. Ndine chivimbo chekuti murume wangu pakaita muzukuru pamwe anoita right." Ndokuti "Shuwa." Nyaya yavo l brushed it off at the back of my head. Ndaisada kuzvarira munhu mwana. Takadya chemanheru ndokurara. Next day racho takagara vakati "Wakafunga nezvazvo here Emma. It's an opportunity inouya kamwechete. Nekuti ukaita zvekutamba akawanikwa surrogate hapasisina." Ndakati "Ndange ndisina kufunga nezvazvo ini gogo." Ndokuti "Hameno inini ndazama nezvazvo." Ndakanyatsofunga ndokuona kuti vairevesa zveshuwa. "it's ok gogo ndoita surrogate." Vakati "Handidi zvinhu zvinonetsa woti gogo vakandiforcer." Ndakati "It's my decision." Ndokubuditsa zibango refon ndokuti "Makoti?" Ndokunzi "Muri sei mhamha?" Yainge yaiswa paloud "Ndiri right kuno surrogate ndamuwana muroora." Zvikanzi "Mhamha musatambe muchidaro." Vakati "Sure ari pano." Vakati "Hii mhamha munenge manyaradza moyo wangu. Aripi? Munhu wacho ndewekupi?" Zvikanzi "Munomuziva kana madzoka." Akati "Ndange ndatofunga kuti Tafadzwa atore mumwe mukadzi magona mhamha. Ndofunga ndiye ange akamirirwa chete nekuti vataitemba vaizoramba Mwari anzwa kuchema kwangu." Zvikanzi "Iri bho totaura mauya muroora." I could feel madam Lindsay's happiness nepafoni.Mhamha vakakata fon ndokuti "Wamufadza muroora wangu." Musi uyu l fed sekuru ndainge ndakuita ndichivajaira. Zvekuti pakurara ndini ndainge ndovaisa pabed semusi uyu ndakati "Sekuru amai vangu vanenge varapwa. Muri kunzi you're paralysed but to me and my faith munoita zvakanaka munomuka , muchataura. Kana muchida kuti ndione kuti you're listening u blink twice that's our way of communicating." For sure he blinked ndokuti "Gud night." Ndakavasiya varara. Makuseni ndakaitiswa basa ndichinzi mumba muchene her son and daughter-in-law were returning. Ndakanzi ndicleaner their room ndokutanga kucleaner kupedza. Asi ziso rangu raipfuurira pasi.
Ndakabika their favourite meals ainge ataurwa. Ndakapakurira sekuru ndokuvadyisa ndakasuka tuma plates. Ndiri mubath ndakanzwa kuridzwa kwehuta. Ndakageza fast and changed into my dress randakapihwa naDonnel ndipo pandakamufunga aisataura kana neni apa he was going to spend 3 months away. Ndakazobuda ndokuwana madam Lindy vachiti "Tafadzwa asara kumota mhamha. Makasimba here? Who is the surrogate?" Zvikanzi "Ndakasimba be patient kani." I was just admiring their bond naamwene vake ndokunzwa "Asi matondikanganwa kani?" The voice was very familiar to my ears l was forced to raise my head only kusanganidza maziso nemukomana ainge andinyepera kuti he was going to spend 3 months in London. The guy ainge andidedza kuti hure. "Tafadzwa!" Kunzwa zita iroro kwakandipa dzungu rakanyanya ndokudonha. Ndakamutanga kuvhura maziso angu ndokuona kuti ndaive muroom mangu. Ndakasanganidza maziso naTafadzwa ndokuwana madam Lindy vachipinda. "How are u Emma?" Vachindipa mvura ndokuti "Ndiri nani." Murume aive pamberi pangu was my Donnel. Ndakanzwa kubaiwa pamoyo kuti nguva yese iyi he was a married man ndichifirira kuti ndine mukomana. "there is no need to rent your womb Emma." Ndakati "If l committed any mistakes nekufenda please madam reconsider. Hupenyu hwaamai vangu ndihwo wandiri kuitira." Ndakadaro ndokuti "No sweetie l feel you're young and tiri kukuitisa zvisingaite.Asi if u insist tell me when u are ready. This is my husband Tafadzwa." Vakadaro vachimubata smiling. Ndokuti "Makadii sir?" Ndakamutarisa akangoti "Tiripo l will be in the room babe." Kutodedzana kuri sweet in my presence kwakarwadzisa moyo wangu ndokuti "Even tomorrow ndiri ready madam." Vakati "No the doctor said u need to take rest nhasi ndini ndichabika." I nodded ndokubuda hana yangu yairova so he was her husband nhai?.
End of chapter #02📖📖.
#changu💓💓.
Your comments and likes are our biggest support🌹🌹.
Together we move faster 🌹🌹.
Stay tuned for chapter #03📖📖.