Daily Word | AAC
February 4, 2025 at 11:34 AM
_KINGDOM SERIES_
VaFiripi 2:25 Asi ndakati ndinofanira kutuma kwamuri Epafirodhito, hama yangu, nomubatsiri wangu pamabasa napakurwa,nhume yenyu *nomushumiri wangu pakushayiwa kwangu* ;
Kune mhando mbiri dzeushumiri dzaka kosha dzatinofanira kunge tichi mhanya nadzo panguva imwe chete sema kristu.
№1 kushumira kuna Mwari kuburikidza nekutsanya nekunamata
№2 kushumira kumunhu wa Mwari anoti fundisa shoko nekuti fudza kuburikidza nezvipo nezvakanaka zvedu zvese.
Zviviri izvi zvikava panzvimbo basa ra Mwari rinofamba nekukasira uye rinotekeshera pasi rose.Mwedzi wega wega tichamhanya nechirongwa chekumira nemunhu wa Mwari nezvipo uye nezvakanaka zvedu.Chirongwa ichi iropafadzo kune vese vachafamba nekuzvipa kwachiri uye tichafamba nacho kusvika Jesu adzoka