Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
March 1, 2025 at 05:07 PM
Rhapsody Manyika Sun Mar 02 2025 ZIWITSA KUTI KRISTO WARI MUNEWE Soko iri ridozotsanduka. Riyibva rawa munhu wenyama. Adokara pakati pasu. (Tidomuwona ngemadziso asu). Adonga ari werudzi rwaMwari. Ayipangidza kuti adobarwa ndiMwari Baba. Ndiye ega adonga adobarwa kusharezvi. Adonga adozara nyasha. Ngediko (Yohane 1 ndima 14). Kana tiyiti muKristo mhunhu ana Kristo arukara umo ari, dambudziko huru ngerekuti hwashoma wangoziwa kuti, kuti Kristo zvingotawurenyi kana kuti Kristo ndiwani. Inzwi rekuti Kristo ringombotawura kutinyi? Kristo hinzwi reshiHebheru rekuti 'Messiah'. 'Messiah' zvingotawura 'Uyo Adozodzwa'. MuSungano yeKara ayidayidzwa kuti 'Messiah’, muSungano Itsva angodayidzwa kuti Kristo asi etse mhazita angotawura munhu umwe iyeye. 'Messiah' ayinzwisiswa ngemaJudha uyu ndiye adonzi ndiDhanyero Muporofita, Murumbwana weMunhu. Apo Yeso wadozviti iwo “Murumbwana weMunhu” uyo anga 'ashazosumudzwa', kutawura kunererwa pamuchinjiko, waJudha wadomuvhunza kuti Murumbwana weMunhu uyu ndiwani?" Wayifunga kuti ayizorarama ngekusingaperiba, asingapfiba. Bhayibheri ringoti muna Yohane 12 ndima 23, ne32 kusvika 34: "…Yeso wadowapindura wayiti, Nguwa yekuti Murumbwana weMunhu akudzwe....Kana ndasumudzwa kubva panyika, ndishadhonzera wanhu wetse kunene. Adotawura izvi kupangidza mhando yepfiro yashe. Wanhu wadomupidura wayiti, Ifefe tidonzwa kubva pamutemo kuti Kristo ashararama ngekusingaperiba: saka iwewe senyi uruti, Murumbwana weMunhu angofanira kusumudzwa? Murumbwana weMunhu uyu ambori wani? ” Yeso 'adonongedzera' ngekutawura ngezvezviporofita zvaDhanyero, kusharo kudobva kwazvitsigira. Kuti Murumbwana weMunhu kutsanangura Murumbwana waMwari. Asi Murumbwana waMwari hazvitawuri kuti uyo adobarwa ndiMwariba; zvingotawura kuti kwako, Mwari wari mumunhu wenyama. Ndiyo ndawa Yeso pawadoti ndiwo wadonga wari Murumbwana waMwari, wakuru wewaJudha wadomupomera mhosva yekumhura Mwari. Wadoti, "..Hatirukukutemera ngemabwe shiro shidonakaba, asi shekumhura Mwari; ngekuti iwewe,undori munhuwo hashe, asi uruzviyita Mwari." Izvi zviri pana Yohane 10 ndiam 33. Wadonga wayinzwisisa kuti Yeso adonga aruzviti iye tsaMessiah, adonga ari Mwari ari mumunhu wenyama. Ukatawura uyiti Yeso ndiwo Kristo, ungonga uruti Yeso ndiMwari wangowonekwa munyama. Ndizvo wadonererwa pamuchinjiko izvezvo. Utsazombozvikangamweba! Pena paro, tsekutawurirwa tingoyitwa muna Mariko 14 ndima 61 kusvika 64, apo mupirisita mukuru adovhunza Yeso kuti, " Ndiwe Kristo yere?". Yeso wadobva wapindura kuti ehunde, ipapo mupirisita mukuru adobva abvarura hembe yashe ayiti Yeso wadonga wamhura Mwari. Kutawura izvezvo ikoyiko kudoyita kuti Yeso watongerwe rufu. Asi Yeso wadonga wasina kushayishaba. Ndiwo wadonga wari Kristo diko. 'Messiah' kana kuti Kristo ndiMwari wari munyama. Saka apo udotambira Kristo, hupenyu hwawo hwehuMwari hudobva hwatsiwa hwako hwemunhu wenyama, ndihwo hwatuwonekwa munewe. Udobva wawa Kristo-munewe wemunhu. WaKorose 1 ndima 27 ingoti, "Kristo munewe, tarisiro yekupenya.” Uku ndiko kupenya chayiko kweshiKristo—Kristo munewe! Ziwa ngekutoziwitsa diko iri nyamusi, kudarika dzina nguwa dzetse dzadarika. Prayer / Confession Baba awo ndingoda, ndingokutendani ngeruziwo rwekuti Kristo ndiwani—Mwari angowonekwa munyama. Kristo wangokara munene, hupenyu hwawo huri munhengo dzemwiri wangu dzetse. Ndingofamba ndiyiziwa diko iri, ndiyizazitsa shinangwa shanu ngekuwonesa kupenya kwanu kunyika. MuZita raYeso. Ameni. Further study Vakorose 1:26-27; Johani 1:14 NIV; 1 Timoti 3:16 1-year bible reading plan Mako 9:33-50 & Numeri 9-10 2-year bible reading plan Mateo 19:13-22 & Ekisodho 11 WhatsApp Chanel for rhapsody Translation : https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F

Comments