
D&R Alluminium Solutions
February 25, 2025 at 07:11 AM
#hide
Vanhu varikuti Musikana uyo akanyanya kukanganisa kudanana nebaba ve friend yake asi hapana arikumboona kuipa kwababa vacho, anyway thats not nyaya yangu.
Ini ndiri founder we pentacostal church iri muharare, church itori ne more than vanhu 100. Handina chekuchema vanhu veku church vanomira neni nemhuri yangu nemukadzi wangu zvese zvekupfeka nezvekudya iniwo basa raMwari ndinobata nemoyo wese. Dambudziko rangu rakatanga pakauya vamwe mai kuchurch veku Epworth vanonzi Mai Tatenda. Mai Tate vakauya vachitobvisa mari zvakasimba muchurch vakatengawo ma chair nemicheka yedecor. Chandisina kutaura ndechekut amai Tate is a beautiful single mother vanoita zvekusona and vanozvigona and mhuri yangu vanoishongedza. Mai Tate pavairwara ndaienda namai tichinovanamatira nekuvasimbisa nemwanakomna wavo Tate ane27 years. Zvakazongoitikawo kut umwe musi takati kuna amai tinosangana kwamai Tate tinovaona since vanga vapora zvavo, amai vakanga vaendawo kumbare asi vakazonditi endai henyu ini handichauyi ndaneta nekufamba. Zvisinei mai Tate ndakanovaona chokwadi zvakangoita kunge takafungirana zvemu movie zviya ndokutanga kutokisana namai Tate kutozosvika tarara tese. Chokwadi pakafamba satan nekut hatina kumbofunga kuvhara door saka patakada kurara tese kechi2 musi iwoyo tate akavhura door ndobva atiwanikidza takashama akabva akasika kuburitsa foni akaita seatora picture. Ini handisi shuwa kuti akatora picture here kana kuti asi problem yava kuti Tate akungondigumha mari paadira. Musi uno akati mari yese yabviswa svondo rino yekuvaka kustand kwe church ndeyake ndikamupa. Vanhu vakuru vemuchurch vakaona kuti mari haisi kufamba zvakanaka kunyangwe mukadzi wangu arikuzvionawo. Last week akati ndimuise ku finance muchurch since amai vaivako vakabva havachagari kuno zvino ndinotya kuti anotora mari yese ndikazonetsana nevanhu ve church. Chimwe chiri kundinetsa mai vake ndakavaudza vakati vachataura naye asi hapana chachinja. Imwe pfungwa inonditi nditize hangu. Ndibatsireiwo kuti ndoita sei...
Ngatibatsirei Apostle avo.
🙄Voudza vanhu ve church nemhuri yavo here
😰Vopa Tate zvaanoda here
😳Votiza church zvavo nemhuri vonogara kumwe
https://whatsapp.com/channel/0029VarQj3aFi8xUCbjMS92Y
😢
😳
🙄
3