AFRICA -ZIM
February 5, 2025 at 07:22 AM
Insane Romance
Stixx
stixxsu3@gmailmcom
➕2️⃣6️⃣3️⃣ *⁷¹² 1️⃣8️⃣7️⃣ 999*
Chapter 9
All the way to Neshuro handina kukwanisa kubvisa Simba mumusoro. What if! What if? ndiko kaphrase kaingoramba kachidzoka mumusoro mangu. Ndaizviita sei?
Ndakambobudisa phone yangu ndichida kumufonera. Iye akanga asinawo kufona for long.
Ndakangodialer key yandaive ndaisisa number yake paspeed dial. Yakangocutter isina kudairwa. Ipapo ndipo pandakatarisa ndikaona kuti kwakanga kusina network.
Ndakabva ndangozvidzikamira. Ipapo ndakanga ndichifamba zvekurevesa nekuti nguva dzakanga dzaenda.c Handina munhu wandakakwidza. Ndaisada kumira ndisati ndoda kana kutaudzwa ndisingadi. Munhu mumwe chete aingokwanisa kutaura nyaya neni ndisimba who i could not reach out to that moment.
Ndakapinda muMasvingo zuva rave kutorereka.
I drove into the central business district. Ndakaenda pafilling station yakanzi Zuva ndokubva ndafiller tank. Mujerrycan yakanga irimo yandakanga ndazadzisa kuKwekwe.
Jerrycan! Rakapinda mumusoro mangu. Ndakanga ndamboita pfungwa dzekunoriongorora kubva pandakanga ndave kufunga kuti Simba was the one we were looking for. Nekudaro ndakaenda kuboot remota ndichakamira paservice station paye. Semunhu akanga abata jerrycan iri husiku, ndakanga ndisina kuzvitarisa, ko paive nenyaya here.
Ndakatoridzirwa bhera neumwe munhu wemushika shika aive nekafun cargo kake achida kuita refill fuel asi handina kuzvitarisa.
Kana mota yacho ndaitadza kuifambisa ndisati ndaona kuti pfungwa dzangu dzadzikamiswa.
I sighed ndichiona jerry can rine kapepa. Ndakanyemwerera, hana ndokuti dzikamei.
Ndakapinda mumota ndokucrosser road ndoenda paOK Supermarket kunotenga chikafu. Hapana pandaizosvika kwaNeshuro ndikakwanisa kubika. Already ndakanga ndave kutonzwa kuneta nekudriver kwandainge ndaita.
Ndakazobuda mutown nguva dzadarika five nechikamu chekutanga chemaminitsi. Ndichisvika paExor ndakaona vamwe mai vaive vakamira nemwanasikana wavo asi ari mudiki. Pamberi pavo vaive vakatarisana nezisaga hombe. Ndakamisa mota ndokubva mahwindi azara pawindow pangu.
"Border here maiguru? Border izere", akadaro umwe achiisa musoro nepawindow. Matauriro aiita kuita kunge achandikisser, apa achibuda zvimate pakutaura.
"Border neMark X ! Mark Ten munyaca uyu unoenda necomfort! Tiri kuda border straight! Muroad hatimiri! No Lutumba mota haisi yemaorange iyi!", akanga otodaidzira umwe.
"Ndiri kuda amai avo chete", ndakapindura uya aive pawindow. "Vapi gullez, vapi?", akavhunza ndokubva ndatendeka.
"Hohodo, wenyasha ndewenyasha. Hande nhanha", akadaro achifamba achienda kuna mai vaya. Zvaive clear kuti akanga ave kunosimudza mwana. Amai vaye vakashaya kuti chirudzii nekuti vakanga vasina kumbouya pamota kuzonegotiator transport. Kunze kwakanga kuchitaridza kuti anytime kwainge kuchizonaya, chinova chikonzero chakaita kuti ndimirire mai ivavo.
"Hezvo hezvo mukuwasha! Siyai mwana wangu munoda kuendepi naye?"
"Ishiii, kutoramba makomborero. Hameno kuti ndiyani wenyu uyo akudaidzai! Mamira pano mahours mangani? Mvura iri kuda kunaya hamuione? Ndokubva ndokubira mwana wenyu pahofisi pangu ini? Handibire maclients ini!", akadaidzira mukomana uya.
Amai vaya ndipo pavakaita pfungwa yekumboona. Vakabva vauya kudriver's window chaiko.
"Muri kuendepi amai?", ndakavatangira kuvhunza. Vasati vapindura vakamboita kunge vari kutarisisa something mumota ndokubva vati, "Turn P"
"Turn P tinenge tisati tasvika kuLundi?", ndakavhunza. "aiwa tinenge tatodarika asi hatipfuure zvakanyanya"
"Okay ndinofunga ndipo pandinoendawo napo nekuti ndiri kuenda kwaNeshuro"
"Ah ndiko kwandiri kutoendawo. Regai nditore saga rangu ndipinde", vakadaro vave kutaridza mufaro.
"Zvino manga muchida kumboita manyawi ei? Murume wenyu ari pama1 mai imi", akadaro hwindi uya achitevera kumashure kwavo. Akabva atovasimudzira saga ravo ndokubva ndasanovhura boot. Vakapinda nemwana wavo.
"Chitorai umwe 1 uyu ari kuenda paZifunzi apa tete. Anongokupai four chete", akadaro achirereka - rereka musoro muchinda uya.
"Aaah kana handichatakura umwe", ndakapindura ndichibata gear lever. Musikana wacho akanga akamira paside achingodongorera mumota asingataure kana shoko rimwe chete. Kunze kwakanga kwatodoka.
"Honai tete pano pazere varume vega. Zvino mungasiya umwe werudzi pakadai? Nhasi transport iri kunetsa panga pakazara kanzuru the whole day. Ingomunzwaiwo tete", akademba mukomana uya. Ipapo ndipo pandakaona kuti regardless of many of mahwindi ane rough, iyeye akanga ane moyo chena.
"Ngaachipinda hake", ndakazodaro.
Hwindi akabva avhura door remota ndokubva ati, "chipinda. Apa wanga uchimboramba kutaura neni futi", akavhara door ndokubva auya pane rangu.
"Yedrink maiguru, tahwa nezhara pano", akadaro ndokubva ndati musikana uya amupe four dollars yacho.
"Safe journey murungu", akadaro ndokubva ndasimudza mota. Ndisina kusvika pacorner panoforomerwa zvitinha, pane banner rePPC phone yangu yakabva yarira.
"Hello", ndakadaira nekukurumidza. Akanga ari Simba.
"Akomana unoda kundiuraya nechisuwo here?", akadaro ndokubva ndatonyemwerera. I knew pakadai he would be sweet throughout the conversation.
"Aewa kani! Busy yacho haiite hako shamwari. Ipapa i am on my way kuenda kubasa", ndakapindura ndichinyemwerera. Vanoziva zvinoita mazwi anobuda pahappy face ndizvo zvaiita tone yangu. Polite, joyous and lovely.
"I thought wakati unoshandira kuChirundu", ndakavhunduka kunzwa achidaro. Ndakapotsa ndaisa mabreak, apa shure kwangu kwaiuya utata hweGraca raifamba, hutsi chaihwo. Ndakanga ndatove pamukwidza wekuti kana ndamupedza ndotoenda Pa - Nyanda.
"What do you mean?"
"I saw your car", akadaro hana yangu ikarova. "Simba uripi?", ndakavhunza muhana mangu matopindwa nemufaro.
"Right now ndiri paExor. Ndasvika mota yako ichitosimuka"
"Sha, imbomira masketch ka. Uripo here ndidzoke?". Ndakataura kudaro ndichitobudisa mota muroad.
"Yea if you can ka. Dzoka hako", akapindura. Ndakacutter phone ndichinyemwerera. Handina kumbokumbira mapassengers angu kuti ndichambodzokera kumashure. Ndakaifuridza mota ndakadzokera kuna Simba. It was just another version od a sweet coincidence. Kuonana zvakare kwakasviba. Hana yaingorova - rova.
Nguva shomanana ndakanga ndamira pamberi peSteers, ndokubva ndaisa phone call.
Kunze kwakanga kwave kufukidzwa nerima manje.
"Huya pamota iri kuisa mahazards pamberi peSteers", ndakadaro ndichibva ndacutter. Ndakacheukira amai vaye ndokubva ndavati, "Ndinokumbirawo mumbogara nevasikana kumashure uko. Driver auya", ipapo ndainyemwerera.
Ndakabvisa safety belt ndokubva ndabudawo. Ndakamuona achisvika ane kabag.
We hugged and that hug was just warm. Kunzwa kuti iyi hug is on point. Handizive if he felt my boobs pressing against his chest. Handizivewo kana zvirizvo zvandaida.
"How are you Simba?", ndakavhunza zvine kakufuridzira malips so.
"Hey Tashie, uri kuendepi?", akavhunza.
"Handina time ndinoda undiperekedzewo please ugodzoka mangwana", ndakadaro ndichitopinda kufront passenger's seat.
Akangonditarisa ndokubva anyemwerera. Aive akavhenekwa nemalights ndokubva ndanyatsoona saka rake. He was brown skin, just the way it felt his masculinity.
Akadzikaisa kabag kaye ndokubva aisa kumashura kwaive kwakagara amai vaye nevasikana vaviri.
Mota yakanga ichitinhira already, akabva angoisa mureverse ndokubva tapinda muroad.
"How did you know it was me?", ndakavhunza tave paClipsham.
"I memorised your plates". Haana kuda kumboita pano neapo pakupindura. It was simple and straight.
He fastened his seat belt, ndambonyarara, engine yochidirwa mafuta manje.
"Mota yako ichiri kuzvinzwa shamwari", akadaro. "Hongu asi musazotibheutde henyu Chirasha", ndakadaro ndichiona speedometer yotambira beyond hundred kilometres per hour. "Jeez okay! How did you know my toterm anyway? I don't remember telling you"
"Ndakaona hangu pastatus yako pane chiNgara, ndikati hekani waro Zimuto. Manjekechera vari Gokomere. Vekufura dombo nemuseve rikabuda ropa. Zvaonekwa Masvingo aGovere", ndakabva ndatoita nesome part of his toterm.
Akaseka, kuseka chaiko zvekuona kuti ndafadza mwanakomana weimwe chembere pano.
"You must be kidding me"
"Why?"
"Mutupo wangu wakauzivirepi?"
"Pandakaona kaNungu ikako ndikatotsvaka nezvawo"
"Hoo, asi wakatogona hako nekuti soon unenge wave kumuda kuti utende", akadaro ndokuseka.
Zvaive funny zvaakanga ataura. Ndkanzwa kungotekenyedzwa nazvo so asi pfungwa dzichirerekera kune zvimwe zvinhu.
"Zvandiri kufungaka ..", ndakadaro and giggled.
"You are right whatever you are thinking. Usangosiya part yekuti mutupo iwoyo uchamushandisa chaizvo", akadaro. Takangoseka.
IR9 Ends