
AFRICA -ZIM
February 6, 2025 at 04:35 AM
Insane Romance
Stixx
stixxsu3@gmailmcom
➕2️⃣6️⃣3️⃣ *⁷¹² 1️⃣8️⃣7️⃣ 999*
Chapter 10
*Simba*
Munzira mese ndaingofunga kuti kumberi kwatiri kuenda zvaizonofamba sei? Ndaiti ndikambocheuka ndomutarisa iye akatarisa paphone pake. Nguva idzodzo mumota maive neserious silence, nyaya dzainge dzaperaka. Dzatakanga tasarwa nadzo dzaive dzedu tiri vaviri. Musikana aidzika paZifunzi akaburuka ndokusara naamai nechimwana chavo.
"Ko vari kuenda kupi?", ndakavhunza Tashinga zvekuti amai vacho vaisanzwa. "Kwandiri kuenda", akapindura ndokubva ndanyarara. Takasvika paTurn P ndokupinda muzidust road rinoenda kwaNeshuro.
"Iii waita hako ukabatikira, ini zvekufamba mumadust road andisingazive husiku zvinondishupa", akadaro achibatira paseat rangu. "Kasi it is your first time kuuya kuno uku?", ndakavhunza.
"Yes"
"Saka sei wafamba husiku?"
"Ndanonoka kubva kuHarare", akamedzera mate ndokuti, "ko iwe Simba kuno uri kuitei?"
Ndakafemereka ndokubva ndati, "kuno kuMasvingo ndiko kumusha kwedu", ndakamuudza chokwadi.
"Hoo, i thought uri munhu wekuMidlands ka ini"
"Nekuti wakandiona ikoko ndichifamba netsoka", ndakabva ndaseka.
"What were you doing there Simba?", akavhunza. Kuvhunza kwake kwaisave kwemunhu anongoda kuziva but munhu ari seriously concerned. Ndakadzikisa voice zvishoma ndokubva ndati, "story of another time". Ndakanga ndichinzwa kuti naye taiwirirana but i could not just devulge everything panguva shoma yakadaro.
"Okay, i will be waiting", akadaro ndokudzokera paphone yake.
Takasvika paGrowth Point, amai vaive mumota nemwana wavo vakadzika. Ndakaudzwa kuti vaive nesaga kuboot ndokubva ndabuda kunobatsira kuriburutsa. Vaitove nevanhu vainge vakavamirira.
"Ko kuMasvingo kwanga kuchitoita sekunoda kunaya, kuno kune nyeredzi wani", vakadaro amai vaye vachitarisa mudenga. Handina kuita hanya nazvo. Ndakangovhara boot ndokudzokera mumota.
"Tiri kuenda pahospital", akadaro Tashinga ndokubva ndabudisa musoro nepawindow ndovhunza mumwe munhu aipfuura ari pabike. Akatendeka tendeka ndokubva ndaona kwataienda nako. Mupfungwa mangu ndaingoti hameno hama yake yatainoshanyira. Kuti aizondiintroducer sei kana kuti ndaizorara pai, taizviona tasvika.
Ndakangozoona ndonzi ndimise mota kudzimba dzevarapi. Iye akabuda akaenda kuadministration. Akanopedza nguva ariko zvekuti ndakatomboita maphone calls back kuna Pierra.
Akazodzoka akabata zvinenge makeys akati tichienda.
She directed me kusvika tapaka paseri peimwe imba. Akakiinura door, ini ndichitevera nebag rake, nekabag kangu. She switched on the light ndokubva, mumba mese mati ngwee. It was one room yaive isina zvakawanda kunze kwetable nemachair ayo. Four plate stove, fridge nezvimwewo.
We proceeded to the next room, ndokuwana imomo makawaridzwa mubhedha, waive wakakwirira. The blankets were knew. Infact everything was on point, ndimo maive netelevision. Wardrobe yaivemo, ndakavhura ndikaona isina chinhu.
"Are you coming from a holiday or something like that?", ndakavhunza ndatoona kuti maitaridza kuti maigariwa.
"Ndiri kubva kuleave", akapindura.
"So pandakakuona uchiti mangwana unoenda kubasa wainyepa right?"
"Oh yeah, ndaida urgent help ka"
"Okay. So kunoku ndiko kubasa. Unoitei pano pachipatara?"
"Ndiri nurse", akapindura nekukurumidza.
Pose pataitaura apa ndaive ndagara pabed ndichitorwisana nekubaya remote yedecoder yairamba kusensor. Iye aibudisa budisa hembe achirongedza.
"So you are coming from a leave neuniform new one?", ndakavhunza ndaona zvese zviri muplastic.
"Yes", akapindura ndokuti, "ndakangofunga kumbochinjawo zvangu"
"Hoo. Wave nenguva yakadii uri kuno uku?"
"Not too long, but a year and a couple of months", akadaro.
"So wanga uchiti hauzive road sei?"
"Kwanga kuri kungoedza kukuappreciator Simba. Anyway why are we really having this conversation?"
"We are knowing each other", ndakapindura.
"Actually this conversation was all about me. Iwewe hauna chawambondiudza"
"Tanga tichangozotaurirana kuvhunzana kuti Simba ndiyani", ndakadaro ndokuseka.
"Still ndiudze now", akadaro amira pamberi pangu akabata muchiuno.
"Do you think that is a bright idea, when i am looking at someone who makes my blood flow in reverse", ndakadaro ndichisimuka kumubata ruoko. Akaita one step back ndokubva ndaona kuti pfungwa dzake dzaipesana.
Ndakamudhonza ndokugara pabed futi ndakamutarisa.
"Actually, i am not a believer in love at first sight but you made me do Tashie! All this way i came nekuti ndinokuda. I just want to know your position in this! Am i at the right place or i am lost?", ndakadaro zvine kahudeep so.
"Simba", akadaro ndokubva ambobvisa ruoko rwake muruoko rwangu ndokupukuta kumeso kwake.
"I know deep inside yourself you have a lot of questions Tashie. But right now standing in front of you is a man who is humbled, twisted and overwhelmed by the love for you. The feelings are so deep and the desire is haunting. Une mukomana yes wawaitofonera that night but trust me even if you were married....."
"I am engaged Simba. Handizive ndoita sei. I don't want you to go...but what about Theo?"
"Handisi kuda kukuomesera Tashie. Kukuitisa zvausingade or something. If we cannot...we cannot, i will be still fine"
"Don't say that...it hurts"
"But ndozviripo. You love your man and i have to understand it, I can't say anything negative just to push my own agenda..i love you by my heart and my feelings", ndakapindura.
Akabva ati, "ndokumbirawo kumbonogeza ndigodzoka totaura". "Its okay". Akabata - bata muwardrobe ndokubva abudiswa zvaakabudisa. Akabva abuda.
Ndakasara ndichirwisana nepfungwa. Ndakanga ndisingazive kuti ndoita sei naye Tashinga panguva idzodzo. I could see she felt the same way i did but admitting to loving me that night aiziva kuti irisk. Semunhukadzi aiona zvisina kukodzera kuti tingoita zvakadzika nemusi wekutanga.
Akadzoka after about twelve minutes.
"Ndogona kumbobuda hangu uite zvekuchinja", ndakadaro ndichitosimuka. She just looked at me ndokubva ndaenda mukitchen.
The door was partially open zvekuti ndaikwanisa kuona zvaaita kana anangana nepaive pakavhurika pacho.
Paakangopedza chete ndakabva ndatodzokera.
Ndakatora kabag kangu ndokubva ndati, "See you later".
"Ko wave kuendepi?"
"Going back kuMasvingo"
"Unoenda nei?", akavhunza.
"Nemotaka dzopera here muroad?"
"Ko kubva pano?"
"Netsoka haa usandityire ndiri comrade"
"Why Simba? Is it because i have mixed feelings? Why are you hurting me? Haude kumbondipawo time yekufunga?"
"You are engaged Tashie and spending a night with you will damage the same thing you want to protect", ndakamuisa pacorner.
"Simba haude kunzwisisa. It's not kuti i cannot love you. It is not even that! Not because of my engagement but how will i be around you? Technically i am someone's wife whose feelings are on another man"
"Are you sure?"
"Yea and ndinozvivhunza kuti unonditora sei?"
"Ndinokutora semudiwa wangu Tashie. Nothing changes. Question is are you ready?"
"Handidi uende Simba. Nhasi uri wangu. And as for the engagement promises are meant to be broken", akadaro ndokubva tatarisana mumaziso.
Dai raive robot pakadai ndipo patinoti rave green. Ndakabvisa kabag ndokubva kadonhera pabed. I advanced ndokubva ndamubata matama ndokuti, "I love you Tashie", zvinenge kawhisper so. She saw that i was going to kiss her any second and she closed her eyes. I kissed her zviri soft ndokubva ati, "i love you too Simba"
Ndakabva ndazomubata nekunzeve uku ndokurerekera musoro manje ndoita deep kiss. Zvaigoti aive nemalips aive akakora. Kiss iyoyo, ndaida kuti igare yamupedza, saka ndakaita yekunamatidza.
Ndakabva ndamubata pashoulder apa, ndokutanga kunanaira huro yake neruoko. I was feeling the smoothness of her skin.
Munhu akanga apfeka bra nhai,husiku ihwohwo ndikangoti nechemumoyo ine paichashanda. Ndakamboramba ndichingowanza kupurudzira kumusana and anywhere accessible until, ndachizomutendeudza ndokumuradzika pabed. Akanga ari nechekuedge akarembedza makumbo ndikamubatsira kuswedera nechepakati.
"Today is your day Tashie", ndakadaro ndakamutarisa mumaziso, aive ave kupenya nemisodzo.
_*to be continued*_
IR10 ends