
AFRICA -ZIM
February 10, 2025 at 04:43 PM
IR13
Insane Romance
Stixx
0718008368
[email protected]
Chapter 13
Ndakacheuka - cheuka ndichivhura kabag kaSimba. Kutarisa tarisa kwandaiita zvaive zvekutya kubatwa chaizvo. I was following my instinct that i would have been sleeping with the guy i was trying to catch.
Iye akaramba akatsinzina maziso, zvichionekwa kuti dzakange dzichitove hope chaidzo dzainge dzakamudhaka.
Ndichigadzirisa towel randaive ndakamonera ,ndakuisa kabag kaye pamakumbo. Akafemuruka zviye zvemunhu ari kutura femo kuhope ndokubva agomerera zvishoma. He was switching sleeping positions. Zip yebag ndiyo yandaityira kuti yaigona kuita noise akamuka, therefore ndakabva ndaivhura zvinyoro - nyoro.
Kunotarisa mukati kudai, ndakawana mune worksuit yekhakhi yaive nemareflectors. Chimwezve chaivemo yaive helmet yewhite, magloves, eye glasses nesafety shoes.
Ndakazama kutarisa zvimwe zvese ndichiti kuda ndichasangana nezvimwewo asi ndizvozvo chete zvaivemo. Mate akaoma mukanwa. If he was not the guy i was looking for then who was him?
Ndichibata pachifuva ndakamutarisa akarara kudaro. Half - handsome, harmless but a sex beast, ndakangonyemwerera. Ndakanga ndaitwa - itwa nemystery man. Saka Simba ndaizomuziva sei.
Ndakadzosera zvinhu zvake mubag ndokubva ndadzokera pabed. Hope dzakanonoka kuuya ndichifunga zvebasa. Nguva dzakamboti fambei ndakasvinura, ndakarara nemanhede ndakatarisa mudenga. Ndakatsvanzvadzira pandakanga ndaisa phone ndokumboenda online. Hapana akanga ari pawhatsapp nguva idzodzo. Ndakaenda pafacebook ndokubva ndati regai nditarise Simba.
I searched his name ndokubva pabuda five suggestions dzainge dzakafanana zita nesurname. Ndakaita nowhere ndichiona ese ane maprofile picture akasiyana , four ari emhuka rimwe chete richingova nemaziso chete. Ndakavhura ese ndichitsvaka mamutual friends. Mamwe aive asina, mamwe akanga ane mazita asinganzwisisike. Ndakasiyana nazvo ndokubva ndarara.
"Wakey wakey_", ndakanzwa ndave kumutswa naSimba. Ndakangosvinura maziso asi zviye zvemunhu ari kutambudzika nehope ndokubva ndati, "g..oodnmorningg"
"I am fine, sleepy head", akadaro ndokubva andikisser pahuma. Akazviona kuti hope dzainge dzichakandibata ndokubva awedzera kundifukidza. Ndakabva ndangotsinzinawo maziso, nekuti ndaitoda kuwedzera kurara.
Pandakazopepuka akanga apedza zvese kugeza nekubika breakfast. He really surprised me. Ndakanga ndisati ndambozviitirwa zvekubikirwa izvi. Ndakabva ndati, 'handina kugeza kumeso"
"Say nothing, her majesty", akadaro achibva atora kabucket kemvura inodziya netowel. Akandipa kasipo kangu kegentle magic ndokubva ndazora kumeso. "Ummm Simba", ndakadaro ndichiona kuti kuita kwacho kwakanga kwakanyanya.
"What is wrong?"
"You now scare me"
"Scaring you nei manje apa?"
"Why are you doing all this? Rudo neni here kana kuti? Zvinozoramba zvakadai here?"
Akangoseka ndokubva ati, "Geza kani unwe tea isati yapora iyo". Handina kuzovhunza zvakare.
Pandakapedza kugeza akatora kabucket akabuda nako, zvese netowel nesipo. Ndakagadzikiwa trey pamakumbo. Hue had prepared sandwich, eggs nesoup. Ndakatanga kudya iye akanditarisa achinwa tea yega.
"Ukaramba wakanditarisa ndinotadza kudyaka", ndakadaro ndichinyemwerera. "Handina kutombotarisa iwewe ini"
"Haunyare kuramba zviri pachena?"
"Ko kutanga wavhunza kuti ndakatarisei?", akadaro ndokubva ndambotanga ndamedzera chikafu. "Ndiudze iwewe, ko chingondiudzaka"
"Ndakatarisa pachazoyamwa matwins angu", akadaro ndokubva ndapotswa ndadzipiwa nechikafu.
Looking at him, ndakabva ndaseka, asi hana yairova. How could he say something about matwins.
Zviye takanga taita unprotected sex. Ndakafemuruka ndokubva ndati, "do not joke like that"
"Who said i am joking?"
"Simba"
"Tashie"
"Unoda ndiite matwins emunhu wandisingazive?"
"Ndinoda uite here kana kuti wakatoita? Unofunga nekunakirwa kwawakaitwa kuya zvoguma nepi?", akabva asek. Ndakamusikiza necup yetea ndokubva aedzesera kunzvenga achiseka.
"That is not how you say thank you to someone who made breakfast in bed for you", ndiye uyo.
"You made me your dinner, kundipidigura ka40, saka zvaenderanawo nebreakfast rawagadzira", ndakapindura. "Ah!"
"Yes, mystery man", ndakadaro ndkamutarisa mumaziso chaimo. "Mystery man inini manje?", he asked. "Yes! Handikuzive Simba, handikunzwisise and it is naive of me to be fucked so mercilessly nemunhu andisingazive", ndakataura ndiri serious.
"What do you want to know Tashie? Ask me"
"What do you do for a living Simba?", ndowakave muvhunzo wekutanga. Akasimuka ndokubva atora kabag kake. Ndakamutevera nemaziso.
Akagara pabed paainge agere ndokuvhura. Akabudisa zvandainge ndaona husiku hwakanga hwapfuura.
"Ndiri general hand kuExodus Construction Company. This is my worksuit", akadaro akanditarisa. That was undeniable chero dai dzaive nhema. It was plausible. Worksuit yaivepo nehelmet uye safety shoes, showing kutk aitoshanda kuconstruction.
"Okay, unoshandira kupi?"
"kuRutenga"
"Saka hausi kudiwa kubasa?"
"Ndingadai ndatotanga nhasi but i priotised you over my work", akadaro ndokuedza kundikisser ndokubva ndamublocker. "Where is your family? You never told me about them", ndakaisa umwe muvhunzo.
Akaswedera nechekure neni. He looked sad in a second ndikashaya kuti zvairevei. Maziso ake akatanga kupenya, he sneezed less and then misodzi ndokubva yatanga kubuda mumaziso ake. Zvakatondikangawo mate mukanwa ndikangoramba ndakamutarisa. When he looked sober ndakabva ndati, "what is wrong Simba?"
"My ...my .... family...you wanna know about my family?"
"Yea...yes Simba", ndakakamira kubvuma.
"They are all dead. Father, mom and sister in a car accident. I am the only survivor with this scar", akadaro achikwidza trousers rake. Pamupimbira pake pakanga pane zivanga ziguru.
Ndakanzwa kuti zharrrrr, ndokubva ndati, "when did it happen Simba?"
"Ndakanga ndave grade four"
"Shame sorry hako. Saka zvakafamba sei? Wakarapiswa nani? Ko akazokuchengeta, hama dzako dziripi?"
"I do not know anyone, not even a relative. What i remember ndezvekuti ndakarapiswa ndikapora and had to work for that man akandirapisa ainzi Mandisa"
"Aigara kupi?"
"Empress Turnoff"
Nyaya yacho yaitondivhiringidza. Handina kuda kuinetera, i was hoping to find something pairi.
"Saka makanga muchigara kuEmpress Turnoff?"
"Aiwa, taigara kuGokwe", akapindura.
"Saka murume uyu, Mandisa ndiyani wako?"
"Nobody! Seems like my parents vakanga vatama kubva somewhere kunana Magunje. Manje vakashaya ndisati ndakura zvekunditsanangurira where i came from"
"Okay. Ko Mandisa uyu ari kupi?"
"Sold everything he had ndokubva atevera mudzimai wake aigara kuSouth Africa", ndakapindurwa ndikagutsikana. His story yielded nothing. Every angle had a dead end.
"Sorry hako", ndakangozodaro ndatobhowekana. Phone yangu yakabva yapinda message.
Yaive kure neni, ndokubva ndaudza Simba kuti anditambidzewo. Ndakada kupedzisa tea iya asi yakanga yatonhora.
'Hanzi mortuary iya yakapera. Will text you how its business is'. Yakanga iri message yakabva kuna Tino. Ndakaedza kufunga nezvemortuary. Ndakareplier message iya ndave necuriosity.
'Tarisa news dzanhasi makuseni paIntel Feed. Will text you hidden agenda in three hours. Zvakangooma', akapindura. Pese pandaipindura apa, Simba akanga atove paphone yakewo.
IR13 Ends