
AFRICA -ZIM
February 13, 2025 at 06:32 AM
IR14
Insane Romance
Stixx
0718008368
[email protected]
Chapter 14
*_Theodore_*
Ndakanga ndisina nguva yekutambisa planning on my future. Zvekutaura nevamwe vasikana ndakanga ndazvisiya focusing on loving Tashie alone. Moyo wangu wakanga uri paari chero zvake akanga achimboita zvimwe zvinhu zvisingandifadze. Nguva zhinji taipesana pane zvaaida nezvandaiita. Akanga ari munhu aida nguva yakawanda paphone. Nguva yacho ndainge ndisina.
Ingave nguvai, manheru kana makuseni eSunday kusina anoenda kubasa i just couldn't chat to her. The chat was not flowing in any kind. Chat raingoguma pedyo, uye i didn't put my focus on giving her that crazy part she wanted. Dzimwe nguva aimbonetsera kuti ndakanga ndichingovhura mastatus ake pasina kumupa macomments.
Munhu wepi aida kuudzwa kuti wakanaka nguva dzose. She had to understand kuti kutomupfimba kwandakanga ndaita kwaitoreva kuti ndakanga ndaona runako rwake. Iye manje akanga asingazvinzwisise. Wani hove kana yapinda mupoto ichada chiredzo here kana chipunu. Zvekukandirwa masese zvinenge zvapfuuraka yave kusaswa salt. She did not want to understand that we were no longer kids, zvekuda kufadzana nemashoko.
"Saka chat redu roita kunge online business meeting here?", akandidaro zuva raakanga asati aenda kwaNeshuro. "Ko ndamboti ngatitaura zvebusiness here?"
"No, but Theo everytime it's either you are tellimg me about your mining, cars or updating me nezvemari yeroora. But i need to feel you", ndiye uyo.
"Izvozvo zvekutungamidza mafeelings ndizvo zvichakubvisa chiremerera. Yes uri mudiwa wangu, uri kuzoita mukadzi wangu but, ndipo paungati kana wangoona zita rangu wotokundwa nenyere here?"
"Nhaiwe zvauri kutaura zvabvepi?"
"You just told me that you want to feel me"
"I mean, feeling you through messages Theo. Tease me wo, uchindiudzawo kuti dai tiri tose uchitamba nebody yangu, nekuita sei"
"Zvakabvepiko izvozvo? This is our relationship Tashie, different to anyone's. Ndinoziva zvandinoda pamukadzi wangu nepandinozvidira. Kusataura nezvazvo it means it's not necessary in this relationship and does not take us anywhere! Instead of planning what will we do tave mumba, business and how to raise kids unoda tiswerotaurirana zvekukumurana hembe chete zvotipei?", ndakada kumuonesa.
"Jesu, ko ndati toswerera here?"
"Ikoko kungogara uchinditi Theo ndiudzewo zvinoita ropa rimhanye. Unoda ndifunge kuti ndiri kuroora pfambi here kana mukadzi ane njere? Vakadzi vaikozvino vari kudirwa substance kwete mashura aunondinetsera aya"
"Ehoi daddy. Ndakunzwa asiwo zvinokukonesa kungonyorawo kuti I miss you Theo?"
"Zvese izvozvo hazvina basa Tashie. You should be worried nekuti ndave papi nekukuroora. Izvezvi so ndakatoudza vana tete kuti i will see if we can move the roora day up", ndakabva ndacutter.
Paaive akanakira Tashinga akanga asina nharo zvake. She was one kind of a woman wekuti ndaimuudza zvandinoda whatever way asingadzore. Aive wife material, type yenguva yana mai vedu chaiyo. Paripo pamwe pandaitoona kuti ndamuitira hasha but she would remain submissive.
Some of my friends even told me kuti kusacomplainer kwake meant she was getting a fine treatment somewhere. My argument against that theory was how she was still waiting for me to marry her. Aidai akaramba kare. Ko kana munhu ane kumwe kwaanogona kuwana zviri nani anenge achagarirei pacho pasingamufadze. Kuda kutaridza mashamwari angu kuti ndakanga ndiri ndega pana Tashinga ndakabva ndaita kuti date reroora riswededzwe padyo.
Musikana wangu ndakanga ndisingade kumujaidza twakawanda - wanda. Kana kufona chaiko ndaive ndisingangofone - fone. Munhu aifanirwa kumboshayawo munhu. Dzimwe nguva ndaimupa mari yekugadzirwa musoro but wozonzwa ndonetserwa kuti sei usina kundiudza kana zvandarukwa zvakanaka. Ndipo paitanga maargument ipapo. Kazhinji ndiye aidzikana ondikumbira ruregerero zvake.
Wainzwa oti, "ngaisiye matambo Shumba!"
Kubva zuva raakanga apererwa nefuel, akanga asisanetsere kutaurwa naye. Iro zuva racho i took the advantage of letting her survive the situation on her own. Munhu aisafanirwa kungoziva kuti nguva dzose or anytime my boyfriend can come through. Ko kana ndikazofa aiita sei ari ega?
Zvekumufonera ndakazofona the day after raakasvika kwaNeshuro. Ndakatofona ndaona kuti akanga arega kundifonera. She was supposed to call me ondiudza kuti akanga afamba zvakanaka here kwete kunyarara.
"Ko chakaita usafona chii?", ndiwo muvhunzo wandakatanga kuvhunza. Akanga ari masikati.
"Ko kutanga wandivhunzawo kana ndakafamba zvakanaka nhai Theo?"
"Wadaira phone yangu pasina problem yandanzwa that means wakafamba mushe", ndakapindura. Ndakanga ndisingade nonsense pamberi pangu.
"How can you say that to me?"
"Did you want me to say so to someone else uriwe wakafamba rwendo? Ndati ndiudze kuti sei usina kufona?"
"Handiti....."
"Handiti chii? Pawakafona uchiti wave kuenda handina kukuudza kuti ufone kana wasvika? Saka chakakonesa chii?"
"Iii haya zvakaoma. Kwakanga kusina network Theo"
"Saka ndizvo zvawanga uchitadza kungotaura chete?"
Akambonyarara ndokubva azoti, "handiti manga maita zvekundivhundutsira here nhai Murambwi?"
Kudanwa nemutupo aiziva kuti ndinokufarira zvisina akamboona. Ndakabva ndanzwa manyawi ekuti ndakanga ndawana mudzimai anoziva zvandinoda semurume.
"Sorry kana wavhunduka zvako. Asi kuti ndinenge ndichingoda mukadzi anoziva kuti kukuda murume kuita zvaanenge awiririrana naye"
"Ewoni. Saka uchauyawo kuzondiona riinhi?"
"Watanga manje", ndakatotaura ndichifinyamisa kumeso. "Kutangei Theo? Ko pane chakaipa here?"
"You are being inconsiderate Tashinga. Look ikoko kune dust road, mota yawakaenda nayo need service nekuda kweroad yeko. That means ndikauya neyangu inenge yoda service futi", ndakatsanangura.
"Saka izvozvo ndizvo zvingaita usazondiona kana kamwe chete? Saka you mean kana ndikagara kuno forever hationane?"
"Who said so? Ko iwe unenge usingaite off here? Paunoita off unodzoka kuno kuHarareka tichionana"
"Sezvamareva mambo", akadaro ndokubva nyaya yacho yapera. Ndakabva ndacutter phone.
*_TASHINGA_*
After my conversation with Simba, makuseni ndakagadzirira kuenda kubasa iyewo achigadzirira kuenda kubasa kwake. Akatanga iye kugeza. Pandakazogezawo nekudzoka ndakawana akagara pabed atopedza zvese atobata kabag kake kari pamakumbo.
"Imbobuda ndiri kuda kupfeka", ndakadaro ndichiseka. "I am blind", akadaro achibva atsinzina maziso kunge munhu asingaone. Akabva atanga kutsvanzvadzira - tsvanzvadzira kunge munhu asingaone zvechokwadi.
Ndakatomira ndakabata muchiuno ndichinyemwerera how funny he was. Akabva aramba achiita until andibatira pamazamu nemaoko ose. He took his hands off faster ndokubva ati, "sorry sorry", ndokubva taseka zvedu.
"Ko unorohwa mupublic ka nesexual harrassment", akadaro achidzokera paaive akagara. Ndakaramba ndakamirira ndokubva ati, "are you dressing up or what?"
Shaking my head i went towards my lingerie bag. Ndakavhura zip ndokubva ndatorererwa.
"Let me look for what you have to put on today", akadaro achibudisa one - one. Akabva asvika pabra reblack ndokutsvaka lace racho. Akadzosera zvimwe zvese.
"Ita so, ndikupine bra rako", akadaro ndichibva ndatendeuka. Zvaive zvekundifonyora brain chaizvo. Kundipinda mumusoro chaiko. It was irresistible. He was naughty and sweet. Everything chaaindiita chaive chitsva. Ndapedza kupfeka zvese akabva atanga kuimba kasong kaye, Night Nurse kaGregory Issacs.
..... _night nurse_
Only you can quench this here thirst_ (ipapo munhu aindibatisa bulge yake)
_my night nurse_
_oh, the pain is getting worse_
_i'm hurt my love, oh_
_and i'm sure , mmmm_
_no doctor can cure ah_
_Aaah_
He was an amazing type. A guy who could be anything. Chero mutemo webasa wakanga uri kusave involved nemafeelings pana Simba ndakanga ndazoita chamunyurududu.
Ndakazomuperekedza kusvikira akwira chimota chekuenda kutara. I missed him ndakatatisa chifun cargo chichienda. Ndakaerekana ndadonha musodzi.
Ndakadzokera kumba ndokuzoenda kubasa. Text message yakabva yapinda from Simba.
*Already Missing you VaMancube! Chero ndikashaya transport ndichadzoka netsoka nerudo rwako*
Ndakangonyemwerera asi handina kupindura. Ndakazotaridzwa pandakanga ndichizoshandira nevandaizoshanda navo. Ave masikati ndakabva ndazofonera Theo. Ndakanga ndisina kumbozotaura naye. Apa nyama dzemuviri ndainzwa kunge ndaive ndapwiwa muduri chaimo. Muzvidya umu tsinga dzaiira kunge dzaidhudhunurwa pachibhobhiri.
IR14 ends