
AFRICA -ZIM
February 13, 2025 at 06:34 AM
IR15
Insane Romance
Stixx
0718008368
[email protected]
Chapter 15
Two days passed Simba aenda. PaNeshuro pakanga pasina activity yakanyanya but i could see that the environment was natural. Semunhu akanga asina kunyanya kufambira zvekurapa ndaingobaya majekiseni ndichitaura nezvichembere zvemumisha.
"Ari kurwara neiko mwana wenyu amai?", ndakadaro ndichivhunza vamwe amai vechidiki. She was looking like early thirties.
"Angomuka achidziya muviri uyu, uye akarara achikosora chaizvo", vakadaro vachibudisa kabook kekunyorerwa. Ndakavaudza kuti vafugure mwana titore temperature.
Ndakaisa thermometer ndokubva ndamboti vakabate kakadaro.
"Saka kuri seiko kuno kwaNeshuro?", ndakatangidzisa nyaya ndave kuita basa rangu chairo randakanga ndafambira. "Kuchidiiko nenhamo iri muno muZimbabwe? Tatambura veduwe", she responded a usual and normal response.
"Kuti kudaro here? Zvino munotii nazvo? Zvichanaka sei nhai, mese zvamongochema?"
I signalled kuti vasimudzise kamwana kavo ruoko kuti ndibudise thermometer. Recording it, ndakabva ndati, "Ane makore mangani mwana uyu?"
"One year eight", vakapindura. Vakabva vati, "hameno gore rino iri nevakomana vakapinda munzvimbo vari kufambisa shoko hameno kuti zvichadii? Chete vanhu havade kuvhota mhani"
Hana yakati rovei ndokubva ndatanga kunyora nyora zvekunyepa pane rimwe bepa.
"Kuparidza shoko? Riri shoko ripi iroro?"
"Aika kasi muri vatsvasu muno munzvimbo? Kana kamwana kadiki kave kutoziva kuti yellow chete chete mose umu kusvika kuMwenezi uko"
"Ndiri mutsva ini. Inga ndakasaririra. Chiendai kumbonorapisa mwana, mugozondiudzawo, yellow ndiyo yandinodawo", ndakadaro ndokuvapa kabook kavo voenda. Ndakavatarisa ndikanyemwerera.
Vakauya vamwe vashoma vakanga vasara ndichiita zvandaifanirwa kuita. Pavakapera ndakabva ndamirira kubuda kwamai vaye ndichida kuvaperekedza.
Havana kuzoita nguva yakarebawo vasati vabuda.
Takabva tatanga kufambidzana, ndokubva ndati, "apiwa mishonga here musikana"
"Eh vatipa havo zvinenge zviripo. Ko zvamazuvano zvizhinji munongonyorerwa monzi munonotsvaka kumapharmacy", vakapindura. Pfungwa dzamai ava dzaive clear about the state of things. There was no wonder why she was affiliating with the opposition.
"Saka panyaya iya yamanga muchitaura manga muchiti ndivananiko kuno uku?", ndakachinja nyaya.
"Aika, zviye? Ndatonzwa vamwe vana mai vachiti chiso chenyu chitsva pano ndikatoti sure ndiko saka musingazive zvakawanda"
"Ndiko saka ndiri kutsvaka shamwari. Tatambura vasikana hwee, uye ndinofanirwa kuve kuno uku kwenguva refu". "Saka makaregister kuvoter here?", she asked me. Ndakamedzera mate ndokubva ndati, "ndakaregister kudhara ko imimi?"
"Ndingarega here ndichida kuvhotera mukomana? Ruzhinji rwuri kutofunga kuti kuregister kuvoter ndiko kuvhotera mukomana", vakadaro ndokuseka. Handina kuseka navo sezvo ndakatoona kuti the task of shutting out the idea of change was becoming bigger and bigger.
"Asika vanhu kusangonzwisisawo. Registering to vote doesn't mean voting for change. Unotowana vamwe vanhu mumaruwa umu vachitoramba nekuti havade change", vakazopedzisa nekudaro. "Makadzidza kusvika papi nhai....ndokudaidzai ndichiti ani?", ndakavhunza.
"Ndinonzi Sekai, kana kuti mai Kayla. Ndakasvika ordinary level ndikabuda neFashion yega. Zvechikoro zvaitondisembura". Aive asina kupasa kuchikoro but chikoro chemusociety aive akapasser. More enlightened kunge munhu akasvika kuuniversity.
"Okay saka nhai Sekai kana ndichida kujoiner yellow ndinofanirwa kufamba sei? Ndinoreva kuti ndinoona vanani?"
"Ummm ipapo handizive hangu. Maitikiro ezvinhu zvacho so far pari kungofamba shoko rekuti vasikana payork, vana gogo pamazoe, vakomana vechidiki paVillareal - munhu wese pamukomana"
"Saka unoreva kuti hauzive kana cousellor anoda kuvhoterwa kana MP?", ndakavhunza ndave curious. Ndaida kutanga kuchenesa nzira yangu kusvikira ndazowana the force behind all of them.
"So far anongove makuhwa, vamwe vanoti mudzimai waJerry, vamwe vachiti VaMukandapi vamwewo vachizoti mukomana Emmanuel, pahutatu hwavo ndopana counsellor"
"Saka vese ava ndeveyellow?"
"Yes please", vakapindura.
"Thank you so much. Ndichaona kuti ndingaona ani kuti ndifambewo nechikwata. Ko mune phone here?"
"Ndinayo asi inonetsa iyo. Haibate moto plus kwekutoicharger kunonetsa zvikuru sei kana kune makore so"
"Ingondipai number pamwe pandinoizama inongozopinda", ndakabudisa phone ndichidaro.
She gave me her number ndokubva ndadzokera kubasa, memorising manames andakanga ndapiwa. Pekutangira ndakanga ndatopawana. Ndakadrawer programme yangu, kuti kana zuva rave kudoka ndiende kubhawa. Ndiko kumwe kwandakanga ndichida kuzowana information. Mumabhawa makanga musingandityise nekuti ndaive ndambopindamo before, uye ndaigona snooker zvekurevesa.
Nguva dzakakwana ndokubva ndatoenda kumba kunochinja. Ndakapfeka tight jeans net- shirt uye masneakers.
Ndakapinda mubhawa randakanga ndakanangana naro ndichibva kumba ndokutenga dragon netoken. Ndakaiisa patable ndokuti challenge. Varune two vaitamba snooker vakangonditarisa umwe wacho ndokubva ati, "Pakaiswa mari apa tete, unless muchibhejawo"
Handina kupindura nemuromo. Ndakangobudisa ten usdollars ndokugadzika. Ivo vaive vakaisirana mafive dollars.
"Yauyaka challenge, vana Colly maizviti zvibaba", akadaro umwe mukomana wechidiki aive akamira akazembera madziro. Maive mune vanhu vakati wandei asi havasi vese vainwa doro kana madrink.
Vakapedza kutamba ndokubva akawinner atora ten dollars. Ndakabaira token rangu ndokubva mabhora abuda. Ndakatomaronga kuti vanyatsoona kuti ndakanga ndichiigona pool.
"Uri kupinda here Jerry kana kuti uri kutya?", akadaro mumwe muchinda achidetsa super.
"Kutyei haaa! Izvi ndezvedu izvi"
Ndakangomutarisa ndichifunga kuti ndiye Jerry here wemudzimai akanga achinzi anoda kuita counsellor. "Ndobreaker?", ndakavhunza. "Yea break, tiri kutamba marules api?"
I chuckled ndokubva ndati, "I prefer new rules". He nodded ndokubva ndaenderera mberi nekubreaker.
"Table closed", akadaidzira after making three shots. Mabhora angu akanga ari masolid. Takatamba game rainakidza ndichinyatsoona kuti munhu aiziva zvaiita. Ndakangozomukunda nekuti paakapedzisa black ball nerewhite rakabva raendawo mupocket. Akabata musoro achiridza tsamwa, ndichitorawo dragon rangu pacushion yetable.
"Ndozvichangozoitawo mukadzi wako kumaprimary", akadaro umwe mukomana aitamba radio. Ndakangomutarisa ndichitomunzvenga nekuti aitonge achanditsika zvake.
"Good game bruv", ndakadaro ndichimudzosera mari yake. He looked so delighted ndokubva ati, "Dzoka rimwe game. Apa ndanga ndati svimari svose svandanga ndinasvo ndiwe watora".
Akaenda kunotenga token, pachibva papinda umwe mukomana wechidiki. "Mnnexxxxx!!!!", Akabva ambundikirwa nemuchinda uya wekudhakwa achimusimudza. Ndakatarisa Mannex wacho ndokuona akapfeka t-shirt yeyellow nemajeans eblack. Moyo wangu wakabva wandiudza kuti ndiye chete akanga achitaurwa naSekai.
Akanga akabereka kasatchel. Umwe akabva ati, "Maswera sei henyu kanzura". There was a feeling of acceptance and victory mubhawa macho. Iye Mannex wacho remained cool ndokutouya omira paside pangu akabata muchiuno. Aitoda zvekutookera snooker.
"Wadii Manu?", akabva amhoreswa naJerry uya.
"Low key man, kumhomhanyisa one or two pamwe zvingaita", akapindura.
That moment ndaitobvisa casing yekurongera mabhora. "So nhasi aonekwa here mukomana?", akavhunza. "Eh izvezvi ndiko kwandiri kubva but iwe unongoziva kushanda nemunhu wamusingazive chiso maone. Ko kana asiri genuine"
"Ah, munhu anenge achiitira privacy yake for his own safety. MaCIO awanda kudarika vanhu", akapindura Jerry uya ndokubva aseka. "taura hako, chete kana wada masports aya wotoshinga. Mangwana kune meeting kwaChivi, tichapfuura tichitora vice wemukomana paChibi Turnoff", akadaro Mannex uya ndokubva ndasinker bhora pacorner pocket. Hana yangu yakarova - rova.
"Munoenda nani? NaDunira?"
"Ipapo handizive but ndizvo zvandatovinga kuti tionesane nanaJimmy pano". Achipedza kutaura mashoko aya akabva abuda nebackdoor.
"Where are the toilets?", ndakavhunza wandaitamba naye snooker. Akangonditaridza nedirection yaive yabuda naMannex as much as i expected it. Ndakapedzisa dragon ndokubva ndabuda ndakananga ikoko.
Handina kuzopinda mutoilet asi kuti ndakabva ndatevera Emmanuel. Akapota nemablocks maviri ndokubva acrosser road past a Muvora Tree. Ndakaramba ndinaye ndikaona hoyo, ananga paruware rwaive seri kwechigayo chakanzi Tatanga nechepadivi. Ipapo paive nechikwata chainge chakagara. Wainge musangano wacho nana Jimmy, sekutaura kwaainge amboita. Ndakanyepera kupfuurira ndichida kubata number yemota.
Ndakabudisa phone yangu kuti nditosaver number yacho. I was suprised ndichiona thirty one missed calls from Tino. Ndakaita call back to her ipapo ipapo, "Ko wanga uri pai uchitadza kudaira phone?"
"Ndanga ndiri mune noise handina kuinzwa plus itori pasilence iyi"
"Haa shamwari enda patwitter uone"
"Panei?", ndakavhunza.
"Enda uone pahandle yeTeam Pachedu, ugozondifonera", akabva acutter. I got frantic ndokubva ndavhura twitter iya. Wanei hazvibviri, information yandakanga ndapiwa makuseni iwayo naTino yakanga yatozara patwitter. It was supposed to be classified and between the relevant agents.
Calling her back ndakabva ndati,"how?"
"Pakakuipira Tashie", akadaro ndikarohwa nehana. "Wha___ why?"
"Information iyo yashare from your phone to anothet contact, you just forwarded my messages as they are. Now you are going to be charged with epsionage. Do not think otherwise tiri kuzokutora manheru", akadaro nezwi rebasa.
Ndakabuda dikita. Masecrets ekuKwekwe akanga abuda pachena but how it linked me to the leak i could not find. Hapana kana mumwe chete wandakanga ndaudza.
Handina kuzodzokera nemubhawa muya. Ndakaenda nekuseri kwaro ndokubva ndatoenda kumba, ndichingofemuruka.
IR15 ends