Rue M Novels
May 10, 2025 at 05:47 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Him & I
Written By Rue M
0788357900
Chapter 9
Scarlett
Hana yangu yakazogadzikana ndasvika muZambia in Livingston. Driver vebus randaive ndabva naro kuZimbabwe vakanditsvagira taxi yekundiendesa kulodge kwandaizogara for two months. Vaive vatotaura naFrederick beforehand. At first anga ati anonditsvagira apartment asi akazorega achiti hazvisi safe. On my way to the lodge I was stressed ndichifunga kuti imarii yaabuda kuti ndigare mulodge for two months. Ndichienda I just hoped kuti ingove iri cheap lodge nekuti kana zvinhu zvangu zvabalancer ndaida kuzodzosera Frederick mari yake. I had savings asi ndaisada kushandisa masavings angu when my future was unclear. Hana yangu yakarova ndasiiwa netaxi pafive star lodge. Zvaisatomboda kuudzwa kuti panodhura nekuti environment yacho yaingozvitaurira.
I called Freddy ndichida kubvunza zveaccommodation akadavira phone achiti, "what's wrong?"
"Hapana," I replied akati, "ndotyaka hauna hour wabva kundifonera." As promised ndaive ndamufonera ndichisvika akandiudza zvekuita. I asked about the situation back home akati hapana aive aona kuti handisisipo probably because vekwaChoto vaiti ndiri kumba kwedu vanhuwo vekumba vachifunga kuti ndiri kwaChoto. The situation was calm for the time being asi ndaingoziva kuti panozovira zuva kana mangwana acho ndinenge ndave kutsvagiwa kwaChoto then hondo yotanga. I was fortunate enough not to witness the upcoming drama.
"Lodge yawati ndiendeswe haidhure here kana kuti taxi driver ndiye aita mistake akandiuyisa kusiko?" I asked akati, "don't worry about money, maiguru vako vakaita plan."
"Maiguru vangu?" I asked akati, "babe rangu."
"Musikana wako anokwana papi and musikana upi wandisingazive iyeye?" I asked because as far as I could remember handina kumbobvira ndanzwa Freddy achiita zvevasikana. He was an introvert and aisada vasikana padhuze naye.
"Ndamupa number dzako she'll call you right now," akadaro Freddy ndikati, "ungadanana nemuZambian Freddy?"
"Worry about your own affairs first wozondilecture," akadaro ndikati, "ko wazoti imarii pano?"
"Iwe ndati don't worry about money Grace ndiye muridzi welodge iyoyo," achipedza kudaro akabva akacutter phone and I was confident kuti anofanira kunge akawana sugar mom kuZambia chete nekuti he was 22 saka musikana ane mari yakawanda kudarika yake that too ari mudiki kwaari aimuwanepi. Zvese zvakatanga kumaker sense nekuti Freddy paaive kuchikoro kuZambia haana kumbogara anetsera dad mari yemaexpense. Dad vachigara vakatipopotera naFaith kuti tinotambisa mari kuchikoro kukundwa naFreddy ari kunze kwenyika huzivei kuti ane sugar mom vake.
While I was drowned in thoughts I received a call ine Zambian country code ndikangoziva kuti ichembere yaFreddy yapihwa new number dzangu. I answered the call and we conversed in English akandiudza pekumumirira achiuya kuzonditora.
I was surprised paakazondivinga ndaona ari musikana ari around my age. She gave me a warm welcome ndikatomubvunza kuti musikana waFreddy chaiye chaiye here nekuti vaisaenderana zvachose. Frederick anga asingashoreke zvachose asi zvekuzodanana nemhenya saGrace zvanga zvisingaite.
"Yeah we've been dating for a year," she said ndisati ndataura akati, "am l not worthy him?"
"No it's just that he never told us about you," I said akati, "I actually asked him to keep our relationship a secret."
"Why?" I asked akati, "my dad, you know plus I'm three years older than Freddy. Ndaida kuti atange ave someone in wandokwanisa kuratidza dad vangu. I'm. 25 and he's 22 so kuvaratidza kuti ndiye mukomana wangu havaone future and he'll suspect kuti ari kundidira mabenefits."
"Unotaura Shona?" I asked in surprise akati, "of course handi I'm Zimbabwean."
"You're Zimbabwean?" Ndakabvunza akati, "yeah it's just that ndave nefive years ndichigara muno. My dad is a Zimbabwean ambassador here. I actually grew up in Zim tikazouya kuno dad vave ambassador."
Forget about her age vangu baba vangonzwa kuti Freddy ari kudanana nemwana waAmbassador Grace aiswera ave muroora wedu vaita plan kuti varoorane.
Grace akazondisiya achiti ndizorore aona ndave kutsumwaira nehope ndikasara ndichirara till midnight pandakazomutswa nenzara. Handaida zvekunetsa Grace saka ndakashingirira kusvika kwayedza. I first took a bath ndichiti ndozotsvaga chikafu later.
I received a WhatsApp call from Freddy when I was about to get out my room achindiudza kuti chatsva kumba kwaChoto but thankfully he was not a suspect. I then advised him kuti ambomira kutaura neni till the storm was over kuitira kuti vakada kuhacker phone yake they won't find anything suspicious. Kana ndine zvakakosha zvandaida kutaura naye ndaizoshandisa phone yaGrace.
"Who's Jared?" He asked when I was about to end the call ndikati, "he's just a nobody why asking?"
"Just a nobody? Ari kutsvagiwa big time he's their prime suspect vari kufunga kuti wakatiza naye. Moreover kuchipatara kwaaive hakusisina any information about him saka vari kutomutsoma," he said ndikati, "saka Nick akatofunga kuti ndodanana naJared? Ndakangomubatsira ndaona asina hama Freddy. I was not going to forgive myself dai ndakamusiya achifa mari ndinayo."
"Okay now tell me kuti anogara kupi because they'll definitely kill him vakamubata apa ari innocent," he said ndikati, "they won't find him don't worry." There was no way pavaiwana munhu anonzi Jared Hove nekuti that person didn't exist. I created the name Jared Hove. Ndaive ndaudzwa real name namai vake asi ndanga ndatorikanganwa. And chero dai vaimuwana munhu wandakabatsira I believed kuti hapana zvavaimuita because aibvawo kufamily ine mari. Doctor vandakaona kuchipatara vaive vatondiudza kuti Jared's brother was the county's best doctor vane mahospital branch all over the country so Jared was definitely in good hands.
After conversing with Freddy I had my breakfast ndikadzokera kuroom kunorara. Ndanga ndisisina stress yekuti Freddy achanetswa because target yekwaChoto yanga iri Jared.
Sleeping and eating became my daily routine for four days kusvika musi wandakazoita tour around Livingston naGrace. Ndakadzokera kulodge around 8pm ndikageza ndichiti ndirare. Ndichingopinda mujira padoor pakaita knock. Ndakafunga kuti ndeveroom service vauya nechikafu because Grace didn't want me to skip my meals aitofona daily kuti anzwe kuti ndadya here. That day I didn't feel the need to have dinner nekuti taive tadya out however ndakazongoenda kunovhura door.
Shockingly, the man himself was standing in front of me. Wheelchair yake iri paside pane vamwe varume two besides him. My heart skipped a beat when I saw those men. Ndaive navo mubus pandakabva kuZimbabwe.
"May I come in?" Akadaro ndikavhura door kuti apinde nekuti hapana panga ndichaita drama palodge yevanhu tichionekwa. Akapinda ega muroom mangu akati, "I thought you were smart and overestimated you Scarlett. Mabasa and Zacks followed you everywhere kubva uri kuZimbabwe and ndivo vakatondiudza about your so called boyfriend. Mubus vaitove newe futi vachindipa update about your every movement. I gave you time ndichida kuona kuti uchaita sei hako."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
100