Rue M Novels
May 10, 2025 at 05:48 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Him & I Written By Rue M 0788357900 Chapter 10 Scarlett Handizivi kuti kugara nevanhu vane moyo yakaipa ndiko kwaita kuti wanguwo uipe kana kuti wanga wagara wakazviipira kubva kare. Dai zvandakaita zvakaitwa nemunhu ari normal aibva panzvimbo faster faster asi ndakatoenda paive padonhera Nick walking slowly. Sezvo hwanga have husiku security yepalodge ndiyo yakatanga kuona incident. There were conversing in Bemba vachinongedzera kumusoro. "Excuse me?" I interrupted them vakandivhurira space yekufamba kusvika paive pana Nick. I checked his pulse and felt nothing. I thought it was an illusion so I asked the security guards if he was dead or not zvikanzi afa. I heaved a sigh of relief and my soul felt at peace. Ndainzwa kuti ndasunugurwa though ndanga ndakatarisana nejere. "What happened Ms Sibanda?" Asked the security guard, aive akundiziva nezita because I was Grace's friend, their special guest and he knew that Nick came at the lodge for me. "I pushed him from the balcony," handina kunyepa hangu. Zacks akabva asvikawo akaona boss vake vakavharwa neropa kuface akabvunza chaive chatora nzvimbo ndikati, "ndamuurayaaa!" Obviously no one believed me nekuti ndanga ndiri calm. In no time Grace arrived at the scene mapurisa akafonerwa after checking the CCTV cameras and realized kuti ndini ndanga ndamuuraya zvechokwadi. Pandakanzi ndifonere hama yangu one iri kumusha ndakasarudza kufonera Mai Choto. Number dzavo ndaidziziva nemusoro nekuti dzaive dzakasiyana nedzandaimboshandisa nelast digit chete. Melah answered her call azonzwa akati, "musakate regai ndivaudze kuti ndimi muri kufona vari mumeeting." "Meeting yei 11pm?" I asked akati, "handizivi hangu." In 30 seconds time Mai Choto was on the line. "Uripi iwe?" She asked ndikati, "kumapurisa." "Kumapurisa? Uri kuitei?" She asked ndikati, "ndasungwa." "Oh I see, now you're calling me because you need my help?" She asked ndikaseka ndichiti, "ndoda kungoti nenhamo." "Nenhamo? Nenhamo dzani?" Vakabvunza ndikati, "your jewel is no more." With that I ended the call ndikadzosera mupurisa phone. Zambian police officers believed that I was still innocent even after watching the CCTV zvekuti umwe mupurisa wechikadzi akatouya kwandiri achiti ndisarambe ndichibvuma kuti ndauraya Nickel intentionally asi ndototaura kuti tanga tichirwa and I pushed him by mistake sezvaibuda paCCTV that way ndaigona kuwana light sentence. "Don't worry about me, God will surely save me if I'm innocent." With that I had a good night sleep after a month of bondage. The following morning ndakamutswa pasvika Zimbabwean police yauya kuzonditora. It was a high profile case saka mapurisa ekuZim aitondiona seterrorist zvekuti vakaona kuti hazviite kudzokera kuZimbabwe by road and we flew back. That was my first time kukwira ndege but I didn't get the chance to enjoy first time experience. We arrived in Zimbabwe around noon mareporter akazara paairport. It was obvious kuti nyaya yanga yatosvika kumedia. Reporters' endless questions pulled me to reality ndikaona kuti zvechokwadi ndatove mhondi. "I didn't kill him!" I screamed at the reporters with tears down my cheeks. I hated Nickel more than I loved myself asi handina kumbobvira ndaronga kumuuraya. What happened was simply an accident and an act of defeat. Handina kuzopindura futi mareporter ndaona kuti ndikataura mastatement angu anogona kuzoshandiswa against inini kucourt. I needed a professional lawyer nekuti ndega ndaizotaura zvinondiendesa kujere. Finally takazobva paairport tikaenda kupolice station kwandakasvika ndichikumbira kufonera lawyer. At first mapurisa akaramba kuti ndifone semunhu aiziva zvimaright ndikavaudza kuti ndichazvitaura mucourt kuti makandirambidza kufonera lawyer rangu. "Zvaunoziva mutemo chakazoita kuti uuraye chirema chii?" A middle-aged police officer came through with that question. Instead of answering him ndakavatarisa ndichida kuona kuti ndovazivirepi because his face was kinda familiar. He was the Director General of Police ndaive ndambovaona muTV and his daughter was also the county's best private investigator. I remembered him. Kuri kuti Mr Shumba ndivo vaizoona nezvenyaya yangu ndaigona kupona because he was the best kudepartment kwavo and an upright man. "Don't be too naive Scarlett, they're all working for the state." "Mupei phone," said the DGP and his subordinate quickly did as instructed ndikapihwa phone zvichinzi ndine five minutes chete. Ndanga ndisina lawyer kana legal insurance policy zvayo saka Freddy was the first person to come my mind. Ndisati ndamufonera ndakabva ndanzwa voice rake ndokudzosera mupurisa phone ndichiti asvika. "He's your lawyer?" Mr Shumba (DGP) vakabvunza ndikati, "ihanzvadzi yangu ndiyo ichatsvaga lawyer." Ndaifunga kuti vachandirambidza kutaura naye asi havana kudaro. "Chii chakaitika Scarlett?" Freddy akabvunza ndikati, "kasi video harina kuiswa painternet?" "Video rei?" He asked ndikati, "ndichinetsana naNick ndikazomusunda akadonha from 4th floor kusvika pasi." "Hapana video riripo. Right now the whole nation is against you for brutally killing your disabled husband during your honeymoon," akadaro Freddy ndikati, "come again?" "Ndiri kutokuudza maheadline ndizvo zvaari hanzi wakauuraya murume kuhoneymoon kuti usare uchitora mari yake afa," akadaro ndikati, "does that make sense? Tinoenda kuhoneymoon tisina kuchata? And that too kuZambia? Pane akamboitira honeymoon kuZambia of all the the places?" "Pakashata apa no lawyer is willing to take your case nekutya VP," akadaro ndikati, "kana vachida mari yakawanda haisi problem. I've got savings inogona kuwedzera." "It's not about money Scarlett but advocating for you is the same as going against the VP. And no lawyer is powerful enough to do that," he said ndikati, "how about Mr Matutu?" "Matutu is now the Chief Justice," he said ndikati, "I know but mukadzi wavo ilawyer and she's the best moreover vane bad blood nevanhu vekwaChoto." "She may be willing to fight your case asi anodhuraa manje. No ordinary person can afford to hire her," said Freddy ndikati, "I'm no longer ordinary, ndakauraya Nick." "Stop joking around Scarlett nekuti nyaya yako ine vanhu pasi. Ndati Faith anyengerere dad kuti vambonozama kutaurirana naMr Choto," akadaro ndikati, "hazvibude Choto munomuziva zvakanaka here?" "Kungozama zvese Letty," he said ndikati, "the best we can do is getting in touch with Mrs Matutu." "Kuwana number dzavo ibasa hombe futi," he said ndikati, "dzitsvage Freddy ndanzwa kuti first hearing iriko kuswera mangwana." Frederick paakaenda Mr Shumba vakabva vandidana kuinterrogation room. Ndaisada kurohwa kuti nditaure chokwadi sezvandaiona muTV saka pavakati nditaure ndakabva ndati, "four months back dad vakakwereta 30k kuna Mr Choto vachida kushandisa kumine vakatenderana kuti vakatadza kubhadhara one of his daughters will be Nick's wife. Vakatouya kumba vachitiudza condition yaMr Choto and we all agreed nekuti chataida imari and we believed kuti kana kumine kwaita mari yavo todzosera but when the time came dad vanga vasingachade zvikanzi ini ndiite mukadzi waNick. Zvaisaita kuti Faith aende nekuti anga atosheedzerwa kwasara four weeks kuti abvisirwe. Ndaisada kuita mukadzi wechirema asi handina kuramba kuenda ndichifunga kuti hapana zvandinoitwa nemurume wangu sezvo akaremara.........paakazonditevera kuZambia achinetsera mari yababa vake. I thought of calling Jared's mother kuti vandipe mari yacho because she wanted to repay my generosity. 30K was a lot to ask but I believed kuti vaizondipa semunhu ane mari and no amount of money could compare to her son's life. Nick aisada mari asi kungondishungurudza nekuti dad vakakwereta mari yavo saka pandakamuudza kuti mari yake ndomupa in three days times akatanga kupopota achiti, 'ndiyani ari kuda kukupa 30000 USD for nothing?' 'I'ts none of your business Nick handi chauri kuda imari yababa vako chete?' I asked him akati, 'ndiJared ari kukupa? Where was he all this time? Ave kuda kuita serious newe nekuti wave mukadzi wangu?' 'Siyana naJared umirire mari yako chete in three days,' he got mad at the mention of Jared's name. He wanted to force himself on me asi ndakatizira pabalcony nekuti hapana paaizondibatira pari open. Back at home aida kurara neni kuti tiite mwana but that night everything was different. He wanted to disgrace me kuti Jared andirambe. Haana kuita basa nazvo kuti tanga tisiri muroom mangu. Paakada kuzvimanikidza kundikisser ndakamusunda asi handina kuona kuti tanga tave paedge pebalcony saka akabva adonha even paCCTV zvakatoonekwa kuti tainetsana and Nick haasi chirema." After explaining everything the DGP looked at me with plan expressions zvekuti ndakatadza kuona zvavaifunga. "Munokwanisa kupihwa CCTV footage clip by the Zambian police," I suggested but he remained quite, stood up and left me alone. End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 245

Comments