Rue M Novels
May 12, 2025 at 03:44 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Him & I
Written By Rue M
0788357900
Chapter 12
Scarlett
I was not stupid enough to believe that Mrs Matutu came to my rescue only because I helped her son saka ndakabvunza tisati taenda kure ndaona kuti ndinogona kuzonyura pamberi because of the blank cheque support she had offered me. "Mrs Matutu maramba kuti ndikupei mari is it because of Jared or pane zvimwe zvamunoda kuti ndizokuitirai?" I asked ndaona vakuda kupinda mumota yavo outside the police station vakati, "get in the car." Ndakapinda and she drove to a nearby café. We got the menu and ordered two cups of black coffee. Mine was a little different from hers nekuti ndakati vasaise sugar.
"Black coffee without sugar?" Mrs Matutu said that in surprise waiter aenda ndikati, "yeah." Ndaifunga kuti vaida kuti ndivaudze zvakaitika kuti vazowana kundidefender salawyer that's why vanga vauya neni kucafé kuri quite but no. She had a different story in my mind.
"Do you know that chero ukaenda kuvabereki vako vakakubetsera video riya rikawanikwa unoramba ungori nemhosva kana pasina lawyer because at the end of the day murder is murder. With evidence you might get a light sentence but with me, you won't go to prison," vakadaro ndikaramba ndakanyarara ndichida kunzwa kwaienda nyaya yavo and she continued, "ndakaenda kuchipatara kwawairapisa Kevin and found out kuti wakashandisa around 4000USD kuti arapwe and I can pay you double the amount but your situation won't change."
"I know! Please stop beating around the bush and state your conditions," I said nekuti ndaida kunozorora kumba kwete kuudzwa nhoroondo. "I want you to be my daughter in-law," when she said that I spitted the coffee that was in my mouth and laughed.
"I didn't expect you to be this shrewd," I said vakati, "you can't expect me to help you and get nothing in return."
"I helped your son without expecting anything," ndakadaro zvikanzi, "that's a lie because right now you're expecting me to help you because you helped my son. Isn't that expecting?"
"Tingatopedzerana nguva with useless philosophy because I'd rather go to prison than marry again," ndakadaro ndichisimuka ndikati, "thanks for the coffee and kundiburitsa on bail kwavharana nekubetsera kwandakaita Jared. From now onwards hatizivane." With that I left the coffee shop. Ndakaenda kunotsvaga taxi yakandisvitsa kumba Freddy akaita payment sezvo ndanga ndaita pay forward.
"Mrs Matutu is so kind hearted," akadaro Freddy anga asingazive zvavaive vazondiudza kucafé. Pandaive ndabuda ndaive ndashandisa phone yaMrs Matutu kufonera Freddy ndichimuudza kuti ndabuda and Mrs Matutu was helping me because I helped Jared.
"Tozotaura later ndine hope ndave ne2 days and nights ndisina kurara, I'm exhausted," ndakadaro zvikanzi chitanga wageza worara," he said ndikati, "fonera mhamha vadzoke."
"Ndataura navo," he said ndikati, "dad varipi?"
"Vari kumariro," akadaro ndikati, "kuda kunyadziswa naChoto here?"
"Vanhu vane nyadzi ndivo vanonyadziswa kwete baba vako," he said ndikati, "ari kuvigwa rini?"
"Kuswera mangwana after hearing. Vari kuda kuti uchienda kujere Nick achivigwa but havasi kuziva kuti wawana lawyer," he said that with joy ndikati, "wakambotaura naGrace? She might help us with the CCTV footage."
"Akati tozotaura nyaya yako yapera nekuti akanyanya kutaura neni dad vake vanozoziva nezverelationship yedu because right now he's still trying to figure out kuti wakarirana naGrace sei," he explained ndikati, "okay." Ndakasimuka ndichienda kuroom kwangu akati, "haude kuenda kumariro?"
"Ndoenda mangwana," I said and got into my room. Kumariro ndaida kunoona face yaMai Choto chete kwete kunochema Nick.
Ndichipedza kugeza ndakarara kusvika mangwana makuseni ndokuzomutswa nadad. I took a quick shower and changed into warm clothes ndichigadzirira kunotukwa zvangu. Surprisingly vachingondiona vakatanga kupfikura. "He's overdramatic vangachema Nick," I thought to myself ndichigara pasofa.
"Mamuka sei mhamha," ndakadaro kuna mhamha vainwa tea vachitarisa murume wavo. "Ndamuka, wadii wanorara hako kana uchiri nehope." Dad vachinzwa kudaro vakabva vawedzera noise vachiti, "Letty mwanangu ndiregerere kukara mari kwangu ndiko kwatisvitsa apa iko zvino tave kuzobuda mari yakawanda kutsvaga lawyer kudarika yandaifanira kungopa Choto..." Vakademba kusvika vapererwa nezvekutaura ndakangovatarisa. Ko ndaimbozvida here zvemunhu anonyepera kuita seasingazive zvaanoita. Drama ravo rakatondiratidza kuti vane imwe motive besides kukumbira ruregerero.
"Don't worry about her. Mrs Matutu will help her out," Freddy akadaro kuna dad vakati, "ndataura navo makuseni vakati Scar akavaudza kuti haade rubatsiro rwavo and kubva nezuro havachazivane," vakadaro dad ndikashaya kuti changa chaita kuti vataure naMrs Matutu chii.
"Is it true?" Frederick asked me ndikati, "yeah that lady is mentally challenged Freddy ndakabatsira mwana wavo asi ivo pane kuti vachingondibatsirawo vakuti ndinofanira kuita muroora wavo."
"Muroora wavo?" Freddy asked in surprise ndikati, "can you imagine?"
"Her sons are outstanding though," mhamha vakadaro ndikati, "if they are outstanding chiri kuvatadzisa kuzvitsvagira vega vasikana chii pane kutsvagirwa namai?"
"Vakati vanoda kuti ani akuroore nekuti vane vana three asi mudiki wacho akatoroora. There's Kenneth who's 40 years akarambana nemukadzi two years back akaita umwe musikana waaida kuroora akafa during delivery kozoti Kevin. Hatina kumbonzwa nezvelove life yake though he's 35 kunze kwaCamilla akambobuda paTV achiti celebrity crush wake ndiKevin but Kevin never responded," Frederick explained ndikati, "Jared icelebrity rekupi?" I almost laughed nekuti Jared ndaimuziva neface yake yakazvimba zvimba yakapombewa mabandage.
"Iwe unoona mamovie here kana unongoona news chete? He's more famous in Europe and anoshandisa zita rekuti Zade muindustry just like most celebrities vasingashandise mazita avo. Akadzoka kuno kuZim last year," Freddy akadaro ndikati, "wega unotoona kuti zvinhu zvacho zviri complicated. Chinotadzisa Kevin wacho kuita musikana chii munhu weceleb that too ane 35 years and his brother? Unoziva chakamurambanisa nefirst wife yake chakazoita futi kuti musikana waaida kuroora afe chii?"
"You're overthinking it Scarlett," akadaro Freddy zvikanzi namhamha, "wadii watanga wanzwa kuna Mrs Matutu kuti vanoda kuti uite mukadzi wani?"
"Chokwadi at least pavana vavo hapana zvirema. Mukuru wacho munhu ane mari dzake and haanetse pamwe ari kuda munhu anomuchengetera kamwana kaakasiirwa nemusikana wekufa," dad vakadaro Freddy akati, "I don't think kuti vari kuda kuti aite mukadzi waKenneth. Vari kutsvagira Kevin asina kumboita musikana and she thought that Scar might be the perfect candidate sezvo akabatsira Kevin."
Freddy achipedza kutaura takabva taita muyenzi and she was none other than Mrs Matutu. She wanted to have a private conversation with me tikaenda kuroom kwangu. Vakatanga nekukumbira ruregerero nematauriro avanga vaita neni the previous day. She was a million times humble than yesterday vachiti, "ndaisada kukubatira nezuro asi kuti ndaifunga mwana wangu. Kevin is 35 and haadi kutombonzwa zvekuroora kana kuita musikana zvinondishaisa zororo. Dai ane mwana saKenneth better nekuti Kenneth ari kuramba kuroora nekutya kuzobatirwa mwana wake rough neumwe mukadzi manje Kevin haana excuse haangodi chete. I've arranged countless blind dates for him asi hapana chakabuda."
"So what makes you think that he'll agree to this marriage?" I asked vakati, "paakamuka akatanga kukubvunza and he can't stop reading the "get well soon" cards you wrote for him. Akabuda muchipatara nezuro and I overheard him on the phone achiudza vanhu kuti vakutsvage. We haven't told him about you nekuda kwenyaya dzaNick. He'll be shattered again akanzwa kuti wanga uri mukadzi wemunhu. You've got your own life saka nhasi handisi kukumanikidza asi chingori chikumbiro Scarlett," vanga vatotsvukisa maziso ini nekusada kuona misodzi yavo ndikati, "I will think about it."
"It's okay. I don't want to force you kana zvisingaite unongondiudza and I will fight your case regardless."
"Thank you," I said vakati, "see you in court tomorrow."
"Just like that? Hapana zvekumbobvunzana kuti chii chakaitika zvinoita mamwe malawyer?" I asked nekuti ndaida kuziva kuti vaizondimiririra sei vasingazive zvakaitika vakati, "don't worry I've got a lot of CCTV footages it's just a shame that Nick is no more."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
97