Rue M Novels
May 14, 2025 at 12:29 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Him & I Written By Rue M 0788357900 Chapter 14 Scarlett Mrs Matutu pavakabva pamba Faith akasara achisvika. Hameno akamuudza nyaya yaJared akatanga kundiitira seagarwa nemweya waMrs Matutu. "You're favoured by the heavens Scar," she said ndikati, "favoured? Favoured zvekunzi ndiite mukadzi wemunhu wandisingade that too wandisingazive?" "Wausingazive? Pawakaita week uchienda kuchipatara waiti uri kunoona ani? Iwe Scarlett ndonyatsokuziva haumborina kana moyo wakanaka zvekuti ungabatsira munhu from nowhere. Handisi kuti une moyo wakashata but you're not a good Samaritan either. All I'm trying to say is that there's something between Jared and you. Your first encounter with him was coincidental I know and I won't argue asi chakazoramba chichiita kuti udzokere kunomuona chii that too uchishandisa mari yako. Scarlett uri kukanganwa kuti wakambobira bofu mari now imagine that same Scarlett achishandisa mari yake without expecting anything, zviri normal izvozvo?" "Ko zvekubira bofu zvapinda papi?" I asked nekuti zvaive zvaitika ndine 10 years and mari yacho ndaisada kuitambisa. Mhamha vaida kunobviswa zino pasina mari. I couldn't stand to see her in pain saka ndakaenda kune bofu randaimbopa mari ndikarikwereta rikandinyima ndokubva ndazodzoka after some time ndichiita sendiri kuda kuisa mari mubasin ndokutora yese yanga irimo ndikatiza. That was so childish of me and most embarrassing incident of my life. "Scarlett you're stingy haumboshandise mari yako kumunhu wausina basa naye let alone a stranger. You're destined to be with Jared that's why you felt obliged to help him. Funga kuti varwere vangani vaive muchipatara iwe ukangonanga pana Jared. Woita mhosva then mai vaJared voita vega lawyer riri capable kukubatsira. Is it still coincidental? Unogona kuita nharo hako but you should consider Jared. Nyaya yako yave all over the country saka funga kuti ndiyani umwe angada kuroora munhu ane murder case? Unogona kuzvisimbisa uchiti hauchade zvekuroorwa asi unogara kusvika rini uri wega? Vanhu vekwaMatutu vatosiyana nematatya ekwaChoto unozviziva. Give it a try chero zvikazoramba asi unenge waedza. Marriage is not all about love bvunza ini. I thought Thomas was an angel asi chimbwa mupengo chiri nani panaye. So it's better kutopinda mumarriage uchiziva zvauchasangana nazvo. Ndanzwa kuti chero ukaita mukadzi waJared unoramba uchienda kubasa which is better pane zvawanga wakuitiswa kwaChoto zvekufusha macertificate vabereki vakatambura kuti udzidze. Mrs Matutu vanogona kuti vari kuitira mwana wavo but this marriage will be more beneficial to you. I will also benefit from your marriage." "How will you benefit?" I asked akati, "pamwe Thomas akanzwa kuti waroorwa nembinga anotanga kundibata zvakanaka kuti awane maconnection aanoda because it's now clear kuti aingondidira hukama hwangu nevanhu vekwaChoto. KwaMatutu munhu wese ane mari and those people got great reputation compared to Chotos." "Will you be happy mumarriage yaunoziva kuti murume wako anokudira mari yehama?" I asked akati, "what can I do kana zvirizvo zvaanoda? Usandiudze zvekuti tirambane pachiri padhuze nekuti divorce is not an option and baba vako unovaziva ndingachiona pano ndadzoka." Faith knew me inside out zvechokwadi ndaida kutomuudza kuti asiyane naThomas asati anyanyorwadziswa. Handi nhumbu anga atove nayo kare? Aingozvichengetera mwana wake zvinhu zvotafamba. "Marriage is a lifetime commitment Faith saka ndiri worried for you," I said akati, "Thomas akangofanana nadad Scarlett kana pane mari chete haana problem. Mhamha vatove ne30 years vachigara nadad wani ini ndokundikana ndisina kukwanisa mwedzi zvavo. Kana uchida kuti ndigare zvakanaka chitoroorwa naJared." "What kind of logic is that?" I asked her akati, "asi why usiri kuda Jared?" "Ndiri kuda kungorarama peaceful life zvevarume ndozozviona pamberi," I said akaseka achiti, "peaceful life kujere? Ungararama peaceful life munin'ina wako achishungurudzwa nemurume?" "That's emotional blackmail Faith, Mrs Matutu vati vanongondimiririra chero ndikaramba kuita mukadzi waJared." "I don't think you're stupid enough to believe her," she said that ndikaramba ndakanyarara. There was no guarantee kuti vaizondimiririra ndaramba Jared. Ndaimbozvisimbisa nhema asi pandakagara mucell ndakaona kuti life yehusungwa hainakidze what more ndazopihwa makore ekuwanda? I made up my mind ndikanoona Mrs Matutu and agreed to marry her son. "Can we have a written agreement?" I proposed vakati, "I was about to say that. Chimboenda kunoona Jared ndichinyora agreement yacho." "Ari kupi?" I asked. A teenage girl named Tino was called akanzi andiperekedze kuroom kwaJared akanditarisa neconfusion zvekuti ndakazvitarisawo after a few seconds akati, "makafanana naCamilla." "Do we still look alike?" I thought to myself because appearance yaCamilla yaive yachinja after plastic surgery. "Scarlett is a natural beauty you can't compare her with Camilla," said Mrs Matutu. I was a natural beauty yes but I thought Camilla anga awedzera kunaka after plastic surgery plus kugarawo mumari. "Vanoita kunge masister," Tino said zvikanzi naMrs Matutu, "wakuwanza nyaya endai kuroom kwaKevin." Takaenda akangondisiya padoor ndikapinda muroom maJared ndisina kana kuknocker. Face yake yanga isisina kuzvimba saka kunaka kwake kwanga kwave kuonekwa. "Goodness he's handsome," I thought to myself ndakamutarisa ndokuzozviudza kuti, "pamwe iplastic surgery futi you know these celebrities. They're all fake." He stared at me without blinking zvekuti ndakatombofunga kuti pamwe akasticker. "Don't come closer!" Akadaro achienda kumucheto kwemubhedha achiratidza kunditya ndikatoshaya kuti zviri kubva nepi. "Nyaya dzako ndiri kudziziva zvako so stop pretending kana tiri two. Wakavhara mai vangu uchiti ndiwe Scarlett but my heart knows kuti hausi and iwe unozviziva kuti hausi Scarlett. Uri kuda kubetserwa nyaya dzako saka kusvika nyaya dzako dzaiita we'll pretend kuti towirirana. Nyaya dzaNick dzapera wondiudza kwawakaisa Scarlett wangu nekuti ndiwe wakatomiviga uchida kutora chinzvimbo chake. I heard that your parents gave birth to triplets and pahu3 hwenyu Scarlett ndiye ega munhu kwaye. There's Camilla, that woman is insane kozoti iwe utori mhondi and usafunge kuti ndokutya. Ndakaita kung fu so ndoziva kuti ndikakubata apa unofira ipapo," akadaro Jared. I didn't know whether to cry or laugh after his speech but I ended up laughing uncontrollably. He called Camilla insane asi iye aitove rimwe benzi. Heavens knows where he got that misconception. "Bamumini musaseke nhema and don't even try to harm my Scarlett tinopedzerana," akadaro ndikatoona kuti ari serious mukomana. "Oh she's already your Scarlett?" I mockingly asked. "Handisi kutamba newe," akadaro nehasha ndikati, "iwewe nyaya yako iri pakuti chii?" "Ndiri kuti hausi Scarlett and ndoziva wakanyepa kuti ndiwe Scarlett kuti ubatsirwe. So I'm willing to play along kusvika nyaya yako yapera. Condition iri yekuti unozondiratidza kuna Scarlett. Kana uchida mari ndokupa hako," he said ndikati, "why uchiti handisi Scarlett iwe usina kubvira wambomuona kana kutaura naye?" "Handina kumbobvira ndamuona but I know her. She saved a stranger so how can the same person kill her husband that too chirema? Scarlett is not that heartless dai anga ari Scarlett wangu akaroorwa naNick asingade aingomutiza kwete kuzouraya munhu." According to him Scarlett was an angel and he knew me very well. Scarlett wake iyeye anga atotiza Nick asi Nick akamutevera and met his end. "You have to understand that I haven't loved anyone in years. Someone like you may not understand love asi chatove chikumbiro hama yangu," anga atotsvukisa maziso achinzwisa tsitsi. He was still a patient saka ndaisada kumutemesa musoro ndikati, "Jared tozotaura." "Don't call me Jared, Scarlett gave me that name. Hauna right yekundidana seizvozvo," he said ndikati, "sorry." "So what's your name?" He asked. Ndakabuda muroom make ndisina kupindura because aigona kuvhiringa pfungwa dzangu ndikafunga kuti kutori neumwe Scarlett. Ndakaudza mai vake mashura aanga andiitira vakati, "we need to find your other sister nekuti akawanikwa panoita confusion." "I don't want to meet those people," ndakadaro vakati, "I know that asi tofanira kuziva kuti imwe sister yako munhu akaita seyi. Kevin is mentally unstable right now saka pakazongouya umwe munhu achizviti Scarlett anobvuma but what will happen to him after some time azoona kuti haasi Scarlett? He will hate himself achiti akaramba munhu wake chaiye chaiye." "Tomuwanepi umwe wacho?" Ndaisada kuona hama dzangu but because of Jared I became willing. I didn't want anyone to take my place. Jared was madly in love with Scarlett and I was Scarlett saka kuri kuti confusion yake yapera ndaifaka nekudiwa. Camilla was no longer a threat to our relationship nekuti chero anga akanaka zvinengei Jared aingoona nekuda Scarlett. *********** New book alert 🔥🔥🔥 Double Bind Written By Rue M 0788357900 Intro Zara I always carry myself with grace but for unknown reasons receptionist akanditarisa as if something was lacking on my body kana kunge ndakapfeka zvisizvo. However I maintained my smile akati, "do you have an appointment?" "No," I shook my head zvikanzi, "kana muchida kuona Mr Rwizi munotanga maita appointment kuna secretary wavo." I knew that process asi ini ndaingoona Lincoln chero pandadira zvisina kana appointment. "I'm his fiancée," I told the receptionist ndaona kuti ari kufunga kuti ndiri umwe wevanhu vanouya pacompany for investment purposes kana kukwereta mari kuna Lincoln. "You're his what?" A lady who was passing by asked me but I didn't bother to repeat myself. Statement rangu rekuti ndiri fiancée yaLincoln attracted attention. Receptionist vakaoma nekuseka vachiti, "iwewe? Nezvauri?" "Will you be able to repeat your words Lincoln akauya?" I asked her zvikanzi nemusikana uya wekubatira nyaya mudenga akati, "you're Lincoln's what?" Akabvunza zvine kakundidzikisira but I maintained my calmness while dialing Lincoln's number. "Why are you quite?" That lady questioned again with an angry tone. "I'm Lincoln's wife to be," I answered her. "Do you want to go out on your own kana kuti woburitswa nesecurity?" She asked me ndikati, "I don't like that tone you're using and trust me Lincoln akasvika pano anogona kuburitswa nesecurity ndimi." Lincoln never tolerated anyone who mistreated me, those who did often received a harsh punishment kana riri basa raitopera. "Why is he not picking up?" I asked myself ndaona Lincoln asiri kudavira phone yangu. "Security!" The lady screamed on top of her lungs security yanga iri alert ikamhanya fast and asked, "how may we help you Ms Moyo?" "Get this trash out of my sight," she commanded sekutamba sekuseka masecurity akatondisimudza kunge saga rine marara. That was the most humiliating event of my life. Luck enough handina kuzokandwa pasi nekuti takabva tasangana naLincoln paentrance achipinda. His eyes said it all without opening his mouth ndikasiiwa. I hugged Lincoln and started sobbing nekuti ndanga ndarwadziwa nenyadzi to the last extent. "Ms Moyo vati timuburitse panze," one of the security guards explained ndikati kuna Lincoln, "I even told them that I'm your fiancée but they still mistreated me Lincoln." I didn't see his expression as I was buried in his chest but could imagine his death glare akatarisa masecurity. "If that trash is your fiancée then who am I Lincoln?" Ms Moyo's question pulled me to reality ndikabva pachest paLincoln ndichivatarisa. "Lincoln hausi kuuya kumba kwedu kuzondibvisira mangwana? Ring yandakapfeka ndakaipfekedzwa nani?" Her eyes were already teary. Ndakatarisa ring yacho ndikaona yakafanana neyangu and our two rings matched with Lincoln's ring. "What is she saying Lincoln," I asked him while shaking. Ini misodzi yanga yagara ichibuda from the previous incident saka yakangowedzera pressure mbichana. Ms Moyo vaitaura zvekubvisirwa the following day whereas in ndaifanira kubvisirwa kuswera mangwana acho. "What's going on here Lincoln?" A female voice asked and I traced it ndikaona mukadzi akafanana naLincoln. "Good morning Mrs Rwizi," the employees greeted her with her with respect but she lifted her hand signalling them to stop. "Mhamha!" Ms Moyo breaked down at the sight of Mrs Rwizi. "Lincoln musikana waunaye ndiyani?" Mrs Rwizi asked akati, "her name is Zara." " I don't care about her name ndoda kuziva kuti ndiyani wako," vakadaro Mrs Rwizi akati, "handei tinotaura kuoffice." Ndanga ndisisina kana simba rekufamba ndakunzwa mweya wekufema uchipera mandiri. "Zaza get hold of yourself," Lincoln akadaro achindibata after ndapotsa kudonha. "Lincoln kana ndiri mai vako uyu munhu ngaadzokere kwatabva asati asimudza dzimwe mhepo. Mr Moyo vari kusvika pano in a few minutes vanoita sei vakaona mashura awuri kuita?" Commanded and asked Mrs Rwizi zvikanzi naLincoln, "Zara is my fiancée mom, kutaura kuno atori nenhumbu yangu ndiri kutonomubvisira kuswera mangwana. Mr Moyo can't control my affairs." "Uri kumubvisira kuswera mangwana ko ini?" Ms Moyo asked zvikanzi, "hapana chachinja Jennifer ndiri kukuroora mangwana. I've planned everything and I will treat you all equally." "Treat us all equally?" I asked Lincoln nekuti mashoko ake aiita kunge majokes. "Zara I've been in love with Jennifer for seven years," his confession sent shivers down my spine ndikati, "ko ini?" "You're carrying my child so obviously I will be responsible and marry you," Lincoln said ndikati, "do you love me?" "Zaza what brought you here?" He dodged my question but ndaive ndatowana answer yangu. He was going to marry me because ndanga ndakatakura mwana wake so he felt a sense of responsibility whereas Jennifer ariye waanoda. *****************
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 77

Comments