Rue M Novels
May 15, 2025 at 06:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Him & I
Written By Rue M
0788357900
Chapter 16
Scarlett
Handina kuzogarira dinner saka ndakaoneka vanhu vasati vatanga kubika. "I will drive you home," Jared akadaro ndikati, "nezvauri izvozvo?" He looked himself akati, "zvandiri zvipi?" He himself needed extra care asi munhu oda kundiperekedza kumba. "Uchiri murwere Jared you can't drive in this condition," I said zvikanzi, "haisi problem toenda nadriver."
"Drop the pretence tiri two pano apa. Mangwana after hearing tiri kuenda kunoona Nenyasha," ndakamudaro akati, "handisi kupretender ndiri kuda kutokuperekedza kumba zvechokwadi ndoita make sure kuti wasvika zvakanaka. It's not safe kuti ufambe wega chero kusati kwanyatsosviba. Unogona kugarirwa nevanhu vekwaChoto muroad uri wega."
"Why do you care? Unotofanira kufaraka ukanzwa kuti ndabatwa nematsotsi muroad," ndakadamudaro akati, "handina kumbokuvenga Scarlett. Manje manje tanga tichitaurirana zvakanaka wani? Now wakutondiona semuvengi wako." Jared had a sick habit of dramatising everything.
"Fine chipfeka zvinodziya tiyende," ndakadaro akasmiler ndikati, "chii futi?"
"Besides kuuraya Nick nekuviga Nenyasha utori munhu ari right unomboziva?" He asked ndikati, "washaya nyaya here?"
"Rega ndinopfeka zvinodziya," akadaro ndokuenda kubedroom kwake Mrs Matutu vaingotihwandira vakabva vabudikira vachiti, "handi ndakakuudza kuti akangokuona muchawirirana?"
"Ari kundiona seshamwari yake uyu and anonditi bamunini," I complained zvikanzi, "Kevin haana mashamwari echisikana so it means you're special to him chero achiri neconfusion."
"Haana confusion but he's mentally unstable," I thought to myself ndokuzoti kuna Mrs Matutu, "I hope so." Sezvineiwo Kevin akabva adzoka akabata sweater yaakanditambidza achiti, "haikwane hayo asi hazvifanane nekurega kupfeka juzi."
"Rega nditi Mai Zade vamupe ravo vane muviri inoenderana," said Mrs Matutu zvikanzi naKevin, "haasi kuenda kushow and she won't mind kupfeka sweater yangu."
"Oh okay ndanga ndichityira kuti unozocomplainer kuti wadhambisirwa sweater yako," said Mrs Matutu zvikanzi, "ahh anodhambisa sei iye asina mazamu?" Mrs Matutu laughed and excused us.
"Handina mazamu?" Ndakabvunza ndichiratidza kubatikana. I had small breasts kwete ndanga ndisina. "That's not what I meant kani. Mhamha vanga vachiti unopfekerana naMai Zade which is not true nekuti iwe wakawandira kuzasi chete. Kumusoro uku unogona kutopfekerana naTino. Ahh no Tino akatosimba kukudarika futi. Iwe utongori slander rakawanirwa nyasha chete." Ndakapfeka sweater ndakanyarara ndaona kuti ndikapikisana naye ndopedzisira ndatsamwa. How could he compare with Tino a form 3 student neni?"
"Saka ndizvo zvanga uchiongorora pawanga wakanditarisa?" I asked akati, "zvinhu zvingori pachena kasi unoenda kugym?"
"Kunodii?" I asked akati, "vasikana vanoenda kugym nekuita masquat jumbs ndivo vane type yemuvuri yakadai kaa."
"Ndakazvarwa ndakadaro," I said akati, "hooo? Hope hausi kuita zvemapiritsi nekuti unozosvava."
"Jared you talk too much for a man," ndakadaro ndichisimuka nekutanga kufamba akati, "kasi watsamwa?"
"Kutsamwei zvangu?" Ndakamubvunza pfungwa dzangu dziri kure. Ndaingofunga Nenyasha. Camilla aiti akakura naCamilla saka aitadza kuona kuti takasiyana here? Forget about our identicalness ko hairstyle zvayo hapana Nenyasha paaizorukwa same styles yandaive nayo nekupfeka zvakafanana nezvandaive ndakapfeka.
"Body yako yakaipa wangu, yakasimudza chirema pawheelchair. Utori miracle walker kaiwe?" Akahumhana ndikaramba ndakanyarara ndaitofunga nezvaNenyasha nevabereki vangu. Ndaive ndakuda kuvaona kwete nekuti ndaivada asi ndaingoda kupindurwa mubvunzo wekuti sei vakandirasa and why vasina kuzonditsvagawo pavakawana Camilla naNenyasha.
"Sorry kani Letty," I was taken aback by Jared's voice. That was the first time he called me with affectionate. Freddy namhamha ndivo vaiwanzonditi Letty.
"Handina kumbokutsamwira kuneta chete," I said akati, "uri type yekuneta here iwe?"
"Ahh kasi handina ropa?" Ndakabvunza tichipinda mumota. Takagara tese kuback seat.
"Une ropa hako asi zvekuneta hazvina kukufita wakafitwa neviolence," he said ndikati, "nhaiwe haunete nekutaura?"
"Kana ndichitaura newe handinete," he said ndikarega kumudavira ndichitora phone yangu muhandbag. Frederick ndiye aifona. Ndichingodavira akabva ati, "usauye kumba nhasi Letty. Ndaona mota dzekwaChoto dzichingotenderera paarea pedu. Enda kumba kwaFaith ndanzwa kuti murume wake haako."
"Vanonditsvagirei vanhu vekwaChoto?" I asked Jared akati, "hauzive zvawakaita here?"
"Ndiri kutaura naFreddy kwete newe," I said akati, "whatever."
"Thanks for the heads up," I said and chatted for few minutes before ending the call.
"Anogara kupi Faith?" Jared asked ndikati, "kuMt Pleasant ndogona kuenda ndega hangu kana muri pakumhanya."
"Hande kuMt Pleasant," akaudza driver ndikati, "ndatitangei tapinda mutown ndiri kuda kutenga chikafu."
"Kasi kumba kwake hakutorina chekubata?" Asked the man who didn't know how to keep his mouth closed ndikati, "chiriko asi ndoda kumutengera fried chicken and chips anozvifarira."
"Oh okay," akadaro tikaenda mutown. Ndakagara ndaita online payment and order kuti ndisamire paline tasvika.
Jared aidawo kubuda mumota tasvika ndikati, "there's no need yekuti utevere ndaita order kare kungonotora. Pane musikana wandinowirirana naye imomu saka hapana pressure."
"Watobhadhara?" He asked ndikati, "obvious."
"Oh okay thought you need help," he said ndikadzungudza musoro ndichienda. Aifunga kuti ndingamukumbire mari kutenga chikafu? Aitozowana pamwe pekundibatira kaa. Ndakaisa order yevanhu four kuitira Jared nadriver wake then Faith neni.
We then drove to Mt Pleasant. I wanted to surprise Faith saka ndakasvika ndisina kutaura. Ndakapinda mugate make naJared because she was also his fan.
"Ko zvambonzi murume wake haapo wani?" Jared asked tasvika padoor tanzwa voice remusikana aingosekenyeka achiti, "Thomas kani."
"Harisi voice raFaith iri," ndakadaro ndichivhura door. My guess was right aive Tanya naThomas vaitamba video game musitting room. Tanya handina kumbogara ndamufarira from day 1 and chero anga ari cousin yaThomas ndaingoona kunge vanodanana.
"Ma- mai -maiguru?" Akadaro achiratidza kushamisika Thomas ndikati, "Fay aripi?"
"Ari kubika kukitchen," Tanya akadavira ndikati, "Faith ane nhumbu ndiye wamuri kubikisa imi muchitamba game muno?"
"Kuti iri mumaoko here nhumbu yacho? Plus haisati yakutomboonekwa, akayemedzwa ichiri akadai anozotonamatwazve kana akurirwa," akadaro Tanya ndikati, "handina kumboti ayemedzwe but you guys should be considerate."
"Scar!" Akabva kukitchen achindidana Faith. Haana kundijambira zvaaisimboita andiona. Pese paaindiona ndichibva kubasa tichiri kugara kumba ndakabata something especially chikafu aifara sekamwana nekundimhanyira. She always welcomed me with a smile and joy but that night was different. She was not happy.
"You were crying?" I asked ndakatarisa maziso ake aive akatsvuka akati, "no ndanga ndiri mukitchen ionion."
"Uyu Tanya haana kumba here anongokutevererai bamunini?" Ndakabvunza vakaramba vakanyarara ndikati, "hamuna kana mwedzi maroorana munofanira kumbogara muri two pasina vanhu."
"Iwe uri pano wani?" Akadaro Tanya zvikanzi naJared, "tauya kuno tanzwa kuti Thomas haapo."
"And imi muri ani?" Thomas akabvunza and I guess that was the time Faith noticed him. Her face beamed akaenda kunohugger Jared.
"This is Zade anoita zvemamovie plus ibrother yaDr Matutu and bamukuru vangu," Faith introduced zvikanzi naThomas, "Dr Matutu chaivo chaivo?" Everyone in medical field knew about him because he was an outstanding doctor. Thomas anga ari doctor so it was obvious kuti ainyatsoziva Dr Matutu. "Ehe nhai makafanana," akadaro achizhinya sebenzi.
"Wati bamukuru vako?" Tanya asked zvikanzi naFaith, "yeah Scar ari kuroorwa after hearing yake."
"Whoa! Uri kutaura as if haande kujere," said Tanya zvikanzi naJared, "anoenderei kujere iye ari innocent? My mom is her lawyer after all."
"Maiguru mave kuroorwa kwaMatutu futi?" Thomas who was still in disbelief asked zvikanzi naTanya, "hapana kana two months waroorwa naNick apa Nick haasati avigwa watove neumwe murume inga kuita magar* nemahips kunotobhadhara." That was an insult nekuti in other words aiti ndowana varume ndichishandisa body yangu. However I had Jared by my side akabva ati, "plus Scarlett haatambe nevarume vevanhu. Anoziva vanhu vekuseducer you see? Iwe uri kungoita problem yekutamba nevarume vevanhu so you can't expect marriage from someone who's already married."
"Hmm Tanya mwana wamaiguru vemuroora watete vasisi vamhamha vangu kwete zvamuri kufungira," explained Thomas asi musoro wangu wakawedzera kutema pandakazama kubatanidza hukama hwacho. "Hukama rudzii ihwohwo?" Asked Jared anga atori neconfusion seniwo.
"Bamunini kana muchida kuti tiwirirane munhu uyu handide kumuona pano!" Ndakadaro ndiri serious zvikanzi naTanya, "unotaura izvozvo wakamira sani."
"I'm Faith's sister!" Ndakadaro akaseka akati, "adopted sister saka patiri pano ndiwe usitorina kana hukama naThomas. Kukuti maiguru kutori kukuremekedza zvakanyanyisa nekuti wakanhongwa kusango ini hukama hwangu chero hukaita hwekure zviri nani nekuti huripo unlike iwe usingazi..." Haana kuzopedzisa kutaura apihwa gwati kuface naFaith.
"Vatete ndikakunzwai muchitaura izvozvo ndichaita zvinhu zvekuti tinovengana kusvika marufu!" Akadaro nehasha Faith.
Kudzimura mutauro Thomas akapa Tanya dollar retransport akati aende kumba kwake. Aisada kubva pamba but pamuromo paJared kuti atadze kugara pamba.
I rebuked Thomas after Tanya aenda. Thomas aitofanira kunditerera semunhu aizoda mafavour kwandiri. You know munhu anokara mari haanetse kucontroller because he doesn't have self-respect. He'd bow to anyone ane mari.
We later had dinner like normal people. Thomas achizviita munhu kwaye in order to gain favour in Jared's eyes. Tapedza kudya Jared akabva awoneka. "Tiri kuenda tese," he whispered ndikati, "ahh kuendepi?"
"Kumba haunyare kuda kusara uchiita third wheel inga Tanya chaiye aenda. Chingovapawo privacy," paakadaro ndipo pandazooneka ndikabuda naKevin kumba kwavo. Faith anga ave kutonzwisa tsitsi.
"Hope hauzondidaiso after marriage," ndakadaro kuna Jared akati, "I will always shower with you love and won't give you a room to complain mira uone."
I smiled and hugged him tiri mumota akaita kakuvhunduka achiti, "wait! What did I just say? Those words were not meant for you bamunini. There were meant for my Scarlett...umm not Scarlett but Nenyasha." Akabva aridza tsamwa and felt bad for betraying his lover.
For unknown reasons I smiled and hugged him again. Ndaifunga kuti achaita hasha ondibvisa asi akabva ati, "are you trying to seduce me?"
"Yeah," I bobbed my head like an innocent child. He simply batted his eyelashes with his eyes fixed on me. I pushed my luck and kissed him. Surprisingly it didn't take long for him to respond."
End of chapter
❤️
👍
😮
🙏
😂
😢
101