Rue M Novels
May 15, 2025 at 06:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Him & I Written By Rue M 0788357900 Chapter 17 Scarlett Our first kiss latest for seconds Jared akanzvengesa face yake achiti, "tina driver slow down Letty." I wanted to clear his confusion with that kiss kuti ambomira kutaura zvaNenyasha aone kuti ane mafeelings neni asi akabva atowedzera confusion after kiss. Takasvika kumba akangonyarara tabuda mumota ndikati, "I'm sorry Jared, I just got carried away." He remained quite but patted my shoulder. Hameno kuti aifungei asi ndakangozviudza kuti chero asina kunditsamwira hapana problem. Takapinda mumba akandiratidza room yekurara. Vanhu vanga varara isu tabva tadya saka takangorarawo. The following morning ndakamuka kuma7am. "Goodness ndanonoka kumuka," ndakadaro ndichiwarira pamubhedha fast. Hearing yaitanga kuma9am saka ndaifanira kukasira kusvika kucourt. Ndapedza kucleaner muroom ndakageza zvechitsotsi ndapedza kugeza wanikwe handina hembe dzakachena. Ndaive ndakuda kutodzokorodza dzandaive ndakapfeka pandakanzwa knock padoor. "NdiJared," he said anga atozojaira kunzi Jared neni chero ranga risiri zita rako. "Chimbomiraka ndiri kupfeka," I said akati, "ndanga ndakuvigira hembe dzakachena." "That's so thoughtful of you," I said ndichienda kudoor. Ndakangovhura mbichana kuti ndikwanise kuburitsa ruoko nekugamuchira hembe. Mukomana aitoda kupinda ndikakasira kuvhara door ndichiti, "handisati ndapfeka iwe." I changed into brand-new formal dress. It fitted me well as if it was tailor-made but I could see Edgar's tag. "Mashop atovhurwa this time kana kuti ndera Tanaka?" I asked myself but pandakaona plastic bag rekwaEdgar's and a receipt that was punched 25 minutes back ndakabva ndaziva kuti ratengwa musi iwoyo. Maheels and underwear zvanga zviri zvesize yangu futi. Ndakamboda kuti ndiMrs Matutu vatenga but zvakaramba because only Jared could be that thoughtful. Ndiye ainyatsoziva body yangu semunhu aive azvipa nguva achiitarisa. After changing I styled my long natural hair ndikapihwa makeup kit naTino ndikaisa natural makeup. "Perfect" I wanted to say that ndakazvitarisa pamirror but mashoko aJared ekuti handina mazamu akaita maungira munzeve dzangu. Instead of feeling insecure ndakaseka ndichiti, "ndezvake izvo!" After I was done preparing ndakaona 8 yatochaya ndikaenda kudinning kwaive nevamwe. "Good morning!" I greeted everyone with joy but I received gloomy expressions. Vakaita sezvaiita Camilla akasvika. For a moment ndakafunga kuti pane azviita Scarlett pamasister angu saka vave moody kwandiri. "Kana kuti vave kundiona semuroora asina hunhu nekurara kwandakaita pamba pavo without their consent?" I asked myself ndine stress. Jared ndiye anga andimanikidza kudzoka naye achiti vanhu vekumba kwavo won't mind and ini ndakabvuma kurara paMatutu ndichiti they'd understand my situation sevanhu vari open-minded. After all tanga tisina kurara musame room. "Idya tiyende Scarlett," akadaro Jared ndikati, "I'm fine kana mapedza handei." "Have something first nguva dzichiripo," said Dr Matutu ndikati, "eight dzatochaya hatizononoke here?" "Don't worry," akadaro Jared and served me breakfast. Ndakangodya kuti ndirerutsire vanhu. Zvaizoda here kunyengererwa kudya semwana mudiki. After breakfast takaenda kucourt naMr and Mrs Matutu. Kenneth naKingsley vakaenda kubasa Tanaka( Mai Zade) akasara nevana pamba plus aizoda kuita online lecture. "What happened?" Ndakabvunza tiri mumota ndaona kuti manyarariro acho haasi normal. Vanhu vekwaMatutu vaigara vachingozvifarira kotiwo Jared anga asingagode kuvhara murumo. Zvaitoshura kuti anyarare. "Mhamha vakatadza kukumirira unozondida here?" Jared asked ndikati, "kutadza? Vanotadza sei ivo vane evidence?" "Chingopindura Scarlett," he said ndikati, "Mrs Matutu hamuchade kuita lawyer rangu?" "Ndiri lawyer rako Scar," that's all she could say ndikati, "problem iri papi saka?" "My mom's laptop and cellphone was hacked yesterday. Data rese rikabviswa and someone started fire in her office around 3am," said Jared ndikati, "and so?" "Hapasisina evidence," Mrs Matutu vakadaro vari disappointed. My heart ached but I remained strong on surface. Evidence yaigoshaikwa sei musi wehearing? "Hamukwanise kupihwa nemunhu akambokupai here?" I asked vakati, "he deleted it nekutya kuonekwa ane video racho muphone make plus number dzake handina kudzichengeta nekuti ndaiti zvavharana. Kwandichamuwana izvezvi hakuna nekuti mupurisa wekuZambia. Ndati Kingsley azame kutaura naGodknows nekuti ndiye akambondipa rimwe footage remusi wakafamba Nick akashama paya. Harinei haro nechekuita nemurder case iyi but at least it will prove kuti Nick anga asiri chirema. Judge havazokuone semunhu ari ruthless saka vanogona kuzotipa rimwe trial date. And by then tofanira kunge tave neevidence." Vaitaura in a low voice vachiratidza kuti kushaikwa kweevidence kwavapedza simba. She never invested her time into my case vachiti "evidence will speak for you Scarlett." Hezvo evidence yanga yaenda nemabhinya ekwaChoto. "Frederick ave kutofanira kutonamata Grace kuti aburitse CCTV because she's our last hope," said Jared ndikati, "handi akadeleter here kulodge." "Obvious kulodge hakusisina chinhu asi haango destroy information yakakosha kudaro. Chero nababa vake vanenge vakaichengeta pakanaka kuti 1 day vazoishandisa kublackmailer vanhu vekwaChoto," said Mrs Matutu. "Let's pray kuti baba Zade vawirirane naGodknows wacho angotipa piece of evidence yaanayo," I said Mrs Matutu vakati, "speak of the devil." Kingsley was calling her vakadavira phone nekuisa paloud vakati, "wamuwana here?" Kingsley asati adavira Jared akatora phone akaicutter. "What's wrong with you?" We all asked him that at the same time akati, "phone yenyu haisati yagadzirwa who knows kuti Mai Choto vanogona vakaterera conversation yenyu?" "Oh ndanga ndatokanganwa shandisa yako kumufonera," she said and he did that zvikanzi naKingsley, "Godknows ndamuona asi ari kutaura zvembanje." "Hanzi kudii?" Mrs Matutu asked zvikanzi, "ahh hanzi ndoda imba kuti atipe footage." "How many rooms?" Asked Jared zvikanzi, "ati chero two rooms as long iri imba muno muHarare." "Just agree to his condition upihwe evidence then I will transfer the money into his account after that," ndakashamisika kunzwa Jared achidaro. I didn't know if he was still pretending to love me or not but the worry on his face was genuine. "Pamwe akuziva kuti ndini chaiye munhu wake," I thought to myself ndikati, "haa kana ifake idzi chero ndikaita munhu wake angabva ada kupa Godknows mari yetwo rooms kuti ndibude ndisaende kujere?" "Anayo here zvesure?" Mr Matutu asked Kingsley zvikanzi, "atondiratidza video racho and trust me randaona rakakura rinomutsa nyaya dzakawanda nekuti rine confession yaNick yekuuraya Ropa unlike ramaive naro achingomhanya akashama." "Don't be too soft ungatadza kudealer naGodknows? He's still under treatment kaa saka mudzvanye panorwadza. Nemadiro aanoita mwana anokupa evidence chete," handina kunzwisisa zvakataurwa naMr Matutu but Mrs Matutu and Jared were shocked to hear that. "Huh dad I am his doctor handingazomudaro," said Kingsley zvikanzi naMrs Matutu, "dai ari Tanaka ane mhosva waitaura izvozvo?" "Don't blackmail him emotionally mhamha ndinayo mari tomupa. And we'll recover it soon," he said Mrs Matutu vakati, "mubvunze kuti kana iri mari anoda yakawanda sei?" "Ati $15k," he said zvikanzi naMrs, "taurirana naye asvike pa$10k." "Letty what's wrong?" Jared akabvunza ari suprised anzwa ndakuchema. No one expected me to have an emotional outburst that time. "I'm useless and troublesome Jared. Izvezvi vanhu vese havana mufaro nekuda kwangu. Kumba vanhu havasi kubuda gate nekutya kurohwa nevanhu vekwaChoto. VekwaChoto vari kuchemawo mwana wavo imiwo mave kutoita loss nekuda kwangu. On the other side Faith ave kushungurudzwa nemurume wake nekuti ndakauraya Nick. My parents saw it coming that's why vakandirasa. I'm cursed and ndokonzeresa maproblem kwese kwandaenda. I hate myself right now. Dai ndakabvuma kuita mukadzi waNick ndaibvei nhai? Ndaibvei chaizvo? Dai pasina kana zvese izvi ndichigara kwaChoto. Pane ndaizojairana naye nekufamba kwenguva. Nick had also planned our future together maybe zvaigona kubuda dai ndisina kumutiza nekuzomuuraya. Ndini ndaitofanira kufa kwete Nick," ndakadaro ndichichema. Ndaida kuvhura door remota ndozvikanda muroad mota ichimhanya ndongofa zvopera but Jared akakasira kundibata nadriver vakamisa mota. "I don't deserve to live!" Ndakadaro ndichikava kava everywhere zviri violent. I was completely uncontrollable nekuti ndaingonzwa kuti dai ndafa ndazorora. End of chapter
❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 213

Comments