Rue M Novels
May 16, 2025 at 06:07 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
*Vari kuda Him & I from 1 follow channel momawana maprevious chapter ese arimo*
Him & I
Written By Rue M
0788357900
Chapter 18
Scarlett
They calmed me down with great effort tikazosvika kucourt after an hour. Fortunately hearing yedu yanga isati yatanga and every member from my family was present. Pacourt panga pane vanhu vakawanda including news reporters. Mhamha vaida kutaura neni pakasvika Kingsley achindidana. Akaenda neni kumota kwaive naJared ndikafunga kuti ari kuda kundipa update about Godknows and evidence asi akabva aburitsa injection. Ndaitya injection zvekuti ndakabatirira pana Jared ndichiti, "muri kuda kubaya ani bamunini?"
"It will help you to overcome anxiety. State yamuri haide zviri kuitika nhasi," he said ndikati, "ndave bho wani? Jared vaudze kuti ndave right. Look, I'm now smiling." I wanted to fake a smile but ended up crying again. I didn't cry for long nekunyara kuita sendozviitisa pavanhu kana kunge ndinoda kunzwira tsitsi too much. Ndakazvisimbisa ndikabaiwa injection riya.
Kingsley excused us after that Jared akasara achiti, "zvakatanga rini?"
"Zvii?" I asked him.
"Depression," he said ndikati, "handina depression ini."
"I had depression for 10 years so I know what I'm talking about. I used to hide it from everyone but zvakaramba zvichiita worse. Unopedzisira wave kucontrollewa nemapiritsi pazvese zvaunoita," he said ndikati, "I'm just feeling down handina depression Jared." Ndichipedza kudaro mhamha vakaknocker pawindow. Ndakavavhurira door vakataura zvishoma naJared asati aenda.
She gave me a tight hug and I felt like staying in her embrace forever. There was no safer place on earth than my mother's arms. Hapana zvavakataura neni kusvika vanhu vatanga kupinda mucourt.
"Unomborota Nick?" She asked tichibuda mumota ndikadzungudza musoro. I had heard kuti vanhu vanoita masleepless night after killing someone asi kubva pakafa Nick ndakatotanga kurara zvakanakisa. Maybe Nick's soul understood that I was innocent so it didn't feel the need to haunt me.
"Scarlett ndiri mai vako saka ukaita maproblem unondiudza. Handina mari kana kudzidza sevamwe but don't disqualify me as your mother. You're always in my prayers and unonyatsoziva kuti besides ini hapana umwe anokunamatira," vakadaro ndikati, "mhamha pamwe ndinenge ndisingade kukupai stress kwete kuti ndiri kukuonai semusingakwanise kundibetsera."
Vanhu vekwaMatutu nevekumba gave me enough support and strength to pull through my first trial. Kingsley anga apihwa kashort video kairatidza kuti Nick chaisava chirema. Godknows anga ati full video anoburitsa after awana payment yese. Mrs Matutu was very vocal and she had facts. Vakamira neni pasina evidence yekundiprover innocent. Vakakumbira judge time yekutsvaga evidence zvikanzi next hearing iriko in 6 days.
After hearing mhamha takaenda kulunch tese nehuhwandu hwedu. Seven days dzanga dzakawanda kuti titsvage evidence so everyone heaved a sigh of relief. During lunch mhamha vakati, "Scar pane vanhu vari kuda kukuona." She sounded serious zvekuti ndakashaya kuti ndivanani ndikabvunza kuti, "vari kudei?"
"Uchanzwa zvavari kuda kutaura vauya," she said ndikati, "at least regai nditange ndapedza kudya handide zvekuzoshaya appetite." Ndakadaro nekuti ndaifunga kuti ndevekwaChoto. That day was Nick's burial saka ndaingofunga kuti vane zvivanhu zvavo zvinoda ndiripo.
Tapedza kudya mhamha vakafonera vanhu vacho. Matutu family wanted to excuse us but mhamha stopped them vachiti, "soon you'll be Scarlett's family saka hapana reason yekuti muyende. Munofanirawo kuzvinzwira zvakaitika mega kwete kuzoudzwa nevamwe."
"Vambori vanani?" I curiously asked mhamha vakati, "dzikama vari kusvika."
"Ndodzoka ndotya kaa," I said tikambomira kutaura when the waitress was clearing our table. Desserts were served and tiri pakati pekudya a couple approached us. They joined us on dining table and exchanged a few pleasantries. I concentrated on my dessert ndiri paside naJared.
"S-Scarlett," Mrs Dube called with fear ndikasimudza musoro ndichivatarisa ndichiti, "yes Mrs Dube?"
"Umm we believe that you're our lost daughter saka tanga tichikumbira kuita maDNA test tova nesolid proof kuti tine ropa rimwe chete so that you will be able join the family pasina mutauro," Mr Dube was straightforward. Ndakaramba ndakavatarisa ndichitoda kuona kuti vari serious here. I was not stupid enough not to recognize when the arrived. Mrs Dube had some similarity facial features with me and kakunyepedzera kutya kavo kakaita kuti ndizive kuti ndivanani vasati vataura nyaya yavo.
"Tangouya all of a sudden so you must be in a shock and we understand," said Mr Dube ndikati, "shock yei?" He was speechless and the was a tense atmosphere in the hotel dinning hall zvekuti noise yemaspoon ndiyo yaingonzwikwa.No one attempt to break the silence and I quietly enjoyed my dessert.
"Asi imi maimbovepi chaiko makore ese aya? After 23 years mongouya muchiti makuda kuita maDNA test. Who does that," Jared akaramba kufira mumoyo akati abvunze ndikabva ndamudavirawo ndikati, "can you imagine kuita kunge ndiri kurwarira kujoiner family yavo or fraudster nekuda kwekuti ndakafanana nevana vavo. It's as if ndiri kuda mari yemhuri yavo ndichinyepera kuti ndiri mwana wavo saka vave kuda kuita DNA test vasati vandigamuchira."
"We know that you're our daughter but a DNA test is just a formality Scarlett. Chero masister ako akatoita DNA," said Mrs Matutu ndikati, "they are not my sisters! Handidi kujoiner family yenyu and vabereki ndagara ndinavo saka siyanai neni sekundisiya kwamakandiita back then when I was vulnerable," I bitterly said Mrs Dube vakati, "usati wativenga tanzwa zvakaitika."
"Ndagara ndakakuvengai kubva pandakanzwa kuti makandirasa," I said, "handina kumbokurasa."
"Saka ndakaenda ndega kusango? I'm truly a miracle worker Jared. Can you imagine a 1 day old infant walking?" ndakadaro Mr Dube vakati, "ndanga ndisipo pamakazvarwa mai vako vari vega kuchipatara. Nekuda kwekuti vakaita nhumbu yematriplets vachiri mudiki vakaita macomplications. She was only 15 saka kutorarama kudai inyasha. Amwe masister ako akazvarirwa mumba iwe ukanonoka kubuda mudumbu saka usina kuendeswa kuorphanage nevamwe. Camilla naNenyasha vakendeswa kuorphanage nasekuru vavo. Iwe wakazozvarirwa muchipatara mai vako vatove pacomma. Hanzvadzi yamai vako nemukadzi wayo ndivo vakazonokusiya musango."
"And I'm supposed to believe that fabricated story?" I asked him zvikanzi, "I know it's hard to believe asi ndizvo zvakaitika."
"Chakaita kuti hama dzaMrs Dube dzide kutirasa chii?" Ndakabvunza Mrs Dube vakati, "ndakaita nhumbu ndine 15 years ndichitori kuchikoro and zvinhu zvanga zvakatiomera pamba. Ndaive ndakaroorwa ndichiri mudiki. Ndaifanira kuenda kumurume ndave ne18 years. Nhumbu yakatozoonekwa ndatokurirwa and it was too late kuenda kumuridzi nekuti anga atotiza. Semunhu akazvirira mumba zvaisazivikanwa futi nevanhu vemuraini zvakaita easy kuti hama dzangu dziendese vana kuorphanage. Vabereki vangu vakatoita nhumbu yangu secret kuti vazokwanisa kundiendesa kumurume anga akandiroora ndiri mucheche.
Nekutya kuti ndinogona kufira mumba ndine umwe mwana mudumbu vakabva vaenda neni kuchipatara. Iwe waitoda kuendeswa kuorphanage asi vakazoshaya mukana vakangonokusiya kusango. Ndakamuka pacomma after a month ndakaudzwa kuti vana vakafira mudumbu. I was young saka ndakangobvuma zvandakaudzwa and I thought kufa kwevana kwacho was a blessing in disguise and a chance for me to start afresh nekuti baba venyu vanga vanditiziva. Ndaive ndatozvipira kuenda kumurume anga akandiroora asi akabva ashaya tisati tagara tese.
10 years passed ndikazosangana nababa venyu vakakumbira ruregerero tikadzokerana. Handina kumbobvira ndaita nhumbu because my womb was damaged pandakakuzvarai. Vanhu vekwaDube vanga vave kunetsa vachipa Albert pressure yekuti atsvage mukadzi anozvara and they successfully manipulated him akatoita second wife yakamuitira mwana mukomana. Aive akuwandira kwamainini vane mwana ini ndakuda kutosiyana nezvake. Mhamha vangu ndipo pavakazotaura kuti vana vangu havana kufa nekusada kuti ndirambwe. Takaenda kuorphanage kwaive kwakasiiwa masister ako tikasvika zvichinzi vakabviswa tikaita amwe makore tichingovatsvaga. There was no hope for you nekuti waive wakasiiwa musango une 2 days saka hapana pawairarama. We found Camilla and Nenyasha four years tikaita maDNA tikaona kuti vana vedu chaivo. We were happy after a long time. A few days ndipo pandakazoona maphoto ako painternet zvichinzi wakauraya munhu. Wakafanana naNenyasha zvekuti we were confused. Takaita background check up yako and found out that you were adopted. Nezuro ndakaenda kumba kwenyu ndikataura nemaparents ako saka tiri pano nhasi," after her explanation almost everyone was emotional asi ndaitoita kunge ndanga ndakaterera ngano. I was not even moved.
"Saka Mr Dube chakaita kuti mutize musikana wenyu ane nhumbu chii? No one expected that question zvikanzi naMr Dube, "hwaive hupwere ndanga ndine 20 years ndiri teacher saka ndaitya kuti basa rinopera futi zvikazivikanwa kuti ndakamitisa mwana wechikoro."
"You were a teacher? Ko zvekuvhura mabank zvakazouya rini?" Ndakachinja topic vanhu vasina kutarisira but Mr Dube patiently answered each and every question of mine.
"I'm an accountant saka ndokwanisa kuwana basa here kubank kwenyu?" I asked zvebasa nekuti ndanga vakati, "tanga tichitotaura nezvazvo nadad vako."
"I'd like to join your company as an ordinary employee kwete semwana wenyu. I know who I am and I don't need a DNA test to have a family. Surname yenyu yekwaDube handiide saka musatyire kuti ndogona kutaimira ma-assets enyu. Chandingangokumbira kwamuri kutsiurirwa vana venyu vasiyane naJared nekuti nditori nebitterness nemoyo wakasvibisa," I said vakaramba vakanyarara Jared akavati, "you can't expect Scarlett to accept you so soon. Anoda time yekufunga akadzikama. She's going through a lot right so I request you not to add to her problems. And Scarlett kana ati haade maDNA test haade idzo hama dzenyu dzinozoda kumutsa mutaro ndezvadzo. Everyone here love Scarlett saka hama dzacho dzikazoda kuita kunge dziri kumuitira favour hazvibude." Dzimwe nguva aitotaura zvine musoro Jared.
Takazobva pahotel tatenderana kuti zvemaDNA handisi kuita. Mrs Dube was still trying to prove her innocence. Pandakanzwa kuti hanzvadzi yacho yakandirasa yanga yave kurwara nepfungwa ndakamboda kuzvibvuma asi zvakazoramba.
"Ndanzwa kuti munhu ane evidence ari kuda mari saka ndokumbirawo kumupa," vakadaro Mr Dube ndikavatarisa in disbelief. Vaifunga kuti kupa Godknows $12k yanga yasara kwaidzima zvitadzo zvayo. "Handisi kuda kushandisa mari kuti undiregerere but I will feel useless as your father ndikangotarisa situation pasina zvandoita," he said ndikati, "kutongotarisa situation musina zvamunoita itori support iyoyo."
"Don't say that," he said ndikati, "ndochokwadi I don't want to owe anyone a favour. I've only accepted Mrs Matutu's help because of Jared but I don't have any reason to accept your money, help or support."
"You are my daughter," he said ndikati, "imi muchida DNA test kuti mubvume kuti ndiri mwana wenyu?"
"My heart knows that you're my daughter Scarlett asi dzimwe hama dzinoda evidence kuitira kuti uzowana ma-assets. Our company is a family business saka kuti uzongowana mashares from nowhere hazvibude. Umwe neumwe anotanga kuuya nemunhu wake achiti mwana wake kana pakashaya DNA report. I understand kuti haude ma-assets or anything related to our family business but I want you to be my successor," vakadaro Mr Dube ndikatoona kuti kukura ndiko kuri kuvakanganisa pfungwa. Ndaiita successor wavo pachii?
"Your brother is unfocused haana zvaanofunga kunze kwezvekudhakwa, Camilla anoda zvemusic and Nenyasha haana kudzidza sezvawakaita. You're the perfect candidate nekuti just like me wakaita accounting and that's our family field. You're a strong woman so I believe kuti after taking over the company hapana anokubatira kana kukufurira zvisizvo," he said ndikati, "I appreciate your thoughts Mr Dube but I'm still not interested."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
124