Rue M Novels
May 18, 2025 at 06:00 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Him & I
Written By Rue M
0788357900
Chapter 20
Scarlett
Unedited
Ndakabva pahotel ndiri mumota yaJared uyo aiita kunge mumvuri kubva makuseni. "Don't worry Jared handitize tonoona Nenyasha wacho moyo wako uzorore," I said that after recalling my promise to him. "Nenyasha ndiyani?" He subconsciously asked ndikati, "Jared usaite zvemajokes iwe!"
"Ko watsamwei ndiri kungobvunza nekuti musikana wandoziva ndiwe chete," he said ndikati, "ndapihwa number dzaNenyasha naMr Dube saka ndomufonera tosangana?"
"Oh Scarlett ndakaneta ini nhasi ndoda kuzoroora kwete zvekuona vanhu vako," akadaro ndikashamisika kuti Nenyaya anga aita munhu wangu rini ndikamuti, "jokes aside Jared. Unofanira kutaura zvaunoda because wave kundiconfuser. Dzimwe nguva unoita seunondida then the next minute woti handisi musikana wako chaiye. Make up your mind Jared tisati taenda kure nekuti ndiri munhuwo." Instead of giving me a convincing answer, he tightly hugged from behind akati, "kure ndiko kwatiri kuzoenda Scarlett."
"Iwe uchida Nenyasha?" I asked him akati, "my heart is small saka space yevamwe vasikana hamuna. Ndakatanga kuona Nenyasha and Camilla before you but I never felt anything for her saka chinozoita kuti ndimude ikozvino ndawana soul mate yangu chii?"
"Wagara uchiziva Nenyasha?" I was surprised akati, "yeah but hatisati tambotaura tese. Apparently she's Camilla's love guru ndakazviziva karesa. You know Nancy anoshanda kumba?" He asked ndikagutsirira musoro akati, "aimbogara naNenyasha and from her I learnt a few things about those sisters. There was a time mhamha pavakandipa pressure yekuti ndiroore and Camilla anga agara ane crush saka kunyaradza mhamha ndakatombofunga kumuita mukadzi. I'm in entertainment industry and so is Camilla saka ndaiti anozondinzwisisa but before sharing my thoughts with anyone ndakabvunza Nancy nezvaCamilla and ndipo pandakaziva history yevasikana vaya. You are the first person kuziva kuti ndakatombofunga kuroora Camilla. I thought that I would never fall in love again before meeting you. You might know it but kubva zvawakauya mulife mangu ndachinja. I'm now a better person, you gave me a reason to live again Scarlett. Pandakarohwa nematsotsi paya ndaitove nephone yangu zvekuti dai ndakafonera vanhu vekumba kuti vakasire kuuya kwandaive vondiendesa kuchipatara but I didn't call them. I wanted to die kuti vanhu vekumba vazorore nekuti nyaya yemarriage yangu yaistresser munhu wese. I've made money but haishande Scarlett usina wekudya naye kana kufara naye. The almighty has given me a second chance to live and this time I want to live for you Scarlett."
"That's so unrealistic of you," I said that referring to his last statement akati, "I know you won't believe me but chokwadi ndechekuti ndoda iwe kwete Nenyasha or Camilla."
"Kana uchida ini chii chakaita kuti umbondiramba pekutanga uchiti handisi musikana wawakada?" I asked akati, "ndaiziva from the start kuti ndiwe wakandibetsera kuchipatara because of your voice, handwriting and affectionate."
"Still you haven't answered my question," I said akati, "ndakaona contract yako namhamha and I thought it was unfair to you. Wakangobvuma kuita mukadzi wangu only because waida kubatsirwa kwete unondida. Wanga uchangobuda muforced marriage saka ndaisada kuti upinde mune imwe that's why I act confused. Ndaida kuona zvaunoda mafeelings ako and so on Scarlett. I could have easily married you because of that contract but ndaitya kusazokufadza after marriage. Soon I will be 36 apa iwe une 23 years saka ndaiona futi kunge ndakurisa kwauri. You're a calm, intelligent, beautiful and strong lady whereas ndingori chigunduru. I didn't want to drag you down with me. Your first relationship ended like a joke and your first marriage was a complete chaos saka ndaifunga kuti I'm not good enough for you. All I ever wanted was your happiness Scarlett."
"How dramatic and selfless of you?" I commented akati, "I'm being honest Scarlett ndaida kutanga ndaona mafeelings ako first before acknowledge our relationship. Ndoda relationship isina macondition Scarlett. I want you to be my wife because of love kwete zvamhamha. Ndoda kukubvisira tochata like other normal couples."
"Ko ndikaenda kujere unondimirira here?" I asked the most unexpected question akati, "hey I've been single for 12 years now chinonditadzisa kukumirira rini and it's not like unopihwa life in jail sentence moreover kana ndichiri kufema haufe wakaenda kujere."
"You've been single for 12 years? Zvinoreva kuti une munhu wawakamboda?" I asked akati, "it's all in the past now."
"You need to tell me," I said akabvunza kuti, "is it necessary?"
"Very necessary Jared iwe hapana zvausingazive pamusoro pangu so ndofanira kuziva nezvako. I hate surprises," ndakadaro akati, "hauzotsamwe kana kuita godo right?"
"Why would I feel jealous? Zvinhu zvakaitika 12 years back zvingandirwadza here?" I asked while rolling my eyes akati, "fine."
"Ehe taura," I said akati, "I don't know kuti ndakadanana nevasikana vangani back in college. Ndaitambisa moyo yevana vevanhu wanguwo uchitambiswa but I didn't take it to heart. Ndakazoita serious relationship nemusikana wandaida kutoora but she was not serious. Ndanga ndisati ndave nemari kana mbiri like today and unongoziva kuti uri kucollege unenge uchitoitirwa zvese nevabereki. I didn't lack anything asi mari yekuzochengeta umwe munhu sendiri mubereki wake ndanga ndisina and ipapo ndipo pakatanga problem musikana wandaida nemoyo wese akatanga nastepfathet wangu. What broke my the most was the fact that vese vaiziva kuti ndiripo. Mudhara achiziva kuti ari kudya baby rangu and Tasha achitoziva kuti blesser vake ndibaba vangu. I confronted her akati aingodawo time pusher akamirira mukomana wake aive akaenda kuChina...she didn't feel guilty kana padiki and she used my stepdad's money to build her career."
"I'm just glad that Mrs Matutu vakasiyana nastepfather vako," I've heard that Mrs Matutu's first marriage was also a forced one and unlike me she was not daring enough to go against her first husband saka vakambotambura mufirst marriage vasati varoorwa naMr Matutu.
"That man was toxic," he said ndikati, "aitadza nei iye ari cousin brother yaMr Choto?"
"Vangove past yedu," akadaro achimisa mota pagate repamba pedu. Takazobuda mumota tapedza kutaura past yake.
"Scarlett!" I was shocked ndaona ndave pasi after Jared screamed at me. Ndakashaya chaaive andisundira pasi but before I could figure out what had happened ndakaona Jared achipa Melah gwati. Before Melah could recover from the first slap akapihwa rimwe. At it the first time for me to see that fiercest side of Jared.
"Namatirai kuti aende kujere nekuti uyu ndiri kuzomuuraya!" Ndakabva ndanzwa voice raMai Choto richibva mumota yaive kuside kweroad. "Ndichanamata uyu avharirwa!" Jared akadaro achiburitsa phone yake muhomwe and called the police. Ndakashamisika ndanzwa achiti anga andipusha after aona Melah anga akatinyangira achida kundidira acid kuface.
"Why would you do that to me? Ndakakutadzirei?" I asked Melah akati, "wakanditadzirei? Uri muroyi Scarlett wazvinzwa! Wakaudza murume wangu kuti ndine nhumbu yaNick akandiramba. Nick wacho wawakandirambisira wakabva wamuuraya mwana wangu achazvarwa ari nherera nekuda kwako saka usandibvunze kuti wakanditadzirei."
"Une nhumbu yaNick?" I asked in suprise asati apindura Jared akati, "if you come for my Scarlett I will make sure that you won't deliver that bastard in your womb."
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
335