Rue M Novels
May 30, 2025 at 06:02 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Unforseen Written By Rue M 0788357900 Chapter 6 Vimbiso Ndaifara zvangu kuti ndaive ndavakudzokera kumba but mapurisa aive andikanganisa musoro nekufunga kuti vaive vanyeperei mucourt vachiisa Tafadzwa pacorner. Tafadzwa ndaive ndakatomuvenga ndichitodawo kumuona achitambudzika kwete kuzoshungurudzwa nekuda kwemhosva yaanga asina kuita. Mapurisa aive anyepa kuti akavavhundutsira achishandisa chigaro chake. I was there paakafona achiti ndikaramba ndiri stubborn vandirove asi zvekuti akati vakasandirova basa rinopera zvanga zvave zvekunyepa vavakutodawo kuzvichenura. "Heaven knows," ndakataura favorite line raTino ndichipinda mumota yedu tavakuenda kumba. Iye Tino aive anzi aite community service nemhosva yake yekurova mupurisa asi ndaingoona kuti kwaingove kutaura kwaNyakudya pamberi pevanhu kuti anzi ndijudge ari fair. Offer yake yekundiita mukadzi wake ndaive ndairamba saka hameno kuti mucourt aive aita basa rake without favor or anga anzi namama ndabvuma. Ndichisvika kumba ndakabatsirwa namama kugeza tsvina yemazuva nekuti kubva zvandaive ndavharirwa ndanga ndisina kumbodira mvura pamuviri kunze kweiya yandakadirwa nemhepo yekwana Muku. Ndapedza kugeza ndakapihwa chikafu kutoitwa semunhu adzoka kuhondo. Attention yese yaive pandiri till Tino spoiled our joyous mood achiti, "Amai Nyakudya varipi?" Mumba makabva maita runyararo dad vakatoenda panze zvikanzi naTino, "Kasi ndakanganisa?" "Mai Nyakudya ndiyani?" Ndakabvunza ndakasunga face akati, "imika tave kutokuremekedzai." Akataura achiseka akazvikanda pasofa achiramba achirotomoka hanzi, "but Mwari vane favour vana Vimbiso vavakutoenda kumarriage vana vakatokumirira kare watove pane imwe stage. Manje manje mave kutodya mari dzemarooro Amai Nyakudya handi Zandile avakutopedza chikoro?" "Satan!" Ndakamudaro ndichienda kuspare kwangu. "Aihwa Mr Nyakudya havaite zvavo," ndakataura ndega ndave mubedroom. Mwana wavo wekutanga Zandile anga atove form six ane 18 years apa ini munhu aizoita mai vake ndine 22 years. Ndoita stepmom vaZandile manje? "Baba vaya havanyare sure?" Ndakadaro futi ndichitarisa mat-shirt angu ekubasa sezvo ndaive ndavakuda kuenda kubasa the following Monday. Ndaishanda kuEconet and manager vacho ndaiwirirana navo because of Muku. Akangoti pandakapedza chikoro ndokutonditsvagira ndikazonzwa ndavakufonerwa. Manager vaive twin sister yaDavid family friend yanaMuku. "Let me call Diana first," ndakadaro ndafunga kuti Tafadzwa anogona kunge akatotaura naye kuti ndisadzoke kubasa so ndaida kuconfirmer ndisati ndaenda kubasa kuri kutyira kuwana ndareplaciwa chero naDiana taipindirana. Kubasa ndaive ndakapedzisira kushanda pakashaya Muku ndikatora leave. "Mwanasika," akadavira phone achidaro Diana ndikati, "how are you doing ma'am?" "I'm well and you Vimbiso?" She said. "I'm better ma'am, ndiri kudzoka kubasa neMonday," ndakataura ndisina confidence zvikanzi, "it's okay. Handina kuuya kuzokuona as you know kuti ndanga ndiri busy neworkshop kuHarare, I'm very sorry." "It's okay ma'am," ndakadaro akati, "take care." With that we ended the call mama vakabva vapinda muroom mangu vachiti, "ndiDiana?" "Yes," ndakapindura ndichitura mafemo zvikanzi, "kasi wakuda kudzokera kubasa?" "Ehe, pano ndingaswera ndichiitei?" Ndakadaro vakarova rova pabed vachiti, "gara apa." Maitiro avo akaita kuti ndinyumwe kuti inyaya yaMr Nyakudya yaida kutaurwa ndokubva ndati, "mama kana muri kuda kutaura nezvababa Zandile forget and smile." "Usatevedzere zvataurwa naTino unoziva kuti haana kukwana wani," vakataura zvekundinyengerera but vaive wrong nekuti pavanhu vese pamba Tino ndiye aitondinzwisisa though sometimes taimbopesana. "Mama Mr Nyakudya vakura hazviite," ndakavapikisa vakati, "makore anozivei nhai Vimbiso?" "Ko vakandifira ndotanga futi kutsvaga mumwe murume?" Ndakabvunza ndakatarisa kuside zvikanzi, "kufa inguva yaMwari Vimbiso." "Ipapo handirambe asi nguva yaMwari iyoyo yave padhuze kuvatora," i said. "Ko Mukudzei zvaakafa anga akura saMr Nyakudya?" Apa ndaive ndakutohealer mama vobva vamutsa nyaya yaMuku. Ndakabuda muspare ndichinopinda mumota yaive yakafa panze. Dad vaive makanika saka mota dzaive dzakati wandei pamba pachitoita kunge pagarage. "Mama! Mama!" Ndakadaidzira ndikashaya pekubuda napo mumota door ndisingacharione nekuda kwepressure yandaive nayo ndaona nyoka mumota. Ndakaridza mhere dad vakatozouya kuzovhura door nyoka iya ikabudawo ichimhanya asi haina kure kwayakaenda Tino adonhedzera battery remota pairi ikatoti chisarai. Ndakatura mafemo semunhu aive apotswa nerufu ndave calm ndokubva ndati, "you see why ndichiti doro ngaribikwe?" "Iwe wanga uchitsvagei mumota iyoyo?" Vakabvunza dad vakabata ruoko rwangu rwaibuda ropa. "Yakuruma?" Akabvunza zvaive pachena Tino. Munhu wese aiona kuti ndaive ndachekwa newire nekuti panga patoita kaline umwe oti nyoka. "Tobika next weekend doro racho ndafonera vana mai kumusha vafanogadzirira," vakabva mumba vachidaro mama zvikanzi nadad, "nemiwo Mai Tino majoiner nyaya dzedoro idzi?" "Kana muchida doro zvekudaro tongonotenga six pack apo tomwa tichideketera chikamu chacho chopera," akadaro Tino ndikati, "iroro harishande Tino." "Whatever asi kana mavakuda kudhakwa munotaura zvakanaka kwete kuda kuhwanda nevadzimu kudai? Iwe enda unobvisa nyoka yako apo," akataura achiita kakundisunda ndikapotsa kudonha akati, "mamupa chikafu here mukadzi waNyakudya uyu?" "Mukadzi waNyakudya ndimai vako," ndakazobata muromo ndataura nekuti mama vanga varipo. "Hahaha Vimbiso," akataura achinyepedzera kushamisika Tino, dad vakanditi, "saka wakabvumirei kubetserwa naye usingabude?" "Ndakambobvuma here?" Ndakabvunza nehasha Tino akabata ruoko zviya zvekuda kundidzora ndikati, "handina kumboti ndoda Mr Nyakudya imi ndimi makaenda kunonditsvagira murume mega mavakuti ndakavabvumirei futi?" "Vimbiso uri kutaura nababa vako," vakadaro mama ndikati, "ndiri kuzviziva. Dai makandisiya ndiri kujere ikoko toona kuti ndaizofa here pane kuroorwa naNyakudya?" "Unoona nharo dzako dzisina basa ndidzo dzakusvitsa pauri nhasi. Dai wakanditerera musi uya wandakakuudza kuti siyana naMuku pasina zvese izvi manje iwe une nharo. Doro racho uchanobika wega," vakadaro vatsamwa mama ndikati, "asi kuna Nyakudya handiende." Mama mazuva ekutanga vaive vakavenga Muku nekuda kwaZandile. Zandile aive shamwari yaMuku though Muku aingomuona sehanzvadzi yake so patakatanga kudanana naMuku akatanga kuita jealous from nowhere avakuti ndakamutorera mukomana when Muku cleared the confusion Zandile akabva andivengera svoto nekuti aive anyadziswa pavanhu. Kunetsana kwataive taita pamba zuva rovira kwakaita kuti pashaye anoenda kukitchen kunobika nekuti umwe neumwe anga ane stress dzake. Tave kutoona news pasina chabikwa Mr Nyakudya vakabva vasvika pamba. Ndakaridza tsamwa ndichienda kunorara mama vakanditevera vachiti, "iwe ukwane wazvinzwa? Unoda kutoonererwa nyaya yako isati yapera unoendeswa kujere ita semunhu mukuru tione." Ndakaita semunhu mukuru ndikadzokera kusitting room kwaive nevamwe ndikamhorosa Mr Nyakudya zvine hunhu tikatandara kusvika vaoneka vakati, "ndiburitsewozve gate Vimbiso?" Ndakasimuka ndakanyarara ndikatungamira panze vachitevera. "Ngatipindei mumota two minutes," vakadaro ndikati, "ndave nehope tozopinda umwe musi." "Hope dzeiko Vimbiso hatimbotore time wave mukadzi wangu iwe," ndisati ndapindura Mr Nyakudya mhepo iya yakabva yangonyuka ichiti, "hoo hoo muri kutoita madhiri pano apa." "Tafadzwa?" Mr Nyakudya vakavhunduka. End of chapter 6
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 199

Comments