Rue M Novels
May 30, 2025 at 06:02 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
Unforseen
Written By Rue M
0788357900
Chapter 6
Vimbiso
Ndaifara zvangu kuti ndaive
ndavakudzokera kumba but
mapurisa aive andikanganisa
musoro nekufunga kuti vaive
vanyeperei mucourt vachiisa
Tafadzwa pacorner. Tafadzwa
ndaive ndakatomuvenga
ndichitodawo kumuona
achitambudzika kwete
kuzoshungurudzwa nekuda
kwemhosva yaanga asina kuita.
Mapurisa aive anyepa kuti
akavavhundutsira achishandisa
chigaro chake. I was there
paakafona achiti ndikaramba ndiri
stubborn vandirove asi zvekuti akati
vakasandirova basa rinopera zvanga
zvave zvekunyepa vavakutodawo
kuzvichenura.
"Heaven knows," ndakataura
favorite line raTino ndichipinda
mumota yedu tavakuenda kumba.
Iye Tino aive anzi aite community
service nemhosva yake yekurova
mupurisa asi ndaingoona kuti
kwaingove kutaura kwaNyakudya
pamberi pevanhu kuti anzi ndijudge
ari fair. Offer yake yekundiita
mukadzi wake ndaive ndairamba
saka hameno kuti mucourt aive aita
basa rake without favor or anga anzi
namama ndabvuma.
Ndichisvika kumba ndakabatsirwa
namama kugeza tsvina yemazuva
nekuti kubva zvandaive ndavharirwa
ndanga ndisina kumbodira mvura
pamuviri kunze kweiya
yandakadirwa nemhepo yekwana
Muku. Ndapedza kugeza
ndakapihwa chikafu kutoitwa
semunhu adzoka kuhondo. Attention
yese yaive pandiri till Tino spoiled
our joyous mood achiti, "Amai
Nyakudya varipi?"
Mumba makabva maita runyararo
dad vakatoenda panze zvikanzi
naTino, "Kasi ndakanganisa?"
"Mai Nyakudya ndiyani?"
Ndakabvunza ndakasunga face
akati, "imika tave
kutokuremekedzai." Akataura
achiseka akazvikanda pasofa
achiramba achirotomoka hanzi, "but
Mwari vane favour vana Vimbiso
vavakutoenda kumarriage vana
vakatokumirira kare watove pane
imwe stage. Manje manje mave
kutodya mari dzemarooro Amai
Nyakudya handi Zandile
avakutopedza chikoro?"
"Satan!" Ndakamudaro ndichienda
kuspare kwangu. "Aihwa Mr
Nyakudya havaite zvavo,"
ndakataura ndega ndave
mubedroom. Mwana wavo
wekutanga Zandile anga atove form
six ane 18 years apa ini munhu
aizoita mai vake ndine 22 years.
Ndoita stepmom vaZandile manje?
"Baba vaya havanyare sure?"
Ndakadaro futi ndichitarisa mat-shirt
angu ekubasa sezvo ndaive
ndavakuda kuenda kubasa the
following Monday. Ndaishanda
kuEconet and manager vacho
ndaiwirirana navo because of Muku.
Akangoti pandakapedza chikoro
ndokutonditsvagira ndikazonzwa
ndavakufonerwa. Manager vaive
twin sister yaDavid family friend
yanaMuku.
"Let me call Diana first," ndakadaro
ndafunga kuti Tafadzwa anogona
kunge akatotaura naye kuti
ndisadzoke kubasa so ndaida
kuconfirmer ndisati ndaenda kubasa
kuri kutyira kuwana ndareplaciwa
chero naDiana taipindirana. Kubasa
ndaive ndakapedzisira kushanda
pakashaya Muku ndikatora leave.
"Mwanasika," akadavira phone
achidaro Diana ndikati, "how are you
doing ma'am?"
"I'm well and you Vimbiso?" She
said.
"I'm better ma'am, ndiri kudzoka
kubasa neMonday," ndakataura
ndisina confidence zvikanzi, "it's
okay. Handina kuuya kuzokuona as
you know kuti ndanga ndiri busy
neworkshop kuHarare, I'm very
sorry."
"It's okay ma'am," ndakadaro akati,
"take care." With that we ended the
call mama vakabva vapinda muroom
mangu vachiti, "ndiDiana?"
"Yes," ndakapindura ndichitura
mafemo zvikanzi, "kasi wakuda
kudzokera kubasa?"
"Ehe, pano ndingaswera ndichiitei?"
Ndakadaro vakarova rova pabed
vachiti, "gara apa." Maitiro avo
akaita kuti ndinyumwe kuti inyaya
yaMr Nyakudya yaida kutaurwa
ndokubva ndati, "mama kana muri
kuda kutaura nezvababa Zandile
forget and smile."
"Usatevedzere zvataurwa naTino
unoziva kuti haana kukwana wani,"
vakataura zvekundinyengerera but
vaive wrong nekuti pavanhu vese
pamba Tino ndiye aitondinzwisisa
though sometimes taimbopesana.
"Mama Mr Nyakudya vakura
hazviite," ndakavapikisa vakati,
"makore anozivei nhai Vimbiso?"
"Ko vakandifira ndotanga futi
kutsvaga mumwe murume?"
Ndakabvunza ndakatarisa kuside
zvikanzi, "kufa inguva yaMwari
Vimbiso."
"Ipapo handirambe asi nguva
yaMwari iyoyo yave padhuze
kuvatora," i said.
"Ko Mukudzei zvaakafa anga akura
saMr Nyakudya?" Apa ndaive
ndakutohealer mama vobva
vamutsa nyaya yaMuku. Ndakabuda
muspare ndichinopinda mumota
yaive yakafa panze. Dad vaive
makanika saka mota dzaive dzakati
wandei pamba pachitoita kunge
pagarage.
"Mama! Mama!" Ndakadaidzira
ndikashaya pekubuda napo mumota
door ndisingacharione nekuda
kwepressure yandaive nayo ndaona
nyoka mumota. Ndakaridza mhere
dad vakatozouya kuzovhura door
nyoka iya ikabudawo ichimhanya asi
haina kure kwayakaenda Tino
adonhedzera battery remota pairi
ikatoti chisarai. Ndakatura mafemo
semunhu aive apotswa nerufu ndave
calm ndokubva ndati, "you see why
ndichiti doro ngaribikwe?"
"Iwe wanga uchitsvagei mumota
iyoyo?" Vakabvunza dad vakabata
ruoko rwangu rwaibuda ropa.
"Yakuruma?" Akabvunza zvaive
pachena Tino. Munhu wese aiona
kuti ndaive ndachekwa newire nekuti
panga patoita kaline umwe oti
nyoka.
"Tobika next weekend doro racho
ndafonera vana mai kumusha
vafanogadzirira," vakabva mumba
vachidaro mama zvikanzi nadad,
"nemiwo Mai Tino majoiner nyaya
dzedoro idzi?"
"Kana muchida doro zvekudaro
tongonotenga six pack apo tomwa
tichideketera chikamu chacho
chopera," akadaro Tino ndikati,
"iroro harishande Tino."
"Whatever asi kana mavakuda
kudhakwa munotaura zvakanaka
kwete kuda kuhwanda nevadzimu
kudai? Iwe enda unobvisa nyoka
yako apo," akataura achiita
kakundisunda ndikapotsa kudonha
akati, "mamupa chikafu here
mukadzi waNyakudya uyu?"
"Mukadzi waNyakudya ndimai vako,"
ndakazobata muromo ndataura
nekuti mama vanga varipo.
"Hahaha Vimbiso," akataura
achinyepedzera kushamisika Tino,
dad vakanditi, "saka wakabvumirei
kubetserwa naye usingabude?"
"Ndakambobvuma here?"
Ndakabvunza nehasha Tino akabata
ruoko zviya zvekuda kundidzora
ndikati, "handina kumboti ndoda Mr
Nyakudya imi ndimi makaenda
kunonditsvagira murume mega
mavakuti ndakavabvumirei futi?"
"Vimbiso uri kutaura nababa vako,"
vakadaro mama ndikati, "ndiri
kuzviziva. Dai makandisiya ndiri
kujere ikoko toona kuti ndaizofa here
pane kuroorwa naNyakudya?"
"Unoona nharo dzako dzisina basa
ndidzo dzakusvitsa pauri nhasi. Dai
wakanditerera musi uya
wandakakuudza kuti siyana naMuku
pasina zvese izvi manje iwe une
nharo. Doro racho uchanobika
wega," vakadaro vatsamwa mama
ndikati, "asi kuna Nyakudya
handiende."
Mama mazuva ekutanga vaive
vakavenga Muku nekuda
kwaZandile. Zandile aive shamwari
yaMuku though Muku aingomuona
sehanzvadzi yake so patakatanga
kudanana naMuku akatanga kuita
jealous from nowhere avakuti
ndakamutorera mukomana when
Muku cleared the confusion Zandile
akabva andivengera svoto nekuti
aive anyadziswa pavanhu.
Kunetsana kwataive taita pamba
zuva rovira kwakaita kuti pashaye
anoenda kukitchen kunobika nekuti
umwe neumwe anga ane stress
dzake. Tave kutoona news pasina
chabikwa Mr Nyakudya vakabva
vasvika pamba. Ndakaridza tsamwa
ndichienda kunorara mama
vakanditevera vachiti, "iwe ukwane
wazvinzwa? Unoda kutoonererwa
nyaya yako isati yapera
unoendeswa kujere ita semunhu
mukuru tione."
Ndakaita semunhu mukuru
ndikadzokera kusitting room kwaive
nevamwe ndikamhorosa Mr
Nyakudya zvine hunhu tikatandara
kusvika vaoneka vakati,
"ndiburitsewozve gate Vimbiso?"
Ndakasimuka ndakanyarara
ndikatungamira panze vachitevera.
"Ngatipindei mumota two minutes,"
vakadaro ndikati, "ndave nehope
tozopinda umwe musi."
"Hope dzeiko Vimbiso hatimbotore
time wave mukadzi wangu iwe,"
ndisati ndapindura Mr Nyakudya
mhepo iya yakabva yangonyuka
ichiti, "hoo hoo muri kutoita madhiri
pano apa."
"Tafadzwa?" Mr Nyakudya
vakavhunduka.
End of chapter 6
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
199