Rue M Novels
June 1, 2025 at 09:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
FREE BOOK
Unforseen
Written By Rue M
0788357900
Chapter 7
Narrated
After court Tafadzwa akananga
kubasa kwake asina kutaura
nemunhu as he was disappointed
but later in the evening akafunga
kuenda kumba kwana Vimbiso kuti
anotaura naye mune zvakanaka
pamwechete nekuonesana kuti
akauraya Muku ndiyani asi zvese
izvi zvakaenda mudondo aona mota
yaMr Nyakudya pagate
ranaVimbiso.
"I knew it!" Akataura ega achiparker
yake paside. "I knew it man,
something was definitely fishy,"
akadaro achibuda mumota
chinangwa chiri chekutonopinda
mumba anzwe zvaitaurika asi
akazozvidzora semunhu mukuru
aona Mr Nyakudya vachibuda
mumba naVimbiso. Akahwanda
kuseri kwezvimota zvepamba uku
achiterera conversation yevaviri.
Akatadza kuzvidzora anzwa Mr
Nyakudya vachiti Vimbiso mukadzi
wavo ndokubva paaive akahwanda
kuti vaite man to man. Vimbiso
achiona Tafadzwa akabva atoti, "I
think he's here for you Mr Nyakudya,
good night." Achipedza kudaro
akafuratira achida kudzokera
mumba akabva akabatwa rwuoko
naTafadzwa achiti, "do you think I'm
blind?"
"Meaning?" Akabvunza Vimbiso
akanzi, "uri kuda kuendepi ipapa?"
"Hezvo hausi wavakuda
kuzvinyanya here pano hapasi
pabarrack paunoita zvaunoda? Pano
panoti ini and haundiudzire
zvekuita," akataura nehasha
Vimbiso arangarira zvaaive aitwa
naTafadzwa mazuva apera.
"Usandikwidzire voice Vimbiso
handisi mwana wako," akadaro
Tafadzwa vaive mumba vanzwa kuti
vanhu vari panze havachawirirane
vakabuda vese kunoona chaitora
nzvimbo.
"Iwe mudhara hapana kwaunoenda
usati wataura kuti pano wanga
uchiitei! Akadaro Tafadzwa achibata
Mr Nyakudya collar. Aive avakutoda
zvefight navo as he believed that
munhu akatadza kunzwisisa
vachitaurirana zvibhakera
zvaizomubatsira. Mr Nyakudya
nekuziva kuti anga abatwa
nemusoja akadzikama achiti, "we
can solve this matter verbally."
"How iwe usingade kutaura?"
Akabvunza Tafadzwa zvikanzi
naNyakudya, "siya collar yangu."
Akasiya Tafadzwa ndokubva Mr
Nyakudya vati, "do you remember
Natasha?"
"Natasha?" Akataurira pasi
Tafadzwa Mr Nyakudya vakati,
"umm just forget her my son. In fact
let's forget everything and focus on
our present and future."
"What are you trying to say?"
Tafadzwa akabvunza hana ichirova
nekuda kwaNatasha waaive
arangaridzwa naMr Nyakudya.
"I'm trying to say that, the same way
yandakakupukunyutsai panyaya
yaNatasha is the same way yandiri
kuda kuita pana Vimbiso," vakataura
vachivhura mota Mr Nyakudya
naTafadzwa, "tichasangana
mudhara iwe."
"On the next hearing right?" Mr
Nyakudya asked as he drove his
car. "Heaven knows what's going on
here," akadaro Tino achidzokera
mumba ndokunanga kubedroom
kwake Vimbiso akamutevera.
"Marasika here Mai Nyakudya?"
Akabvunza Tino zvikanzi, "handidi
kuroorwa naNyakudya ini."
"Uri kuda neni?" Tino sarcastically
asked zvikanzi, "ukwane iwe."
"Gara apa Vimbiso," akadaro Tino
zvikanzi, "chingotaura ndakamira
ndozvinzwa."
"First of all, usandiitire hasha
handisini ndakakutsvagira murume,
secondly chimbodzikama kwete
zvako zvekuda kuita makwikwi
naNyakudya. Right he's your only
saviour so woitawo semunhu kwaye.
You and I know kuti Nyakudya
haakodzere kuita murume wako and
iwe haumude but don't let everyone
know that. For the mean time
wongoita sewakapusa kusvika
nyaya yapera then we will deal with
him accordingly, "akadaro Tino
zvikanzi, "how we'll deal with him?
Wanzwa achithreatener Tafadzwa
paya."
"Kana nyaya yapera inenge yapera
akada kuimutsidzira zvinotocoster
basa rakewo so let's not focus on
that," said Tinotenda.
"Izvozvo ndiri kuzvinzwa asi
Nyakudya akazoda kurara neni for
the meantime ndoita sei?"
Mubvunzo waVimbiso wakaita kuti
Tino arare nemanhede achiti,
"shamwari iwe ndiwe unotoziva
maskiri ako wani Muku wawaida
akasvika pakufa musina kumboita
wozotya Nyakudya wausingade?"
"It's different Tino," Vimbiso argued
zvikanzi, "hapana chiri different if
you pretend to be in love with him.
Ingoita zvandakuudza and leave the
rest to me."
"Kasi une masecrets aNyakudya
aunozivawo?" Vimbiso jokingly
asked Tino akadzima light rake
achiti, "chienda kunorara shaa."
"Good night?" Akataura achibuda
Vimbiso ndokusvika kubedroom
kwake achirara. Mai vake
vakambomuvinga vachida kutaura
naye ndokuzeza kumumutsa
vakadzokera. Naivo vanga
vasingade kuti Vimbiso aroorwe
nemunhu waasingade asi kupererwa
ndiko kwaive kwavakuita kuti
vabvume zvese zvese.
Uyuwo Tafadzwa paakabva pamba
panaVimbiso akaenda kumba kwavo
kwaanga asingade kuenda nekuda
kwaMoleen. ZvaNatasha zvaaive
arangaridzwa naMr Nyakudya
ndizvo zvaive zvamukanganisa
brain. Zvanga zvamutorera nguva
kuti akangamwe Natasha. Tafadzwa
Natasha vaive vakatanga kudanana
ten years back. Musikana ndokubva
aita nhumbu Tafadzwa
achangotanga kuenda kuarmy akati
kuna Natasha ambobvisa nhumbu
nekuti that time Tafadzwa aiva asati
ave financially stable and he
prioritized his work the most back
then and he wasn't ready to start a
family at 22. Natasha akaramba
kubvisa nhumbu ndokuenda kumba
kwana Tafadzwa zvenharo. Akaita
munyama wekuvengwa naMai
Tafadzwa zvekuti Tafadzwa
aisagara pamba aiudzwa nyaya
dzekunyepa kuti aore moyo
vakatombonyepa kuti ave kurara
naMuku kuri kuda kumurambisa.
Mai Tafadzwa vaona kuti kushusha
kwese kwavaiita Natasha hakusi
kubatsira vakabva vaimuisira
mushonga zvekubvisa nhumbu
mutea vachifunga kuti vakabvisa
nhumbu anenge asisina chekugarira
pamba pavo asi zvakaenda
nepamwe Natasha akarwara serious
ndokuendeswa kuchipatara.
Tafadzwa akatodzokawo kubasa
ndokunzwa kuti Natasha anga
abvisa nhumbu. Natasha
akazviramba akasvika pakufa
achingodaidzira kuti Mai Tafadzwa
ndivo vakamubvisa nhumbu.
Hama dzaNatasha dzakabva
dzaendesa nyaya kumapurisa kuri
kuda kusungisa Tafadzwa naMai
vake. Tafadzwa aive avakuda
kusungirwa yekumitisa under age
mai vake murder. Baba vaTafadzwa
ndipo pavakazotsvaga help kuna Mr
Nyakudya kuti mhuri isaende kujere.
Nyaya yepera Tafadzwa akamboita
nguva asingataure namai vake
akagumbukira kuurairwa musikana
nekuti chero vaiti vanga vasingade
kuuraya Natasha asi kubvisa
nhumbu hapana aivanzwa.
After Natasha's death Tafadzwa
akamboita makore asina musikana
ndokuzosangana naMoleen uyo
waanga asingachatode zvekare
nekuda kwenhumbu.
"Welcome home," akadaro Moleen
aona Tafadzwa achipinda mumba.
"Usandibata iwe," akadaro Tafadzwa
paaida kupihwa hug.
"Totaura mangwana Moleen ndiri
stressed right now, handide
zvekuzopedzera hasha dzangu
pauri," akadaro Tafadzwa ndokubva
Moleen ati, "it's fine.Good night."
"Night," akadavira achienda
kubedroom. Akasvika achirara pasi
nekusada kunetsana naMoleen.
Moleen akatevera kubedroom
akasvika Tafadzwa ari paphone
naDavy achiti, "yeah once tangoziva
musikana wacho aive naMuku
mumota that day togona kuwana
way forward." Moleen achinzwa
izvozvo hana yakarova akaputsa
plate yaaive akabata mumaoko
avigira Tafadzwa chikafu.
Aisatomboda kuti musikana aive
mumota naMuku azivikamwe nekuti
ndiye aive musikana wacho
aitsvagwa.
End of chapter 7
❤️
👍
🙏
😂
😮
😢
206