Rue M Novels
June 1, 2025 at 09:56 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p FREE BOOK Unforseen Written By Rue M 0788357900 Chapter 7 Narrated After court Tafadzwa akananga kubasa kwake asina kutaura nemunhu as he was disappointed but later in the evening akafunga kuenda kumba kwana Vimbiso kuti anotaura naye mune zvakanaka pamwechete nekuonesana kuti akauraya Muku ndiyani asi zvese izvi zvakaenda mudondo aona mota yaMr Nyakudya pagate ranaVimbiso. "I knew it!" Akataura ega achiparker yake paside. "I knew it man, something was definitely fishy," akadaro achibuda mumota chinangwa chiri chekutonopinda mumba anzwe zvaitaurika asi akazozvidzora semunhu mukuru aona Mr Nyakudya vachibuda mumba naVimbiso. Akahwanda kuseri kwezvimota zvepamba uku achiterera conversation yevaviri. Akatadza kuzvidzora anzwa Mr Nyakudya vachiti Vimbiso mukadzi wavo ndokubva paaive akahwanda kuti vaite man to man. Vimbiso achiona Tafadzwa akabva atoti, "I think he's here for you Mr Nyakudya, good night." Achipedza kudaro akafuratira achida kudzokera mumba akabva akabatwa rwuoko naTafadzwa achiti, "do you think I'm blind?" "Meaning?" Akabvunza Vimbiso akanzi, "uri kuda kuendepi ipapa?" "Hezvo hausi wavakuda kuzvinyanya here pano hapasi pabarrack paunoita zvaunoda? Pano panoti ini and haundiudzire zvekuita," akataura nehasha Vimbiso arangarira zvaaive aitwa naTafadzwa mazuva apera. "Usandikwidzire voice Vimbiso handisi mwana wako," akadaro Tafadzwa vaive mumba vanzwa kuti vanhu vari panze havachawirirane vakabuda vese kunoona chaitora nzvimbo. "Iwe mudhara hapana kwaunoenda usati wataura kuti pano wanga uchiitei! Akadaro Tafadzwa achibata Mr Nyakudya collar. Aive avakutoda zvefight navo as he believed that munhu akatadza kunzwisisa vachitaurirana zvibhakera zvaizomubatsira. Mr Nyakudya nekuziva kuti anga abatwa nemusoja akadzikama achiti, "we can solve this matter verbally." "How iwe usingade kutaura?" Akabvunza Tafadzwa zvikanzi naNyakudya, "siya collar yangu." Akasiya Tafadzwa ndokubva Mr Nyakudya vati, "do you remember Natasha?" "Natasha?" Akataurira pasi Tafadzwa Mr Nyakudya vakati, "umm just forget her my son. In fact let's forget everything and focus on our present and future." "What are you trying to say?" Tafadzwa akabvunza hana ichirova nekuda kwaNatasha waaive arangaridzwa naMr Nyakudya. "I'm trying to say that, the same way yandakakupukunyutsai panyaya yaNatasha is the same way yandiri kuda kuita pana Vimbiso," vakataura vachivhura mota Mr Nyakudya naTafadzwa, "tichasangana mudhara iwe." "On the next hearing right?" Mr Nyakudya asked as he drove his car. "Heaven knows what's going on here," akadaro Tino achidzokera mumba ndokunanga kubedroom kwake Vimbiso akamutevera. "Marasika here Mai Nyakudya?" Akabvunza Tino zvikanzi, "handidi kuroorwa naNyakudya ini." "Uri kuda neni?" Tino sarcastically asked zvikanzi, "ukwane iwe." "Gara apa Vimbiso," akadaro Tino zvikanzi, "chingotaura ndakamira ndozvinzwa." "First of all, usandiitire hasha handisini ndakakutsvagira murume, secondly chimbodzikama kwete zvako zvekuda kuita makwikwi naNyakudya. Right he's your only saviour so woitawo semunhu kwaye. You and I know kuti Nyakudya haakodzere kuita murume wako and iwe haumude but don't let everyone know that. For the mean time wongoita sewakapusa kusvika nyaya yapera then we will deal with him accordingly, "akadaro Tino zvikanzi, "how we'll deal with him? Wanzwa achithreatener Tafadzwa paya." "Kana nyaya yapera inenge yapera akada kuimutsidzira zvinotocoster basa rakewo so let's not focus on that," said Tinotenda. "Izvozvo ndiri kuzvinzwa asi Nyakudya akazoda kurara neni for the meantime ndoita sei?" Mubvunzo waVimbiso wakaita kuti Tino arare nemanhede achiti, "shamwari iwe ndiwe unotoziva maskiri ako wani Muku wawaida akasvika pakufa musina kumboita wozotya Nyakudya wausingade?" "It's different Tino," Vimbiso argued zvikanzi, "hapana chiri different if you pretend to be in love with him. Ingoita zvandakuudza and leave the rest to me." "Kasi une masecrets aNyakudya aunozivawo?" Vimbiso jokingly asked Tino akadzima light rake achiti, "chienda kunorara shaa." "Good night?" Akataura achibuda Vimbiso ndokusvika kubedroom kwake achirara. Mai vake vakambomuvinga vachida kutaura naye ndokuzeza kumumutsa vakadzokera. Naivo vanga vasingade kuti Vimbiso aroorwe nemunhu waasingade asi kupererwa ndiko kwaive kwavakuita kuti vabvume zvese zvese. Uyuwo Tafadzwa paakabva pamba panaVimbiso akaenda kumba kwavo kwaanga asingade kuenda nekuda kwaMoleen. ZvaNatasha zvaaive arangaridzwa naMr Nyakudya ndizvo zvaive zvamukanganisa brain. Zvanga zvamutorera nguva kuti akangamwe Natasha. Tafadzwa Natasha vaive vakatanga kudanana ten years back. Musikana ndokubva aita nhumbu Tafadzwa achangotanga kuenda kuarmy akati kuna Natasha ambobvisa nhumbu nekuti that time Tafadzwa aiva asati ave financially stable and he prioritized his work the most back then and he wasn't ready to start a family at 22. Natasha akaramba kubvisa nhumbu ndokuenda kumba kwana Tafadzwa zvenharo. Akaita munyama wekuvengwa naMai Tafadzwa zvekuti Tafadzwa aisagara pamba aiudzwa nyaya dzekunyepa kuti aore moyo vakatombonyepa kuti ave kurara naMuku kuri kuda kumurambisa. Mai Tafadzwa vaona kuti kushusha kwese kwavaiita Natasha hakusi kubatsira vakabva vaimuisira mushonga zvekubvisa nhumbu mutea vachifunga kuti vakabvisa nhumbu anenge asisina chekugarira pamba pavo asi zvakaenda nepamwe Natasha akarwara serious ndokuendeswa kuchipatara. Tafadzwa akatodzokawo kubasa ndokunzwa kuti Natasha anga abvisa nhumbu. Natasha akazviramba akasvika pakufa achingodaidzira kuti Mai Tafadzwa ndivo vakamubvisa nhumbu. Hama dzaNatasha dzakabva dzaendesa nyaya kumapurisa kuri kuda kusungisa Tafadzwa naMai vake. Tafadzwa aive avakuda kusungirwa yekumitisa under age mai vake murder. Baba vaTafadzwa ndipo pavakazotsvaga help kuna Mr Nyakudya kuti mhuri isaende kujere. Nyaya yepera Tafadzwa akamboita nguva asingataure namai vake akagumbukira kuurairwa musikana nekuti chero vaiti vanga vasingade kuuraya Natasha asi kubvisa nhumbu hapana aivanzwa. After Natasha's death Tafadzwa akamboita makore asina musikana ndokuzosangana naMoleen uyo waanga asingachatode zvekare nekuda kwenhumbu. "Welcome home," akadaro Moleen aona Tafadzwa achipinda mumba. "Usandibata iwe," akadaro Tafadzwa paaida kupihwa hug. "Totaura mangwana Moleen ndiri stressed right now, handide zvekuzopedzera hasha dzangu pauri," akadaro Tafadzwa ndokubva Moleen ati, "it's fine.Good night." "Night," akadavira achienda kubedroom. Akasvika achirara pasi nekusada kunetsana naMoleen. Moleen akatevera kubedroom akasvika Tafadzwa ari paphone naDavy achiti, "yeah once tangoziva musikana wacho aive naMuku mumota that day togona kuwana way forward." Moleen achinzwa izvozvo hana yakarova akaputsa plate yaaive akabata mumaoko avigira Tafadzwa chikafu. Aisatomboda kuti musikana aive mumota naMuku azivikamwe nekuti ndiye aive musikana wacho aitsvagwa. End of chapter 7
❤️ 👍 🙏 😂 😮 😢 206

Comments