Rue M Novels
June 2, 2025 at 06:18 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
FREE BOOK
Unforseen
Written By Rue M
0788357900
Chapter 9
Tinotenda
Kunyangwe tese taiziva kuti Vimbiso
haana mhosva taive tavakuda
kutsvaga solution fast kuti
asaendeswe kujere as you know
that kana usina mari hauwane
justice. Apa kuzama kutengesa mota
zvefast fast mabuyer aitoida nesick
money knowing that we're
desperate. Ndaona kuti tikaita
zvekutamba Vimbiso anovharirwa
ndakazouya neidea yekuti vana
mama vanotaura naMr Nyakudya
munhu wemutemo hoping that
vachatibatsira sechurch member
kunyangwe vaizoda chioko
muhomwe zvaive nani tichiziva kuti
Vimbi haaende kujere pane
kutengesa mota tisiri sure kuti chii
chaizoitika kucourt.
Handitozive kuti mama nadad
vakataura naMr Nyakudya
nelanguage ipi yakaita kuti
Nyakudya aite Vimbiso mukadzi in
exchange for her freedom nekuti
pavakaenda kuna Nyakudya ndaive
ndavharirwa nekuda kwekurova
mupurisa. At first ndaitofunga kuti
Nyakudya aingoda kurara naVimbiso
once or twice osiyana naye kwete
zvekutogara naye. Iyoyo idea
ndakagara ndairambira kure
nekuziva kuti Vimbiso wacho
aisazombofa akada Nyakudya and
neniwo ndaizonyarira kupi hanzvadzi
yangu ichidyiwa naNyakudya.
Ndakaita stress ndichishaya kuti
ndodii masahwira angu akamboti
ndiblackmaile Nyakudya
ndokutomboenda kuoffice kwake
ndichinegotiater naye kuti tomupa
mari zvishoma zvishoma instead of
Vimbiso akati, "mari ndinayo
ndichaidii? All i want is Vimbiso,"
akataura zvakawanda ndichirecorder
paphone pangu chinangwa chiri
chekuzoshandisa voice record iyoyo
against him ndichiti kana akasaona
kuti Vimbiso abuda ndoleakisa voice
record iyoyo but
ndakazonyatsofunga ndagara pasi
ndikaona kuti ndaida kuita skiri
remumovie Nyakudya munhu
wemutemo aigona kuzotinyudza
tese zvikashaya basa.
First hearing yecase yaVimbiso
yakaitwa ndisina kana plan
ndokuzogaya horror the following
day ndaona Zandile auya kugarage
kwedu achida kugadzirirwa malights
emota yaaive abonderesa.
Ndakatombomu-ignore ndikati
anogadzirirwa panext garage isu
hatina malights emota yavo.
Naturally Zandile aive munhu
anongosvota so chero asina
chaakutadzira waungonzwa
kumuvenga and I bet you've come
across such people. Pamusoro
pekusvota aibva azvida nekuda
kwemari nekunaka. I can't lie to you,
Zandile anga akanaka zvekuti
pamacompetition ndaimira naye but
ini zvangu type yevasikana vanenge
Zandile ndainyatso chiller
ndakaitarisa zvekuti ega aigona
kufunga kuti akashata
akanozvitarisa pamirror.
"Oh no problem Tino ndinawo
malights amwe mumota uri kungoisa
amwe chete," akadaro achimatora
mumota ndikati, "manje pano
tinogadzira nezvinhu zvepano kana
tisitorina order yedu hapana
hapana."
"Come on my guy ndokupa mari
yemalight acho ndongoita
sendatenga pano if that's what you
want nekuti kumba ndonopinda busy
nadad and avo vepanext garage
vanongoita zvinhu zvefake kuti
ndirambe ndichidzoka," paakadaro
ndakasimuka ndichiti, "deal then
mari mberi."
"Utori serious wangu," akadaro
achinditambidza mari ndikati, "why
not?" So from then ndakatanga
kutaura naye ndichitombozama kuti
ataure nadad vake vachinje mind as
she was also against marriage yavo
naVimbiso.
"Honey dad hapana anovagona
kana vangoda munhu bvunza ini
mwana wavo ndagara navo
kwemakore. No one can change his
mind dear," paakadaro Zandile
ndipo pandakazobatwa nemweya
wekumutorera advantage because
ndaiona kuti ainge adyira pandiri.
Zuva raisapera asina kundifonera ko
iko kudaniwa nemasweet names
and as times goes on ndakatatonga
kumufarirawo ndokutokanda shoko
munhu kwavakutoti,
"ndichambonofunga." Skiri
revasikana vachinyara kubvuma and
i bet vasikana vanotokundikana kuti i
love you too kana shoko rakandwa
munhu anozotanga kuzvitaura
matove kudanana pasina official
open yelove.
Tave kudanana handina kunonoka
kumuudza kuti, " babe kana
uchindida unofanira kutizira as soon
as possible dad vako vasati varoora
Vimbiso."
"Tino ndikaroorwa ndozodii
kucollege ndichiri kuda kuenda
kuchikoro?" Akabvunza Zandile
ndikati, "meaning? Are you trying to
say kuti tokushaira mari yekuenda
kucollege Zaza? Vimbiso neni
takaenda kucollege yako mari ndiyo
yozoshaikwa? Kana waida kuroorwa
nemurume ane mari yakawanda
wakandibvumirei? Kutofara kuti
ndawana mukadzi not knowing kuti
ndiri kutotambisirwa nguva," I had to
escalate the issue inorder to
manipulate her. Avakuda kupindura
ndakabva ndabuda mumota ndichiti,
"waifanira kungondiudza kuti tiri
kuita mafunnies ndisina kupinda
nemoyo so."
Ndakanyepedzera kutsamwa
ndichitemba kudiwa. Ndaiziva kuti
nemadiro aaindita aidzoka chete
akakumbira ruregerero but handina
kumboziva kuti achaita mashura
aakaita because after an hour
ndakafonerwa namama zvichinzi,
"huya uone mashura ako kuno."
"Kune munhu wako ari kuti ane
nhumbu?" Pandakanzwa izvozvo
ndakaita mudumbu chaiwo
ndikatopinda mutoilet ndisina tissue
kana bepa ndikatozongoshandisa
socks. Ndaishaya kuti ndiyani aive
andiitira nhumbu nekuti pavasikana
vandaive ndarara navo a few
months ago hapana wandaida and
zvaitongove zvekufara vamwe
ndisingazive mazita avo chaiwo
tangosangana kuparty. Kutizirwa
nguva iyoyo kwaisaita nekuti
ndaizobhururutsirwa shiri yangu
Vimbiso oroorwa naNyakudya.
Ndakazopukuta ziya ndaona
message yaVimbiso yakanzi, "ko
iwe unozvifambisa sei kumitisa
Zandile? Svika kumba mama vari
kutondipopotera as if ndaivepo
pamaigadzira mwana wenyu."
"Zaza is pregnant?" Ndakakanuka
ndichibuda mutoilet ndikasekwa
naShumba wandaishanda naye
achiti, "wavakutaura wegaka?
Ndomaresults acho mukuru."
"Iwe mudhara siyana neni!"
Ndakadaro ndichienda kumota
ndokuenda kumba ndikasvika mama
vachiri kutuka Vimbiso akati
aisatana kuchema zvake. Mama
vachingondiona Vimbiso akabva
azorora vakatangana neni vachiti,
"chasara kumitisa ini naVimbiso
nekuti madiro aunoita madress ari
over mwanangu. Kutadza kunyara
mwana wemukwasha. Mwana
waVimbiso haasi mwana wakowo
here nhai Tino? Sei usina nyadzi
iwe?"
"Mwana waVimbiso upi
wandamitisa? Why musina
kundiudza kuti Vimbi ane mwana?" I
sarcastically asked though ndaiziva
kuti Zandile ndiye anga avakutonzi
mwana waVimbiso as if akatoroorwa
naNyakudya.
"Usandiite benzi iwe uri kuziva
zvandiri kutaura," vakadaro nehasha
zvikanzi naVimbiso, "is it necessary
kuti mutaure zvepast yaTino
pamberi pemusikana wake?"
"Kana uri sewe Vimbiso nyarara
ndiwe une mamhepo anotitadzisa
kugara zvakanaka pano and kubva
zvatakabika doro zvinhu zvatove
worse ndikakurova uchataura
zvakanaka chete," vakadaro
vachimutema netennis.
"Mama tete Vimbi hapana
chavanoziva don't blame her,"
akadaro Zandile mama vakangobata
muchiona vachiti, "ahhh vasikana
kaa." Vakapinda mumba Vimbiso
akatevera ndikasara ndichibvunza
Zandile zvenhumbu because ndaive
ndangorara naye ka1 that too
neprotection.
"Zandile une nhumbu?"
Ndakabvunza ndiri serious akati,
"handina Tino. Ndokuda Tino and
paya ndanga ndisingarevi kuti
hamuna mari yekundiendesa
kuchikoro but ndiwe watadza
kundinzwisisa and I know how much
you love your sister Tino that's why
ndangouya usati wachinja mind."
"Kana usina nhumbu tora bag rako
ubve pano udzokere kumba baba
vako vasati vabva kubasa chisikana
hatidi mashura pano," vakadaro dad
vachibuda mumba ndikashaya kuti
vaive vazvinzwa sei isu taitaurira
pasi pasi.
End of chapter 9
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
262