Rue M Novels
June 2, 2025 at 06:18 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p FREE BOOK Unforseen Written By Rue M 0788357900 Chapter 9 Tinotenda Kunyangwe tese taiziva kuti Vimbiso haana mhosva taive tavakuda kutsvaga solution fast kuti asaendeswe kujere as you know that kana usina mari hauwane justice. Apa kuzama kutengesa mota zvefast fast mabuyer aitoida nesick money knowing that we're desperate. Ndaona kuti tikaita zvekutamba Vimbiso anovharirwa ndakazouya neidea yekuti vana mama vanotaura naMr Nyakudya munhu wemutemo hoping that vachatibatsira sechurch member kunyangwe vaizoda chioko muhomwe zvaive nani tichiziva kuti Vimbi haaende kujere pane kutengesa mota tisiri sure kuti chii chaizoitika kucourt. Handitozive kuti mama nadad vakataura naMr Nyakudya nelanguage ipi yakaita kuti Nyakudya aite Vimbiso mukadzi in exchange for her freedom nekuti pavakaenda kuna Nyakudya ndaive ndavharirwa nekuda kwekurova mupurisa. At first ndaitofunga kuti Nyakudya aingoda kurara naVimbiso once or twice osiyana naye kwete zvekutogara naye. Iyoyo idea ndakagara ndairambira kure nekuziva kuti Vimbiso wacho aisazombofa akada Nyakudya and neniwo ndaizonyarira kupi hanzvadzi yangu ichidyiwa naNyakudya. Ndakaita stress ndichishaya kuti ndodii masahwira angu akamboti ndiblackmaile Nyakudya ndokutomboenda kuoffice kwake ndichinegotiater naye kuti tomupa mari zvishoma zvishoma instead of Vimbiso akati, "mari ndinayo ndichaidii? All i want is Vimbiso," akataura zvakawanda ndichirecorder paphone pangu chinangwa chiri chekuzoshandisa voice record iyoyo against him ndichiti kana akasaona kuti Vimbiso abuda ndoleakisa voice record iyoyo but ndakazonyatsofunga ndagara pasi ndikaona kuti ndaida kuita skiri remumovie Nyakudya munhu wemutemo aigona kuzotinyudza tese zvikashaya basa. First hearing yecase yaVimbiso yakaitwa ndisina kana plan ndokuzogaya horror the following day ndaona Zandile auya kugarage kwedu achida kugadzirirwa malights emota yaaive abonderesa. Ndakatombomu-ignore ndikati anogadzirirwa panext garage isu hatina malights emota yavo. Naturally Zandile aive munhu anongosvota so chero asina chaakutadzira waungonzwa kumuvenga and I bet you've come across such people. Pamusoro pekusvota aibva azvida nekuda kwemari nekunaka. I can't lie to you, Zandile anga akanaka zvekuti pamacompetition ndaimira naye but ini zvangu type yevasikana vanenge Zandile ndainyatso chiller ndakaitarisa zvekuti ega aigona kufunga kuti akashata akanozvitarisa pamirror. "Oh no problem Tino ndinawo malights amwe mumota uri kungoisa amwe chete," akadaro achimatora mumota ndikati, "manje pano tinogadzira nezvinhu zvepano kana tisitorina order yedu hapana hapana." "Come on my guy ndokupa mari yemalight acho ndongoita sendatenga pano if that's what you want nekuti kumba ndonopinda busy nadad and avo vepanext garage vanongoita zvinhu zvefake kuti ndirambe ndichidzoka," paakadaro ndakasimuka ndichiti, "deal then mari mberi." "Utori serious wangu," akadaro achinditambidza mari ndikati, "why not?" So from then ndakatanga kutaura naye ndichitombozama kuti ataure nadad vake vachinje mind as she was also against marriage yavo naVimbiso. "Honey dad hapana anovagona kana vangoda munhu bvunza ini mwana wavo ndagara navo kwemakore. No one can change his mind dear," paakadaro Zandile ndipo pandakazobatwa nemweya wekumutorera advantage because ndaiona kuti ainge adyira pandiri. Zuva raisapera asina kundifonera ko iko kudaniwa nemasweet names and as times goes on ndakatatonga kumufarirawo ndokutokanda shoko munhu kwavakutoti, "ndichambonofunga." Skiri revasikana vachinyara kubvuma and i bet vasikana vanotokundikana kuti i love you too kana shoko rakandwa munhu anozotanga kuzvitaura matove kudanana pasina official open yelove. Tave kudanana handina kunonoka kumuudza kuti, " babe kana uchindida unofanira kutizira as soon as possible dad vako vasati varoora Vimbiso." "Tino ndikaroorwa ndozodii kucollege ndichiri kuda kuenda kuchikoro?" Akabvunza Zandile ndikati, "meaning? Are you trying to say kuti tokushaira mari yekuenda kucollege Zaza? Vimbiso neni takaenda kucollege yako mari ndiyo yozoshaikwa? Kana waida kuroorwa nemurume ane mari yakawanda wakandibvumirei? Kutofara kuti ndawana mukadzi not knowing kuti ndiri kutotambisirwa nguva," I had to escalate the issue inorder to manipulate her. Avakuda kupindura ndakabva ndabuda mumota ndichiti, "waifanira kungondiudza kuti tiri kuita mafunnies ndisina kupinda nemoyo so." Ndakanyepedzera kutsamwa ndichitemba kudiwa. Ndaiziva kuti nemadiro aaindita aidzoka chete akakumbira ruregerero but handina kumboziva kuti achaita mashura aakaita because after an hour ndakafonerwa namama zvichinzi, "huya uone mashura ako kuno." "Kune munhu wako ari kuti ane nhumbu?" Pandakanzwa izvozvo ndakaita mudumbu chaiwo ndikatopinda mutoilet ndisina tissue kana bepa ndikatozongoshandisa socks. Ndaishaya kuti ndiyani aive andiitira nhumbu nekuti pavasikana vandaive ndarara navo a few months ago hapana wandaida and zvaitongove zvekufara vamwe ndisingazive mazita avo chaiwo tangosangana kuparty. Kutizirwa nguva iyoyo kwaisaita nekuti ndaizobhururutsirwa shiri yangu Vimbiso oroorwa naNyakudya. Ndakazopukuta ziya ndaona message yaVimbiso yakanzi, "ko iwe unozvifambisa sei kumitisa Zandile? Svika kumba mama vari kutondipopotera as if ndaivepo pamaigadzira mwana wenyu." "Zaza is pregnant?" Ndakakanuka ndichibuda mutoilet ndikasekwa naShumba wandaishanda naye achiti, "wavakutaura wegaka? Ndomaresults acho mukuru." "Iwe mudhara siyana neni!" Ndakadaro ndichienda kumota ndokuenda kumba ndikasvika mama vachiri kutuka Vimbiso akati aisatana kuchema zvake. Mama vachingondiona Vimbiso akabva azorora vakatangana neni vachiti, "chasara kumitisa ini naVimbiso nekuti madiro aunoita madress ari over mwanangu. Kutadza kunyara mwana wemukwasha. Mwana waVimbiso haasi mwana wakowo here nhai Tino? Sei usina nyadzi iwe?" "Mwana waVimbiso upi wandamitisa? Why musina kundiudza kuti Vimbi ane mwana?" I sarcastically asked though ndaiziva kuti Zandile ndiye anga avakutonzi mwana waVimbiso as if akatoroorwa naNyakudya. "Usandiite benzi iwe uri kuziva zvandiri kutaura," vakadaro nehasha zvikanzi naVimbiso, "is it necessary kuti mutaure zvepast yaTino pamberi pemusikana wake?" "Kana uri sewe Vimbiso nyarara ndiwe une mamhepo anotitadzisa kugara zvakanaka pano and kubva zvatakabika doro zvinhu zvatove worse ndikakurova uchataura zvakanaka chete," vakadaro vachimutema netennis. "Mama tete Vimbi hapana chavanoziva don't blame her," akadaro Zandile mama vakangobata muchiona vachiti, "ahhh vasikana kaa." Vakapinda mumba Vimbiso akatevera ndikasara ndichibvunza Zandile zvenhumbu because ndaive ndangorara naye ka1 that too neprotection. "Zandile une nhumbu?" Ndakabvunza ndiri serious akati, "handina Tino. Ndokuda Tino and paya ndanga ndisingarevi kuti hamuna mari yekundiendesa kuchikoro but ndiwe watadza kundinzwisisa and I know how much you love your sister Tino that's why ndangouya usati wachinja mind." "Kana usina nhumbu tora bag rako ubve pano udzokere kumba baba vako vasati vabva kubasa chisikana hatidi mashura pano," vakadaro dad vachibuda mumba ndikashaya kuti vaive vazvinzwa sei isu taitaurira pasi pasi. End of chapter 9
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 262

Comments