Rue M Novels
June 7, 2025 at 03:59 PM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p Unforseen Written By Rue M 0788357900 Chapter 14 Vimbiso First thing ndichisvika muKwekwe ndakaenda kupharmacy kunotenga mamorning after aya. Ndaive ndisati ndatombomamwa ever since so pandakapihwa ari two ndakatenga amwe two kuti ndinyatsoita make sure kuti nhumbu yaMuku haibate. Ndakamaoverdoser ndichibuda mupharmacy, ndichingopedza kumwa ndikabva ndati regai nditange ndasvika kubasa kunoona Ma'am Diana ndovapa excuse yekurovha. Ndakasvikirana pabasa nemapurisa aitsvaga ini hana ikarova ndafunga kuti pamwe Nyakudya avhurisa nyaya yaMuku nekuda kwekumunyima lula-lula. Takaenda kupolice ndisati ndaziva mhosva yangu zvekuti ndakasara padiki ndavati mapurisa efake ndokuzodzikama tasvika pacentral. "Haasiriye anga ane imwe murder case mwedzi yapera here uyu?" Vamwe officer vakabvunza ndichipinda mucharge office. "Ndiko aka katsotsi," vakatanga kutaura vega vachingondijudger kusvika ndabvunza kuti, "mhosva yangu ndeyeiko?" "Hezvo wavakuda kutotibhon'era muno?" Officer vekurohwa naTino vakadaro vachizvimisa misa semunhu aiva avakuziva kodzero dzake ndikavarangaridza kuti, "remember rimwe zino rakaenda nekuda kuzviita commissioner." "Wati chii?" Akabvunza achindidhokonya musoro nemboma yake ndakaibvuta ndikaikanda panze ndokubva yanotema Davy aisvikawo. Akasvika achiti ndiri client yake ndokubva ndazobvunza iye kuti mhosva yandainzi ndapara ndeyei kwavakuudzwa kuti, "Nyakudya akauraiwa nezuro." Hana yakarova ndokumbonyarara for a few seconds ndapererwa ndokuzosimudzira, "so ndini ndamuuraya futi?" "Your belongings were seen there," said Davy ndikati, "kupi?" "Kumba kwaNyakudya," umwe mupurisa akapindura ndikati, "saka zvoreva kuti ndini ndakamuuraya? Zvataura here zvinhu zvangu kuti ndakauraya Nyakudya?" "Calm down Vimbi," akadaro Davy achirova rova pashoulder pangu ndikati, "why should I calm down? Munhu wese afa kwavakungonzi ndini pasina kana evidence." "Chii chakaitika kumba kwaNyakudya nezuro Vimbiso?" Akandibvunza Davy ndikaramba ndakanyarara sendaive ndisina kuzvinzwa. Panyaya dzemurder ndakanga ndisisiri answerable kwavari vanhu vaiva nehusimbe neinvestigation voda kungointerrogater inini. Ndakatozovhura muromo ndanzwa kuti bullet raive rabviswa pachest raive raonekwa kuti ndere pfuti yekuarmy zvakabva zvalinker neinformation yaive yabva kupihwa mapurisa through a private source zvichinzi Tafadzwa ndiye akaonekwa achipinda pamba paNyakudya nepfuti. "Tafadzwa akasvika nepfuti asi haana kuuraya Nyakudya takatomusiya ari mupenyu," ndakadaro ndichinunura Tafadzwa aive opomerwa mhosva isiri yake. Though ndaimuvenga zvaisaita kuti ndirege achitsikirirwa. After advocating for Tafadzwa ndipo pandakazonzi nditaure zvizere and because of Tafadzwa ndakataura zvese expect zvekurara naye. Davy ndipo paakazobva papolice achienda kumba kwaTafadzwa. In no time Tafadzwa akasvika naDavy ndakangogariswa kuseri and he joined me there semunhu aitotsvagwa nemapurisa. "Ndakuvigira mapiritsi aya," akandizevezera achinditambidza mamorning after ndikati, "kwana ndamwa kare." "Iwe handitombokutembe zvachose imwa aya ndakatarisa ko kana wamwa akaexpire," ndakaseka Tafadzwa achidaro zvikanzi naOfficer, "muri kuzevezerana kuti chii imi?" "Ndokumbirawo mvura yekumwa," akadaro Tafadzwa ndokubva aivigirwa mvura akandipa. For his satisfaction ndakamwa mapiritsi aya andaive ndatombo overdoser. "Ndakauraya Nyakudya ini?" Akabvunza atochinja mood ndikati, "zvabva nepi izvi?" "Ndanzwaka uchiti ndaive nepfuti kumba kwaNyakudya," he said ndikati, "saka pandati wakauraya Nyakudya ndepapi?" Takaita chinguva tichingopikisana kusvika Tino auya achiti ndiye akauraya Nyakudya. At first no one believed him kusvika CCTV footage yekumba kwaNyakudya yairatidza zvakaitika the previous day yasvika papolice. It was unfortunate that ndakatadza kuzoona footage yese ndaita dzungu nekurukutika muviri wese ndokuzotomukira kuKwekwe General Hospital. Kuoverdoser mapiritsi nekutadza kudya ndiko kwaive kwandirwarisa nekuti Nyakudyawo anga aoverdoser ini mamorning after handichataure. Zuva rakavira kukaedza pasina auya kuzondiona then Tafadzwa kwavakuzouya pavisit yemakuseni. Musati aida kubvunza kuti ndiri kunzwa sei asi kuda kutonditi ndimubetsere pakunyepa. "Mainini ndiri pashinyazi kubasa nekuda kwenyaya dzenyu," akadaro ndichangomuka ndikati, "nyaya dzangu dzipi? Ndakakudanai kwaNyakudya here?" "Handina kuuya kuzonetsana nemi instead ndoda help yenyu," akataura achifemereka nekutarisa kumaside ndokunditambidza hundred dollars ndikati, "help yei yamunoda kwandiri?" "Well ndanyepa kuti pandakakutora kumba kwaNyakudya ndakaenda newe kuchipatara and ndakanopihwa fake medical report paprivate clinic so I want you to stick on to that statement kana wazobvunzwa kuti takaendepi tabva kumba kwaNyakudya," said Tafadzwa. "Haa zvinhu zvekunyepa ini mapurisa akandiona ndichisvika pabasa akandibvunza bvunza," ndakadaro zvikanzi, "pastament rako ranezuro hanzi hauna chawakataura nezvekwawaibva." "Fine fine fine! So zviri kufamba sei kupolice station kwacho?" Ndakabvunza ndafunga Tino zvikanzi, "paCCTV footage panga pasina sound but zviri clear kuti Tino akauraya Nyakudya kuzviprotector. One of them was supposed to die anywhere." "Tino killed him?" Ndakabvunza ndiri shocked because i didn't want to believe that Tino angauraya munhu. "Hapana ari kunyatsoziva nekuti vese vanga vakabata pfuti," akadaro Tafadzwa ndikapera power ndokuti, "so ari kusungwa here kana vanyatsoona kuti yanga iri self defense?" "Mukangotsvaga lawyer rinoziva zvarinoita anobuda smart smart but akangoshaya anomumirira zvinodhakwa nekuti Nyakudya anga asiri munhu njee so vanhu vakawanda vakatoivhurira maziso nyaya iyi," said Tafadzwa. "Haa that's not fair angaindira kujere because of that rapist?" Ndakabvunza nehasha akati, "chero rapist ane kodzero yekurarama Vimbiso. No one has the right to take anyone's life." "I know that but situation ndiyo yakaforcer Tino, he didn't do that willingly right?" Ndakabvunza ndiri serious akati, "there's no need to hire a lawyer you'll advocate for your brother." "Are you mocking me?" I asked akati, "not at all." "Ufambe zvakanaka," ndakaita kuti aende asati ada kuoneka akati, "thank you. Utaure naDavy anogona kukubatsirai. Usangomuitira dzungu chete." "Ehoyi," ndakadavira ndokubva adzoka pandiri achiti, "but usamuudze zvatakaita nezuro please." "I won't tell anyone," ndakamudaro akati, "not even a single soul." "Zvanzwikwa," ndakadaro akaenda Davy akasara achisvika andivigira breakfast. Ndakaita two days ndiri muchipatara mapurisa naDavy chete vachiita maup and down kuuya kuzondiona. Ndokuzobuda muchipatara musi wavigwa Nyakudya. Ndaitya kuenda kumba ndega because ndakabvako ndanetsana namama and kuchipatara havana kuuya kuzondiona stress ikawedzera. "Vakakudzinga unouya paden pangu, handi unoziva kuti ndiri bhachura," Davy said jokingly ndikati, "haasi mafunnies Davy nditori worried ipapa." "Don't worry Vimbi, I'm there for you," akandisimbisa ndikati, "only time will tell." Takabva tasvika pamba akandipa imwe phone yaimboshandisa achiti, "vakangonetsa I'm just a call away." "Thank you Diva," ndakadaro ndichimupa hug ndokuburuka mumota ndikaenda pamba. Fortunately pamba paiva pasina vanhu and i guessed kuti vanga vachiri kwaNyakudya. Ndakabika nekugadzira mumba fast ndikavigira Tino chikafu uyo aive ofa nenzara seasina hama. Ndakarwadziwa ati vana mama havana kumbouya kuzomuona. "Waidyei nhaiwe?" Ndakabvunza ndichimunzwira tsitsi akati, "Zandile akandivigira sadza nezuro masikati." "Pakaipa wangu at least nyaya yako iri kukasira kupinda mucourt zvopera izvi..." Ndakabva ndamuudza zvaDavy nezvese zvaive zvaitika kuchipatara. "Relationship yako naDavy iri genuine or something is going up," akabvunza achisimudzira tsiye ndikati, "haa handidanane naDavy ini." "Ko ati modanana ndiyani?" He asked. "Mabvunziro ako ari kutoratidza kuti ndizvo zvauri kufunga musoro bhangu manje ndakuenda," ndakadaro ndichitora lunchbox yandaive ndakaisira chikafu chake. "Chingondiudzawo kuti makatanga kudanana rini?" Akaramba akasimbirira nyaya yaDavy ndikamusiya ndisati ndoda. Hapana zvaitika naDavy but i felt safe and happy around him and i enjoyed his company nothing much. "Are you following me?" Ndakabvunza Davy ndamuona amisa mota yake pamberi pangu. "Pinda mumota tiende kumba kwete kubvunza zvisina basa?" "Fine," ndakataura ndichipinda mumota ndokuona munhu avakutora route isiri yekumba ndikati, "wavakuendepi neni hona zuva ravira Davy?" "Pane karestaurant kari pacorner pamberi apo ndoda kuti tinongodya, ndine nzara and kumba hakuna anondibikira apa kungoenda kunodya parestaurant pasina babe paside hazvipe picture yakanaka unoziva," akataura akatarisa mumaziso angu ndikashaya zvekuita nenyadzi ndokuzongoti, "saka washaya rimwe babe rekuenda naro kunze kwangu?" "Handina kushaya but ndongofarira kugara newe padhuze Vimbi," akataura achindibata ruoko ndikati, "fine i don't want to argue." "Ko iwe unogona kupikisana nalawyer chirudzii?" Akabvunza ndikangosekenyeka sedzisimo ndokusvika parestaurant tichingotaura tunyaya twusina kana nemusoro. Takadya akadzokera kunondisiya kumba ndokusvika vabereki vasvika. Hana yakatanga kurova ndichipinda mumba ndokutogamuchirwa nemufaro nechemumoyo ndikati, "kunyara vanhu vekuchurch chete." Mumba maive naMufundisi nemukadzi wavo, naElder Shava nemukadzi nemwana wavo mukuru. Ndakavakwazisa ndokusimuka ndichida kutonozvirarira ndinzwe mama vachiti, "vaenzi vauya kuzoona iwe Vimbiso." "Ko vazvinetserei husiku huno? Ndave nani ini," ndakapindura izvi ndafunga kuti vaive vanzwa zveurwere hwangu. "Tafambira nyaya yako naThomas," Mai Shava vakadaro ndikagara pasi ndichiti, "nyaya yangu naThomas?" Thomas aive mwana wavo mukuru aivemowo mumba and ini ndanga ndisina kana hesi naye saka ndakashamiswa nekunzwa kuti ndine nyaya naye. "Nyaya yei?" Ndakabvunza nesmile yefake kuface zvikanzi naMai Mufundisi, "Vimbiso sechurch uye samai vako tinoshuvira zvakanaka kwauri mwanangu." Ndakavatarisa neziso rekuti, "carry on," vakapfuurira mberi vachiti, "takambotaura naThomas mwedzi wapera akabvuma saka nyaya yanga yangosarira kwauri." "Kubvumei nhai mukoma Thomas?" Ndakamubvunza chero zvaive zvataurwa naMai Mufundisi akatsikitsira pasi achingokwiza maoko ake. "Kasi ndakaitei?" Semunhu wemhosva ndakafunga kuti pamwe ndakaparamura futi. "Sechurch tanga taona zvakakodzera kuti tikubatanidzei sezvowo Thomas akura iwewo wa..." Vasati vapedza kutaura Mufundisi ndakavabata muromo ndichiti, "ini handisati ndakura and ndikakura handidi zvekutsvagirwa murume ini handina kuremara zvekudaro." "Hakusi kuti wakaremara Vimbiso uye hausi kumanikidzwa kuroorwa naThomas," vakadaro Mai Shava ndikati, "thank you very much handisati ndoda kuroorwa!" "Haikona kutungamidza hasha mwanangu," vakadaro Mufundisi ndikabva ndataurira pasi pasi semunhu ari kuzevezera ndichiti, "handidi kuita mukadzi wamukoma Thomas vanhuwe." Ndapedza kudaro ndakabuda mumba ndichienda panze kunodavira call yaDavy. End of chapter 14
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 558

Comments