Rue M Novels
June 8, 2025 at 05:29 AM
https://whatsapp.com/channel/0029Va8aAYUBfxo9ShfURc0p
FREE BOOK
Unforseen
Written By Rue M
0788357900
Chapter 15
Narrated
Thomas akarambirwa mudenga
mudenga naVimbiso akapedzisira
ataura mashoko aisatarisirwa kuna
Mai Mufundisi vanhu vakabva
pamba vakatakura chigumbu.
Vabereki vaVimbiso vakada
kumudzinga pamba akatsika
madziro achiti ivo ndivo vangatobva
pamba nekuti imba yaive muzita
rake naTino and Davy aive aramba
kuti agare ega as they were about to
get married. Akakavadzana
nevabereki vake kusvika avaudza
kuti kana vachida kumudzinga
pamba ngavatoenda kucourt zvavo.
Kubva musi iwowo havana
kuzombotaura zvekumudzinga
pamba. Ukuwo Tino achibva
kuchitokisi akabva aenda kumba
kwaNyakudya.
Nyakudya aive anyora Will property
iri mumazita evana vake saka
Zandile akasarudza kuchigara
naTino pamba yanga yave yake
than kudzokera kuna vamwene
vake. Tafadzwa naMoleen vaingoita
zvemazuva ese nekuti Moleen aive
atorambisisa kubva pamba chero
support unit yake Mai Tafadzwa
yanga isingachamude nekuda
kwenyaya yaMuku yavaive vanzwa.
Vaive vavakuda Lisa mwana
waMajor General aive avakudanana
naTafadzwa. Love yaTafadzwa
naLisa yaive yefake because
Tafadzwa aive under pressure
nekutya suspension kubasa after
Nyakudya afa. Pfuti yake ndiyo yaive
yamupinzisa busy
kwavakuchiswededza Lisa padhuze
naye achiti ataure namudhara wake
on her behalf. Tafadzwa anga asina
nyaya yakanyanya and
paakatozoona kuti aive angoita
dzungu vanga vavakutodanana
naLisa uku dad vake
vavakutozviziva.
"Taa ndiri kunoita law kuSA next
year," akadaro Lisa kuna Tafadzwa
paakamuvinga kumba kwake. "It's
good," akangodavirawo Tafadzwa
zvikanzi, "that's all you've to say?"
"Uri kuda kuenda neni?" He asked
sarcastically zvikanzi, "come on
Tafadzwa."
"Lisa kana une nyaya chingoti gaa
kwete kuita seune zvaunoda kuti
nditaure," akadaro Tafadzwa
akafizuka zvikanzi naLisa, "ndoda
kuenda ndichiziva future."
"Future yani manje?" Tafadzwa
asked and Lisa replied, "our future."
"Meaning?" Akabvunza seaisaziva
kwaive kwavakuenda nyaya yaLisa
sezvineiwo Lisa akabva angoti
straight panyaya yake achiti, "uri
kundiroora rini Tafadzwa? Ndoda
kuziva kuti relationship yedu iri papi
kana pasina future ndoenda
kuchikoro."
"Tave netwo months tiri
murelationship wavakutotaura
zvemarriage? Can't you see kuti
wavakumhanya," akadaro Tafadzwa
zvikanzi, "kumhanya kupi Tafadzwa
hona Davy haana kana nguva
adanana naVimbiso but
vavakutoronga zvekubvisirana."
"Ini handisi Davy and you're not
Vimbiso," said Tafadzwa.
"Uri kurevei manje?" Lisa asked.
"Takasiyana naDavy naVimbiso,"
Tafadzwa paakadaro Lisa akabva
pamba pake akatsamwa izvo
zvaidiwa naTafadzwa kuti Lisa aore
moyo. Pasina nguva Lisa abva
pamba Vimbiso naDavy vakabva
vasvikawo. Davy aive auya
kuzotaura naTafadzwa aite munyai
wake. Vari pakati pekudiscusser
nyaya yemarooro Davy akaenda
panze kunodavira phone afonerwa
naclient yake sare Tafadzwa
naVimbiso vaive vakapedzisira
kuonana face to face mucourt.
"Unombozviita sei chaizvo?"
Akabvunza Tafadzwa zvikanzi
naVimbiso, "watii?"
"How do you manage to ensnare
men so easily? It's been six months
since Muku's demise but pasix
months ipapo wakadanana
naNyakudya potse potse kuroorana
now watove pana Davy chasara kuti
achifa zvake wotsvaga umwe
zvichingodaro." Vimbiso akatadza
kunzwisisa point yaTafadzwa akati,
"taura zvinonzwika."
"Watozvinzwa wani. Hameno kuti
akaonei pauri," said Tafadzwa.
"Hezvo kwakanaka?" Akabvunza
apererwa Vimbiso akanzi,
"kunogoipei zvako?" After that
mumba makamboita nguva
makanyararwa Tafadzwa
akasimudzira achiti, "did you tell
Davy about us?"
"What about us?" Vimbiso
akabvunza achitarisa panze paive
naDavy. "Hausi mwana, you know
exactly what I'm talking about."
"I will tell when the time is right,"
Vimbiso replied. "Time ipi iri right
when you guys are about to get
married? You know akazozviziva
later panoita problem hombe,"
akadaro Tafadzwa zvikanzi
naVimbiso, "ndoziva zvandiri kuita
asi kana uchida kuti azvizive izvezvi
enda unomuudza wega."
"Ehh hupenyu ndewako why should
I stress myself?" Akabvunza
zvikanzi, "you better ask yourself
that question."
"I wasn't asking you either,"
akapindura Tafadzwa Davy
akadzoka mumba achiti, "ahh come
on guys muchiri kungonetsana
nanhasi?"
"Kusvika ndaziva kuti akauraya
Muku ndiyani?" Akatiza nyaya yavo
achidaro Tafadzwa asi chokwadi
ndechekuti nyaya yaMuku anga
asisina basa nayo.
"Instead yekunetsana time and
again munofanira kubatana and only
then ndipo pamuchabata munhu
akauraya Muku," Davy akavapa
advise asi vaitofunga zvimwe.
Tafadzwa aida kuti Davy azive
chokwadi asi aishaya kuti otaura sei
and aityira friendship yavo nekuti
nyaya dzevasikana dzaipesanisa
vanhu same applies naVimbiso aive
avakuona kuti akanonoka kutaura
chokwadi. Pamba paTafadzwa
vakazongobva vatenderana kuti
Tafadzwa ndiye achaita munyayi
and within two weeks akabva auya
kuzodeedzera. Vabereki vaVimbiso
vakashaya zvekuita nekufarira kuti
Vimbiso aive avakuchiroorwa chero
date rekuroora vakapihwa
repadhuze kuti vaite fast Vimbiso
aende kumurume.
Kwasara one week kuti Vimbiso
abvisirwe akaona bouquet remaruva
patable muoffice make. Akasmiler
akatarisa maruva aya nekuverenga
kanote kaive pabouquet kakanzi,
"hie beautiful meet me at Masasa
Gardens tonight."
"I love this bastard," akataura ega
achigadzika maruva pasi ndokubva
aona imwe parcel. Akavhura akaona
mune dinner dress reroyal blue and
matching heels and accessories.
Akabva afunga kufonera Davy kuti
amutende nekumuudza kuti haadi
kuzononoka kusvika kumba abate
time nekuda Davy nguva dzaibata
muhupenyu hwake ndedzekuenda
kucourt chete sometimes
kutombononoka. Phone yaDavy
yakaramba kupinda Vimbiso
akasiyana nazvo akatokasira
kuchaisa ndokuenda kumba
kunogeza. Achibva kumba akabva
aenda kubeauty parlour kunosotewa
sotewa kuti aonekere.
Akahire taxi kuenda kuMasasa
Gardens ari muroad akabva aisirwa
message naTino yakanzi, "I'm sorry
wangu kwanga ndiri kwanga kusina
network haikona kuti
ndakangamwa." Pazasi pemessage
iyoyo paive nevoice note. Vimbiso
akaplayer akanzwa Tino naZandile
vachimuimbira birthday song.
"Oh God," akataura ega Vimbiso
nesmile nekufarira mabirthday
wishes from his brother. Apedza
kutaura naTino akabva anyumwa
kuti Tino aive amuitira suprise party
zvikamuwedzera mufaro.
Paakasiiwa paMasasa Gardens
akapinda mukati ari nervous
pfungwa dziri busy kuti arongerwei.
"You're Vimbiso right?" Mushandi
wepo akamubvunza akagutsirira
musoro zvikanzi, "this way please."
Vimbiso akatevera musikana uya
kusvika asvika paive pakaitwa
birthday decoration and a table for
two. Akagara pachair akamirira Davy
achizama kumufonera and phone
yakabva yabvuma.
"How is my wife doing?" Davy asked
zvikanzi naVimbiso, "your wife is
eagerly waiting for you darl..."
Vimbiso haana kuzopedzisa kutaura
aona Tafadzwa achiuya kuzogara
naye akapfekawo matching attire.
Davy akaramba achiti, "hello hello
hello!" Pasina anodavira kusvika
akata phone achifunga kuti inetwork.
"You!" Vimbiso akabvunza
achisimuka zvikanzi, "relax Vimbi."
"What is this nhaiwe?" Vimbiso
akabvunza apererwa zvikanzi
naTafadzwa, "I just wanted to
apologize."
"Ndiwe watenga zvandakapfeka and
those flowers?" Vimbiso
akabvunzawo zvake Tafadzwa
akataurawo zvake achiti,
"ndakakubata rough those days uri
mumacell and I'm really sorry."
Vimbiso akapererwa akaramba
akangomutarisa and Tafadzwa
continued, "i know zviri weird but
ndangoona zviri right kuti
ndikukumbire ruregerero on your
special day."
"Tafadzwa?" Akadaro ashaya
zvekutaura zvikanzi naTafadzwa,
"you're looking gorgeous today."
"Thank you but don't you you feel
that wazvinyanya?" Akadaro
Vimbiso zvikanzi, "don't worry
Vimbiso. We're still enemies and
takazvarirwa kuti tivengane ende
hazvichinje but even though we're
enemies, we can respect each
other."
"Respect? That's all you want?"
Asked Vimbiso Tafadzwa
akagutsirira musoro. Vakazoita
normal conversation vakatodya
ipapo but cake harina kuzodyiwa
sezvo Davy akasvika panzvimbo
when Tafadzwa was about to feed
Vimbiso a piece of cake. Haana
kunonoka kureader situation but
without understanding it or asking
anyone chibhakera chakabva
chatogara kuface yemusoja.
End of chapter 15
❤️
😂
👍
🙏
😮
😢
288