Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
June 7, 2025 at 07:12 PM
Rhapsody Botswana-Zezuru Sun Jun 08 2025 CHIDZIDZO KUBVA KUNA DHAVHIDHI Kwete, pazvinhu izvi zvose tiri vakundi nokupfuurisa naiye akatida (Varoma 8:37). 1 Samueri 17 inotiudza kuti vaIsraeri vakapikiswa sei nevaFiristia, rudzi rwaiva vavengi vaizivikanwa. VaFiristiya vakanga vaunganidza mauto aityisa nemhare yavo, Goriyati, akamira akashinga, achirayira vaIsraeri kuti vatumire murwi kuti anorwa naye kamwe chete. Kwemazuva makumi mana, Goriyati akanyomba uye achinyomba masoja evaIsraeri. Mauto evaIsraeri akavhundutswa vachitya kurwa naGoriyati. Asi mumamiriro ezvinhu aya akaoma, Dhavhidhi, mukomana wechiduku, akanga asingakodzeri kuva muuto, akasvika kwairwiwa ndokunzwa kunyomba kwaGoriyati kuchinzwika mumukana wese. Akatsamwiswa nokuzvidza kwehofori iyi kuna Israeri naMwari wayo, Dhavhidhi akatanga kubvunza nezvemamiriro ezvinhu nekuti chii chaizoitirwa murume anouraya mhare yemuFiristiya. Zvisinei, kubvunza kwaDhavhidhi kwakaita kuti mukoma wake Eriyabhi abvunze kuti aida kuita sei. "Sei wauya kuno?" Eriabhu akabvunza. Mashoko ake akazara nokuzvidza, zvichiratidza kuti Dhavhidhi aingovawo zvake mufudzi, uye asina njere achifunga kuti aigona kukwikwidzana naGoriyati. Haana kuodzwa mwoyo nokuzvidza kwaEriabhi, Dhavhidhi akapfuurira kubvunza kusvikira aunzwa pamberi paMambo Sauro. Ikoko, iye akarondedzera nechivimbo zvaakaita somufudzi: "...Ndanga ndiri mufudzi, ndinofudza makwai ababa vangu. Shumba kana bere pazvaiuya kuzotora gwayana kubva paboka, ndaitevera, ndoriwisira pasi, ndonunura gwayana racho. Kana yaitendeuka pandiri ndaiibata pahuro ndoimonya mutsipa ndoiuraya. Shumba kana bere, hazvina kuita mutsauko--ndakariuraya. Uye ndichaitira nguruve iyi yechiFiristia zvimwe chetezvo, iri kushora mauto aMwari mupenyu” (1 Samueri 17:34-36 MSG). Dhavhidhi akapa mhinduro yakadini! Dhavhidhi haana kuita nharo naEriabhi kana kuedza kuzviratidza. Panzvimbo pezvo, akagovera nounyoro uchapupu hwake hwokutendeka kwaMwari. Nokuita kudaro, akabvisa pfungwa kubva pakunyomba kwemukoma wake kuenda kusimba raMwari raishanda kuburikidza naye. Chokwadi, Dhavhidhi akakunda Goriyati, akamugura musoro, uye akafamba mumigwagwa akabata musoro wehofori yacho. Muchidimbu, hapana akashinga kumupikisa zvakare. Kukunda kwake kwakataura zvinonzwika kupfuura chero mazwi akambotaurwa. Nguva dzose rangarira muenzaniso waDhavhidhi apo vanopokana nevashori vanoedza kukuzvidza. Ramba wakatarira pakudanwa kwako uye pamugove wako. Vimba nenyasha dzaMwari nekugona kushanda mauri, uye kukunda kwako kunozonyaradza vanokushora. Prayer / Confession Baba wandinoda, ndinokutendai nehuchenjeri nekusatya kwamakandipa. Ndinoramba kutyisidzirwa nevavengi kana mazwi ekusatenda; nokuti mukuru anogara mandiri. Ndinotora matambudziko nechokwadi chekukunda, nokuti makandiita mukundi nekupfurisa. Kubudirira kwangu kunonyaradza vanopikisa vese, nemandiri, kubwinya kwenyu kunoonekwa, muZita raJesu. Ameni. Further study 1 Samueri 17:45-47; 2 Vakorinde 2:14 1-year bible reading plan Johani 21:1-25 & 1 Makoronike 26-29 2-year bible reading plan Mako 15:33-47 & Dhuteronomi 6 WhatsApp Chanel for rhapsody Translation : https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F

Comments