Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
Rhapsody Global Club ( Mandate 1B ROR Influences )
June 8, 2025 at 08:18 PM
Rhapsody Light-Shona Mon Jun 09 2025 SIMBA REUTSIGIRI HWAKASIMBA Chinhu chokutanga chakaitwa naAndirea ndechokuti akatsvaka Simoni mukoma wake akati kwaari, “Tamuwana Mesiya”(ndiko kuti Kristu) (Joni 1:41-42). Mubasa rekukudza Umambo hwaMwari, vatsigiri zvakasimba vanodiwa, uye tinoona kuti kune kwaive nevanhu vakaita saivavo muBhaibheri, kunyanya muGosperi raJoni. Ava vaisave vateveri vaJesu Kristu vakaneta neta asi vatsigiri vakamutsa vehushumiri hwake. Zviito zvinoratidza rudzi rwebasa rakakosha—utsigiri hwakasimba pane zvakanakisa. Somuenzaniso, muna Joni 1:40-42, tinoona Andirea, umwe wevadzidzi vaJoni Mubhabhatidzi akasiya zvose akatevera Jesu. Andirea haana kuzvichengetera pachake revharesheni itsva yakanga awana. Pakarepo iye akatsvaga bhudhi vake, Simoni (Pita), uye akamuudza kuti, “Tamuwana Mesiya!” Iye zvino akauya naPita kuna Jesu. Zviito zvaAndirea zvinoratidza moyo waAndirea semutsigiri wakasimba—mumwe uyo anoenda mberi nokusimudzira hushumiri hwaJesu nokukoka vamwe kuti vajoine chinangwa chake nokuita basa rake. Zuva rinotevera, Jesu anodaidza Firipi kuti amutevere. Firipi, saAndirea, haana kuchengeta Nhau Dzakanaka kwaari ega. Iye akawana Natanieri uye akati, “Tamuwana uya akanyorwa nezvake naMozisi muMurayiro, uyewo akanyorwa nezvake navaprofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa”(Johani 1:45) Natanieri, nokusava nechokwadi pokutanga, akabvunza, “Pane chinhu chakanaka chingabva kuNazareta here?” Mhinduro yaFiripi yaive nyore, asi yakasimba; Iye akati kuna Natarieri, “Huya uone” (Joni 1:43-46). Iri ndiro simba rokutsigira. Andirea naFiripi havana kungotevera Jesu, vakagona kuunza vamwe kuna Jesu. Vakakonekita vamwe vaJudha nevarume vakazvipira, avo vaitenda muna Mwari nechekare, kuchinangwa chaMesiya Zvimwechetezvo, mukukudza Umambo hwaMwari nhasi, tinoda Hondo hombe yevanhu vaMwari vakazvipira, vane chido uye vasingadzokere shure mukuzvipira kwavo kuGosperi. Tiri kupedza kuparidza kuzere kweGosperi gore rino 2025. Iva mutsigiri wemandeti iyi! Tsvaga nokukurudzira vamwe kujoina basa iri apo tinozadzida Kutumwa Kukuru. Zvakakosha kuti tizive kuti kuunza shanduko panyika, tinoda hondo yakabatana yeMakristu, mumwe nemumwe achiita basa rake mukuvandudza Umambo hwaMwari, kunyanya sezvo kudzoka nokukasika kwaIshe kwave padhuze. Prayer / Confession Baba vanodiwa, ndinokutendai nokundiita mutsigiri akasimba mukuvandudzwa kweUmambo hwenyu. Kuburikidza neni, vakawanda vanounzwa muUmambo uye vanoverengwa muhondo hombe yenyu, kuzadzikisa chinangwa chehumwari hwenyu nokuchinja upenyu hwevanhu kose kose. Ndinofamba muhuchenjeri nemusimba roMweya, ndichifamba ndichiparadzira simba roUmambo, muZita raJesu. Ameni. Further study Johani 1:40-42; Johani 4:28-30; 2 Timoti 2:2 1-year bible reading plan Mabasa 1:1-26 & 2 Makoronike 1-4 2-year bible reading plan Mako 16:1-11 & Dhuteronomi 7 WhatsApp Chanel for rhapsody Translation : https://whatsapp.com/channel/0029Va9SJ9OHFxP0Xh4KCN3F

Comments