Confessions🇿🇼Zm
Confessions🇿🇼Zm
June 8, 2025 at 03:03 PM
Hi karen Maswera sei Makazeni mose... So ini hangu ndine chigumbu nasekuru hanzvadzi yaamai haaa ndinoti ndikavaona kudai ndinongoti dai mwari mavatora henyu.. Ndakapedza form 4 asi handina hangu kupasser soo iyo yekuda harare sekuru vakati hinde muzukuru ini ndikati tsvatu waro manonoka mataura paye, ndini uyo harare, sooo ndaziweiko kuti ndiri kunoita house boy imikaaa zvakaoma hazvo. Ndakasvika paye kutanga kuita mabasa ose, cleaning 8 rooms house, washeni yekuti kana iri weekend waitanga makuseni uchipedza manheru kuma5, kubvira pane curtain, bed sheets, xul uniforms, hembe dzevana 3, baba naami dzawo. Panoti cleaning toilet everyday, maplates everyday, xul run apo vana vawo vaidzidza different xuls. Ndaitanga ndanotora 1 ndoita duty rekucleaner muclass, ndoenda to another xul, manheru ndini uyo kumapoto nawo. Cleaning yard, garden rakandimirira, ironing clothes, haaa kuzoti mvura ikauya vaiita seunotsva kurara ndakagara nayo. Kana yapera nawo mabuckets kuborehole asi mota yaivapo kana 1 day ravaititakurirawo mvura. Soo ndaizvitambira nokuti ndozvaivapo nguva yacho chaindirwadza vaibva vati ita hnty muri kudya pano munoti kubasa kuri nyore kuyenda here. Chakazondirwadza 2020 mukadzi vakule akaita ope yemwana soo mwana anga ari preterm,haaa imiwee ndakachiona kubva kunap, mai vaida care, uku 3 boys, baba nekuno, nhamo yandakaona ipapo gogo munhu airwara achibleeder ndichiwacha mablankets akazara blood but ndazvigamuchura, so vakazombogara kuhospital ini ndini ndanga ndakuita take care of everything kubvira kumwanna achinwa NUN iya uku ari mudiki diki, ko zvekuchengeta mwana ndaizvizivira kupi asi ipapo ndakazvigona, visit hour ndoenda kuhospital nemwana kuti amboyamwa kusvika gogo vazofa mwana ane 7 months haaa ndipo pandakachiona chinokunda ngoma kurira, kule vakuita howo magerofurendi isu tichifa nenzara ndkazoitawo kamushando kemaoko kti ndikwanise kuchengeta vana asi munhu kana ku appreciater munhu ari kuchengetera vana vako soo mumwe musi vana vacho vaidya zvinhu zvangu zvandaitengesa ndikavaudza sekuru vairambira vana vavo. Chakazondirwadza ndechekuti vana vacho vakati imimi dad ndimi makauraya amai vedu takaudzwa nabee kubvunza vana vaizviramba kuti hatina kumbovaudza dad isu zvakadaro, ndakatanga kunyimwa chikafu. Vaibika chawo nevana vavo ini ndairara nenzara ndakatanga kuzotodya chikafu chemubin chaicho 😭😭💔 zvinhu zvinondirwadza nanhasi kuti nezvandakavaitira baba awa pasina kna thank you zvayo nanhasi moyo wangu handina kana hwema nawo, number dzawo handitoriana. Ndazotsvaga kamari ndini uyo kumusha kunogara hangu. Ndinoti sekuru moyo venyu vakaoma chokwadi mwari akuitirei zvakanaka. Nemashoma aya ndinoti areruya ndichambochema hangu 🥹... ______________________ https://whatsapp.com/channel/0029VaPqbtLH5JLuvhQKf43N Send views to: +263773628373 Karen +263780470043 Gee +263785678126 Canny🌹 +263716706773 Mimie❤️ +263716592996 Queen
😢 💔 😭 😮 👏 24

Comments