
All Souls Together In Christ
May 16, 2025 at 09:09 AM
*Mubhuku raNumbers 22 vrs 20 -33 . Inotaura pamusoro paBharamu nembongoro yake* 🔥🔥🔥🔥🔥🔥🔥
Bharamu akati akatasva bhiza rake achienda kuna Bharaki mwanakomana waZipori kuna Mambo waMoabhu . Akaona bhiza ramira kufamba akarirova nehasha sezvo nguva yainge yakamuperera .
Asi bhiza nekuona mutumwa wamwari mberi kwaro waivaima akabata munondo wainge wakabatwa rwake bhiza rikatsauka munzira rikaenda nemusango. Izvi zvakapa Bharamu hasha akarirova kepiri kuti ridzokere munzira . Asi mutumwa akandomira pakati reminds yemuzambiringa .
Dhongi rakaona mutumwa wamwari rikazvisundira kurusvingo ikambandidzira tsoka yaBharamu . Zvino mutumwa akandomira pakange pakamanikana pasina pekutsaukira kurudyi kana kuruboshwe . Bhongoro ikaona mutumwa wamwari ikavata pasi . Bharamu akanzwa hasha akarova dhongi rake netsvimbo.
Zvino Jehovha akashamisa muromo wedhongi rikataura rikati *"Zvino ndakakuitireiko zvawandirova katatu"* Bharamu akapindura akati *" nekuti wakandidadira dai ndamga ndine munondo ndakuuraya wafirapo"* Dhongi rakapindura rikati *" zvino ini handisi bhongoro yenyu here yamakatasva makore enyu ose kusvika muzuva ranhasi here, ko ndaigara ndichikuitirai zvese izvi here?"* Bharamu akati *"kwete"*
Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu akaona mberi kumire mutumwa wamwari . Akakotamisa huso hwake akazvipunzira pasi .✝️
Muupenyu vana vamwari hapasi pese panoda force kana nharo nekuti wakatirongera zviri mberi ndimwari . Ngatinamatei tichikumbira kuna Jehovha asi ngatimirirei nguva . He said *"when the time is right I the Lord shall make it happen"* Hatigoni kumanikidza nguva nekuti ndeya mwari .
Mwari anechinangwa nemunhu wake uye anoziva zvazvakafanira kuitika nenguva yake . Chimwe nechimwe chine nguva yacho . Mukumanikidza nguva ndipo patinowirwa nematambudziko nekuda kukasika kumedza kutsenga tisati .
Ukaona wazama chakati asi charamba zvibvunze uti nei ? Wopfugama wonamata kuna Mwari kuti uratudzwe gwara rakanaka . Kune vanochema vachiti ko zvangu hazviitewo nemhaka yeyi vamwe vanongopa matestimony ini kubva gore richitanga handisati ndambopa testimony .
Asi inyaya yekuti nguva yamwari yakapiwa pane umwe neumwe ndoyakasiyana . Musazvinetsa nekuda kumhanyidzana nevakapiwa nguva yavo . Ngatimirirei yedu nerimwe zuva zvichaita 👏👏👏👏👏👏