
TEEJAY🇿🇼 OFFICIAL🇿🇼 (TINASHE MUGABE DNA 🧬🇿🇼) AND SEKURU CHIREMBA🪽 : SKINCARE REMEDIES🌿 & CONFESSIONS🤲🏽
June 8, 2025 at 03:09 PM
*POEM YEMARRIAGE*
*keylin Libraries*🎀
Zvawapinda musvitsa ,chiziva kuti hapana musha usina hondo
Wotosunga dzisimbe, kumisa imba kutsenga mabwe,
Imba haidi bapu, dzikama Emma?
Gutsikana nezviri mune yako hadyana.
Usaenzanise nguwo nedzaTarubva, hupenyu haufanane.
Hupenyu inhomba mumwoyo meso achiseva.
Unoseva nemajuru erushwanhi asi mumwe achiti nyama yandirova moyo.
Zvizive Emma.
Makuhwa taurira kutsi kwehope Emma.
Madzimai eguhwa rimirana nawo muganhu.
Kuda mushana ndiyo mviromviro yeguhwa.
Mukadzi kwaye haamirire husavi hwababa,
Mukadzi kwaye anosunza,kuwedzera zviri mudura.
Usava mutoro kumurume wako Emma.
Zvokudya idya zviripo, zvinonaka zvinouya mberi
Usazopfuhwire murume Emma.
Munamato chaiwo une simba. Imba inomiswa nekupfugama uchinamata kupfuura dzvinyu remumhango.Kupfuhwira murume ndaramba , Usadyisa murume tsvina
Kugeza chaiko ndiwo mupfuhwira mukuru, gezawo zvinoita vamwe.
Kwete kupfeka kunge uri kubva kunokohwa minzwa.
Bhero rakavinga vanhu kwete mhuka, nyururawo kako ke pondo uyevedze.
Kwete kuita mazino anotsvedza kunge zerere, kana murume okutsvoda zvoita kunge ari kutsenga dohwe.
Nditeerere Emma.
Usazovenga hama dzemurume,
Usaite sebunda kuseka pameso richiruma nemusana, ida vanhu nemoyo.
Hama dzemurume dzibikire zvinonyiminya mafuta egochigochi,
Dzipe rudo runozadza guchu
Mafuta ekuzora dzipe dzivaime sezvitai tai.
Pokuvata dzipe pasinga vave tsine.
Asi kana wadaro usatarisire kudiwa nadzo dzese.
Anovenga chaiye haaimirire kutadzirwa.
Usazonongedza vamwene huroyi Emma,
Wavaona vachidya munhu iwe nyarara,
Hapana murume anobvuma kukanganisa kwaamai vake.
Ndinzwewo Emma.
❤️
🙏
😂
😢
👍
19