Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 6, 2025 at 02:51 AM
*Chishanu 6 Chikumi - June 2025*
*Vhiki rechinomwe roKumuka kwaJesu*
*Kurangarira Nobeti Mubhishopi*
*Chiverengo chokutanga:* _Mabasa 25,13b-21_
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMabasa Avapoositori_
13Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. 14 Sezvavakagara mazuva mazhinji,
Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo
achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa
naFerekisi. 15 Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge.
16 Ndakavapindura kuti, haisiri tsika yavaRoma
kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana
akatarisana navakamumhan’arira achiwaniswa
nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge
achipiwa. 17Naizvozvo, pavakaungana kuno handina kunonoka, asi kuti pazuva rakatevera ndakagara
pachigaro changu chokutonga ndikati murume
wacho auiswe. 18Vamhan’ari pavakasimuka, havana
kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga, 19 asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana
nezvechitendero chavo, uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. 20 Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti
kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda
kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi.
21Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza,
ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna
Siza.”
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 103,1-2.11-12.19-20. (D - 19)_
*(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.*
1 Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose
zviri mandiri, rumbidzai zita rake rinoera.
2 Rumbidza TENZI iwe mweya wangu;
usakanganwe zvikomborero zvake zvose.
*(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.*
11 Sokukwira kwakaita denga kubva pasi,
ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna
vanomutya.
12 Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva
nokumadokero, ndokutaramutsa kwaanoita
zvikanganiso zvedu kubva kwatiri.
*(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.*
19 TENZI akaisa chigaro chake chokutonga
mudenga, umambo hwake hunotonga zvose.
20 Rumbidzai TENZI imi vatumwa vake vose,
imi magamba munoita zvaanoreva,
muchiteerera izwi rake.
*(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Johani 14,26_
*Areruya, Areruya*
Mweya Mutsvene, iye
achakudzidzisai zvinhu zvose, achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Johani 21,15-19_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naJohani_
15Pavakapedza kudya kwamangwanani, Jesu akati
kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani,
unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari,
“Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.”
Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.”
16 Akamutizve rwechipiri, “Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi
munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza
hwai dzangu.”
17Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani
unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza, nokuti akamuti rwechitatu, unondida here?” Pita akati
kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva
imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai
dzangu. 18Zvechokwadi, chokwadi ndinoti kwauri,
“Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda
kwaunoda, asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako,
mumwe achikusunga achienda newe
kwausingadi.”
19 (Izvi akazvitaura kuratidza rufu rwaaizorumbidza
narwo Mwari). Mushure mezvo akati kwaari, “Nditevere.”
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏
5