Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 6, 2025 at 02:51 AM
*Chishanu 6 Chikumi - June 2025* *Vhiki rechinomwe roKumuka kwaJesu* *Kurangarira Nobeti Mubhishopi* *Chiverengo chokutanga:* _Mabasa 25,13b-21_ _Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMabasa Avapoositori_ 13Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. 14 Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. 15 Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. 16 Ndakavapindura kuti, haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana akatarisana navakamumhan’arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. 17Naizvozvo, pavakaungana kuno handina kunonoka, asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. 18Vamhan’ari pavakasimuka, havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga, 19 asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo, uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu. 20 Pandakazvishaira pazvo kuti ndobvunza ndichiti kudini, ndakamubvunza kuti angade here kuenda kuJerusaremu kuti andotongwa nezvezvinhu izvi. 21Pauro paakakumbira kuti achengetwe ari muusungwa kusvikira nyaya yake yapedzwa naSiza, ndakati achengetwe kusvikira ndamutumira kuna Siza.” *Shoko raMwari.* *Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 103,1-2.11-12.19-20. (D - 19)_ *(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.* 1 Rumbidza TENZI iwe mweya wangu uye zvose zviri mandiri, rumbidzai zita rake rinoera. 2 Rumbidza TENZI iwe mweya wangu; usakanganwe zvikomborero zvake zvose. *(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.* 11 Sokukwira kwakaita denga kubva pasi, ndokukura kwakaita mwoyochena wake kuna vanomutya. 12 Sokutaramukana kwakaita kumabvazuva nokumadokero, ndokutaramutsa kwaanoita zvikanganiso zvedu kubva kwatiri. *(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.* 19 TENZI akaisa chigaro chake chokutonga mudenga, umambo hwake hunotonga zvose. 20 Rumbidzai TENZI imi vatumwa vake vose, imi magamba munoita zvaanoreva, muchiteerera izwi rake. *(D) - TENZI akaisa mudenga chigaro chake chokutonga.* *Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Johani 14,26_ *Areruya, Areruya* Mweya Mutsvene, iye achakudzidzisai zvinhu zvose, achikuyeuchidzai zvose zvandakataura kwamuri. *Areruya.* *Shoko Rakanaka:* _Johani 21,15-19_ _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naJohani_ 15Pavakapedza kudya kwamangwanani, Jesu akati kuna Simoni Pita, “Nhai Simoni mwana waJohani, unondida here kupfuura ava?” Iye akati kwaari, “Hongu Tenzi munoziva wani kuti ndinokudai.” Jesu ndokuti, “Fudza hwayana dzangu.” 16 Akamutizve rwechipiri, “Simoni mwana waJohani, “Unondida here?” Akamuti, “Hongu Tenzi munoziva kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu.” 17Akati kwaari kechitatu, “Simoni mwana waJohani unondida here?” Pita zvikati zvamurwadza, nokuti akamuti rwechitatu, unondida here?” Pita akati kwaari, “Tenzi inga munoziva zvose wani, munoziva imi kuti ndinokudai.” Jesu akamuti, “Fudza hwai dzangu. 18Zvechokwadi, chokwadi ndinoti kwauri, “Pawakanga uchiri mudiki waipfeka uchienda kwaunoda, asi kana wachembera uchatambanudza maoko ako, mumwe achikusunga achienda newe kwausingadi.” 19 (Izvi akazvitaura kuratidza rufu rwaaizorumbidza narwo Mwari). Mushure mezvo akati kwaari, “Nditevere.” *Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏 5

Comments