Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 7, 2025 at 04:51 AM
*Mugovera 7 Chikumi - June 2025*
*Zvidzidzo zvamangwanani:*
*Vhiki rechinomwe roKumuka kwaJesu*
*Chiverengo chokutanga:* _Mabasa 28,16-20.30-31_
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMabasa Avapositori_
16Patakasvika kuguta reRoma, Pauro akabvumirwa
kugara oga nomusoja aimuchengetedza. 17Kuzoti
kwapera mazuva matatu zvakaitika kuti Pauro
akakoka vakuru vakuru vavaJudha. Pavakanga
vaungana akati kwavari,
“Varume hama, kunyange zvangu pasina chakaipa
chandakaita kuvanhu kana kutsika dzamadzita teguru edu, asi ndakasungwa kuJerusaremu
ndikaiswa mumaoko avaRoma. 18 Pavakandiongorora vakada kundisunungura, nokuti ndakanga ndisina mhosva inokodzera rufu. 19VaJudha
vakapokana nazvo zvikandimanikidza kukumbira
kusvitsa nyaya iyi kuna Siza, kunyange ndakanga
ndisina mhosva yokukwirira rudzi rwangu.
20Ndicho chikonzero chaita kuti ndikumbire kukuonai, uye kuti nditaure nemi pamusana pokuti
ndakasungwa necheni idzi nokuda kwechitarisiro
cheIsiraeri.”
30 Pauro akagarako makore maviri ose achizvibhadharira. Ainyatsogamuchira vose vaiuya kwaari,
31 achiparidza umambo hwaMwari achidzidzisa
zvaTenzi Jesu Kristu, zviri pachena asina anomudzivisa.
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 11,4.5+7. (D - 7)_
*(D) - Vakarurama, vachaona uso hwako TENZI.*
4 TENZI ari muTemberi yake inoera,
chigaro choumambo chaTENZI chiri kudenga,
maziso ake anoona,
meso ake anoongorora vanhu.
*(D) - Vakarurama, vachaona uso hwako TENZI*
5 TENZI anoedza vakarurama navakaipa,
asi anovenga wakaipa anoda utsinye.
7 nokuti TENZI akarurama, anoda kuita kwakarurama, vakarurama vachaona uso hwake.
*(D) - Vakarurama,*
*vachaona uso hwakoTENZI.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Johani 16,7+13_
*Areruya, Areruya*
Tenzi anoti: “Kana
Mweya wechokwadi auya, achakutungamirirai
muchokwadi chose.” *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Johani 21,20-25_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naJohani_
20 Pita akatendeuka akaona mudzidzi waJesu
wapamwoyo achitevera uya akanga akazembera
pachipfuva chake pachirariro, uya uya akati kuna
Jesu, “Tenzi, ndiani ari kuzokupandukirai?” 21Pita
paakamuona akati kuna Jesu, “Nhai Tenzi, ko
uyuwo uyu?”
22 Jesu akati kwaari, “Ko, kana ndichida kuti
arambe aripo kusvikira ndadzoka zvinei newe.
Chako iwe kunditevera.” 23 Pakabva pava norunyerekupe mune vehama rwokuti, mudzidzi iyeyu
akanga asingazofa, asi Jesu akanga asina kuti haasi
kuzofa, asi akanga angoti, “Ko, kana ndichida kuti
arambe aripo kusvikira ndadzoka, zvinei newe?” 24 Iyeyu ndiye mudzidzi ari kupupura zvinhu izvi,
uye ndiye akanyora zvinhu izvi, uyewo tinoziva
kuti uchapupu hwake ndehwechokwadi.
25 Asi pane zvimwewo zvinhu zvizhinji zvakaitwa
naJesu. Dai kuri kuti zvainyorwa zvose, chimwe
nechimwe; ndinofunga kuti nyika yaitopata
namabhuku acho aigona kunyorwa.
*Shoko Rakanaka raTenzi*
🙏
1