Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 7, 2025 at 07:49 PM
*Svondo 8 Chikumi - June 2025*
*Zuvaguruguru rePentekoste*
*Chiverengo chokutanga:* _Mabasa 2,1-11_
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMabasa Avapositori_
1Zuva rePendekositi parakasvika, Vapositori vakanga vari panzvimbo imwechete. 2Pakarepo kwakava
nokutinhira kuchibva kudenga kuchinge kuvhuvhuta kwemhepo inesimba, kukazadza imba yose
yavakanga vagere. 3Vakaona marimi anenge omoto
akapararana achindogara pano mumwe nomumwe
wavo. 4Vakabva vazadzwa vose naMweya Mutsvene
vakabva vatangisa kutaura nedzimwe ndimi,
sokupiwa kwavakaitwa naMweya kuti vataure. 5 Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha,
vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga
vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose
avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. 6Nokunzwa
kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana
vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa
vachitaura norurimi rwake.
7Vakakatyamara vakashamiswa vachiti, “Vose vari
kutaura ava havasi vokuGarirea here? 8 Zviri
kuitika sei kuti mumwe nomumwe wedu ari
kuvanzwa vachitaura norurimi rwake? 9 Panoti,
vaPatia, navaMidhia, kwoti vaEramu, navagari
vokuMesopatamia nokuJudhea, novokuKapadhosia, kozoti vokuPondusi, neAsia, 10 kouyawo vokuFirigia, novokuPamufiria, kozotiwo vokuIjipiti,
novokune dzimwe nzvimbo dzeRibhia pedyo neKurini. Kune vaenzi vanobva kuRoma vechiJudha,
navakapindukira kuchiJudha. 11 Kune vokuKiriti
nevokuArabhia, tiri kuvanzwa vachitaura mundimi
dzedu mabasa makuru aMwari.”
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:*
_Nziyo 104,1+24.29-30.31+34. (D - 30)_
*(D) - Tenzi tumai mweya wenyu, zvose zvinobva zvasikwa patsva.*
1Rumbidza TENZI mweya wangu,
TENZI Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.
TENZI hakusi kuwanda ikoko kwakaita
zvamakaita, makazviita zvose noungwaru,
nyika izere nezvisikwa zvenyu.
*(D) - Tenzi tumai mweya wenyu, zvose zvinobva zvasikwa patsva.*
Mukabvisa femo razvo, zvinobva zvafa
zvichibva zvadzokera kuvhu kwazvo.
30Mukatuma mweya wenyu, zvinobva zvasikwa,
muchitobva mavandudza pasi.
*(D) - Tenzi tumai mweya wenyu, zvose zvinobva zvasikwa patsva.*
31Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi,
Mwari ngaafarire mabasa ake.
34Dai waro munamato wangu wokurangarira
kwangu kwangomufadza,
nokuti ndinofara naMwari.
*(D) - Tenzi tumai mweya wenyu, zvose zvinobva zvasikwa patsva.*
*Chiverengo chechipiri:* _VaRoma 8,8-17_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yaPauro kuvaRoma_
Hama, 8 avo vanoda kuzvifadza nyama dzavo havagoni kufadza Mwari.
9Asi imi hamusipo kuzvifadza nyama yenyu.
Imi muina Mweya Mutsvene, kana Mweya
waMwari ari mamuri zvechokwadi. Ani nani asina Mweya waKristu, haasi wake.
10Asi kana Kristu ari mamuri,
kunyange miviri yenyu yakafa nokuda
kwechitadzo,
mweya yenyu mipenyu pamusana poururami.
11Kana Mweya waiye akamutsa Jesu muvafi
achigara mamuri,
iye akamutsa Kristu Jesu kuvakafa,
achapa upenyu kumiviri yenyu inofa nokuna
iyewo Mweya anogara mamuri.
12Saizvozvo, hama, dzangu
hatina chikwereti kunyama kuti tigare upenyu
hwenyama
13nokuti ukagara upenyu hwenyama,
uchafa asi kana ukauraya, neMweya,
zviito zvomuviri uchararama.
14Vose vanotungamirirwa neMweya waMwari,
vana vaMwari,
15nokuti hamuna kugamuchira mweya
wouranda kuti mupindezve mukutya, asi
makagamuchira Mweya wokuti muve vana.
Ndiye anotigonesa kudaidza tichiti, “Abha!
Baba!”
16 Iye Mweya pachake anopupurirana
nemweya wedu kuti tiri vana vaMwari.
17Zvino kana tiri vana, tiri vagari venhaka.
Tiri vagari venhaka yaMwari, uye vagari venhaka pamwe naKristu.
Ndokunge tambotambudzikawo pamwechete
naye kuti tigozorumbidzwa pamwe naye.
Shoko raMwari.
*Rwiyo rwePentekoste* _(Sequence)_
Uyai Mweya Mutsvene,
Buritsai kudenga
Miseve yomwenje wenyu.
Uyai Baba vavarombo.
Uyai Nyakupa wezvipo,
Uyai Muvheneki womwoyo.
Munyaradzi wakanakisa,
Shamwari wadiwa mumweya,
Mubatidzi wakanaka.
Taneta, motizorodza.
Tadziya, motitonhodza,
Tachema, motinyaradza
.
Chiedza chitsvene kwazvo,
Zadzisai mwoyo nemweya
Yavatendi venyu vadiwa.
Musati mavhenekera
Hamuna chinhu mumunhu.
Hapana chisina kusviba.
Chenesesai zvine tsvina.
Nokudiridza zvakaoma.
Ponesai pose pane ronda.
Kotamisai zvikukutu,
Mudziise chine chando.
Ruramisai chakatsauka.
Mupe vatenderi venyu
Vanotarisira kunemi,
Zvinomwe zvinotiita vatsvene.
Takarurama titusei,
Tafa tipinzei kudenga;
Tipei kufarako narini.
*Kupemberera Shoko Rakanaka:*
*Areruya, Areruya*
Uya Mweya Musiki,
pindai mumwoyo yavenyu, tungidzai moto
worudo rwenyu mumwoyo yavo. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Johani 14,15-16.23b-26_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naJohani_
Jesu akati:
15 “Kana muchindida, muchachengeta mitemo
yangu.
16 Iniwo ndichakumbira Baba,
ivo vachakupai mumwe Murevereri,
achava nemi nokusingaperi.
Kana munhu achindida anochengeta izwi
rangu, Baba vangu vachamuda,
tozobva touya kwaari toita musha wedu maari. 24Munhu asingandidi, haachengeti mazwi
angu, izwi ramuri kunzwa harisi rangu asi kuti
nderaBaba vakandituma.
25Zvinhu izvi ndazvitaura kwamuri
ndichinemi.
26Asi Murevereri uya, Mweya Mutsvene,
achatumwa naBaba muzita rangu,
iye achakudzidzisai zvinhu zvose,
achikuyeuchidzai zvose zvandakataura
kwamuri.”
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
❤️
🙏
6