Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 9, 2025 at 04:42 AM
*Muvhuro 9 Chikumi - June 2025*
*Kurangarira Maria, Amai veSangano*
*Kurangarira Efrem muDhikoni neNgwazi yezvechitendero*
*Chiverengo chokutanga:* _Mavambo 3,9-15.20_
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMavambo_
Adhamu apedza kudya muchero womuti 9 Mwari
Tenzi akamudaidza achiti, “Uri kupiko?” 10Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita
mubindu ndikatya nokuti handina kusimira,
ndokubva ndahwanda.”
11 Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna
kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?”
12 Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti
ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo
ndikadya.”
13 Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii
chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo
yandifurira ndikabva ndadya.”
14Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti,
“Pamusana pezvawaita izvozvi;
wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose
nemhuka dzose dzesango.
Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva
upenyu hwako hwose.
15Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi,
napakati pechizvarwa chake nechizvarwa
chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro
wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
20Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti
Evha, nokuti ndivo amai vavanhu vose.
*Shoko raTenzi.*
*kana*
*Chiverengo chokutanga:*
_Mabasa 1,12-14_
_Inzwai chiverengo chinobva mubhuku raMabasa Avapositori_
12VaPositori vakadzokera kuJerusaremu vachibva
kugomo rinonzi Orivheti, riri pedyo neJerusaremu,
chinhambwe cherwendo rwunobvumirwa pamusi
weSabata. 13Pavakapinda vakaenda kuimba yapamusoro mavaigara. Paiti, Pita naJohani, kouya
Jemusi naAndireya, kwoti Firipi naTomasi, kwozoti
Bhatoromeo naMateu, kwozotiwo Jemusi mwana
waArifeosi, uyewo Simoni Muziroti naJudhasi
mwana waJemusi.
14Vose ivava vakazvipira pakunamata pamwechete
namadzimai, naMaria amai vaJesu, navakoma,
navanun’una vake.
*Shoko raTenzi.*
*Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 87,1b-7. (D - 3)_
*(D) - Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.*
Pagomo rinoera ndipo pane guta rakavakwa
naMwari.
2 Mwari anoda guta reZioni kupinda dzimwe
nzvimbo dzose dzomaJakobho.
3 Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.
*(D) - Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.*
4 Ndingagone kudoma veRahabhu, neveBhabhironi, kwoti veFirisitia, neveTire, nevekuItiopia, pakati pavanondiziva zvichatonzi,
“Uyu newoyo akaberekwa imomo.”
*(D) - Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.*
5 Kana zviri zveguta reZioni, zvingatonzi,
“Nyika iyi neyoyo yakaberekwa imomo,”
uye kuti Wokumusoro soro achaita kuti rimire.
*(D) - Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.*
6 TENZI anonyora mubhuku ravanhu
achitoti nyika iyi neiyi yakaberekwa imomo.
7 Vaimbi uyewo vatambi vose vanoti,
“Takatubuka mauri.”
*(D) - Munorumbidzwa kwazvo imi guta raMwari.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:*
*Areruya, Areruya* Makakomborerwa
Maria Mandara Tsvene, nokuti munokodzera
chiremba chavafiri vechitendero chamakawa
na pasi pomuchinjikwa waTenzi. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Johani 19,25-34_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naJohani_
25 Izvozvo pedyo nomuchinjikwa waJesu pakanga
pamire amai vake nomunun’una waamai vake Maria,
mudzimai waKiropasi, naMaria Magadharena.
26 Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake
wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake,
“Amai, mwana wenyu uyu” 27 Ndokuti kumudzidzi
wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi
uya akavatora akavaisa mumusha make.
28 Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti
zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene
azadziswe akati, “Ndine nyota.” 29 Ipapo pakanga
paine mudziyo uzere waini inovava. Naizvozvo
vakaisa chifovefove chizere waini inovava iya
pamushenjere, vakachiisa pamuromo pake. 30 Jesu
paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera,”
akakotamisa musoro ndokubva afa.
31 Zvarakanga riri zuva rokugadzirira Pasika,
vaJudha vakakumbira Pirato kuti makumbo
avo atyorwe, uye kuti zvitunha zvibviswe, kuti
zvitunha zvirege kunge zviri pamuchinjikwa
pamusi weSabata, nokuti Sabata iroro rakanga riri
Sabata guru. 32 Saizvozvo masoja akaenda akatyora
makumbo owokutanga, neewechipiri weavo vakanga
varovererwa pamwechete naye. 33 Asi pavakauya
kuna Jesu, vakaona kuti atofa, havana kumutyora
makumbo. 34 Mumwe musoja akamubaya parutivi
pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura.
*Shoko Rakanaka raTenzi*
👍
😢
🙏
3