Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 10, 2025 at 03:30 AM
*Chipiri 10 Chikumi - June 2025* *Chiverengo chechiposhi:* _2 VaKorinde 1,18-22_ _Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_ 18Hama dzangu, naMwari chaiye akatendeka, shoko redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete, 19 nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari maingova nahungu. 20 Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari zvinowana hungu hwazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, Ameni nemaari kuti Mwari arumbidzwe. 21Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu. 22Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake mumwoyo medu sorubatso. *Shoko raMwari.* *Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 119,129.130.131.132.133. 35. (D - 135)_ *(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.* 129 Mitemo yenyu yakanaka kwazvo, ndokusaka ndichiichengeta. 130 Shoko renyu parizvino ratambanuka, rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo kunzwisisa. *(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.* 131 Ndinofemereka ndakashama muromo, nokuti ndinodisisa mitemo yenyu. 132 Ndicheukei mundiitirewo zvakanaka, zvamunongoita kuna vanoda zita renyu. *(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.* 133Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita, uipi hurege kunditonga. 135 Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu, mundidzidzise mirau yenyu. *(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.* *Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Mateu 5,16_ *Areruya, Areruya* Chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, varumbidze Baba venyu vari kudenga. *Areruya.* *Shoko Rakanaka:* _Mateu 5,13-16_ _Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_ Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti: 13 “Imi muri munyu wapasi. Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei? Unenge usisina basa, unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa zvawo navanhu. 14 “Imi muri chiedza chapasi. Guta rakavakirwa pagomo harivanziki. 15Vanhu havatungidzi mwenje vachiukwidibira nedengu, asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje, uchivhenekera vose vari mumbamo. 16 Saizvozvowo, chiedza chenyu ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, varumbidze Baba venyu vari kudenga. *Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏 ❤️ 8

Comments