Radio Chiedza - Catholic Media Broadcasting
June 10, 2025 at 03:30 AM
*Chipiri 10 Chikumi - June 2025*
*Chiverengo chechiposhi:* _2 VaKorinde 1,18-22_
_Inzwai chiverengo chinobva mutsamba yechipiri yaPauro kuvaKorinde_
18Hama dzangu, naMwari chaiye akatendeka, shoko
redu kwamuri harina kunge riri hungu nakwete,
19 nokuti Jesu Kristu Mwanakomana waMwari
watakaparidza pakati penyu, ini naSirivhanusi
naTimoti, akanga asiri hungu nakwete. Maari
maingova nahungu.
20 Ndinodaro nokuti zvitsidzo zvose zvaMwari
zvinowana hungu hwazvo maari. Ndokusaka tichitaura kuti, Ameni nemaari kuti Mwari arumbidzwe.
21Mwari ndiye anoita kuti isu nemi tive nechokwadi
muupenyu hwedu muna Kristu akatiita vaKristu.
22Akaisa rupawo rwake patiri akatipa Mweya wake
mumwoyo medu sorubatso.
*Shoko raMwari.*
*Rwiyo rwokutsinhira:* _Nziyo 119,129.130.131.132.133.
35. (D - 135)_
*(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.*
129 Mitemo yenyu yakanaka kwazvo,
ndokusaka ndichiichengeta. 130 Shoko renyu parizvino ratambanuka,
rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo
kunzwisisa.
*(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.*
131 Ndinofemereka ndakashama muromo,
nokuti ndinodisisa mitemo yenyu.
132 Ndicheukei mundiitirewo zvakanaka,
zvamunongoita kuna vanoda zita renyu.
*(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.*
133Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita,
uipi hurege kunditonga.
135 Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda
wenyu, mundidzidzise mirau yenyu.
*(D) - TENZI, ndiitirei mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu.*
*Kupemberera Shoko Rakanaka:* _Mateu 5,16_
*Areruya, Areruya*
Chiedza chenyu
ngachivhenekere vanhu kuti vaone mabasa
enyu akanaka, varumbidze Baba venyu vari
kudenga. *Areruya.*
*Shoko Rakanaka:*
_Mateu 5,13-16_
_Inzwai Shoko Rakanaka rakanyorwa naMateu_
Jesu akadzidzisa vadzidzi vake achiti:
13 “Imi muri munyu wapasi.
Zvino kana munyu usisavavi unozovaviswa nei?
Unenge usisina basa,
unofanira kutongoraswa zvawo uchitsikwa
zvawo navanhu.
14 “Imi muri chiedza chapasi.
Guta rakavakirwa pagomo harivanziki.
15Vanhu havatungidzi mwenje
vachiukwidibira nedengu,
asi kuti vanotouisa pachigadzikiro chomwenje,
uchivhenekera vose vari mumbamo.
16 Saizvozvowo, chiedza chenyu
ngachivhenekere vanhu
kuti vaone mabasa enyu akanaka,
varumbidze Baba venyu vari kudenga.
*Shoko Rakanaka raTenzi.*
🙏
❤️
8